Chapter 27 Anenyasha Ndaiva ndakagara pabed ndichingofunga nezvaTafadzwa apa foni yake ava aidzima. Ndakasimuka pamubhedha ndikaona kunze kwasviba nomatter what ndiri kuenda kumba kwavo ndiri kunomuona kuti arisei. Hameno kuti achanditaudza here ndakaenda kuna Paida "Uri kuenda kupi?" Paida akabvunza "Kumba kwana Tafadzwa" Paida akavhura maziso. "What?" "Yaaa ndinofanirwa kuona Tafadzwa nditaure naye handikwanisi kumusiya achirwadziwa nemarwadzo ese aya" "Asi uchati wauya kuzodii kana vakuona?" "Havambondioni room raTafadzwa riri rega saka ndichapinda nepawindow" "Hayi Anenyasha unoziva zvinhu zvauri kuita irisk iyi" "Ndinoziva Paida asi ndinofanirwa kunoona Tafadzwa" "Ko baba ndichati kudii?" "Unovaudza kuti ndaenda kuna Talent" "Uchararako kana kuti kudii?" "It's depend kuti ndafamba sei" "Ndokumbira uve careful Ane please" "Okay don't worry" ndakadaro ndichitendeuka ndichienda kumba kwana Tafadzwa Zvagara hakusi kure nekumba kwedu. Ndakafamba mufambo mudiki ndichibva ndasvika. Ndasvika handina kupinda nepagate ndakaona buri pafence ndichibva ndapinda neipapo ndichinyahwaira ndichienda muroom maTafadzwa. Paiva pakavharwa asi ndaimuona akagara padivi pemubhedha aionekwa kuti aifunga zvakanyanya. Ndakagogodza kaviri pawindow achibva auya paakandiona akavhunduka achibva avhura window "Anenyasha uri kudei pano?" Misodzi yakayerera pandiri pandakaona maziso ake akatsvuka aionekwa kuti aiva achema kwenguva yakareba "Ndokumbira undivhurire Tafadzwa" "Uri kudei pano?" "Ndauya kwauri, zvose zvaunoda kutaura uchazvitaura ndave mukati please Tafadzwa" Tafadzwa akavhura window ndichibva ndaedza kupinda naiyevo akandibatsira kundidhonzera mukati. Pandakangopinda ndakazvikandira pachipfuva chake tichihagana kwenguva yakareba ndichichema takazoregedzana pava paya "I'm sorry Tafadzwa ndokumbira undiregerere zvinhu zvose zvaitika izvi zvaitika nekuda kwangu dai ndisina kukutora dai zvisina kuitika" "Ane mota yangu yatsva uye haigadzirike" "Ndinoziva asi ndinokumbira undiregerere ndanga ndisingadi kukurwadzisa ndanga ndichiti ndiri ku......." Handina kupedza kutaura Tafadzwa akandiswededza paari achindihaga so tight achitanga kuchema "Nei vandiita zvinhu zvakadai pamusha pano vangabva vapisa mota yangu here" "Chirega kuchema Tafadzwa zvichapfuura" ndakadaro tichihagana "Ndokumbira usazvishora nezvinhu zvaitika zvagara mota yangu yanga ichapiswa" "Dai ndisina Ku........" Tafadzwa akandiisa chigumwe chake pamuromo "Ndokumbira usataura zvinhu izvozvo chinhu chandiri kufarira manje ndechekuti iwe uri pedo neni uri kundinyaradza ndiri kutenda uye I'm sorry nezvinhu zvaitika kwataenda kufilabusi. Ndokumbira usaita zvinhu zvawaita kwandiri" "Ndinotenda ndinokuvimbisa handife ndakaita zvinhu zvandaita babe" Tafadzwa akandiswededza paari tichitanga kukisana achibva anditora achindigadzika pamubhedha achindikurura mbatya dzandaiva ndakapfeka. Neniwo ndakamukurura dzake tichibva tatanga kukisana tichikisana zvine rudo mukati. Akandiita romance yose yaunga fungira. Unoona kana ave kundiita izvi ndinenge ndave kuda kumupa humhandara hwangu akandiisa pamusoro pake neniwo ndikamuita romance asi handizivi chinhu ini ndingoita manyama amire nerongo chete. Ndakapedzisira ndave kuzvinyarira "Aaah handigoni ini Tafadzwa" "Ndichakudzidzisa babe" Tafadzwa akadaro achindidzidzisa kuti ndinoita sei Zvaindinakidza neimwe nzira takachinjana ini ndikava pasi iye akava pamusoro akandikisa achibva abva pamusoro pangu "ndava ready Taffy" "Not today babe uchakuvara handisi pasituation yekuita zvinhu zvakadaro ndakakuudza kuti nguva iri right ndeipi" Ndakanyemwerera tichibva tarara. "Ndokumbira urare" "Okay ndataura nababa ndikati ndicharara kwana Talent" "Okay ndinotenda nekuva kwako pano handisi right Ane" "I love you" "I love you too babe" MPUME Mapurisa akatitora akaenda nesu kwaiva naBridget apo mhamha vaifamba vachichema nzira yose ini ndaiva ndisinga zvibelieve kuti Bridget haasisipo panyika but how? Ndiani angaita zvinhu zvose izvi pamunin'ina wangu but ishuwa here kuti ndiTafadzwa azviita yaaa definitely ndiye nekuti aisada chinhu chinomusanganisa naBridget Takasvika kupolice station ndikasara padiki kufenda pandakaona Bridget akarara akavhara maziso apo ndaiziva kuti haachamuki zve "Bridget!!!!" ndakadaro ndichichema "Mwanangu!!!!" mhamha vakadaro tichichema tose "Nei vanhu vaita zvinhu zvakadaro pamunin'ina wangu?" Takachema namhamha pastation, now tiri kufanirwa kumuendesa Kumortuary hapana zvatingaita zvaitika zvaitika. Tapedza kunomusiya Kumortuary takaenda kumba apo mhamha vaiva vasingatura chinhu vaiva vangonyarara. I can imagine marwadzo avari kunzwa nekuda kwemwana wavo "Mhamha zvinhu zvose zvichapfuura" "Asi nei zvinhu zvakadai zvaitika pamwana wangu?" "Munhu aita zvinhu izvi achabhadhara mhamha chiregai kuchema" Takasvika tikapinda mumba mapurisa naiwovo vakapinda "Pane mubvunzo watinofanirwa kukubvunzai nezvemwana mwana wenyu" mupurisa akadaro "Takateerera Sayijeni" ndakadaro "Bridget abuda pamusha pano achiti ari kuenda kupi?" "Haana kutaura kwaarikuenda asi pandamufonera ati ari kunoona Tafadzwa" ndakadaro "Ndiani manje Tafadzwa?" Mupurisa akabvunza "Baba vemwana wake" "Relationship yavo yanga iri sei pakati pavo?" "Yanga isiri right Tafadzwa mwana wamambo saka paanga ane pamuviri pakabuda sarudzo yekuti vacharoorana asi Tafadzwa anga asingazvidi izvozvo. Ndashamisika neniwo Bridget achiti ari kuenda kuna Tafadzwa nesu tinoziva vasinga communicate" "Saka evidence yose iri kutendeka baba vemwana ndiye angaita izvi zviri pachena kuti anoziva chokwadi chose" "Asi Tafadzwa angaita zvinhu zvakadaro sei?" Ndakabvunza "Unofanirwa kuvapo newewo sasisi vemushakabvu" mupurisa akadaro "Okay Sajeni" ndakadaro tichinopinda mudefender Tafadzwa chiiko naye anga uraya munin'ina wangu sei? Kana anga asingadi kumuroora handiti anga acharamba here. Unoziva ndichiri kugara kumba kwavo ndaizviudza kuti Tafadzwa munhu ari right izvo ndaizvinyepera. Nei vakomana vekwa Zvayi vachindiita kudai ndaingotarisa mudenga ndichidzora misodzi kuti usabuda ANENYASHA Taiva takarara pabed naTafadzwa ndaiva ndakarara pachipfuva chake tichizuva nyaya zvichakadaro takanzwa munhu aigogodza ndakatarisa Tafadzwa "Ndiani?" Tafadzwa akabvunza "Ethan" Ndakatarisa Tafadzwa ndichibva ndasimuka ndichipfeka pandaida kuhwanda "Relax" "Tafadzwa" Akaenda kunovhura door Ethan akashamisika paakandiona akanditarisa ari confused "Anenyasha urisei" Ethan akadaro "Ndiri right" ndakadaro ndichitarisa pasi nekunyara "Pane vanhu vari kukuda panze" Ethan akadaro "Ndivanani manje?" Tafadzwa akabvunza "Mapurisa" Ndakavhunduka. "Mapurisa ari kudei pano?" Tafadzwa akabvunza "Handizivi asi zvina Bridget mukati" Ethan akadaro "Tafadzwa I think ndave kufanirwa kuenda" "Sari pano ndinodzoka" Tafadzwa akadaro achibuda "Handinga kwanisi kusara pano ndega ini" ndakadaro ndichibuda newindow ndichinyahwaira ndichienda kwavaiva vari ndaida kunzwa nyaya yacho "Ndiwe Tafadzwa?" Mupurisa akabvunza "Ehe ndini" Tafadzwa akadaro "Unomuziva here Bridget Sithole?" Mupurisa akabvunza "Ehe ndinomuziva" Tafadzwa akadaro "Wakaguma rinhi kumuona?" Mupurisa akabvunza "I think ndave nemwedzi mitatu ndisingamuzivi" Tafadzwa akadaro "Nhasi wanga uri kupi?" Mupurisa akabvunza Ndakashamisika "Ndakubvunza mubvunzo" Mupurisa akadaro "Ndanga ndisipo" Tafadzwa akadaro "Wanga waenda kupi?" Mupurisa akabvunza Tafadzwa akanyarara "Nei Tafadzwa nei waita zvinhu zvakadaro kuna Tafadzwa" Mpume akadaro achichema "Ndaitei ini?" Tafadzwa akabvunza "Nei wauraya Bridget?" Mpume akabvunza Ndakavhunduka zvakanyanya naTafadzwa akavhunduka "Hezvo handina wandauraya ini" Tafadzwa akadaro Ndakaona baba vaTafadzwa vachimutarisa "Handinga kurambire iwe uri mhondi yemunhu" mambo vakadaro "Nei muchidaro baba?" Mupurisa akabvunza "Hatizivi kuti anga aripi zuva rose" mambo vakadaro "Asi izvo hazvirevi kuti anga aenda kunouraya munhu" mai Munya vakadaro Ndakanzwa moyo wangu uchirwadza Tafadzwa anga aneni zuva rose haana kuita zvinhu zvakadaro "Taura iwe mupfanha wanga uri kupi?" Munya akadaro Tafadzwa haana kupindura "Vakuru vangu mutorei nekuti ndiye aita izvi imhondi iyi" mambo vakadaro "Ayehwa haana kuzviita izvi Tafadzwa" mai Munya vakadaro vachichema "Neniwo ndinozviramba Tafadzwa haasi mhondi uyu" Ethan akadaro Mapurisa akamuisa njema. Haa never handinganyarari kana zvadai zvichaitika zvichandiwana ikoko ndakabva pandaiva ndakahwanda ndichiswedera pavari "Tafadzwa anga aneni zuva rose" ndakadaro Vanhu vose vakashamisika pavakandiona ndakatsinzina "Anga aneni Tafadzwa they is no way yekuti ndiye aita izvi" ndakadaro Handinga bvumi kuona Tafadzwa achisungirwa zvinhu zvaasina kuita. Vanhu vose vakanditarisa vachishamisika "Anenyasha uri kudei pano?" Handina kupindura "Wanga uchitaura Mandlovu?" mai Munya vakabvunza "Tafadzwa kubva makuseni kusvika manheru anga aneni so I'm sure kuti haana kuuraya Bridget" ndakadaro "Asi Bridget ati ari kuenda kuna Tafadzwa" Mpume akadaro "Mira iwe mwana wekwaZhou, Tafadzwa anga anewe kupi muchiitei?" Mambo vakabvunza Haaa mubvunzo wamambo handikwanisi kuvapindura uyu "Kune kwatanga taenda anga andiperekedza" ndakadaro "Hakuna zita here kwamanga maenda?" Mambo vakabvunza "Hatina nguva yekutamba mwana sikana" mupurisa akadaro "Anenyasha hapana munhu achakuita chinhu Tafadzwa haana zvaachakuita usataura zvinhu zvisipo" Munya akadaro Ndakavhara maziso. "Handisi kunyepa Tafadzwa anga andiperekedza makuseni ndaenda kufilabusi pane zvinhu zvandanga ndaenda kunoita" Ndakadaro "Kufilabusi?" mai Munya vakadaro "Ehe" ndakadaro "Nei iwe wakumbira Tafadzwa kuti akuperekedze nekuti iwe hauchadanganiswi nechinhu pamusha pano" mambo vakadaro Ndakaenda kunaTafadzwa aiva akanyarara ndinoona nekuti kunyarara kwake kunokonzerwa nemarwadzo ekuti family yake haisi kumu believer kuti haana kuuraya Bridget. Handizivi kuti ndichatangira papi zvose izvi ndichavaudza sei kuti ini naTafadzwa tinodanana "Zvinhu zvauri kuti udza ndezvekunyepa tiri kumutora" mupurisa akadaro achida kumutora Ndakatanga kuchema. "Tafadzwa haana kuzviita izvi" ndakadaro "Unonyepa iwe mwana" mupurisa akadaro "Tafadzwa anga andiperekedza nekuti tinodanana" ndakavhura maziso ndichizvibara muromo Oooh gosh ndati kudii shuwa, munhu wese akavhura maziso achinditarisa Munya akaswedera pandiri "How?" Munya akabvunza Ndakatarisa pasi. "Tinodanana naTafadzwa" ndakadaro Ndakanzwa nembama yakasara padiki kundidonedza pasi vaiva mai Tafadzwa misodzi yakajenga kumeso kwangu "Mhamha" Tafadzwa akadaro "Watii kudii?" mai Tafadzwa vakabvunza nehasha "Anenyasha wati kwaitikei? Mai Munya vakadaro "I'm sorry mhamha"ndakadaro Ndakaona Munyaradzi achidzokera kumashure achimira kumashure mbichana ndakatarisa pasi. Asi izvi hazvinga ndibatsiri chinhu "VaMupurisa Tafadzwa ndakamufonera nezuro kuma 9 ndakamukumbira kuti andiperekedza ndikamumutsa zve kuma5 kuti agadzirire kuuya. Saka izvi ndiyo evidence yekuti haana kuzviita I swear haasi Tafadzwa haasi aita zvose izvi" ndakadaro ndichivataridza foni yangu "Ndokumbira musamuita chinhu Tafadzwa hamunga musunge musina evidence" ndakadaro "Kana asiri iye Tafadzwa ndiani aita zvinhu izvi?" Mupurisa akabvunza "Handizivi neniwo endai munovatsvaga, hamungatore Tafadzwa musingazivi kuti iye Bridget anga achitaura chokwadi here paati ari kuenda kuna Tafadzwa nekuti ini ndiri kukuudzai kuti anga aneni saka Bridget anga aenda kuna Tafadzwa upi" ndakadaro nehasha "Oooh saka ini ndiri kunyepa here Bridget andiudza izvozvo inhema here dzandiri kutaura" Mpume akadaro "Sajeni itai basa renyu" mambo vakadaro "No Sajeni hamunga musungi Tafadzwa haana zvaaita" ndakadaro "Mutorei Sajeni" Munya akadaro "Munyaradzi" mai Munya vakadaro vachichema Mapurisa akatora Tafadzwa ndakatevera kumashure ndichichema ndaiva ndisisina basa nefamily yake kuti iri kufungei ndakatevera asi vakaisa Tafadzwa mudefender iye Tafadzwa aiva akanyarara kuti zii kunge asipo. Mota yakasimuka ichienda ndakaitarisa kusvika isisaonekwe pandaida kuenda kumba kwedu vakandidana vakandipinza pamuzinda apo nguva dzaiva dzave kuma7 Ndakagara kwemaminutes then baba ndakaona vasvika ndofunga vaiva vadamwa namambo. Baba vakashamisika vachindiona ndiri paZvayi "Anenyasha" baba vakadaro vachishamisika "Zhou takudana pano hoyo mwana wako" mambo vakadaro Baba vakanditarisa. "Uri kudei pano Anenyasha?" Baba vakabvunza Handina kupindura "Ndoda kunzwa kwauri kuti mutemo wemwana wako wakamira sei chaizvo?" Mambo vakabvunza "Aitei?" Baba vakabvunza "Ndinotya chero kutaura zvinhu zvaaita" mai Munya vakadaro "Anenyasha chii chiri kuitika?" baba vakabvunza "Anenyasha uyu ave kudanana naTafadzwa" Munya akadaro Ndakaona baba vachivhura maziso vachinditarisa vachibva vatarisa pasi "Ayy kwete Anenyasha wangu pamwe hamuna kunzwa zvakanaka, Anenyasha vari kutaura nezvei?" Baba vakabvunza Misodzi yakayerera pandiri. "Ndinomuda Tafadzwa baba" ndakadaro Baba vakavhura maziso. "Haaa" baba vakadaro "Ndiregererei baba" ndakadaro "Saka iwe wakaita divorce nemukoma wangu nekuti waida umwe mukoma wangu. Waiva wauya pamusha pano kuzoroorwa here kana kuti kuzogwisanisa vanhu" mai Munya vakadaro Ndakanyarara "Asi Anenyasha wakapindwa nei?" Mamoyo vakabvunza Ndaiva ndisingazivi kuti ndoti kudii ndaingotarisa baba ndichibirira "Hapana chinhu chatichataura naye Anenyasha tichataura naye kana mhondi iyi iri kujeri yauya chiendai henyu" mambo vakadaro Ndini ndakatanga kusimuka ndichibuda gedhi ndakaona maziso ababa akazara misodzi ndaitya chero kupinda mumota yavo asi hapana zvandingaita ndakapinda mukati vakaimutsa tichienda kumba. Baba ndivo vakatanga kuburuka ndichibva ndavatevera ndichipinda mumba "Baba" ndakadaro Baba vakaenda muroom mavo vakasvika vachizvivharira muroom mavo. Ndakavatevera ndikasvika ndichigogodza "Baba ndokumbira muvhure door iri" ndakadaro asi havana kundipindura Zvichakadaro Paida akabudikira "Chii manje Anenyasha?" Ndakatanga kuchema "Baba vave kuziva nezvangu naTafadzwa family yose yekwaZvayi yave kuziva" "Hezvo hanzi kudii?" Paida akabvunza avhura maziso Ndakamuudza nyaya yose ndichibva ndaenda muroom mangu ndakazvikandira pamubhedha ndichitanga kuchema Nei Tafadzwa ari iye anogara achirwadziwa nefamily yake, family iyi yakamboita sei chaizvo? Vose vamuona achienda kujeri asi hapana amboratidza kurwadziwa chero kunditeerera zvandataura Makuseni kuedza kwakaonekwa neni ndakamuka ndichienda kupolice station kunoona Tafadzwa aiva akagara mucell. Haasati atombopora chero marwadzo aanawo mumuviri ekurohwa asi manje ave kurara muchitokisi. Ndakamuona achitarisa mudenga aionekwa kuti haana kumbobvira arara "Tafadzwa" ndakadaro Akaswedera pandiri paakandiona. "Ndinokuvimbisa Ane handina kumboita izvi zvinhu zvandanzi ndaita ndanga ndinewe ndanga ndichazviita nguvai" "Ndinokuvimba Tafadzwa uye ndichakubisa panzvimbo ino usanyanya kufunga nhasi haumborare pano ndichaedza zvose zvandokwanisa kuita kuti ubude" Tafadzwa akanyemwerera. "Ndinoziva kuti uchazviita" "Warara sei?" "Usazvinetsa neni ndazvijaira izvi chii chasara chichiitika?" "Vaudza baba nyaya yose vakati tichataura zvakanaka kana iwe wavapo" "Baba vako?" "Havanditaudzi baba, zvinhu zvose zvichava right kana iwe wabuda pano ndichataura navo" "Family yako haifi yakandigamuchira" "Handina basa nazvo izvo Ane, munhu anofanirwa kutipa makomborero ndibaba vako" Ndakatanga kuyeredza misodzi "Zvino hazviitiki izvo vanondivenga baba" "Ayewa hazvisi rizvo vabereki vako vanokuda uye une luck iwe yekuti unodiwa nevabereki vako vakango kutsamwira sezvanga zvichaitwa nemubereki wose" "Okay Tafadzwa rega ndiende nhasi unofanirwa kubuda pano" ndakadaro tichibatana maoko tichichema tose "Chirega kuchema Ane" Ndakamuregedza ndichibva ndaenda. Ndamuvimbisa kuti ndichamubudisa asi handizivi kuti ndichazviita sei izvo Narrated Munya aiva mu room make, aipupuma furo nehasha, aizvibvunza zvinhu zvaiva zvataurwa na Anenyasha kuti anodanana na Tafadzwa. How? Iye aripo. Akabowa achidonhedza tafura pasi, akatora Foni achifonera Anenyasha "Ndinoda kukuona now" "Ndiri busy handikwanisi kukuona,zvinhu zvaunoda kundionera ndiudze pafoni" "Ndinoda kukuona handingakwanisi kutaura pafoni" "Sezvo ndakuudza Munya . Ndiri kuedza kubudisa Taffy mujeri. Ndiri kuita zvinhu zvanga zvichifanirwa kuitwa newe mukoma wake. Unoziva Munya ndaikuremedza ndichifunga kuti une moyo wakanaka izvo une hutsinye wakafanana nevanhu vekumba kwenyu. Shuwa ungarega mukoma wako achisungwa? Apa wanga uchitokutidzira kuti asungwe. Aewa ndakutya Munyaradzi" "Usandiudza nezva Tafadzwa ndati ndinoda kukuona titaure nezvangu newe" "Tafadzwa mukomana wangu Saka ndichataura nezvake. Hapana zvandinotaura newe Ini takaparadzana kare" "Uri mukadzi wangu Anenyasha " "Ndaiva mukadzi wako" "Ohh waka aendesa ma paper ku coart?" Anenyasha akavhunduka "What do you mean Munyaradzi" "Ndinoda kukuona manje, ndichakusendera location manje" "Handiiti zvinhu zvakadaro ini " Anenyasha akadaro achikata foni Anenyasha Munyaradzi anorevei kana achidaro? Meaning haana kuendesa ma paper e divorce ku court. Meaning nazvino takachata. Arggg fuck Munyaradzi. Asi chero zvakadaro izvo hazvinganditadzisi kuda Taffy never. Zvichakadaro foni yangu yakarira yaiva number yandisingazivi "Hello" ndakadaira "Ndi Ethan Ari kutaura, uri kupi? Ndoda kukubatsira kuburitsa Tafadzwa kujeri" Ohh zvinofadza kuti mumhuri yekwana Taffy pane munhu anomusapota ndakamuraira kwandaiva ndiri Handizivi kuti nditangire papi panyaya iyi. Asi Bridget nei akaudza sisi vake kuti ari kunoona Taffy? Iko aiva amboenda kupi? Kunhu munhu waaiva aenda kunoona ndiye akamuuraya. But why? Aimuurairei? Zvese izvi zvaitamba mupfungwa dzangu No pane nyaya hombe yakavanziwa apa. Tinofanirwa kuenda kumba kwana Bridget pamwe tichawana something Ethan akasvika achifamba nemota. At least ari kufamba nemota. Zvinhu zvedu zvichaita nyore. "Thanks nekusvika" "Tafadzwa I broe yangu Saka ndinofanirwa kumubatsira, Saka tinotangira papi manje?" "Hande kumba Kwana Bridget pamwe tichawana zvinobatika" "I trust you kana uchidaro" Takaenda kumba Kwana Bridget zvagara Ethan anokuziva. After some hours takasvika. Mpume paakationa akasunga huso "Muri kudei pano?" "Please sisi calm down ngatitaurei nekuti hatisi sure kuti Tafadzwa ndiye akaita izvi. Pamwe Ari kungonyeberwa" "Muri kudei?" "Tinokumbira utipewo foni ya Bridget pamwe tingawana chokwadi" "Ohh Saka mauya kuzoita munin'ina wangu chisekeso iye asisipo hake" "Aewa tauya kuzoita Justice tinoda kuti munhu aita izvi asungwe, I'm sure newevo ndizvo zvaunoda. Chero tikawana ari iye Tafadzwa aita izvi anofanirwa kusungwa chero kufira mujeri" ndakadaro ndichitarisa Ethan "Chokwadi maiguru" "Tafadzwa amuuraya mwana wa Mai vangu" Mpume akadaro achichema "Newevo Mpume unofunga kuti Tafadzwa angaita zvinhu zvakadaro kwauri? Handirambi kuti Tafadzwa angava mhondi asi handifungi kuti anga angaita izvi kwauri. Tafadzwa anokuda Mpume akaita zvose zvaaikwanisa kusanganisa nemurume wako . Akaed--" "Fine ndichakupai" Mpume akadaro achipinda mune rimwe room achiuya ne foni ya Bridget Yaiva yakadzima takaichaja. Payakava ne 5% takaibatiza, lucky yaiva isina password. Chinhu chekutanga chandakaita kuita kuenda kumacalls ndakatarisa kuti ndiani amufonera paati ari kuenda kuna Tafadzwa "Dzaiva nguvai Bridget paakati ari kuenda kuna Tafadzwa?" ndakabvunza Mpume akandiudza ndichibva ndaenda kumacalls ndakaona pane number yakanyorwa kunzi Warren takatarisana tose "Unomuziva here Warren?" ndakabvunza "Ayehwa" Mpume akadaro "Ndiye apedzisira kutaura naBridget pasati paitika izvi" ndakadaro Mpume akanditarisa zvichakadaro ndakaenda kuwhatsapp ndikatarisa mamessage ake naMpume paiva nemarecord akawanda anezuro ndakabva ndamavhura Ndinokuda pano manje iwe Bridget Warren Akadaro Handikwanisi kuuya ikoko ini Bridget akadaro Unoziva wakaramba kuuya kuno ndichauya kumba kwenyu Warren akadaro Okay fine ndiri kuuya Bridget akadaro Takatarisana ndichabva ndatarisa maaudio ekare ndichibva ndamavhura Iwe Bridget uri kutora mwana wangu uchimupa umwe murume unofunga kuti handizivi here nezvemwana wangu Warren akadaro Haasi mwana wako uyu Warren ndewa Tafadzwa Bridget akadaro Bridget usandiita benzi ndinoziva kuti mwana uyu ndewangu Unoda ndiite sei Warren? ndigarire ini kurohwa newe chero ndichinzi ndinoenderera mberi newe unofunga kuti mwana uyu ndinga mubereka ari mupenyu here iwe nekundirova kwaunondiita Bridget akadaro achichema Haufi wakachata nemukomana iyeye kana pachifanirwa kuva neumwe achafa achafa chete Warren akadaro Ndichachata naTafadzwa ini uye ari kundiroora mumazuva ari kuteera Bridget akadaro Tichaona manje Warren akadaro Takatarisana naEthan ndakaona huso hwaMpume hwasara misodzi End of Chapter