Chapter 9 . Tafadzwa Haa hapana plan shame apa tichatorara mu 1 room , takapinda mukati achibva aenda kunogeza. Akadzoka achikwira pa bed. Ini handingarari pasofa kuchitonhora kudai no ways.. Ndakamutarisa achipinda mumagumbezi. "Uri kuitei?" "Ndiri kurara pa bed yabhukwa nemari yemurume wangu" "Then kana zvakadaro ndichanorara somewhere ndouya mangwana kuti ndichadzoka nguvai ndini ndinoziva" "Unopenga" "Chibva pamubhedha hanti ini ndauya kuzobatsira iwe her? Saka ndofanirwa kuva comfortable" "Saka unoda kuti ini ndirare pasofa?" "Hanenho the choice is yours. Kana usingadi kurara neni pamubhedha ucharara pasofa Mambokadzi" Akwnditarisa kwenguva diki achibva atora gumbezi achinorara pasofa. "That's mh girl" ndakadaro ndichikwira pa bed ndichipinda mumagumbezi. ndakatora foni yangu ndichipinda pa facebook, whatsapp, instagram ndichitaura ne shamwari dzangu ndichidziudza kuti ndiri around Harare. Vakandikumbira kuti ndiuye mangwana ku party vari ku celebrate r birthday yerimwe boorangoma. Takazobvumirana kuti toonana mangwana hayi kuri kutonhora maan hapana munhu angarara pasofa ndakasimuka ndichienda kuna Anenyasha "Ane " "Chii Tafadzwa?" "Kuri kutonhora ucharwara huya urare pamubhedha" "Ini newe tirare pamubhedha umwe chete here? Zvinoita here izvozvo Taffy?" "Ane ko ini ndiri mhuka here. Ndichakudya kana tikarara pamubhedha umwe chete? Come ohn hapana zvandichakuita inj. Unonditora sei nhaiwe?" Ndakadaro ndichimubata ruoko ndichimusimudza "Hapana zvandichakuita okay" Akabvuma nemusoro tichibva taenda pa bed achipinda mumagumbezi "Anenyasha unofanirwa kuziva something. Im not over you anymore. Wakandiudza kuti unoda mukoma wangu saka ndakukutora semukadzi wamukoma wangu. I respect you Anenyasha as maiguru vangu. Saka hapana zvandichakuita" "Are sure about that?" "100% sure kana uchida tokwanisa kuita ma friends" "Friends" Ane akadaro achindikwazisa "Friends" "Thank you Taffy nekundi understand a" "You're more than welcome" "Pane zvinhu zvandoda kukubvunza Taffy" "Yes" "Vana va Munyaradzi makamboedza kuvatsvaga here?" "Haa wakuziva nyaya dzose idzi?" "Ndotadza nei hanti nenivo ndava part of family" "Yes takaedza asi yoo nowhere to be found" "Haa handifungi kuti maida kutsvaga ini" "Watotanga kuita humambokadzi kwandiri" ndakadaro ndichiseka" "Im serious Taffu ndokumbira undibatsire kuvstsvaga" Ndakamutarisa ndichishamisika "Ndiri kumuona Munya nyaya yevana inomurwadzisa. Maybe akavawana angafara" "Are you serious?" "Im serious vana vemukoma wako unenge usingabatsiri ini" "I know ma buddies angu aya so i will do it" "Good boy" "Saka tichaita sei?" "Hapana imwe nzira kunze kwe social media" "Ohk ndichanzwa newe inj kuti tichaita sei" "Okay" Ane akadaro achidhonza gumbezi achirara Mama Ethan Nhasi ndiro zuva pachamam* umwe. Aewa handingabvumi kuti vana va mai Munyaradzi ndivo vanogara vachingoiswa kumusoro. Handinganyarari ini sa Mamoyo. Ndoziva kuti pakaita kuti Munya afe Taffy ndiye anokwanisa kuita Mambo saka ndofanirwa kusvibisa zita . ndofanirwa kurwira mwana wangu kusvika awana chigaro ichi. Ndoda kuti vana vangu vafare sevamwe vana. Kuma two husiku ndakanyahwaira ndichibuda. Ndakawana mai Sarah vatondimirira nemota. Pataiva tabvumirana kuti tichasangana. Ahh atobatsira akauya nemota hataikwanisa kufamba netsoka husiku. Ndakaswedera kwaari ndichimutarisa "Saka wakamirirei hande ka" Takapinda mumota akanditarisa "Unoona zvinhu zvauri kundiitisa so.?" "Hanti newevo ucha benefit(a) " ndakuudza kuti usandipinza munyaya dzako. Now ndatora mota yemurume wangu ndichinoita hunhubu. Munya akaroora mwana wemurume wangu kana pakaitika zvimwe pana Munya Anenyasha acharwadziwa uye achiri mudiki mwana uya kuti angaita shirikadzi" "Ohh achiri mudiki kuita shirikadzi asi hauna kuzviona pawakauraya mai vake kuti achiri mudiki for kusiiwa na mai vake" mai Sarah vakaridza tsamwa "Kusvika rinhi uchingondifungidza zvinhu zvakadaro. Asi unokanganwa kuti ndiwe wakamuuraya nekuti ini ndaiva ndakuudza kuti usamuuraya asi iwe ukazviita ndisingazivi" "Ohhh saka uri kuti ndini ndakamuuraya" "Yes zvagara ndiwe dai wakanditeerera pandakati usamuuraya dai tisipo apa. Ndaneta ini nezvinhu zvatiri kuita" "Hapasisina kudzokera kumashure sisi. Ndichaudza murume wako kuti ndiwe wakauraya mukadzi wake" "Muudze zve ko wakamiriei?" Muchairi akamutsa mota tichienda ku n'anga. Tofanirwa kuwana mushonga chaiwo wakauraya mai Ane. Uya unoshanda shame chero ma doctor haambooni kuti aisirwa poison Paida Ko chii chiri kuitika pana mhamha? Vangonyanyangarika just like that nguva dzino here. Eyy hamenho ikoko. Zvino ndichaawana kupi mapiritsi zvandiri kutemwa nemusoro kudai. Ndakatarisa panze mota yababa haipo. Saka zvinoreva kuti vaenda nemota yababa Hazviiti kuti ndipinde mu room mavo pasina mvumo yavo. Ndakaenda ku kitchen ndichinochera mvura ndichibva ndadzokera mu room mangu. Ndakaedza kurara asi hope dzairamba musoro uri kunditema kanhi. After some minutes ndakanzwa mota ichidhuma. Ndakavanzwa vachipinda mu room mavo. Ndakambomira kwe 20 minutes ndichibva ndanogogodza "Ndiani?" "Ndini mhamha" "Ohk ndiri kuuya" Vakavhura door maziso angu aimhanya imba yose. Ndakaona shangu dzavo dzakazara madhaka. Vaatora kupi madhaka? Nzvimbo ino haina madhaka maan. Vanga vaenda kupi? Uye nei vaenda ikoko? "Uri kudei husiku huno?" "Mhamha ndafa nemusoro ndokumbiravo mapiritsi " "Wambosvika here pano?" "Aewa ndiri kutanga kusvika manje?". " okay sisi wakutanga rinhi musoro?" "Nezuro manheru asi manje wava wesi" Vakandipa mapiritsi ndichibva ndamwa mumba mavo "Baba vako havapo saka ucharara muno haungarari wega uchirwara" "Okay" ndakadaro ndichipinda mumagumbezi "Wava kunzwa sei?" "Ndichanzwa nekufamba kwe kwenguva now ndichiri dizzy" "Okay mwanangu ahh unoziva pane munhy andinyeurira kuti Ethan na Tafadzwa vanoroora mwedzi unouya" "Heyy kwa Zvayi vanongogara vachiroora" "Ehe zvino mama Ethan vati munhu ari right for Ethan ndiwe" Haa mhamha handing--" ndakadaro ndavhura maziso "Chii? Asi haudi kuroorwa kumuzinda?" "Mhamha hapana munhu asingadi kuroorwa kumuzinda asi handingoroorwi nemunhu wandasharirwa ini" "Hazvisirizvo mwanangu. Ethan ndiye ati mai vake vamutsvagire zvino ivo vaona iwe uchiita pana Ethan" "Handingaroorwi kwa Mambo ini" "Nei mwanangu?" "Munin'ina wangu akaroorwa ikoko neniwo ndonoroorwa ikoko hazviiti" "Hazvirevi chinhu izvo. Iwe dai uchitofara kuti uchange uchimuonesa kana akurasika. Chero pane munhu anonushungurudza iwe uchamudzivirira" "Mhamha ndiri kurwara ndokumbira kurara please" ndakadaro ndichizvivhara negumbezi kumeso. Hezvo chiiko na mhamha Anenyasha Ndakapepuka makuseni Tafadzwa aiva akati kwati kwati neni. Jesus mukomana uyu anorara chirudzii kana akadai "Tafadzwa" "Hmmm" "Ndisiye maan ndoda kumuka" "Just one round Dineo" Ndakapera nekuseka achibva apepuja "Chii?" "Unoda round yeyi kuna Dineo?" Akazvibata musoro "Shiit!! Unoona nyaya dzekuteerera vakadzi ndanga ndichifanirwa kunorara kuna Dineo zvenharo" "Hakuna zvakadaro. Haungati wafambirwa zvimwr woita zvimwe" Haa apa handina kurara zvakanaka wanga uchisura husiku hwese uchiisa gumba mumusoro mangu ayy ayy " "Ndanga ndiri kuhope ka ndisingaoni zvandanfa ndichiita" ndakadaro ndichiseka "Nhasi handirari newe ayy ayy ndingapedzisira ndafa" "Haiwavo tibvigwe uko" ndakadaro ndichinogeza ndapedza naiyevo akanogeza. Tichibva tabuda tichienda ku campus. Takasvika line yacho yakakurisa "Yoo line yacho yakakurisa iyi" Tafadzwa akaseka "Iwe unofunga kuti kumba kwenyu here kwachasvika uchiita madiro" "Nxaa" "Sara mumota ndinodzoka" Tafadzwa akadaro achipinda mukati after some minutes akabuda achiuya kwandiri "Ngatipinde" " Handina kumbobvunza zvakawanda. Ndakamutevera. Ndakawana mabhuku angu atogadzirwa ndaka sayina tichibva tabuda tichienda kumota "Thank you nezvawandiitira" "Uneni ka muchina muhombe" "Takufanirwa kudzokera kumashure sezvo takurumidza kupedza" "Haa ane tisina kumboenda ku game park kunoona mhuka. Unodziziva here iwe mhuka wajaira vana tsuro nagudo" "Taffy please" "Please yeyi ini ndoda kumboona shamwari dzangu ndimbofara nekuti ndikasvika kumba zvinopera" "Taura hako neniwo ndimbofarawo ndaneta nekungogara ndichikunikirai" "Rest of your life" Taffy akadaro achiseka "Nxaa" Takanotenga mbatya dzeku swimmer sezvo aiva ati kana tabva kumuka tichaenda kuno swimmer. Takaenda kunoona mhuka taneta takaenda kuno swimmer tichitora mifananidzo tikafara . taneta takadzokera kuhotera. Takasvika tichidya "Ane" "Hmm" "Now tiri kuenda kune rimwe flat kune birthday party ye shamwari yangu" "Ayy Taffy ndotya ini" "Unotyei nekuti ndinenge ndiripo hande maan urege kuita sa farm julia" ndakaseka "Unondijairira Tafadzwa iwe unenge wava busy nana Dineo vako ini ndinenge ndichiitei?" "Unenge wakagara pasi uchimwa doro" Takabva tabuda tichienda. Patakasvika umwe musikana akamhanyira Taffy. Im sure ndiye Dineo wacho "Babe wauya" Dineo akadaro vachihagana "Hesi babe kuri sei?" Tafadzwa akadaro. Ndakatarisa pa side nekuti vaiva vakukisana. takazoenda ku shamwari dzake aka introducer tichibva tagara pamasofa. Takatanga kumwa doro tikafara tichiseka tichiita noise. Ndakaona vakomana vachipanana something Tafadzwa naiyevo akaitora. Ndakaswedera pane umwe musikana "Chii icho chavari kupanana avo?" "Ipiritsi unorida here?" Handina kumupindura ndakaenda kuna Tafadzwa ndichimudhonzera pa side. Akaedza kuviga piritsi racho "Usaviga hako Tafadzwa. Munyaradzi haana kukutsiura here nema drugs" "Ndiri kuzvifadza Anenyasha" "Doro harisi enough here kuzvifadza" "Anenyasha please please okay" Zvichakadaro ndakanzwa siren yemapurisa ndakatarisa Tafadzwa "Shit!!!" "What's going on Tafadzwa?" "Mapurisa!! Mapurisa!!" Vanhu vakadaro vachida kutiza asi mapurisa aiva atova mukati Tafadzwa akandidhonzera paari ini ndaiva ndkubvunda manje saka ndosungirwa mahara "Vatorei muvapinze mu defender" mupurisa akadaro ndakavhunduka ndichitarisa Tafadzwa ndichimira kumashure kwake "Tafadzwa what's going on?" "Relax relax ohk" Tafadzwa akadaro achienda kumapurisa "Sayijeni hapana zviri kuitika muno tanga tichingomwa chete isu please tokumbira mutisiye" "Ma drugs aya idoro here?" Mupurisa akabvunza "Ohk fine ndobvuma tiri wrong asi musikana uyu musiyeyi please haazivi chinhu nezvema drugs" "Haana kumwa doro here?" "Amwa asi ma drugs haana kumbobvira akaaguma" Apo ndaiva ndakudedera ndaiva ndakudedera nekubvunda shuwa baba vakazvinzwa vachati kudii. Ko Munya. Shame apa anyeba kuvabereki vake achida kuti ndizadzikise zvishuviro zvangu asi ini ndozvandinomuita izvi. mapurisa akatitora . patakabuda dhuma dhuma nevanhu vema media. Ndakatarisa naiyevo akanditarisa. Ohh no ndiko kupera kwangu ka uku. "Tanzwa kuti mu flat iri muri kuitwa zvema drugs?" Journalists rakabvunza mupurisa. Apa ma camera aiva akatarisa kwatiri. Ndakaedza kuhwanda asi zvakashaya basa. Ndatopinda muna taisirevi hapana zvandingaita "Yah ichokwadi vana ava tavawana vachidya man drugs nedoro" mupurisa akadaro vachititora vachitipinza mumota vachinotivharira ku cell. Vasikana vakavharirwa vega vakomana vega. Ndaiva ndakazvipeta pa corner ndisingazivi ndiite sei. ma cell edu akananga neevakomana apa musikana anonzi Dineo agoti kubhowa shuu arikungodanidzira "Tafadzwa please do something babe we can't sleep here" "Dineo please calm down ayy" Tafadzwa akadaro achiswedera pa cell yedu "Ane ndokumbira uswedere pano" "Uri kudei kwandiri Tafadzwa?" Ndakabvunza ndichiswedera paari "Im sorry Ane" "Tafadzwa wandiudza kuti kuchange kune doro chete" "Im sorry ndanga ndisingazivi ini kuti ma drugs achange aripo" "Asi shamwari dzako unodziziva dzinosvuta ma drugs?" "Ndanga ndadhakwa ini ndangosvuta ndadhakwa handisvuti ma drugs" "Saka iwe everytime ukadhakwa unosvuta ma drugs?" "Hazvisirizvo Ane" "Saka tichaita sei?" "Mafoni edu vachatipa mamgwana ndipo pandichakwanisa kufonera munhu achauya kuzotibudisa muno" "Zvobatsirei izvo kumbav vakutoziva nyaya yose. Tafadzwa unoona wandipinza munyaya dzako" "I'm sorry Ane asi kumba havanzoona Tv" "Hee unopenga chete iwe. Kumba kwedu vachaona vobva vanoudza vabereki vako" Tafadzwa akazvipurudzira musoro "Unoona zvawandiita Tafadzwa?" "Im sorry Ane" Ndakaridza tsamwa ndichinogara pasi Munyaradzi Vana ava vari kupi ko? Kana vasingadairi ma calls avo vanoti ndiite sei manje ini. Ndikare ndichivafonera asi vose havadairi" "Munya kwakanaka?" Ticha akabvunza "Eish ndine problem pano boy, ndikare ndichiedza kufonera Ane na Taffy asi havadairi ma calls angu" "Fonera vatezvara or ambuya vako ka" "Eish ndeimwe nyaya manje iyo" "Yeyi?" "Ndanyeba Tafadzwa na Anenyasha havako kumba kwana Ane. Vari ku Harare" "What?" Ticha akavhunduka Ndakabva ndamuudza nyaya yose "Handichazivi manje zvavasingachsdairi ma calls angu" "Broe unomuda mwana uyu kubva wamyeba kudai" "Zvakanyanya boy. Ane ndomuda kwete zvekufungidzira asi handizvi believe kuti ndanyeba kuna baba" "Nhema dzekubatsira umwe wako hachisi chivi broe . don't worru vachauya pamwe kutaura kudai vari munzira. Iwe wamubatsira kuti uzadzikise zvishuviro zvake saka hauna chawatadza" "Asi baba vakazvinzwa vachati kudii uye handifungi kuti vangazvigamuchira?" "Havambozvinzwi iwe usanyanya kunetseka vanouya chete" "Yah uri kutaura chokwadi" ndakadaro tichienderera mberi nezvataiita. Zvichakadaro mushandi akasvika achitidana ku dining. Takaenda tikagara pasi tichitanga kudya tichiri kudya kudaro umwe mushandi akauya achizevezera mama Ethan "What?" Mainini vakadaro Hamemho chii chiri kuitika asi nyaya yacho inoratidza kuti ihombe "Chii mainini?" Ndakabvunza "Tv" "Yaitei Tv?" Baba vakabvunza "Ndokumbira mubatidze Tv nekukurumidza pane zvinhu zvatinofanirwa kuona" Ticha akamhanya achibatidza Tv. Zvandakaona aiva mashura chaiwo. Ndakanzwa sendinorota Anenyasha na Tafadzwa pa TV . chii chiri kuitika? Vari kutsvagei pa TV ? Takatarisana na Ticha. vechidiki havachisina basa nechikoro vakazvivaidza nema drugs. Pawanikwa vana vechidiki vanga vachizvifadza ne doro pamwe chete nema drugs izvi zvinoratidza kuti nyika yedu iri kupera Ndakanzwa ndichipindwa nechando. Shitt!!! Nei Ane andidaro? Ko hanti vanga vafambira zvechikoro here? Ko nei vazofunga kuita zvinhu zvakaora kudai. Ndakaona munhu wese achinditarisa. "Hezvo ndi Tafadzwa na Mambokadzi ka ava? Vari kudei ku Harare?" Mama Ethan vakabvunza. Ndakapererwa nekuti ndaiva ndisingazivi ndoti kudii "Mambokadzi haana kuenda kumba kwavo here? Ku Harare ari kudei nekuti zvose izvi hanzi zvikuitika ku Harare" "Inini i think tinofanirwa kunovabuditsa kujeri zvimwe tozozvitaura tavabuditsa" Ticha akadaro "Ichokwadi baba ngatitangei tavabuditsa tozotaura tiri pamwe chete" Ethan akadaro "Munyaradzi wati kudii kwandiri nezuro?" "Im sorry baba nekukunyeberai" Vanhu vose vakanditarisa vachishamisika "Waitei Munyaradzi?" Mhamha vakabvunza ndakavaudza nyaya yose. Ndakaona baba vachichinja kumeso "Chikoro chekupenga Munyaradzi!!! Ndizvo zvandakakusharira here kuti uite Mambo? Ndiwe unotanga kuputsa mirairo. Hauzivi here kuti mukadzi haaendi kuchikoro kunyanya Mambokadzi!!! Wanga uchifungei Munyaradzi?!!!" "Im sorry father" "Wandirwadzisa Munyaradzi. Ungabvumira vana kuto vanoita zvinhu zvakadai. Zvinhu zvawaita wadzikisa chimiro chemhuri ino. Mwana wa Mambo nemukadzi wa Mambo vawanikwa vachisvuta ma drugs. Zvine chiremera here izvozvo?" Baba vakadaro nehasha nyaya yema drugs ndiyo yakandipedza simba. Shuwa Tafadzwa na Ane vanondiitei? Ndavabvumira kuti vaende nekuti ndinova truster asi hona manje "Baba kupopota hakuna zvabotsira vana vanofanirwa kubatsirwa" mama vakadaro Baba vakaridza tsamwa vachisimuka *Zvayi" ndakadaro ndichivatevera kumashure "Ndokudai pano muri vatatu!" "Baba ndokumbira mundinz--" "Ndati muri vatatu panp mangwana!!!" Ndakabuda ndichienda mu room mangu ndakasvika ndichizvikandira pa bed. Ma drugs? Saka all along Anenyasha aisvuta ma drugs. Yah that's why baba vasingadi kuti vasikana vadzidze nekuti vanoziva kuti unenge uchitambisa mari Anenyasha akandikumbira zvakanaka kuti anoda kupedzisa zvidzidzo zvake. Now i see hapana zvidzidzo zvaanga achida kupedzisa. Anga akufunga zvinhu zvavari kuita kuchikoro. Nei Anenyasha adzikisa chimiro changu? Handina kumbozvifunga kuti ndicharoora munhu anosvuta ma drugs. Mambokadzi? Ma drugs? Shuu doro ndandichanzwisisa asi ma drugs. Zvichakadaro Ticha akapinda "Hazvibatsiri zvauri kuita tinofanirwa kunovabuditsa" "Ndichavatarisa sei?" "I know zvinhu zvose izvi hazvisi nyore asi hapana umwe angavabuditsa kunze kwedu" "Handiendiko ini" "Ndiwe unotoenda hanti ndiwe wazvitanga? Mangwana makuseni tiri kumukirako" Ticha akadaro achibuda achienda Paida Handizivi kuti ndiani ati tibatidze TV. Baba vari kuita sedzisimo nezvinhu zvaona pa TV "Paida waiziva here kuti Anenyasha anosvuta ma drugs?" "Hayi baba Anenyasha haasvuti ma drugs pamwe paita misundetanding chete" "Neniwo handifungi kuti Anenyasha anosvuta ma drugs" mhamha vakadaro Zvichakadaro Ngoni akapinda "Mati Ane aitei?" "Ane asungwa?" Ndakadaro "What? Asungwa kupi asungirwei?" ngoni akabvubza achitarisa TV sezvo news dzisati dzapera akavhunduka nezvaakaona ",Anenyasha anga achitsvagei ku Harare ne munin'ina wa Mambo?" Baba vakabvunza "Neniwo zvinondishamisa Anenyasha aenda ku Harare isu tisingazivi" mhamha vakadaro "Paida, Ngoni" baba vakadaro "Haana zvaandiudza ini Ane* Ngoni akadaro " neniwo haana zvaandiudza" ndakadaro. Mumba makamboita runyararo. "Tinofanirwa kunomubuditsa mujeri. Haangagari mujeri" "Isiireyi kwaakaroorwa nyaya iyu. Anenyasha haasisiri mwana wepano" mhamha vakadaro "Mwana andinyadzisa mudunhu uyu. Chii chichaitika manje?" Baba vakadaro end of chapter