Chapter 11 Edited by: Ellena Anenyasha Handichazivi kuti ndiite sei. Zvepamusha pano zvokunda ngoma kurira, ndasvika kukitchen ndichida kugadzira breakfast zvikanzi ndirege vachagadzira vamwe. Maybe handichafanirwi kubata zvinhu zvepamusha pano nekuti vanofunga kuti ndarara na Tafadzwa. Ndakadzokera mu room mangu ndikawana Munya akarara pasofa asi asina kurara hope "Anenyasha" "Yes" "Wanga uchibvepi husiku?" "Muroom ma Tafadzwa" "Kunodii?" "Ndanga ndichinomubatsira paakavara" "Why?" "Nekuti Ari pa situation yaari nekuda kwangu so it's my duty kuti ndimubatsire" "Uri kunzwa here zvauri kutaura" "Yes" ndakadaro ndichigara pa bed "Pamusha pano handichafanirwi kuita chinhu here?" Munya akangotarisa haana kundipindura. Saka ndichaswera ndichiitei nhaimwi? Dai ma book angu aripo dai hangu ndichiverenga asi kupi hanti ndakazvikanganisira ndega. But it's not my fault ndaiva ndisingazivi ka zvichazodai. Ndakagara kudaro Maidei akapinda "Mambokadzi handei tinodya" "Nei ndanga ndisingafanirwi kubika?" "Handizivi ndambobvunzawo asi mhinduro ndaishaya ndofunga inyaya iya" Maidei akadaro achibuda. Takabuda tichiteverana naMunya. Takasvika tichigara pasi tichidya. Vanhu vose vaingonditarisa. Ahh ndezvavo izvo hanti kana vasingachandidi vanofanirwa kundidzinga here. Ndakatarisa Taffy asi handina kumuona. Asi angavapo sei iye Ari mumarwadzo. I wonder ava sei paari. Kuti adya here? I don't think so. Ndofanirwa kunomutarisa "Munyaradzi" Mambo vakadaro "Baba" "I think unofanirwa kubvumira mambokadzi vamboenda kumba kwavo. Sezvo pachiri kurongwa kuti pachaitwa sei nenyaya iyi naiyevo ambonodzidziswa mitemo" Ohh thank God minamato yangu yanzwikwa. I wish dai pangoita umwe anouya ne decision ye divorce I'm tired ini nemitemo yekumam*. "Asi baba zvinoita here izvozvo?" Mai Munyaradzi vakabvunza "Munyaradzi ita sezvandakuudza" "Ehoyi baba" Tapedza kudya ndakanorongedza mbatya dzangu tichibva tanopinda mumota na Munya. Hapana aitaura neumwe. Ndakasvika kumba baba vakashamisika vachindiona. "Dzababa uri kudei pano?" Baba vakabvunza "Ngatipindei mumba baba titaure takagara pasi" ndakadaro tichipinda mumba tichigara pasi "Taura chii chaitika?" "Mambo ati ndiuye kumba ndichadzoka kana vava kutora decision pana Munya" Baba vakadhonza mweya vachitarisa pasi "Baba ndoziva kuti ndakakunyadzisai mudunhu zvikaita sekunge hamuna kundidzidzisa mitemo asi pachokwadi makandidzisa" "Nei waita zvawaita" "Baba ndichiri mudiki ini handisati ndasvitsa chero makumi maviri nemashanu asi zvinhu zvandakuita ndezve vanhu vane makore anodarika makumi matatu.ndinodawo kuita zvinoita vamwe vana vanozadzikisa zvishuviro zvavo vachiita zvavanoda nehupenyu hwavo. Asi ini ndiri kupi. Ndakaroorwa soon ndinenge ndava pabarika. Aewa baba handizvidi zvose izvi ini" "Ndizvo zvakarongwa naMwari" "Aewa baba Mwari vanoda kuti ndiende kuchikoro kwete kuroorwa pandisingadi. Baba ndakagara pamusha zvekumanikidza handidi ini kugara pamusha paya. Baba ndichakuudzai chokwadi. Zvinhu zvakaitika ku Harare handizvishori nazvo zvinhu zvandiri kuzvishora ndezvekuti vari kushora imwi na mhamha the rest kana shungu nazvo handina basa kuti vanofungei ini. Baba ini handifi ndakarega kudzidza. Ndichadzidza ndigopedza zvidzidzo zvangu vachida vasingadi. Handingaurayi hupenyu hwangu nekuda kwezvinhu zvandisingazivi kuti zvichaperera kupi" "Ndokumbira usaita zvinhu zvichakupinza mumatambudziko nezvinhu zvichanyadzisa family yangu" "Baba kudzidza kana kuchinyadzisa muchanyara henyu handingabvumiri vanhu vatonge hupenyu hwangu vachindiurayira hupenyu hwangu " "Anenyasha!!" "Baba ndakaneta ndoda kunozorara" ndakadaro ndichitora bag rangu ndichienda mu room mangu. Ndakasvika ndichizvikandira pa bed. Shuu I miss my bed. Ndakauguma kare wee Narrated Mama Ethan vaiva vakagara pane imwe restaurant na Paida "Mhamha nazvino handisati ndaziva kuti nei mambokadzi vandiunza pano" "Sununguka mwanangu nyaya yandakuunzaira pano haisi hombe idiki zvayo ndinovimba kuti uchabvuma" "Ndoda kuziva nyaya yacho" "Ndoda kuti uroorwe nemwana wangu Ethan" Paida akavhura maziso achivhunduka "What!!?" "Ndizvo zvandakuunzira pano mwanangu" "Aewa mama izvo hazvingaitiki ndokumbira kuti mumutsvagire umwe mwana wenyu" "Ndoda iwe ini hapana umwe wandoda" "Hayi muchandiregerera handingakwanisi kuita zvinhu zvamuri kundikumbira" "Uchazviita mwanangu " Paida akashamisika "Hanti unoziva kuti Mai Anenyasha vakashaya?" "Nei muchindibvunza izvozvo?" "Nekuti Mai vako ndivo vakamuuraya vachimudyisa mushonga" Paida akavhura maziso "Nei muchitaura zvinhu zvisipo nekukura kwenyu uku?" "Hameno zvauri kundifungira asi ucharoora mwana wangu kana usingadi kuona Mai vako vachifa nekuti baba vako na Mambo nevanhu vemudunhu vakanzwa nyaya iyi havangamusiyi ari mupenyu" Paida paaida kupindura Mai Sarah vakabva vasvika ko hanti havana kuzoudza murume wavo zvavanga vachida kumuudza pabva papinda message yanga ichibva kuna mama Ethan vachimuudza kuti vana Paida akangoda kuwawata Paida anofa ndizvo zvaita kuti Mai Sarah vasvike nekukurumidza. Paida paakavaona akasimuka misodzi ichiyerera "Mama vakakutadzirei?" Mai Sarah Havana kupindura naivowo misodzi yaiyerera "Mhamha makavauraya Mai va Ane" "Ndokumbira kutsanangura nyaya yose mwanangu" "Yes or no mhamha?" "Yes asi ndak--" "Mhamha makaitirei zvinhu zvakadaro kune umwe mukadzi akafanana nemwi?" "Mwanangu mira nditsanangure zvakaitika" "Ayy drama yenyu handinei nayo ndakuenda ini. Asi musakanganwa zvandakaudzai nekuti zvichaitika muchida musingadi. Iwe Mai Sarah ukada kundifambira mberi usakanganwa kuti mwana wemurume wako akaroorwa kumba kwangu anytime panoitika chero chii paari" mama Ethan vakadaro vachienda Paida naiyevo akatendeuka achienda. Mai vake vakamutevera kumashure "Mira ndikutsanangurire mwanangu" "Hapana zvandinoda kunzwa ini" "Saka ndichakutsanangurira sei usingadi kunditeerera?" "Chero kuchinzi Mai Anenyasha vakakutadzirei asi maiva musingafanirwi kuvauraya" "Mwanangu nditeerere Kani" Paida Haana kuzopindura vakafamba kusvika vanosvika kumba. Zhou akashamisika achiona vanhu vachipinda vachiteverana "Hezvo murikubvepi zvamunoratidza kuti manga maenda mose?" "Tanga taenda ku restaurant baba" "Kunodii zve? "Bvunzai mukadzi wenyu achakuudzai?" "Manga manodii Mai Sarah?" "Baba" Mai Sarah vakadaro nezwi raibvunda "Tanga tanosangana na mama Ethan vanoda kuti ndiroorwe nemwana wavo zvenharo vanondityisa" "Vanokutyisa?" Zhou vakabvunza nekushamisika "Ndikaramba kuroorwa na Ethan vachataura zvinhu zvakaitwa na mhamha Pana Mai Ane" "Ko muri kutaura nezveyi?" "Baba ndizvo zvandanga ndichida kukuudzai paya ndipo paz--" "Mhamha ndivo vakauraya Mai Ane" Zhou akavhunduka "What?" "Baba ndokumbira kutsanangura" "Inhema hanti?" "Baba ndokumbira kutsanangura please " "Wakamuuraya here?" Mai Sarah havana kupindura "Ehe kana kuti kwete!!!!!" "Ehe asi handin--" Zhou vakabata musoro vachitarisa mukadzi wavo aichema. Vakatendeuka vachitora ma key emota vachinopinda mumota. Mai Sarah vakatevera murume wavo asi pavakasvika mota yaiva yatomutswa.. naivowo vaiva vasingazivi kwavaienda. Anenyasha Ndakamutswa nefoni yairira. Ndakashamisika pandakatarisa nguva dzaiva kumaseven. Tafadzwa ndiye ayifona, arikudei nguva dzino? "Tafadzwa ndakarara unondi disturb (a) "Ndoporofita here ini kuti wakarara. Saka kana uchienda kumba kwenyu haundioneki?" "Unei nazvo?" "Eyy vapengo vakawanda mudunhu rino. So tell me chikoro wakuchirega just like that?" "Tafadzwa ndine ma problems hobho already Saka usada kundiwedzera ma problems" "Haupinduri zvandabvunza unopenga here?" "Nxaa wava sei pawakuvara" "Ndakarohwa nezuro saka iwe unofunga kuti ndingamuka ndapora here?" "Nxaa" ndakadaro ndichikata foni yangu Ndakabva ndaenda kusitting room I don't think vanhu vanoziva kuti ndiripo nekuti pandauya nezuro munhu andiona ndi baba chete. Ndakavawana vakagara mu sitting room "Makadii?" "Ane wasvika rinhi?" Paida akabvunza achiratidza kushamisika "Ndakasvika nezuro makuseni baba vakagara vega ndichibva ndaenda mu room mangu ndikabatwa nehope" "Ndanga ndisingazivi uripo ini" "Mhamha muri right?" "Ndiri right mwanangu" "Baba vari kupi nekuti Havana kuenda kubasa nhasi?" "Pane kwavaenda" mhamha vakadaro vachisimuka vachienda mu room mavo "Paida mhamha vari right here?" "Hamenho vari kudyiwa nei" "Let's hope vachava right soon" Zvichakadaro baba vakasvika. Havana kutaura neni vakananga mu room mavo "And then" "Hamenho Anenyasha" "Ko chii chamuri kundivanzira pamusha pano?" "Anenyasha hapana musha usingapfungairi hutsi saka soon vachagadzirisana" "Ohh let's hope so handidi kugara nevanhu vakafundumwara ini" "Ko iwe murume wamusiya nani?" "Ndadzoswa hanzi handina respect " Paida akaseka "Iwe nei usina respect?" "Ayy ngatisataura nezvepamusha paya" Zvichakadaro foni yangu yakapinda message aiva Tafadzwa aindiudza kuti investigater yake yavawana vana asi vachatisanganisa navo ne Friday. Wow what a good news "Chiiko kubva warova zismile rakadai?" "Sisi kana uchiri panyika unofanirwa kufara. Ukasa uchafara unofarira kupi?" Ndakadaro ndichisimuka ndichienda mu room mangu **** Mangwana makuseni ndakamutswa nemazwi evabereki vangu aiva pamsoro. Kutaura kwavo vanenge vari kunetsana chete. Ndiri kuvanzwa kuti vari kushaudhana asi zvavari kutaura handisi kuzvinzwa. Ndakabva ndamuka ndichinyahwaira ndichienda pa door. Regai vanhu vekumuzinda vachiti handina ma manners chii chandiri kuita manje "Ndirege Mushavi yes ndakambofunga kuzviita asi ndakaona kuti zviri wrong ndichibva ndasiya. Mama Ethan ndivo vakaita ndisingazivi" "Nguva yose iyi waindisiya ndichichemera Chenge uchindinyaradza izvo iwe waiziva chokwadi uchindiita benzi" "I'm sorry Mushavi ndaiva ndisingachadi kuzviita uye ndaitya kukuudza nyaya yose" "Now ndakuzviona kuti nei uchimuvenga dza baba" "Hazvisirizvo baba Ane handimuvengi ini" "Nyarara!!! Parizvino Anenyasha Ane zvinhu zvakawanda zviri paari Saka handidi kumuwedzera. Iwe uchabva pamusha pangu. Vana vangu ndichavaudza asi kwete nhasi nekuti ndingazorasikirwa nemwana wangu. Zvinhu zvikangoita paari ndinomuudza.. handizivi kuti vana vangu vachati kudii pavachaziva kuti ndiwe wakauraya Mai vavo!!!!" "Mushavi ndiregerere kanhi" mhamha vakadaro vachichema "Buda pamusha pangu Revai!!" "Baba ndikabuda pano ndichaenda kupi?" "Ndopinda papi enda kuguva raChenge unomudya" Minutes later ndakaona mhamha vakubuda ne bag. Ayy ini nyaya handina kuinzwisisa asi ndoda kuziva Imbori nyaya yeyi. Ndakaona baba vachidhonza mhamha zvairwadza vachidonhera pasi "Baba muri kuitei?" Ndakabvunza. Paida naiyevo akaswedera patiri "Baba chiiko?" Baba Havana kutipindura vakadhonza mhamha vachivabuditsa panze. Takaedza kurwisa asi baba vaiva nesimba. Baba vakabuditsa mhamha panze vachivhara door mhamha vaingochema "Please Mushavi!!" Baba vakakiya door vachienda mu room mavo..takavatevera. takaedza kuvanyengerera asi zvakakona n'anga murapwa achida. Takabva tabuda tichinogara pasofa. Apa hapana munhu mukuru watingaudza kuti ataure nababa. Dai ngoni aripo ndiye ega anokwanisa baba. Nesuwo hapana zvatingakwanisa kuita baba vakiya door. After hour takanzwa panze pati zii I'm sure mhamha vaiva vaenda "Nhai Paida inyaya yeyi yavari kumborwira?" "Handizi neniwo ndatoshamisikawo ndichiona mhamha vachibuda nema bag" "Asi nyaya yavari kurwira inenge yakakura. Baba havaidzingira mhamha nyaya diki vanovada zvakanyanya" ndakadaro ndichitora foni ndichifonera mhamha ndichivabvunza kuti vari kupi. Vakati vari kumba kwavo. Shuu at least vari safe kwavari. Ndakazoita Paida asanyanya kufunga mhamha vasvika kumba. Week later Unoziva nyaya dzekwa Zvayi dzinonditemesa nemusoro ini asi handidi kunyanya kudzipindira. Nyaya ya Munya hanzi yawedzera mazuva nema reasons andisingazivi. Handitodi kuaziva ini ndiri kufarira ndichange ndakazvigarira kumba kwedu. Kozoti nyaya ya baba na mhamha iyi ndeimwevo ikunditemesa nemusoro. Baba Havadi kutaura nezvayo. Eyy zvinhu hazvina kumira mushe kumba. Ndakazvigarira hangu ndiri kuverenga pdf Hondo yema twins hakusi ku spaka kwariri kuita manje nyaya iri pa session two inenge isipo ndangonzwa vanhu vachingokimbira pasina anopihwa. Rega ndipedze SSN 1 ndichakorokoza SSN 1 kusvika ndaiwana. Now nguva dziri Kuma 9 asi hope hadziko Kani. Ndichiri kuverenga kudaro ndakanzwa munhu aigogodza pa window. Ndakavhunduka ndichiisa foni pasi. Ndakazonzwa nezwi kuti iri nderemupengo chaiye. Nguva dzino here amana Ndakavhura curtain achibva apinda nepa window. Aiva akabata bag hameno rineyi mukati "Tafadzwa uri kudei pano?" "Ndashaya nguva yekuuya masikati" "Washaya nguva uchimbodei kwandiri hanti wati uchandifonera kana takufanirwa kunotora vana" "Ndakuvigira izvi" "Chii ichocho?" Ndakabvunza ndichivhura bag. Ndakashamisika ari ma ma book angu ema modules. "Tafadzwa nei wandivigira izvi?" "Mabhuku Ako ekuverenga" "Tafadzwa uchandipinza munjodzi" "Saka wakuda kusiya chikoro nekuda kwe nyovi yaMunya?" "Asi unoziva ka kuti zvine hunjodzi mukati?" "This time tichaita nehungwaru hatibatwi. Saka iwe unoda kusiya chikoro nekuda kwezvinhu zvekupenga. Uchiri mudiki Anenyasha. Chii chinonzi Mambokadzi? Matuzv** ayo" "Wakundidherera Tafadzwa" "Asi ndikutaura chokwadi" "Zvino this time ndichaiwana kupi Mari nekuti Munya avharisa zvose?" "Siira ini zvose iwe chako kuverenga chete asi ukangofoira unonya chete" Ndakaseka ndakamutarisa "Thank you" "Handingaendi usina kumbondipindura rough taura tinzwe" "Nxaa unopenga. Wakunzwa sei manje" "Ndatova chibaba ini ndiri kutobva ku Harare" "Tafadzwa" "Hmmm" "Handizivi or ichokwadi asi ndokumbira usiyane nema drugs anouraya remangwana rako" "Ndiani ati ndiri kusvuta ma drugs?" "Hapana ndiri kungotaurawo hangu" "Usandityira handibati ma drugs ini" "Good Saka vana tinoenda rinhi kunovatora" "Manje tigodzoka mangwana makuseni " "Nei tichifanirwa kuenda husiku?" "Hanti unoziva here kuti wakagadiwa sei?" "Asi vanondijairira" "Haungazvi believe kuti mainini mama Ethan ndivo vakatuma munhu kuti atitore ma picture. Sezvo ndanga ndiri ku Harare ndizvo zvandanga ndafambira" "Haa nei vachidaro?" "Handizivi neniwo" "Kumba wavaudza here?" "Unofunga vangandi believer here ini. Zvinhu zvandofanirwa kuita ku confronter Mama Ethan handingarovegwi Ivo ini" "Mukadzi wa Munya vana vake vari kupi?" "Masvingo" "You mean tiri kuenda masvingo manje?" "We don't have choice asi kana usingadi kuenda ndichaenda ndega " "Handina kuti handisi kuenda asi ndofanirwa kuudza Paida" ndakadaro ndichienda mu room ma Paida ndakamuudza nyaya yose. Akabvuma kuti achandikavhira. Ndakadzokera mu room mangu ndichipfeka zvinhu zvinodziya tichinopinda mumota "Please usachaira kunge mupengo" "Yes madam " Tafadzwa akadaro achimutsa mota tichienda End of chapter