Chapter 8 Narrated VaZhou vaiva vakagara pamubhedha vachingonyemwerera. Mai Sarah vakabva vapinda "Kwakanaka here baba?" "Mwana wangu" "Aitei mwana wenyu uye ndeupi wacho?" "Dzababa haa mwana wangu ndamuona paanga ari pano kuti ari kufara zvakanyanya zviri pachena kuti kwa Zvayi vakamubata zvakanaka" "Taurai henyu baba akufanirwa kutipa muzukuru" "Kana iye achida zviri right asi azviitira kuti zvinodiwa neumwe munhu" "Ohk baba regai ndinogadzira zvimwe zvinhu" mai Sarah vakadaro vachibuda ***** Anenyasha aisuka ndiro mama Ethan vakapinda "Mambokadzi" "Mhamha" "Hauneti?" "Aewa mhamha zvose zvandiri kuita handidi kunyadzisa vabereki vangu" "Wakavatodza mai vako nhai" "Chero baba ndizvo zvavanogara vachitaura" "Hayi wakatodza mai vako shuwa ngatinamatire kuti newevo usazofa nenzira yakafa mai vako" Anenyasha akavhunduka achitarisa mama Ethan "Hayi mwanangu usavhunduka ndiri kutamba newe" mama Ethan vakadaro vachibuda vachienda. Anenyasha akasara achizvibvunza nezvinhu zvaiva zvataurwa na mama Ethan Anenyasha Ndakagara mu room mangu ndichiri kufunga zvinhu zvataurwa na mama Ethan. Vanga vachirevei nezvinhu zvavataura. Mama Ethan vakura kuti vangataura zvinhu zvakadaro zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Ngoni . ndakadaira tikakurukura achindibvunza kuri sei havandinetsi blah blah Ngoni haadi neni shame. Ndapedza Munya akapinda. Ndakamutarisa ndichinyemwerera "Mandlovu ndagarisa panze ndoda kugeza ndirare" "Ohk mvura ndanga ndatoisa mu tub" "Ndinotenda Mandlovu wangu" "Munya pane zvinhu zvandoda kukuudza" "Yes" Ndakatarisa pasi ndichitya kuti ndotangira papi kumuudza asi ndofanirwa kumuudza. "Zvayi hauna kumbobvira wakarara neni?" "Huhh!!" "Shuwa Zvayi ndakakunyebera kuti wakatora humhandara hwangu" "Zvino kana ndisina kurara newe ropa riya raiva rani?" "Ndaiva kumwedzi pandakangofunga nyaya ye sheet ndakaona uri iwo mukana ruregerero Zvayi" "Waizviitirei?" "Ndaiva ndisingadi kuti humhandara hwangu huende" "Saka nei usina kundiudza?" "Ndaikutya Zvayi" "Ini newe takachata saka haufanirwi kunditya. Kana pane chinhu chausingafariri unofanirwa kundiudza kwete kunyeba. Ndinoziva kuti humhandara hwako hwakakosha sei kwauri saka handaiita zvenharo kana usati wava ready" "Im sorry" "Ndiani akakubatsira?" "Hapana munhu akandibatsira ndaiva ndiri ndega" "Ndoziva kuti waiva usiri wega. Ndiani?" "Promise me kuti hauna zvauchamuita ndikakuudza" "I promise" "Ndakabatsirwa na Tafadzwa" Munyaradzi akaridza tsamwa achibva afonera Tafadzwa kuti auye mu room. Minutes later Tafadzwa akapinda "Mukoma mandidana nd---" Tafadzwa haana kupedza kutaura akapihwa gwati rembama "Wakudya ma drugs iwe?!" Munyaradzi akabvunza nehasha Tafadzwa akashamisika "Mukoma handidyi ma drugs ini" "Mandlovu andiudza zvose wakaisei mudoro rawakandipa?" "Ipiritsi rekurara mukoma" "Tafadzwa wakatanga rinhi kuita zvema drugs?" "Aasi ma drugs mukoma raiva piritsi rekurara" "I know mose muchiri vadiki. Tafadzwa wakamusiya nemakore mashoma Anenyasha asi zvinhu zvamakaita zvine hunjodzi. Kana aida kuti umubatsire dai wakamubatsira neimwe nzira kwete nema drugs. Dai drug rako rakandituma kuti ndikuvadze Anenyasha waizofara here?" "Im sorry" Tafadzwa akadaro "Ukangopamha zve kuita zvinhu zvakapusa kudai mpfana uchandiona mushe" "Handipamhi mukoma" "Buda muno!!" Tafadzwa akabuda ari short. Ini ndaiva ndazvipeta pa corner ndaitya chero kupfakanyika. Munyaradzi akaswedera pandiri achindibata maoko. "Usanditya Ane kana usati wava ready nekurasikirwa nehumhandara hwako its fine hapana munhu achakumanikidza tora nguva yako. Uchandiudza kana wava ready" Ndakabvuma nemusoro "Utaure neni usanditya" "Ndinotenda" "You're welcome" "Ndokumbirawo something" "Yes" Ndakabva ndamuudza everything about nyaya yekudzidza "Waifanirwa kundiudza kubva pekutanga" "Im sorry" "Hanti unouziva mutemo? Wesi uri Mambokadzi. Hazviiti kuti udzidze hapana achabvuma zvinhu zvakadaro " "I know asi dziripo nzira dze kudzidza ndisingaendi kuchikoro". "Ndedzipi?" "Ndichadzidza online" "I risk iyi yauri kutaura asi handingakwanisi kukunganisira zvishuviro zvako dzidza hako asi uite shuwa kuti hapana achakuona. Hausi late here?" "Aewa ndakato register" "Hapana umwe munhu anofanirwa kuziva nyaya iyi kunze kwangu na Tafadzwa" "Thank you" "All the best" Ndakafara ndichimuhaga "I love you" Ndakamutarisa kwenguva yakareba ndaiva ndisingazivi kut ndomupindura kuti kudii. Hamemho chii chakaitika pandiri. Muromo wangu wakayerekana wava mumuromo make. ndakavhunduka ndichisuduruka paari. Naiyevo akaita zvimwe chete "Uhhm ndakufanirwa kunogeza" Munya akadaro achienda kunogeza. Ndakasara ndichigara pa bed ndichizvibata muromo ndichinyemwerera. Uhhm chii chiri kuitika pandiri? Kuti ndakumuda here Munya? But paanga akandibata pane zvinhu zvandanzwa mumuviri. But muhombesa kwandiri maan Munyaradzi. But age is just a number ndinenge ndisina kutadza ndikapa Munya mukana. Vanhu vakuru ndivo vakandisharira Munya. Vaiziva zvavaiita. Yes Munya ndaiva ndisingamudi but now im ready kuzama kumupa mukana ndione kuti tichasvikepi. "I love Munya. I love my husband" ndakadaro ndichinyemwerera ndofanirwa kumuudza but how nekuti ndinomutya. Akabva abuda atopfeka ma pyjama. Ndakasimuka achibva apinda mumagumbezi. Neniwo ndakapinda "Mandlovu urare mushe" "Newevo Zvayi urare mushe" Pakamboita runyararo. Ini ndaingoshishinika ndichitsvaga nzira yekumuudza zvandiri kunzwa "Zvayi" "Hmm" "Pane zvinhu zvandinoda kukuudza asi ndinotya" Munya akandiseka. Paaiseka mazinyo ake akachena mukaka ndaiita sendichafa kani. I think i love this man. Ohh yes i love him. "Ndakuudza Ane kuti usanditya. Ndiri murume wako. Saka tichava tose kwehupenyu hwedu hwose so there is no need yekuti unditye. I understand kuti ndiri muhombe kwauri asi izvo hazvirevi kuti unofanirwa kunditya Taura ndakateerera" Ndakazvivhara kumeso nemaoko "I think i love you Munya. Im in love you" Munya akanyemwerera achibisa maoko angu pandiri "Ndokumbira unditarise upamhe zvinhu zvawataura nekuti kana wakazvivhara handinzwi chinhu ini" Munya akadaro "Munyaradzi Zvayi i love you so much" Akandiswededza paari achindimbundira "Ndinokuda zvakanyanya Mandlovu ndinotenda nekundiudza a good news" "Neniwo ndinotenda nekundipa rudo rwako" Takakisana kwenguva yakareba ******* Makuseni ndakamuka na 6 ndichinogeza. Mufaro waiva wakazara kumeso kwangu. Ndakaenda kunogeza ndichibva ndaenda ku kitchen. Ndakawana Tafadzwa akabata ma ice dama rakazvimba . i think ndipo paarohwa na Munyaradzi.ndakaita basa rangu sendisingamuoni zvangu "Morning haiurayi" "Morning" "Wafara ka kuti mukoma andirova?" "Handisirini ndati akurove Tafadzwa" "Iwe pawamuudza zvose wanga uchifunga kuti achaita sei?" "Zvava zvako izvo" "Ndiwe wakandikumbira kuti ndikubatsire Anenyasha" "Saka unoda kuti ndiite sei?" "Tafadzwa ndokumbira usiyane neni please" "Ohk" Zvichakadaro mai vake vakapinda "Mambokadzi, Tafadzwa" "Mamuka sei mhamha?" "Ndamuka mwanangu. Hezvo Tafadzwa waitwa sei?" "Ayy mhanha inyaya dzevarume idzi siyanai nadzo" Tafadzwa akadaro. Ndakamboda kuseka asi ndakazvidzora "Zvinhu zvevarume zvisandiuraira mwana wangu please" "Ayy ayy mhamha sarai" Tafadzwa akadaro achibuda achienda. "Mwana uyu akatodza baba vake haa ndozvavaiveri vasati vas--" Mhamha havana kuzopedza kutaura vakazvibata muromo. "Mambokadzi apa handina kuzvara shame" mhamha vakadaro Ndakaseka asi ndakasara ndine mibvunzo hobho. Evoo mwana wa Obert siyana nenyaya dzisingakudi TAFADZWA Ndaiva ndakagara mu room mangu mushandi akapinda achindiudza kuti Munya ari kundidana. Ndakabva ndabuda ndichienda kwaari "Ehe ndakudana ndoda rubatsiro rwako" "Rubatsiro rwei?" "Anenyasha andiudza kuti anoda kudzidza saka ati achadzidza online saka hapana anofanirwa kuziva nezvenyaya iyi" "Rubatsiro rwauri kuda kwandiri nderwei?" "Ini handingakwanisi kuti ndikwire ndichidzika ndichinotorera Anenyasha ma books saka iwe uchamubatsira ini ndinenge ndiri busy" "Pedzezvo wondirova futi" "Unoda ndikupamhe zve?" "Sorry broe izvi handikwanisi kuzviita zvauri kundikumbira" "What?" "Broe mukadzi wako anodherera uyu handingakwanisi kumubatsira ini" "Tafadzwa ndiri kukutuma hanti? Saka uchazviita" Zvichakadaro Anenyasha akapinda "There is no need for that shamwari yangu ichandibatsira" "Aewa naiyevo anenge ari busy nezvinhu zvake Tafadzwa achakubatsita" Munyaradzi akadaro achibuda "Why?" Ndakadaro ndakamutarisa. "Why chii?" "Nxaa" ndakadaro ndichibuda ndichienda ku dining room. Ndakawana chikafu chatogadzirwa . ndakagara pasi tichidya. Baba ndakanzwa vachitura befu zvekuda kutaura. Ohh i wonder vanoda kuti kudii Mwari wangu "Pane zvinhu zvandinoda kusimukira pano" baba vakadaro "Chii baba?" Munyaradzi akabvunza "Ethan na Tafadzwa vava kufanirwa kuroora" baba vakadaro. Ndakatarisa Ethan ainyemwerera. Ndofunga naiyevo akuda kuroora "Mandinzwa here zvandataura?" Baba vakabvunza "Ehe baba takunzwa ini ndobvumirana nemwi ndicharoora" ndakadaro "Good mucharoora mwedzi unouya vana mai venyu ndivo vachakusharirai vakadzi vekuroora" "Zvakanaka baba" ndakadaro ndakaona Anenyasha achinditarisa. Ndakabva ndasunga huso. Musikana uyu anodherera maan handichadi kuti andijairire.ndapedza kudya ndakatora ma key emota ndoda kumbofurwa nemhepo Mai Sarah Ndaiva ndakagara mu room mangu foni yakarira aiva mai Ethan "Uri kudei?" Ndakabvunza "Usataura neni kunge uri kudonha mumuti" "Uri kudei kwandiri Doreen?" "Panzvimbo iya iya yatinombosangana ndokuda ikoko manje pane nyaya yandoda kutaura newe" "Haungangofoni wongoti ndiuye manje hanti unoziva kuti ndogara nemurume. Ndichakuona masikati" ndakadaro ndichikata foni shit mukadzi uyu ari kumbodeyi kwandiri. Mushavi haapo saka better ndiende manje ndikurumidze kudzoka. Ndakamufonera ndichimuudza kuti ndakubuda. Ndakatora bag rangu ndichibuda ndisina kumbochinja ndichibva ndaenda. Ndakamuwana atosvika "Ndaziva hangu kuti uchauya uchimhanya" "Doreen uri kudei?" "Rubatsiro rwako" "Rwei?" "Munyaradzi anofanirwa kufa" Ndakavhunduka ndichimutarisa "What? Handingaiti zvinhu zvakadaro ini!!!!" "Munyaradzi akufanirwa kufa mwana wangu ndiye achaita mambo" "Ethan haafi akaita mambo zviise mumusoro mako izvo" "Anotadza nei kuita mambo. Mira uone iwe. Wangu mwana ndiye achaita mambo vanhu vachida vasingadi. Munyaradzi anofanirwa kufa Ethan ari kuroora mwedzi unouya agochata." "What?" "Wandinzwa saka tofanirwa kuita plan yekuuraya Munyaradzi" "Usandipinza ipapo ini handingaiti zvinhu zvakadaro newevo hauzviiti. Hapana munhu achauraya murume wemwana wangu" "Murume we mwana wako? Iwe Chenge usada kundinzwa wanzwa? Mai vake hauna kuvauraya here uchida kusara wega pana Mushavi?" Nxaa maan mukadzi uyu anondijairira "Ndakakuudza kangani kuti usataura nezvenyaya iyi?" Munyaradzi tichamuuraya shamwari yangu uchida usingadi. Chimwe chinhu Ethan acharoora mwana wako" "Mwana wangu?" Ndakadaro ndichivhura maziso "Yea Paida ndiye acharoorwa na Ethan" "Hazviitiki izvo" "Zvichaitika mai Sarah" "And mangwana ndoda kuti undifonere uchindiudza kuti wakunotora mushonga uya watakanotora wakauraya mai va Anenyasha uya mushonga haupedzi nguva ka" mama Ethan vakadaro vachisimuka vachienda Ndakasara ndakangoti tuzu ndisingazivi kuti ndiite sei Anenyasha Hapana chinhu chinofadza sekuti ndakuzoita zvechikoro chero hazvo ndichiita part time asi hazvifanani nekugara Ma message ndiri kuaona anobva ku shamwari dzangu dzichindibvunza kuti ndouya rinhi kuchikoro. Havazivi kuti ndatova mukadzi wemunhu Chinhu chakundinetsa manje ndasenderwa message yekuti ndofanirwa kuuya kuzotora ma book angu kuchikoro asi ndofanirwa kutanga nda signer shuu ndichaita sei nekuti kuti ubude pano inyaya hombe. Zvichakadaro Munya akapinda. Ndakasimuka ndichimutarisa. Akaswedera pandiri achindikisa "Mandlovu" "Zvayi" "Why uchiita sekunge pane zvinhu zviri kukunetsa?" "Ndaita problem handizivi kuti ndichaita sei?" "I problem yeyi manje?" "Kuchikoro vandisendera email kuti ndofanirwa kuzotora mabhuku angu" "Ahh Tafadzwa aripo wani?" "Ndiyo problem manje nekuti vati ndofanirwa kuzvitorera ini" "Haaa chii chakakosha pamabhuku kuti vati uuye uzvitorere pachako?" "Handiziviwo" Yah pakaipa asi ndichaedza kutaura na nababa ndinzwe kuti vachati kudii" "Uchati kudii kuna baba?" "Ndichati unoda kuenda kumba kwenyu kwemazuva" "Aewa usanyebera vabereki vako better tibve tarega zvechikoro izvi zvingazokonzeresa" "Hazviiti Ane unofanirwa kuzadzikisa chishuviro chako ugare une mufaro" "Ndinotenda Zvayi" "You're welcome hande kuna baba" "Now?" "Ko zvekusayina zviriko rinhi"? "Mangwana" "Saka nei uchishamisika kana ndichiti hande?" Munya akadaro achindibata ruoko tichienda kumuzinda kwa baba. Takasvika tichigara pasi tichivamhorosa "Zvayi kwakanaka kubva mauya na Mambokadzi?" "Baba taita problem pano" "Ndeyeyi?" "Ane ava nemazuva achirota hope dzinotyisa saka ndanga ndati amboenda kumba kwavo aone baba vake" ndakamutarisa Munyaradzi ndichishamisika. Shame ndaita kuti umwe mwana anyebe nekuda kwangu "Munyaradzi nekuda kwe hope chete?" "Aewa baba ndanga ndangoti aende hake kwemazuva maviri anoona vabereki vake agarisa baba asingavaoni" "Taura uchidaro ka kwete hope dzauri kundiudza. Ngaaende hake asi asajaira kugara achienda kumba kwavo" "Ehoyi baba" Munyaradzi akadaro tichisimuka tichienda mu room medu. Patakangopinda ndakamuhaga "Thank you thank you you're the best" "You're welcome hande mu room ma Tafadzwa" I wonder takunodii zve. Tajabuda tichienda mu room make. Takamuwana akarara. Paakationa akamuka nekukurumidza "Broe" "Kuchikoro kwa Anenyasha hanzi auye kuzotora mabhuku ake saka kunodiwa iye pachake kuti asayine. Kuna baba ndati Ane ari kuenda kumba kwavo saka muchasimuka nhasi manheru kuitira mangwana musawana kune line uye mugokurumidza kudzoka baba vasati vasvora" Ndakavhunduka ndichitarisa Munya "Okay" Tafadzwa akadaro "Chigadziri muri kuenda now" "Okay" Takabva tabuda tichienda muroom medu ndakunorongedza but why ndichifanirwa kuendeswa na Tafadzwa? Narrated Mai Sarah vakasvika kumba kwavo. Vaingofunga nezvenyaya ya mama Etham. Havana choice vanofanirwa kuzviita nekuti Mama Ethan varikuva blackmailer . vakadarika Paida ku kitchen vachienda mu room mavo. Paida akavatevera "Mhamha muri right?" "Ehe ndiri right mwanangu" "Asi munenge musiri right" "Ndambotemwa nemusoro asi ndava right manje" "Baba vasvika vachikubvunzai manga musingadairi foni yenyu?" "Baba vako vauya? Vari kupi manje?" "Vatora zvinhu zvebasa vachibva vaenda vati kune basa riri kuvada ku masvingo saka vachauya mangwana" "Thank God" "Thank God yeyi manje?" "Ayy maan ndiri kuti marwadzo chete baba vako vaenda ndisina kuvaona" mai Sarah vakadaro vachipinda mu room mavo vachitora foni vachifonera Zhou "Baba" "Mai vevana ko wanga waenda kupi?" "Paida andiudza kuti masvika ndanga ndaenda kumusangano wemadzimai handina kuzokuudzai nekuti ndabuda ndichimhanya ndanga ndichiti ndichakuudzai pandidzoka" "Ohk mukadzi wangu ndaenda ini ndichakuona mangwana manheru" "Okay baba mafamba sei?" "Zvakanaka mukadzi now ndiri busy tichataura" Zhou vakadaro vachionekana. Mai Sarah vakatora foni vachifonera Mama Ethan "Ndovimba kuti uchandiudza zvinhu zvine musoro" "Makuseni seni tichamukira ku n'anga iya. Tofanirwa kukurumidza kudzoka murume wangu asati auya" "Wakutaura manje" mama Ethan vakadaro vachiseka vachikata foni Anenyasha I don't know why ndichifanirwa kuperekedzwa na Tafadzwa kuenda ku Harare. Ndatopedza kugadzira zvinhu zvangu takaenda mu room ma Tafadzwa takamuwana atova ready. "Mufambe mushe. Oyi mari yekuno booker nekutenga zvimwe zvinhu" Munyaradzi akadaro achindipa mari Ndakatenda tichibva taenda kumota. Apa tiri kushandisa mota yake. Ndakapinda mumota ndichigara kumberi. Tafadzwa akaseka "Uri kusekei manje?" "Murume anotivimba haa" "Yes anofanirwa kuti vimba iwe uri munin'ina wake anoziva kuti hapana chichaitika," "Shuwa here?" "Yes ko iwe unoda kuitei?" "Yah taura hako hanti tingasauraiwa netsvimbo" Tafadzwa akadaro achiseka "Usandiita benzi Tafadzwa wanzwa?" "Iko ndiani akarwadzisa munhu waanoda. Mambokadzi chaiye kuita zvinhu zvakapusa ahh ndingaseka zve ini" "Mambokadzi akavimbika zvagara" "Small mambokadzi hehede" Tafadzwa akadaro achiseka achimutsa mota tichienda ku Harare. Takasvika ku Harare Tafadzwa akaenda kune rimwe hotera raiva pedo ne U.Z . takaenda kuno booker ma room maviri asi zvakanzi kwangosara 1 room chete mamwe akazara "Saka tichaita sei?" Ndakabvunza ndakamutarisa "Ticharara tose" Tafadzwa akadaro. Ndakashamisika ndichimutarisa "Ini newe tirare mu room rimwe chete? Unopenga Tafadzwa" "Saka unoda tiite sei?" "Handizivi Tafadzwa asi hatingashandisi room rimwe chete ahh" "Okay fine ndine musikana muno mu Harare ndichanorara kwaari" "What? Unopenga hauna kuvinga vasikana pano. Ukangoenda chete ndomufonera Munya ndichimuudza" "Saka unoda kuti ndiite sei?" Tafadzwa akabvunza achiseka "Ucharara pasofa ngati bhuke 1 room iyoyo" "Ndiwe ucharara pasofa hanti ndaperekedza iwe here" "Ahh handirari pasofa Ini" ndakadaro tichino booker room racho raiva rasara end of chapter