Chapter 3 Anenyasha Ndakasvika kumba ndifemereka. Moyo wairwadza nezvaiva zvaitika. Munzvimbo ino kana uchinge washarwa na Mambo kuti uchaita mukadzi wake and uchatoita mukadzi wake uchida usingadi hakuna kudzokera kumashure. Now i need munhu achandiudza kuti ndiri kurota hakuna zvinhu zviri kuitika. Ndakatora foni yangu ndichipinda pa facebook ndichinyorera lucky charmer message hey stranger ndakadaro ndichiisa ma emoji ekuchema. Akabva atopindura ipapom munhu wacho anoita sekuti anogara akamirira message yangu Ane uri kuchema? ndava kuzoroorwa what? Wait sorry nekubvunza mubvunzo uyu, wanga une mukomana here aewa ndasharwa na mambo mambo as a king yes mambo wedunhu redu asi ini handimudi handisati ndakuda zvekuroorwa ini demet saka family yako iyo yati kudii` zvinhu zvichangoitika manje handisati ndavaona hamenho kuto vachati kudii but im sure vachava ku side ramambo usabvuma kuroorwa nemunhu wausingadi vachandiroodza zvenharo handidi ini aewa zve hupenyu hwako uhu uvaudze kuti haudi hapana anofanirwa kukuudzira zvekuita nehupenyu hwako handizivi ndiite sei ndokumbira undibatsire you trust me? Ndakanyarara handizivi kuti ndomuvimba here munhu wandisingazivi ini parizvino ndiri ku America Ndakavhura maziso What yah ndiri kudzidza but im from Zimbabwe huh!! Relax i know you very well na mambo wauri kutaura nezvake ndinomuziva actually ndiwe ani iwe lets forget about that ngatigadzire nyaya yako no ndoda kuziva kuti ndiwe ani? unoda ndikubatsire or what What the fuck? Nei asingandiudzi kuti ndiani. Zvichakadaro ndakanzwa pa door pane munhu aigogodza "Vhura door iri iwe Anenyasha" vaiva mhamha ndakavhunduka ndichiisa foni pasi "Anenyasha ndinoziva kuti urimo mumba vhura door iri" Ndskasimuka ndichinovhura. Ndisati ndatombodii ndakanzwa negwati rembama rakandionesa nyeredzi masiksti masikati machena. "Chii chawaita kwa mambo iwe Anenyasha?!!" Mhamha vaipupuma nehasha ndakabata dama rangu ndichivatarisa handina kumbovapindura "Nei watinyadzisa pavanhu iwe mwana wa Chenge. Taura maan!!!!" "Sorry mhamha" "Unoziva here zita rekuti Mambo rinoreverei? Rawanyadzisa mberi kwevanhu. Unozviona sekunge uri chii iwe? Unofunga uri nani here kudarika vamwe vasikana!!?" "Aewa mhamha" "Unoziva zvinhu zvawaitw vanhu havashori iwe asi vanoshora ini na baba vako kuti hatina kukudzidzisa respect" "Ane newevo chiiko newe?" Sarah akadaro achipinda "Handimudi ini Munyaradzi" "Uri kudei manje?". " ndoda kudzidza ini" "Kudzidza kwematuz***i kubva nhasi uzive kuti watova mukadzi wemunhu kwete zvako zvekupenga zvauri kutaura" "Ko nei muchindimanikidza kurarama hupenyu hwandisingadi. Beside that Munyaradzi iharahwa iya" "Mhamha i think Ane ari kutaura chokwadi mwana mudiki uyu pamutoro wamunoda kumusengedza" Sarah akadaro "Pane amboti isa muono wako?" "Aewa " Sarah akadaro "Saka chinyarara" Ndakatora foni yangu ndichida kufonera baba asi mhamha vakairovera pamadziro ichibva yaita ma pieces "Mhamha!!" Ndakadaro misodzi yajenga kumeso. "Mhamha muri kuitei?" Sarah akabvunza "Mhamha foni iyi ine zvinhu zvekuchikoro" "Hakuna chikoro chauchaenda kubva nhasi unofanirwa kuzvigamuchira kuti watova mukadzi wemunhu. Pukuta misodzi tidzokere kwa mambo unopedzisa zvawatiza" "Handimudi ini Munyaradzi!!! Handifi ndakaroorwa naye ini!!" Ndakadaro nezwi rava pamsoro. Mhamha vakasimudza ruoko vachida kundirova "Mai sarah!!!!" Tose takatendeuka tichitarisa kwaibva izwi. Vaiva baba vaiva vakamira pa door. Ndakamhanya kwavari ndichinovahaga "Baba!!" Baba vakandigumbatira kwenguva yakareba "Mushavi hapana zvamunokwanisa kuita panyaya iyi" mhamha vakadaro "Ndokumbira kutaura nemwana wangu ega" "Asi mushav--" "Ndati nemwana wangu ega" .vakabva vabuda baba vakapinda vachivhara door vachiuya vachigara pasi "Baba ndokumbira musabvuma kuti ndiroorwe na Munyaradzi handimudi ini ndoda kudzidza" ndakadaro misodzi ichiyerera. Baba vakambonyarara kwenguva zvemunhu ari kufunga "Please baba ndokumbira musabvuma ndichiri mudiko ini for kuroorwa" "Mutemo wedunhu rino unouziva hanti" "Baba ndiri mwana wenyu ndimwi mega mune kodzero yekutora decision pandiri ndokumbira musabvuma please. Baba musandiudza kuti nemwiwo makuda kuti ndiroorwe?" "Aewa ndoda kuti udzidze urarame hupenyu hwaunoda" "Ndokumbira musabvuma baba please Mhukahuru" "Ndichaedza kutaura na Mambo asi handina zvandinokuvimbisa. yes uri mwana wangu asi apa ndiri helpless" "Sei baba? Sei? Ndkuti ndimwi mune powers pandiri saks munorevei Kana muchidaro? Saka baba munotodawo kuti ndiroorwe" "Aewa" "Saka chii baba?" "Hanti unouziva mutemo wepano ukarega kutevedzera mitemo yacho unodzingwa mudunhu" "Zvagara ndichaenda kunogara kwa sekuru mukoma wa mhamha" "Dza baba haudzingwi wega asi musha wese" "Tichaenda tose baba handingaroorwi nemunhu wandisingadi ini" "Haunganzwisisi mwanangu hazvisi nyore kubva panzvimbo yawakazvarirwa ukakurira ndozobva ndachembera kudai. Zvinorema kwandiri" "Saka muchandiregedza ndichoroodzwa na mambo?" Baba vakabva vanyarara "Manditi ndichiro mudiki asi manje munobvuma kuti mwana wenyu anoroodzwa nemunhu waasingadi. Munobvuma kuti mwana wenyu ararame hupenyu hwaasingadi kwehupenyu hwake hwese achigara neharahwa yemunhu" "Mwanangu sezvo mambo akushara kudai anokuvimba kuti ucham--" "Baba ndokumbira kuva ndega" "My princess" "Baba hamundibatsiri nechinhu. Zviri pachena kuti munozvibvumira. I wish kuti dai mai vangu vachiri vapenyu i know kuti havaibvuma ndichishungurudzwa kudai. Imwi hamuna basa neni. Hamuna basa neni baba!!!" "Princess usataura uchidaro unoziva kuti hachisi chokwadi " ndakazvikandira pamubhedha ndichizvivhara negumbezi Narrated Vanhu vakasara vachin'un'una nekuenda kwaiva kwaita Anenyasha. Mambo akazoudza vanhu kuti vaende kudzimba dzavo. Mambo vaipupuma nehasha. "Ndiri kuda Zhou pano!!!" Mambo vakadaro . machinda a mambo akabuda achinodana vazhou "Zvayi musavadana vaZhou ndichataura naye Anenyasha" Munyaradzi akadaro "Mutemo unouziva hanti?" "Ehe Zvayi" "Good" "Baba mwana ari kutaura chokwadi nyaya iyi ngaisaita hombe mamuonawo nemwiwo mwana kuti achiri mudiki pfungwa dzichiri diki" mai Munyaradzi vakadaro "Ndobvumirana na maiguru baba. Mwana avhunduka chete achava right. Anga asingatarisiri kuti ndizvo zvichaitika." Mamoyo vakadaro "Hanti vanhu vanofanirwa kudzidziza vana mutemo wemudunhu. Unokaona kamwana kaya kanodherera chete haangaiti mambokadzi uya plus hakangabvumi kaya siyayi kumanikidza zvinhu mhani imwi" mama Ethan vakadaro "Mainini please " Munyaradzi akadaro "Ndokumbira kuva ndega" Mambo vakadaro vanhu vose vakabuda Mambo vaipupuma nehasha havasati vambodhererwa zvakadaro -------------------------- Minutes later Vazhou vakasvika vakaendeswa kumuzinda vakagara pachituro chavaiva vapihwa "Zhou chii chaitika nhasi" "Ruregerero Mambo wangu ndanga ndisingazivi neniwo kuti ndozvichaitika" "Ko wakadii kumudzidzisa mwana wako mutemo wechivanhu. Zvaanodherera kudai mwana wako" ."ruregerero. Mambo wangu. Mwana wangu ane respect chete achiri mudiki uye anga asingafungidi kuti pangaitika zvinhu zvakadaro. Mwana wangu achiri kuchikoro haasati ava ready pazvinhu zvose izvi " "Ini vakadzi vangu ndakavaroora vane makore mangani" "Hazvifanani mambo wangu Paya vanhu vairarama hupengu hwechinyakare manje vana vamanje vari kurarama hupenyu hwechimanje manje" "Hanti ndimwi munovabvumira kuti vararame hupenyu hwechimanje manje. Mushavi uri murume anozivikanwa mudunhu rino kuti une hunhu. Ndanga ndatofara kuti mwana wangu ashara chaipo pandino ndichifunga kuti vana vako wakavadzidzisa zvakanaka" "Anenyasha achiri mudiki for kuroorwa uye achiri kuda kupedza zvidzidzo zvake" "Zvidzidzo zvei izvozvo. Kune chikoro chekuremekedza here? Kune chikoro chekubika here. . hanti unoziva kuti musikana anofanirwa kumutsa musha kwete zvauri kundiuza" "Uchandiregerera Mambo wangu handingakwanisi kuroodza mwana wangu achiri mudiki haasati ava ready pa kuroorwa" "Haa!!! Ndofunga uchiri kurangarira kuti chii chakaitika gore riya? Unoda here kuti zvipamhe?" Zhou vakavhura maziso vachivhunduka. "Mutemo unouziva handisi kukumanikidza enda kumba kwako unogadzirira nekuti kuswera mangwana tiri kuuya kuzo roora" "Mambo wangu" Zhou vakadaro vachibuda vachienda **** Vazhou vakabuda havana kuenda kumba vakafamba vachienda kwavasingazivi zuva rakasvika pakuvira vasina kusvika kumba. Vaida kufurwa nemhepo. Asi hapana mhepo inovafura nekuti nhamo dzavo dzakavamirira. Misodzi yakayerera pavakafunga zvinhu zvavaiva vafungidzwa na Mambo ukuvo mwana wavo vanoda kuti awane runyararo ------------------- Anenyasha aiva akarara pamubhedha akatarisa pic ya mai vake. *mhamha nei makakurumidza kundisiya panyika? Nei musina kuenda neni.. Dai muri pano ndinoziva kuti hamaibvuma ndichiroodzwa nemunhu wandisingadi ndimwi chete muno understand ma feelings angu" "Neni ndinoa understand" Anenyasha akatarisa ku door akaona Anengoni. Akamumhanyira achimuhaga "Ngoni handizvidi zvose izvi ini. Handidi kuroirwa" "Neniwo handidi uye handifi ndakazvibvumira" "Baba vanoda kuti ndiroorwe" "Rongedza zvinhu zvako zvese tiri kuenda" "Tiri kuenda kupi Ngoni" "Im not sure but we going" " asi baba vach-- "Nyasha usaita hanya nevanhu vasina hanya newe trust me i will take care of you" Anenyasha akarongedza mbatya dzake nekukurumidza. Ngoni aimubatsira pa side "Foni yangu iri kuna mhamha" "Relax tichaiwana iwe imwe mberi" Ngoni akadaro achitora foni yake achifona "Mitchy wasvika?" "Yes ndiri ku centre manje" "Okay nesuwo takubuda manje" Ngoni akadaro Anenyasha Tapedza kurongedza ndakatarisa Ngoni "Tichabuda sei?" "Tichabuda nepa window" Ngoni akadaro achindisimudza ndichibuda achindipa bag naiyevo achibva abuda pandakasimudza musoro ndakavhunduka ndichiona munhu aiva akamira kumashure kwedu. Ngoni akandibata ruoko. "Munofunga kuti muri kuenda kupi?" Mhamha vakabvunza "Ibvai mberi kwedu toda kuenda" Ngoni akadaro. Zvichakadaro Sarah akabudikira "Hezvo chii chiri kuitika pano?" Sarah akadaro "Ibvai mhani imwi mberi kwedu tiende" Ngoni. Akadaro "Mukabva pano muchanogara kupi?" Mhamha vakadaro "Last time i checked mai vedu vanotizvarwa vane musha" Ngoni akadaro "Dzokerai mumba manje"mhanha vakadaro. " hande Ngoni" ndakadaro tichida kuenda. Tisati tambodii mota yababa yakasvika. Pavakationa vakabuda mumota vachimhanya vachiuya kwatiri "Hezvo Ngoni!! Nyasha!! Muri kuenda kupi?" "Tiri kuenda kumusha kwamhamha. Handingabvumi kuti Nyasha aroorwe nemunhu waasingasi achifadza imwi. . ko nei musingaroodzi Paida? Nekuti iye mai vake vapenyu vachamumirira" "Ngoni unotaura sei uchidaro?" Baba vakabvunza "Mushavi uri kuzvionera wega kuti vana vako vanondidherera. Paida anogoroodzwa sei ko mambo ashara paida here or ashara Nyasha" mhamha vakadaro "Hande ngoni" Ndakadaro "Hakuna kwamuri kuenda pindai mumba titaure nezvenyaya iyi" "Ini handipindi mumba as long Nyasha achizoroorwa na Munyaradzi" "Ndati pindai mumba titaure nezvenyaya iyi" "Ngatipinde nyasha asi vakaramba vachitaura nyaya iyi tichaenda" Ngoni akadaro tichipinda mumba tichigara pasi *saka baba mucharega kutevedzera mitemo yedunhu nekuda kwevana ava" Sarah akabvunza "Please pfungwa dzangu dzakadhanganyika ndokumbira musawedzera zvandiri kunzwa manje " Sarah ari kutaura chokwadi Mushavi hanti munoziva kuti chii chichaitika kana muchato uyu ukasaitwa?" Mhamha vakadaro. Baba vakanditarisa "Chirega kuchema dzababa" baba vakadaro vachindipukuta misodzi "Muchato uyu hauitwi handiubvumi ini" ."what? " mhamha vakadaro "Shuwa here baba" ndakabvunza ndichinyenwerera "Ndinokuvimbisa mwanangu chienda mu room mako unoverenga" "Fonj yangu yafa baba" "Waiuraya sei?" "Mhamha vairoverra pamadziro" "Haa!!! Ichokwadi here ichi mai Sarah?" "Foni ndiyo inomuita kuti asateerera" mhamha vakadaro "Dzababa chienda mukamuri mako usapamhazve kuda kundisiya nhaika?" Ndakabvuma ndichibva ndasimuka na Ngoni tichienda mu room mangu "Thank you brother" "Hey usanditenda ibasa rangu iri" "I love you brother " i love you more " ngoni akadaro tichihagana NARRATED Zhou aiva mumba nemukadzi wake vachitukana nenyaya yefoni ya Anenyasha "Nei wauraya foni yemwana " "Ruregerero mushavi asi foni ndiyo inom--" "Mwana anodzidza foni ndiyo yaanonyanya kushandisa pazvidzidzo zvake" "Haachaendi kuchikoro uyo hanti akunoroorwa kwa Mambo" "Wangu mwana achiri mudiki haaroorwi" "Baba hanti munoziva kuti chii chichaitika kana akasaroorwa nyasha" "Ndichazvigadzirisa" "Hazvigadzirisiki izvi kunze kwekuti anoroorwa baba" "Ndati ndichaigadzirisa now ndakuda kurara" zhou vakadaro vachifuratira vachirara Mai Sarah vaiva vongobwaira vasingazivi kuti vaite makuseni Zhou vakamukira kwa mambo vakapinzwa mumba "Ndinovimba kuti wandivigira mhinduro chaiyo" Mambo vakadaro "Ehoyi mambo wangu" "Saka togadzirira kunoroora mwana wako" "Aewa" Mambo vakavhura maziso "Hanti unoziva kuti chii chichaitika kana waramba kuroodza mwana wako" "Ndokumbira kuti mhuri yangu musaidzinga" "Ndakateerera" "Better mundiuraye henyu mosiyana nemhuri yangu" "Saka unoona zviri nani kuti uurawe pane kuti uroodze mwana wako" "Pamhuri yangu ndoita Chero chii"" "Ohk ndiwe wazvisharira hanti unoziva kuti zvichaitika rinhi?" "Mangwana" "Yah unouziva mutemo enda hako" Zhou vakasimuka vachienda. Chinhu chavaiva vakuda kuti vave ne mhuri yavo kekupedzisira Anenyasha Ndakamuka makuseni ndichigadzirira baba breakfast. Ndapedza ndakaenda mu room mavo asi ndakawana vasipo. "Mhamha mamuka sei?" Mhamha havana kupindura "Baba vari kupi?" "Handizivi" Ndakabva ndabuda nechikafu ndiri pa door ndakasanga na baba "Hee wabikira ini chikafu" baba vakadaro vachinyemwerera "Ehe baba" ndakadaro tichinogara pasi vachidya. ndakavatarisa baba vaiva vasiri right. Nyaya yangu iyi iri kuvakudza zvakanyanya . asi hapana zvandinokwanisa kuita. Munyaradzi handimudi ini "Baba im sorry nezvandaita i know kuti ndini honzeri yekuti muite stress" "Heyy usatya nana baba havana stress" "I wish dai mambo vasina kundishara dai tisipo apa" "Usatya gotwe wangu ndiri kubva kwa Mambo ndataura naye zvinhu zviri mugwara ndagadzirisa zvinhu zvose" "Shuwa here baba" ndakabvunza ndichinyemwerera baba vakabvuma vachinyemwerera asi ndaiona kuti vaiva vasiri right. "Dzababa" "Baba" "Ndokumbira kuti ukure zvakanaka mwanangu zvinhu zvandaita ndaitira iwe uremekedze vanhy vakuru" "Haa baba hapana wandinodherera ini inga wani ndine respect" "Ndinoziva mwanangu ndiri kungotaurawo hangu" "Musatya baba handifi ndakaku dhisapointayi" "Baba vakanyemwerera tichibva taenda kwaiva nevamwe. " nhasi ndoda kuswera nemhuri yangu zuva rose" baba vakadaro "Haa baba kwakanaka here?" "Imhosva here kana ndichida kuswera nemhuri yangu"" "Ini hangu handioni zviri wrong zvataurwa na baba" Paida akadaro "Aewa hatina kuti zviri wrong asi baba havasati vambotaura kudai" mhamha vakadaro "Baba mkoma kurai vanouya rinhi kubasa kwavo" Sarah akabvunza "Uh ndofunga svondo rinouya" baba vakadaro takazotaura nyaya dzakasiyana. Uhm i miss kupinda pa facebook Ndakabva ndaenda mu room mangu ndichivhura laptop yangu sezvo foni yaurawa na mhamha. I knew it kuti stranger asenda message takatanga ku chat(a) ndichimuudza kuti baba vaiva vataura na mambo handicharoorwi. Haana kuzvinzwisisa akamboda kubvubza tumibvunzo tusinganzwisisiki hanzi hee mambo wandinoziva ongobvuma just like that. Ndakamuti zvava zvako izvo ndichibva ndavhara laptop yangu -------------- ndakamuka makusen mhamha vachimbeya mu kitchen vakabata musoeo. "Mhamha chii?" Ndakabvunza "Baba vako havana kukuudza kuti vachaenda kupi?" "Aewa nei musingavafoneri?" "Unofunga kuti handina kuzviita here" "Vanouya baba nei muri worried kudai?" "Baba vako havana kumbobvira vakaenda vasingatauri. Uye foni yavo vaisiya ndizvo zvinoita kuti ndiite worried" "Ahh maybe van-- " iwe unofanirwa kuziva kwavari nekuti ndiwe wakuteererwa pamusha pano" Mhamha vakadaro. Zvichakadaro ngoni akapinda "Nei zvinhu zvinoitika pamusha pano Nyasha achipihwa mhosva?" Ngoni akadaro mhamha vasati vapindura foni yavo yakarira. Vakaidaira vachiisa munzeve. Munhu wese aiva atarisa kwavari "Noooo!!!!!" Mhamha vakadaro foni ichidonhera pasi vachichema "Chii mhamha?" Sara akabvunza "Mushavi!!!" Mhanga vakadaro vachichema "Vaitei baba? Baba vaitei?" Ndakubvunza misodzi yajenga hamenho misodzi yaiva yava yeyi. Zvichakadaro ndakanzwa negwati rembama ichibva kuna mhamha "Wafara ka nekuti watorera vamwe vana baba vavo" mhamha vakadaro vachindipamha imwe mpama "Mhamha munoevei?* Paida akabvunza " noooo!!! Not my fathet!!!" Ndakadaro ndichichema asi handizivi kuti chii chaitika end of chapter