Chapter 21 . Narrated Nzvimbo inogara vana Anenyasha panoonekwa imwe mwana akapinda achimhanya mushure mekunge aona murume atora Anenyasha. Akapinda mu room make achimhanya. Roomza wake akamutarisa achishamisika "Tanya chiiko?" "Ndi Anenyasha!!!" Tanya aitaura achichema "Aitei Anenyasha?" "They kidnap her!!" "What?" "Pane mota yasvika ichimira pake Paida pakabuda umwe murume akasimudza Anenyasha. Ane anga achichema zvinoreva kuti anga asingamuzivi" "Are you sure about that?" "Yes Paida they kidnap her" "Okay ngatifonere mapurisa" Paida akadaro achifonera mapurisa Within a minute vadzidzi vaiva vatozara sezvo vaiva vamunzwa Tanya achi screamer, pavanhu ava Nicole aivapowo. Nicole paakanzwa izvi akavhunduka nekuti nyaya kana yava kumapurisa vanhu vacho vakabatwa naiyevo zvinomuomera. Akabva atobuda achienda mu room make achifonera murume waanoshandidzana naye. "We are in trouble " Nicole akadaro "Trouble yeyi manje?" "Pane umwe mudzidzi akuonai muchitora Anenyasha zvino vafonera mapurisa " "Saka isu topinda papi ipapo?" "Hezvo mapurisa achaita tsvakurudzo mugobatwa" "Hakuna zvakadaro chero vakatsvaga sei hapana chavanowana chero pama CCTV avo hapana chavachawana" "Okay good then" "Yah iwe act calm nekuti mapurisa achatanga newe kukubvunza mibvunzo sezvo uchigara naye isu kuno tichaona kuti mhosva toipa ani " "Hayi ini musandityira hapana chavachaona " Tanya akadaro achikata foni achidzokera kune vamwe vadzidzi "Tanya number plate yemota waiona here" Nicole akabvunza "Aewa zvangoitika fast ndisingafungiri" "Colour yemota?" Nicky akabvunza "Hapana zvandaona Nicole asi iye vamutora" Ma security akasvika achibvunza zvaiitika Tanya akavaudza nyaya yose. Mapurisa naiwovo akasvika "Chii chiri kuitika pano?" Mupurisa akabvunza "Pane mudzidzi akdnepiwa?" Tanya akadaro "Anonzi ani Zita rake?" Mupurisa akabvunza "Anenyashadzashe Zhou" "Okay Anenyashadzashe Zhou, sezvo uchigara naye mu same room sevasikana munotaura zvinhu zvakasiyana uye mava ma friends" Nicole akatarisa pasi" "Anga ane muvengi here?" "Aewa Anenyasha handifungi kuti ane muvengi ini" Nicole akadaro "Pane munhu waakambonetsana naye here?" "Aewa" "Kusvika akdnepiwa abuda achiti ari kuenda kupi?" "Kune ex yake" Nicole akadaro Mapurisa akatarina achidzungudza musoro. "Anga anodii ku ex yake?" "Handizivi ini pandanga ndichibva kunoona shamwari yangu ndawana mota ya Tafadzwa yakamira pagedhi ndipo paandikumbira kuti ndimudanire Anenyasha, sezvo Anenyasha anga andiudza kuti havasisiri vose ndamuudza kuti hazviiti kuti ndimudane, ndipo paazoti achapinda. Ini nekuti ndanga ndisingadi kuti apinde ndaenda kunodana Anenyasha " Mupurisa ainyora pasi zvose zvaitaurwa na Nicole "Zvikazodii?" Ndapinda mukati ndikamuudza Anenyasha asi aramba kuenda after some minutes azoenda nekuti anga achitya kuti pangazoitika zvakaitika pekutanga" "Asi Tafadzwa akambopinda kumashure" "Ehe akapinda mushure mekunge varwa ndipo pakapihwa Ane warning" "Wavaona here vari pamwe chete?" "Aewa handina ini ndanga ndichiona TV" "Okay tinotenda nekutibatsira Anenyasha tichamuwana" mapurisa akadaro achienda kune vamwe vadzidzi vaitaura nezvenyaya ya Ane "Pane Ane ruzivo here pano nezvaitika Pana Anenyasha?" "Ini ndamuona Anenyasha akamira nemota ye Mercedes Benz kumira kwavo vanga vachitmratidza kuti vanga vachirwa" "Nicole address yekumba Kwa Tafadzwa unoiziva here?" Nicole akatarisa foni yake achibva avapa. Zvichakadaro ma security akasvika pavari "Taedza kutarisa CCTV hapana chataona isu" "Aewa musanetseka munhu aita izvi tamuwana achamubudisa Anenyasha " mapurisa akadaro achienda Tafadzwa Ndakasvika kumba ndikawana Roe akagara. Ava kuita madiro pamusha pangu Roe. Akupinda nguva yaanoda obuda nenguva yaanoda. Ndakazviparira nekumupa ma key. Ndakasvika ndikagara pasi ndikamuudza nyaya yose "Calm down newevo ayy" "Ko nei vanhu vose vachifungira kuti Pana Ane ndoda humhandara hwake" "Taffzo unovaziva vanhu vanongotaura chero chii chavada usavatevedzera" "I think Ane Ari right rudo rwedu harushandi. Handimudi Ini munhu anopinza vamwe vanhu murudo rwedu. Ane ndomuda zvakanyanya asi haazvioni. Anofunga kuti ndoda humhandara hwake ndobva ndamusiya akadaro " "Ihasha chete mupe nguva dude" ",Ane ndomuda kwete zvekunyeba but I think ndofanirwa kumusiya aende kune avo vanomuda zvekurevesa kwete ini ndinomudira hu mhandara " "I understand " Zvichakadaro mapurisa akasvika.takasimuka na Roe tichivatarisa "Tadii manje this time?" "Haa ko ndiwe wanga uchirehwa? Haa iwe haurambirwi unozviita" "Taura nyaya yako sayijeni" "Tauya pano kuzotora Anenyasha Zhou" Ndakavhunduka Hana ichirova. "Aitei Anenyasha?" "Sir Anenyasha a kidnapiwa proof yose iri kwauri" "Ane akdnepiwa?" Ndakabvunza ndichishamisika "Usanyebera kushamisika ndiwe wamu kidnepa" mupurisa wechikadzi akadaro "Mopenga here imwi.. mofanirwa kuti dai muchinotsvaga munhu a kidnepa Anenyasha!!' "Sayijeni pindai mumutsvage imba yose" mupurisa akadaro Ndakamhanya ndichida kubuda asi mupurisa akandibata "Heyy heyy dzoka unofunga ungatiza uchienda kupi?" Mupurisa akadaro vachindibata "Handisi kutiza maan ndisiyeyi ndiende kunotsvaga Anenyasha" "Kumutsvaga kupi nekuti unofanirwa kutiudza kwawamuisa" Mapuri akadzoka mushure mekukudubura zvinhu zvose "Tamushaya" umwe mupurisa akadaro "Wamuviga kupi Anenyasha iwe?" "Ndakuudzai kuti handina kumutora ini. Ndisiyeyi maan ndinomutsvaga!!!" "Ari kutaura chokwadi haazivi kwaari" Roe akadaro "Chii newe? Asi newevo uri involve muku kidnaper?" ", Musataura zvinhu zvamusingazivi" Wamuguma rinhi Anenyasha " "Maybe hour ago" "Manga muchirwirei na Anenyasha vanhu vakuonai muchinetsana" "Ini na Anenyasha tanga tichinetsana sezvinongoita vanhu vanodanana" "No wava ex boyfriend akuramba Anenyasha " ",Hazvisi zvinhu zvandingataura newe izvo" "Mushure mekunge waona kuti warambwa wabva wati better ndimu kidnepe" "Mopenga here imwi? Chipurisa chenyu ichi asi makachipinda ne back door?" "You're under arrest for kidnaping Anenyasha Zhou " mupurisa akadaro vachindiisa njems "Handina zvandaita ini!!" "Zveshuwa sayijeni Tafadzwa haana zvawaita imwi endai munotsvaga munhu aita izvi" Vakandidhonza vachinondipinza mumota Roe aingotevera kumashure. Ini pfungwa dzangu dzaingofunga Ane kuti Ari safe here kwaari Anenyasha Mota yakanditora yakafamba nguva yakareba kusvika yanomira pane umwe musha. Vakandidhonza vachindipinza mukati "Ndokumbira mundidzosere kumashure please " ndakadaro ndichichema Havana kumbonditeerera vakandipinza mune rimwe room. Ndakawana mune vamwe baba vaiva vakura vaityisa. Ndakarohwa nehana nekuti baba ava vaionekwa kuti iri ibhuru rematsotsi chairo. Ndakasara padiki kysviitira wiwi "Tasvika boss" "Ndikare ndakakumirirai asi mashanda" baba ava vakadaro vachinyemwerera vachisimuka vachiseedera pandiri Ndakadzokera kumashure ne reverse kusvika ndablockewa nemadziro. Akaswedera pandiri achifemera mumusoro mangu. Ndakavhura maziso angu ndichichema. Akandibata chirebvu kuti ndimutatise huso. Aka rounder achinditarisa kubva kumusoro kusvika kutsoka "Hhhm nice" Ndakanzwa mabvi achiita kubvunda, akatora foni achifona "The parcel is ready I'm sure ne passport yava ready" Ndakavhunduka ndichivhura maziso. Ndakarova munamato nechomumoyo Mhamha makarara hope dzakadiiko ndichitambura kudai. Ndokumbira mundidzivirire Misodzi yakayerera pandiri. Chiiko chiri kuitika pandiri? Ndiani aita zvose izvi?. "Muendesei mukamuri" Vakanditora vachinondisiya mune rimwe room Nicole Ohh God chii chichaitika kana Anenyasha akazivikanwa kwaari. Meaning neniwo ndinotarisana nejeri ka. But Tafadzwa andiitira kuti zvinhu zviite nyore, mapurisa Ari kufungira iye. Ndakabva ndatora foni yangu ndichifona "Sho" "Zvinhu zviri ikoko?" Ndakabvunza "Hapana chakashata mangwana Ari kuenda" "That's good mapurisa kuno Ari kufungira kuti I ex boyfriend yake yaita izvi" "Ohh so we are safe" "I think kutaura kudai Tafadzwa Ari muchitokisi" "Mari yangu hanti wati uchandipa kana wawana zvaunoda" "Ohh yah Mari yako uchaiwana mangwana" "That's good" ndakadaro ndichikata foni Yoo ndanga ndaneta nemusikana uyu nekuvhairirwa nehumhandara, padiki padiki humhandara hwangu hee humhandara. Haa haa nesuwo takamboita mhandara chii chinoshamisa ipapo? Rega ndidye Mari ndakanyarara ini. Uye hapana achatndifungira kuti ndiri behind nekunyangarika Kwa Ane Tafadzwa Mapurisa akandivharira mu ceil "Muri kuita mistake handisirini ndatora Anenyasha ndivhurirei ndinomutsvaga" "Tichakuvhurira kana wakuda kutiudza chokwadi kuti Ane Ari kupi" "Handizivi kwaari ini asi chandoziva ari munjodzi" "Apinzwa newe hanti" Please sayijeni zvisinei hazvo ndokumbira muende kunomutsvaga ini muchandisiya muno henyu" Mupurisa akaridza tsamwa achitendeuka achienda. Ndaiva ndakumbeya panzvimbo imwe chete ndichipurudzira musoro wangu. Kuti ndiani atora Ane? Kuti Ane ane vavengi here? I don't think so. Ndaifunga zvinhu zvakawanda asi hazvina zvazvichandibstsira nekuti ndiri muno Hapana zvandokwanisa kuita ndiri muno. Dai ndiri panze ndatouya ne plan. Chero foni zvayo handina dai ndatoita something but zvinhu zvose zvakamira ntsii. I wonder Roe iye ari kuitei kwaari? Ko kunoedza rinhi vandibudise muno ndione kuti ndichaita sei. "Anenyasha Ane ane" Ndakatarisa vanhu vose ndichiti pamwe ndingaona ane foni asi zvakaenda nepamwe. Ndakatarisa kune rimwe side ndikaona pane buri ndakaswederapo asi yaiva diki yaiva isingabvumi kuti ndibude nditize ndinotsvaga Ane. Hapana neniwo zvandinokwanisa kuita ndakavharirwa muno. Plan ndoyandisina. Ndasvika pachikamu chekupererwa manje. Kuti ndiani aita izvi? Ndi Themba here nekuti Ane akamutamba. Zvagara ndiye hapana umwe. Zvinhu zvose zvakamira ntsii Ane handikwanisi kumubatsira Ndakagara pa bench ndichifunga. No maan kugara pano hakuna zvakunondibatsira nazvo. Ndikare ndiri pano ko hakuedzi neiko. Ndakagara some hours ndikaona mapurisa akufamba famba I'm sure kwaedza. Ndakadana umwe wacho "Uri kudei?" "Ndokumbira undipewo foni yangu pane munhu wandoda kufonera" "Nazvino uchiri kuita zvema drugs? Wadzokazve nenyaya yema drugs. Shamwari dzako dziri kupi?" "Fuck maan!!! Ndati ndipe foni yako!!!!" Mupurisa akaseka achindisiya achienda. Zvichakadaro sayijeni akauya achifamba neumwe mupurisa "Takuunzira chikafu idya" "Handidi chikafu chenyu ini." "Nazvino hausati wakuda kutiudza chokwadi " Munofanirwa kuti dai muchienda kunotsvaga Anenyasha musiyane neni" "Tinomutsvaga kupi tichikusiya pano hanti ndiwe wamutora here?" Ndakuudzai kuti handina kumutora Anenyasha hanti mamutsvaga muimba yose mukamushaya chamuchiri kuda kwandiri chii!!!" "Nesuwo tinokwanisa kuita nhati sewe" sayijeni akadaro vachienda Ndakakava chikafu chavaiva vandivigira chichinodonhera kwakadaro. Ndaiunzwa musoro wangu waiita kudhuma chaiko hamheno pamwe pamwe pfungwa dzaiva dzakuda kunditiza. Ndakaona Roe achipinda ne lawyer moyo wangu wakayevenuka "I'm lawyer Williams lawyer ra Tafadzwa Zvayi anofungizirwa kuti atora musikana wake" "Akidnepa ex girlfriend yake" sayijeni akadaro "Izvozvo. Ndauya pano kuzomukumbirira bail" "Hatingapi Tafadzwa bail" "Why nekuti hapana zvaaita" "A kidnapper ex girlfriend yake" "You don't have evidence yekuti Tafadzwa ndiye aita izvi" "Tinayo evidence yakawandisa inoratidza kuti Tafadzwa ndiye a kidnapper musikana uyu Saka hazviiti kuti tibudise Tafadzwa muno aende kunouraya musikana or anomuita zvaanoda kuita naye" Vakaedza kukumbira bail asi mapurisa akaramba. Lawyer racho iri rinenge riri useless hapana zvinozivikanwa. Shuwa angatadza nyaya diki yakadai "Mr Zvayi ndakunozama imwe nzira yekuti ubude muno" "You're useless Williams iwe!!! Chiiko chandinokubhadharira . Ndakakutora nekuti ndaikuvimba asi unotadza kundibudisa muno" "Dude slow down unouziva mutemo wemapurisa kuti uri sei" Roe akadaro "Mutemo wematuzvi!! Kutaura kudai handizivi kuti Ane arara adyei kwaari uye vamuitei" "Eish dude neniwo ndichaedza pandichabuda muno kuteverera nyaya yacho" Roe akadaro "Please dude ini ndakavharirwa muno hapana zvandokwanisa kuita muno" "Mr zvayi ndichaita nzira yekuti ubude muno" "You're useless!!! Ndichazvibudisa ndega hauna zvaunogona iwe!!! Imwi mapurisa pakangoitika something Pana Ane munomama chete!!!" Ndakadaro ndichikava nsimbi asi imbwa idzi zveshuwa hadzifi dzakandibudisa muno Narrated Roland paakabuda ku police station akaenda ku shamwari dzake akavawana vachimwa doro "Machinda" Roe akadaro "Sho Robza" Prince akadaro "Guys ndokumbirawo rubatsiro rwenyu" "Tiri tose Robza usakumbira" Leeroy akadaro "Tafadzwa asungwa" "What? What a good news?" Prince akadaro "Prince ndizvo zvaungafarira here?" Leeroy "Tafadzwa aifunga kuti I boss yedu. Aitiroverei musi uya?" Prince akadaro "Robza usamuteerera uyu asungirwei Taffzo?" "Anenyasha akidnepwa Saka vari kufungira kuti ndi Tafadzwa azviita" Leeroy akatarisa Prince nerimwe ziso "Saka chii chatofanirwa kuita?" Lee akabvunza "Tofanirwa kunotsvaga Anenyasha ku police vatitambira bail" Saka tichatangira papi?" Leeroy akabvunza "Tofanirwa kutanga nekuenda kunogara Anenyasha " Roland akadaro "Saka takagarirei pano?" Leeroy akabvunza vachisimuka vachinopinda mumota vachienda. Vakasvika kunogara Anenyasha. Roland ndiye akapinda Prince na Leeroy vakasara mumota. Leeroy akatarisa Prince nerimwe ziso "Chii?" Prince akabvunza "Ndiwe waita izvi right?" "Hayi hayi Leebzo wakundipengera manje " "Wakanganwa Prince kuti wakati kudii kwandiri?" "Asi handina kuzozviita ka?" "Usarwa Hondo yako na Tafadzwa Pana Anenyasha " "Ndati handina kuzviita?" "Prince Tafadzwa ari dangerous usakanganwa " "Nxaa" Anenyasha Handina kurara husiku ndichingofunga, ndichichema, ndichinamata. Ndoda kuziva kuti ndiani aita izvi? Nekuti munhu aita izvi munhu wekuziva. Ndakasimuka ndichienda pa window pamwe ndingawana nzvimbo yekubuda nditize, asi ndakashaya. Ndakamira pa window ndichidongorera. Ndakaona umwe murume aitaura pa foni. Ndakavhura nzeve dzangu ndichida kunzwa zvaari kutaura "Yah thanks parcel taiwana aewa watiitira kuti zvinhu zviite nyore kwztiri" Ndakaramba ndakahwanda ndaida kunzwa zvose zvaaitaura. Chinhu chandoda kuziva munhu aita izvi. "Haa thanks pawangobva paari chete isu tabva tadosvika" Ndakavhura maziso. Ndi Tafadzwa?. Ndakadikitira muviri wese. "Yes tamuwana asati apinda" ------- "Yes broe Tafadzwa ndofunga kuti mari yako waiwana" ------- "Sure sure usaneta ramba uchititsvagira dzimwe mhandara " Ohh no Tafadzwa anditsngesa. Ndiko kujingirisa kwaaitaura kwekutengesa mhandara? Ndakamhanya ndichinogara pasi ndichizembera madziro ndichitanga kuchema. Kuti Tafadzwa azviita here? No Tafadzwa haangadaro anondida. Misodzi yakayerera pandiri *** Themba: "unokuvimba here Tafadzwa?" **** Nicole "Tafadzwa haakudi uyo anongoda kukudya okusiya wakadaro" ***** Me "Zvausingaendi kubasa Mari yekuzviraramisa uri kuiwana kupi?" "Ndinojingirisa semurume " "Kujingirisa kwacho kune zita Tafadzwa " "Handingakuudzi izvozvo Anenyasha" **** "Yes tamuwana asati apinda. Broe Taffy ndovimba kuti mari yako waiwana" Zvinhu zvose izvi zvaitamba mupfungwa dzangu Why Tafadzwa? Why? Ndakadaro ndichichema End of chapter