Chapter 15 ANENYASHA Ndakaenda kumuzinda sezvo ndaiva ndadanwa hana yaita kurova asi chero pakaitika chii handifanirwi kupinza baba muma problem ndakasvika mumuzinda mune vanhu vakuru vese vekwa zvayi ndakasvika ndikagwadama pasi ndichitarisa pasi nekuti ndaitya kuvatarisa mumaziso " Mandlovu tanzwa chikumbiro chako chekuti wave kuda kudzokera kumusha kwenyu pano pamusha hauna mufaro " mambo vakadaro Ndakaona Munya achinditarisa huso hwake hwaionekwa kuti hwaiva hwakazara tsitsi asi neniwo hapana zvandaikwanisa kuita hupenyu hwangu uhu handidi kukanganisa hupenyu hwangu ne zvinhu zvandisingazivi kuti zvichaguma kupi " Asi pane zvinhu zvaitwa na Munya zvisingakufadzi " mambo vakabvunza " Aiwa baba hapana zvaitwa na Munya chete ini handisi kufara nekuroorwa kwandakaitwa uye handina kumbobvira ndakafara " ndakadaro Pakamboita runyararo " uri mwana wangu iwe saka kana ndichikunzwa uchitaura mashoko akadai haandibati zvakanaka semubereki zviri kundiremera kuti ndizvitambire kuti mwana wangu agare asina mufaro napo " baba vakadaro " Tirikukunzwai Zhou zvauri kutaura hapana zvatingataura asi toda kuziva kuti chimbori chii chisiri kufadza mambokadzi " Mamoyo vakadaro " Tairwa hondo iyi yekuroodza mambokadzi asi manje ndoona sekuti inofanirwa kupera " mambo vakadaro Ndakavatarisa ndisinga believe zvavaitaura " Munya " mambo vakadaro " Zvayi " Munya akadaro " Ini ndoona sekuti yava nguva yekuti timusiye mandlovu aende " mambo vakadaro Ndakavhura maziso " ndinoziva kuti nyaya ye divorce haishandi pamusha pano asi izvi tingazvitora sekutenda kwezvinhu zvinhu zvaakatiitira mumhuri muno vana vavapo manje nekuda kwake zvinhu zvaari kuda nesuwo tinofanirwa kumupa " mambo vakadaro " Ndiri kukunzwai Zvayi " Munya akadaro " Unoziva kuti chii chaunofanirwa kuita " mambo vakadaro " Eeee baba " Munya akadaro " Ndinofunga kuti tapedza kutaura manje Zhou enda hako kumba kwako mandlovu achakutevera nekuti ndinoziva kuti pane zvinhu zvaachiri kuda kugadzira " mambo vakadaro " Ndinotenda zvakanyanya Zvayi " baba vakadaro vachisimuka vachienda Apo mufaro waiva wavepandiri vaiva usingatsananguriki I can't wait kudzokera ku Harare kunopedza zvidzidzo zvangu ndicho chinhu chega chiri mupfungwa dzangu Ndakasimuka ndichienda mu room mangu ndakasvika ndichiringedza zvinhu zvangu zvose zvichakadaro Munya akapinda " Ane " Ndakamutarisa " Handingakwanisi kukuvharira mufaro wako wanyatso taura kuti pano hauna mufaro asi pane chinhu chaunofanirwa kuziva kuti ndinokuda zvakanyanya Ane ndichagara ndichikuda idiki nguva yandakakwanisa kuva newe muhupenyu hwangu asi zvinhu zvawandiitira zvihombe zvakawanda zvinhu zvawakachinja muhupenyu hwangu saka naizvozvo ndinotenda zvakanyanya kunyanya pakudzosa vana vangu " Munya akadaro " Iam so sorry " ndakadaro " I understand asi unofanirwa kuziva kuti sezvo wave kuenda pane chinhu chawakachinja muhupenyu hwangu " Apo ndaiva ndisingazivi kuti ndiite sei akandibatsira kurongedza mbatya dzangu tichibva tadziendesa kumota akandi haga vese ne vana vakandihaga sezvo ndainge ndava kuenda " Mainini handiti mati muchatishanyira " Portia akadaro " Yaaa ndichakushanyirai " ndakadaro " Ooooo mufambe mushe mainini tichakufungai " Portia akadaro " Neniwo ndichakufungai " ndakadaro ndichihaga maidei " Zveshuwa wave kuenda" Maidei akadaro " Yaaah ndinofanirwa kuenda " ndakadaro ndichitarisa Mpumi " Let's hope kuti handisiri ini ndakuitisa kuti uende " Mpume akadaro " Aiwa hausiwe handina kumbombira ndakada kuva pano kubva pekutanga usambofunga kuti ndiwe waita zvese izvi " ndakadaro ndichimuhaga Mambo na mai Munya vakabudikira " zvinorwadza kana zvinhu zvadai " Mambo vakadaro " Kana zvirizvo zvauri kuda no problem " mai Munya vakadaro vachindihaga ndichibva ndabuda mumba ndakadarika Tafadzwa aripa gedhi " Usare mushe " ndakadaro " Ufambe mushe " Taffy akadaro Ndakanopinda mumota ndikawana Munya atondimirira akamutsa mota akachaira kusvika anosvika kumba " Don't worry ma papers e divorce ndichaauyisa " Munya akadaro " No need " ndakadaro ndichiburitsa bepa randaiva ndapiwa na Tafadzwa husiku ndaiva ndariverenga zveshuwa raiva re divorce ndakabva ndamupa akanditarisa achishamisika " Ooh ko wanga watozvironga kare izvi " Munya akadaro " Iam sorry " ndakadaro " Ndichaaendesa ku court " " Thank you so much ne kunzwisisa nekusandimanikidza zvandisingadi neku understand pa zvinhu zvose " ndakadaro Ndakaburuka mumota ndichitora bag rangu ku boot ndichipinda mukati ndakaisa bag ndichibva ndadzokera kunotora zvimwe ndakamuwana amira padivi pemota " It was nice kuva newe " Munya akadaro " Thank you " ndakadaro Munya akapinda mumota achiimutsa neniwo ndakapinda Mumba Paida akandihaga " Munin'ina wangu " Paida akadaro tichihagana " Sisi ndadzoka " ndakadaro " Wow ndafara kuti wadzoka wakuzoenderera mberi ne zvidzidzo zvako manje " " Yooooh ndirikunzwa sendiri kurota kunge ndirikutanga kurarama " Paida akaseka achindiperekedza tichiendesa ma bag angu mu room tapedza kurongedza takaenda mu room ma baba ndakavawana vakagara pamubhedha vachiona pic ramama ndakagara pedo navo ndichivahaga " You are the best daddy in the world " " Ndinokuda mwanangu " baba vakadaro vachindihaga " Ndinotenda zvakanyanya baba ndinotenda nezvinhu zvamandiitira ndinokumbira ruregerero nekukunetsai ndinokuvimbisai kuti handifi ndakapamha kukunetsai uye ndichagara ndakazvichengetedza kusvika ndapedza chikoro " ndakadaro " Mangwana chaiwo unofanirwa kuenda ku Harare ku chikoro wasarira kumashure zvakanyanya " " Ehoi baba ndinotenda zvakanyanya " ndakadaro ndichienda mu room mangu ndichitanga kufonera shamwari dzangu ndichidziudza kuti ndirikuuya TAFADZWA Aiva masikati ndiri mu room mangu ndakarara hangu ndakanzwa munhu achivhura door pandakatarisa aiva Bridget " Bridget " " Hey Taffy kurisei " " Ndiri right urikudei pano " " Aiwa ndangoti ndiuye hangu ndizokuona nekuti mazuva ano urikundi ignore " " Ndichiku ignore nei manje " " Haudi kundiona Taffy paunondiona unochinja nzira " " Oooooh eish ndakaneta ndinoda kurara please " ndakadaro Bridget akasimuka achinokiya door achiswedera pandiri " Can I say something " Bridget akadaro " Sho " " Oooh that night I felt something " " Something ? Something yei " " I think ndine ma feelings newe I love you Taffy " Ndakabva ndaseka "ma feelings angu look Bridget kuchiri early zvakanyanya kuti ungaita ma feelings ndinokumbira kukupa advice zvinhu zvauri kuda kuita izvi zvichakurwadzisa zvakanyanya nekuti inini handishandisi ma feelings Buda ipapo pauri kuda kupinda nekuti uchasara wega zuva riya taifadzana taiva takadhakwa saka usazvitora serious plus iwe ziva kuti haudi kuzosvibisa Zita Ra sisi vako kana vakaziva kuti pane zvinhu zvatakaita " ndakadaro ndichisimuka ndichimusiya ndichienda Kuna mama " Tafadzwa " mama vakadaro " Mama mangwana chaiwo ndirikudzokera ku America pane zvinhu zvandinofanirwa kuita zvechikoro " " Newewo futi wave kuenda " mama vakadaro " Ndinofanirwa kuenda mama uye ndatotaura na baba " " Okay asi ukurumidze kudzoka nhaika " Ndakaseka " ndichakurumidza asi ndagarisa pano mama " Hazvina zvazvinoreva nekuti uri mwana wangu iwe " Ndakavahaga " ndinokudai mama" " Ndinokuda zvakanyanya mwanangu " " Okay regai ndimbofurwa ne mhepo ndichakuonai manheru " " Uve safe " mama vakadaro Ndakanopinda mu mota mangu ndichifonera Anenyasha " Anenyasha dza baba " " Urikudei Taffy " " Nekuti wabva kumba kwedu handichafanirwi kukufonera here " " Siyana neni Tafadzwa " " Oooooh ndanga ndichida kukuudza chete kuti mangwana ndiri kuenda ku America " ." saka urikundiudza kuti ndiite sei " " Hezvo just like that nhai Ane " " Iwe unoda kuti zviitwe sei!" "Nhaiwe musikana iwe you are full of yourself ndikuzama kuva friendly kwauri fokof mhani ko chiiko newe uri special neiko iwe usada kuzviita munhu pa vanhu nxaa tsek maan " ndakadaro ndichikata phone ndichimu blocker kwese ibenzi remwana Anenyasha 3 MONTHS LATER wow my life is back ndave Anenyasha wekare manje unlike nyaya dze kuroorwa idzi worse part pa barika yoooo musha uya ugoti waiva ne mutemo manje ndiri kuchikoro ku UZ ndirikuita full time Tafadzwa haachandibhadhariri ndine 3months ndisingatauri naye ndinoziva kuti nzira yandakataura naye last time yaiva isiri right ndaiva ndabhowekana ndakwedza kumufonera ndichida kumumbira ruregerero asi ndaka blokwa ehh hapana neniwo zvandingaita so yaah ndakurarama life yangu but chinondishamisa pa mwedzi mitatu iyoyi ndinogara ndichatambira 200 us dollar mu inbucks handizivi kuti inobvepi pamwe ndi Tafadzwa but how nekuti anoonekwa kuti akatobuda mandiri Ndakagara kudaro foni yangu yakarira vaiva baba Zuva hariviri vasina kumbondifonera vanenge vachida kunzwa ndiri right here " Baba " " Nyasha dza baba urisei " " Ndiri right baba ndakufunga kumba chete " " Nesuwo tinokufunga mwanangu asi unofanirwa kukanganwa zvinhu zvakawanda utarisane ne ma book " " Ndichaita saizvozvo baba " " Waiona mari yandakuisira here " " Aiwa ndanga ndisati ndaiona " ndakadaro ndichitarisa message ndichibva ndaiona " Ndaiwana baba ndinotenda baba zvakanyanya " " Uzvibate zvakanaka ndinokuda wanzwa " baba vakadaro " Neniwo ndinokudai baba zvakanyanya musare zvakanaka mumhorese vamwe baba muvaudze kuti ndinovada " " Okay nyasha dza baba " Ndakabva ndakata phone yangu "Nicole" "Hmm" " Wati unondiperekedza here kunoona mukoma wangu " " Yes " " Ndava ready " Neniwo ndava ready ndakadaro tichinokwira kombi tichienda ku flat ra Ngoni takamuwana ari ega " Twin " ndakadaro tichihagana " Twin " Ngoni akadaro " Kubva wagara wega Mitchy arikupi " " Arikumba kwavo " " Ini ndakati handiuyi pano kuzokuona uri wega " " Hezvo ko ndiani manje akakosha pakati pangu na Mitchell " Ngoni akabvunza " Aaaaaa ndi Mitchell" ndakadaro tichiseka "Ohh sorry uyu anonzi Nicole" ndakadaro nekuti ndakaona ziso raaiva ava kumupa. "Nicky uri sei?" "Mushe sei iwe?" "Good ndafara kukuziva" "Neniwo ndafara kukuziva" Nicky akadaro tichigara pasi "Twiny huya undibatsire ne something" Ngoni akadaro tichienda ku kitchen. Ndiri kumuona hangu Ngoni zvaari kufunga. Takasvika ku kitchen ndikavhura fridge ndichitora ma drinks iye akabudisa doro rake "And then" Ngoni akadaro ndakaseka "Hayi Ngoni ndomuudza michy" "Haay maan shamwari yako yakanaka" "I know kuti akanaka asi haungahuriri Mitchy mberi kwangu" "Hayi maan Ane ungabva wandidaro shuwa?" "Unoziva newevo kuti handidi chinhu Pana Mitchy so zvinhu zvaunoda kuita haubudiriri" "Unoona manje Ane" "No brother" "But iye imboma iwee" Ndakaseka ndichitendeuka ndichienda ku sitting ndichiisa ma drinks pa table "Saka wandidanira kuzomwa ma drinks chete?" "Patience pays" Ndakaseka I know kuti anditsamwira. Boys ayy . Atozvionera musikana Pana Nicky. Kwete kuti anomuda asi kuti musikana ambodarikirei mberi kwake. Ndo problem yevakomana kungoona musikana ruchiva rwatovapo. Zvichakadaro takanzwa huta panze. Ngoni akabuda akadzoka nenyama yakagochwa ne Burger uhhm yummy "Wow that's my brother" "I'm out of mood" Ngoni akadaro ndakaseka "Relax big brother moyo wako utsiure" ndakadaro Ngoni akapedzisira akuseka. Hapana munhu achahurira Mitchy ndakatarisa beside handingabvumi kuti Ngoni atambisire Nicky nguva coz ndomuziva anoda Mitchy . Bridget I don't believe zvinhu zviri kuitika pandiri? Shuwa ndichaita sei? Nei zvaitika pandiri? Mpume achati kudii paachaziva nyaya iyi? Ndakatora foni ndichimufonera. "Hey sisi" "Bee uri sei?" "Mushe sisi?" "But unenge usiri right " "Maya I'm fine I miss you guys nevana vangu" "Tishanyire ka" "Never musha uyo mitemo yacho handingaigoni" ndakadaro ndichinyebera kuseka. Chinangwa changu chaiva pakuda kubvunza kuti Tafadzwa aripo here? Pamwe akadzoka who knows? Kana ndichimufonera foni inorira kusvika yaenda pa voicemail. "Ahh Rega hako nekuti munhu waunositamba naye haapo" "Haana kudzoka?" "Kubva zvaakaenda haasati adzoka" "Okay sisi I miss you nevana vangu" ndakadaro ndichikata foni Ndakaedza kufonera Tafadzwa asi aiva asingadairi ma calls angu. I know Tafadzwa very well nhasi I Frida Ari kumafaro ko ndozvake ka. But I need to speak with him anofanirwa kuziva nyaya iyi. Handizivi acha react(a) sei paachaziva kuti ndine pamuviri. Handizivi achaita sei, ko Mpume achati kudii? Ohh God ndakazviparira. Ndakatarisa number ya Anenyasha ndiye ega munhu aiwirirana na Tafadzwa pamuzinda. Ndakabva ndamufonera lucky akadaira fast "Hello" "Hey Anenyasha uri kutaura na Bridge" "Ohh hey Bridget kuri sei?" "Mushe Ane please I need your help" "Help yeyi?" "Hauna here imwe number ya Tafadzwa yandinayo haasi kudaira ma calls angu kana ndichimufonera" "Ini Tafadzwa ndakaguma kutaura naye ndichiri kumba kwavo" "Haa ini ndaiti maiva ma friends ka" "I think yaiva temporary friends nekuti akandi blocker kwese" Ndakakata foni yangu misodzi ichiyerera. Shuwa ndichaita sei nenhumbu uyu nekuti Tafadzwa anofanirwa kuziva kuti ndine pamuviri pake. Tafadzwa Takazvigarira nema chinda angu ku apartment yangu yandogara mu Harare. Ndakagadzira zvinhu zvose ku America now ndakugara mu Harare hangu. Handichadi zvekugara ku Harare Zimbabwe is my homeland ndichafira muno. So I think ndakuzogara permanent muno mu Harare Takagara kudaro foni yangu yakarira. Ndakaikata ndisina kumbotarisa kuti ndiani. I'm tired ini nemahure anondifonera nonstop "Iwe Tafadzwa waona here kuti wakata call ya mukoma wako" Leroy akadaro. Ndakavhunduka ndichitarisa foni aiva Munya anga achifona "Shit!!! Dzimai radio zvishoma " Vakaidzima ndichibva ndamufonera. akadaira "Broe" "Saka iwe wakungokata tichikufonera" "Hade broe ndakata ne mistake" "Kuri sei ku Harare?" "Kuri bhoo mukoma" "Nazvino haudi tikutsvagire imba yekugara, uchasvikepi uchigara kumba kwe shamwari yako?" "Don't worry broe I shamwari yangu iyi haangandirasisi plus handigari mahara ndinobhadhara rent nekuti mukada kunditengera imba dzimba dzekuno dzinodhura" "Okay Saka kuri sei hako ku Harare?" "Kuri bhoo mukoma?" "Gara zviya wakati unoshanda kuchipatara chipi?" Ndakabva ndatokata foni same time machinda akandiseka "Chii manje" prince akabvunza "Eyy mibvunzo yacho kumba inokupedza Simba vanoita sekunge vanotanga kuona munhu anoshanda" ndakadaro "Anoshanda? Wakaguma rinhi kubasa iwe?" Leroy akabvunza "Hayi maan newevo ukutowedzera stress yangu" ndakadaro ndichinyorera Munya ndichinyeba kuti ndanga foni yangu yadzima mota hatina magetsi parizvino. "Vhura radio Roe" ndakadaro tichienderera mberi nezvatanga tichiita. "So tell me ndiani manje iyeye wausingadi kudaira call yake" Roe akabvunza "Ndeumwevo musikana handidi kutaura naye zvino iye yoo anofona every minute" ndakadaro "Haa dai ndirini ndaisuduruka pauri nekuti Dineo akangozviziva drama yacho yowee" Lee akadaro "Ndeumwevo uyo achandipengesa ayy mjolo the pandemic" "Vasikana venyu ava ayy itai zvenyu handina godo so tell me wakazosarenda pana Anenyasha" Prince akabvunza "Newevo wauyavo neimwe problem musikana uya haana thanks shame dzungu rakamuwandira" "Saka wakamubhlokera izvozvo?" Roe akabvunza "Imwai doro uko musiyane neni " "Nhasi newevo uri kusvuta mbanje* Lee akadaro "Unopenga handisvuti mbanje ini" "Mangwana tiri kuenda pa club iya iri pedo nepa UZ tichigeza maziso e type dzevasikana vepa UZ ko vanogara vari tee ka paya" Prince akadaro "Joo club iya manyama Kani" Roe akadaro "Siyanai nevasikana vevanhu imwi vapfana" "Haa Taffy kuzozviita munhu" Lee akadaro "Apa ndiwe number one pavasikana" Roe akadaro. Foni yangu yakarira ndakasimuka ndichinodairira panze Anenyasha Ndadzoka kumba Kwa Ngoni kwasviba now ndiri kuenda kumba Themba mukomana wangu. Ndikare akatanga kundinyenga ndichangosvika pa UZ Saka ndakazofunga kumupa mukana timbozams. Tingadanana hedu asi rudo rwedu hatingaruendesi kune imwe level. I don't trust varume ini . Humhandara hwangu ndichahupa munhu wandoona kuti ini naye tine future tichava ne family kwete chero Ani zvake. Yes ndichiri mwana sevamwe vana . Ukandinyenga kana ndichikuda ndinokubvuma asi ukazoda zvinodarika rudo rwedu unonya better tiparadzane chero kuchinzi ndokuda seyi. Themba tine two months tichidanana anondi understand (a) "Enda mogal" Nicky akadaro "Haa ndiri kuenda panze chete ini ndodzoka now" "So tell me uchaenda kumba kwake zvaita sei?" "Haa ndichinodii kumba kwake? Ndikangoendako anozondifungira zvimwe" "Ayy Anenyasha newevo, Saka uchagara uchiramba vakomana nekuti haudi kuvachekesa cake iro" "Kana ndichifanirwa kuzviita ndichazviita. Nicole ndokuona humhanda unofunga chinhu chidiki. That thing is a precious to me nekuti inovapo kamwe chete once yangoenda haichadzoki another thing I don't want to disappoint my father" "Asi baba vako vanoziva usisiri mhandara" "Asi izvo hazvirevi kuti ndongorasa humhandara hwangu just like that" "Okay Miss Virgin" Nicky akadaro achindiseka Ndakabuda ndichienda Kuna Themba ndakamuwana Ari mumota. Ndakapinda mukati tikakisana "Shuu today you're so beautiful" "Thank you you also" "Unoziva ndangodarika pano, ndatumwa zvino vakundifonera nonstop" "Ahh wadii kupfuura? Wanga uchandiona rimwe zuva. Hezvo watumwa nani nekuti unogara wega?" "Vabereki vangu varipo pane zvavanga vavinga Saka varara kumba vachaenda mangwana " "Okay" "Mangwana pane event pa club iyo so ndokumbira kuenda newe kuchange Kunana winky D" "Eish ini nyaya dzema club handidzidi hangu kunyanya iyi club yakutozivikanwa nevasikana vepa UZ vanozarapo" "Unenge uneni hanti please Ane" "Okay no problem " "Uuye neshamwari yako" "Okay" "Ndakufanirwa kuenda ndichakuona mangwana I love you nhai ka" "Love you more" ndakadaro tichikisana ndichibva ndabuda mumota ndichidzokera mumba End of chapter