Chapter 41 semifinal Anenyasha Yoooh I don't believe this nei Munyaradzi aita zvinhu zvakadai? saka azofunga kuti auraye hake Mpume. Ndakatarisa munhu wese mumba aichema handizivi kuti ndiite sei I'm traumatized, ndiri kufunga mai vaMpume chii chichaitika pavari?. Rugotwe rwavo rwakauraiwa nemurume hero dangwe ravo rauraiwa nemurume zve. "Munyaradzi wanga usingafanirwe kudaro" bamukuru vakadaro Ndakaona Tafadzwa achienda kuna Munyaradzi zvibhakera zvichinaya pana Munyaradzi "Unopenga here!!! Munyaradzi ungaita zvinhu zvakadaro sei pana Mpume!!!! unoti vana vake vaite sei?!!!" Taffy akadaro nehasha Munyaradzi aiva akangoti tuzu haana kumbopindura. Munhu wose mumba aichema ini ndaiva busy kufonera mapurisa, Munyaradzi anofanirwa kusungwa nezvinhu zvaaita. Hakuna zvekuti nyaya iyi ichataurwa nafamily no Mpume vakamutora vachimuendesa musitting room vachimuvhara negumbezi "Munyaradzi waurairei mwana wevanhu?" Mamoyo vakabvunza vachichema "Obert uri kuona mwana wako kuti aitei?" bamukuru vakadaro "Munyaradzi chiiko newe? nei waita zvinhu zvakadai?" Mai Munya vakabvunza "Nekuda kwako iwe Zvayi zvinhu zvose zviri kuitwa naMunyaradzi zvinhu zvose zvaanoita zviri right kwauri. Hona manje chii chaitika ndinofanirwa kufonera mapurisa anofira mujeri uyu!!!!!" Tafadzwa akadaro nehasha "No need ndamafonera kare" ndakadaro Takagara tamirira mapurisa Maidei akafonera mai vaMpume hameno kuti chii chichaitika namai vaya. Hours later mai vaMpume vakasvika "Ko chiiko chaitika?" mai Mpume vakabvunza maziso avo achitarisa nzvimbo yose I'm sure vari kutsvaga mwana wavo "Ari kupi Mpume, vari kupi vazukuru vangu?" mai Mpume vakabvunza vachitarisa imba yose Vakaona munhu aiva akarara akavharwa negumbezi vakaenda ikoko vachibvunda muviri wese "Ari kupi mwana wangu?" mai Mpume vakadaro vakatarisa mai Munya Mai Munya vakatanga kuchema vaiva vasisazivi kuti vaite sei. Mai Mpume vakasvika paiva pakafukidzwa Mpume ne gumbezi vakavhunduka zvakanyanya vachitarisa munhu wese aiva mumba "Mpu-- me-- lelo" mai Mpume vakandandama misodzi ichiyerera kwavari "Chii chaitika panaMpume?" mai Mpume vakabvunza vachigara pasi pedo naMpume vachichema vachiedza kumumutsa Asi aenda Mpume haachamuke. Pavakamubata musori vakaona ropa vakabva vasimuka vachiti tarisa tose "Ndinoda kuziva kuti chii chaitika pamwana wangu" mai Mpume vakadaro vachitarisa Munya vachiswedera paari "Waitei mwana wangu Munyaradzi?" mai Mpume vakabvunza Tafadzwa akaenda kwavari akavaudza nyaya yose. Vakatanga kuchema vachirova Munyaradzi nemambama "Nei!!! nei!!! wasarudza kuuraya mwana wangu? anga akuitei kusvika pakumuuraya!!!!?" mai Mpume vakabvunza Munyaradzi akaramba akanyarara aiva akangoti tuzu chete asingazivi kuti zuva riri kubuda kana kuti riri kunyura here "Why!!! why!!Munyaradzi nei mwana wangu?" mai Mpume vakabvunza vachichema Takaedza kuvanyaradza asi vaiva vasinga nyaradzike vaingoedza kumutsa Mpume asi haachamuke. Vakaenda kuna mai Munya "Nei warega mwana wako achiuraya mwana wangu? nei usina kumutsiura?" mai Mpume vakabvunza "I'm sorry" mai Munyaradzi vakadaro Mapurisa akasvika pamwe chete nemota yezvitunha vakatora Mpume mapurisa akatora Munyaradzi. Mai Munya naMamoyo vakaedza kuenda namai Mpume kumortuary asi mai Mpume vakaramba "Ndichaenda ndega nemwana wangu" mai Mpume vakadaro vachienda Vanhu vose vakagara pasi "Nei Munyaradzi aita zvinhu zvakadai?" mai Munya vakabvunza "Manga muchiziva nezvenyaya iyi asi hapana zvamakaita. Maiziva kuti Munyaradzi anoshungurudza maiguru Mpume asi hapana zvamakaita makangotaura naye chete. Dai ndanga ndiri ini ndaita zvose izvi aaah ndanga ndichauraiwa chaiko, ndikwire manga muchatoudza mapurisa kuti ndigare nguva yakadii mujeri. Ini ndairohwa chero small mistake hayo, auraya mwana wevanhu farai vana vaMpume vachasara vave nherera. Jay haafi akafara zve nhasi izuva rake anga achifarira kuzvarwa kwake asi mufaro wake wachinja kuita misodzi. Popo zvinhu zvaaona zvichagara zviri mupfungwa dzake" Tafadzwa akadaro achichema achibuda achienda muroom make Ndakamutevera nekukurumidza akasvika achigara pamubhedha achichema "Taffy chirega kuchema" ndakadaro neniwo ndichichema "Amuuraya Ane nei amuuraya" Ndakamuhaga ndichichema "Mhamha nababa vanga vachiziva nezvenyaya iyi asi hapana action yavakatora nekuti zvaiitwa ne mwana wavo wavonodisisa. Wavaona mai Mpume kuti vanga varisei kava kechipiri vachirasikirwa nemwana wavo nenzira yakafanana" "Ndinoziva kuti zvinorema but please be strong for vana vake" Zvichakadaro Jay naPopo vakapinda vachimhanya "Baba mota iyo iri kuenda kupi namhamha?" Jay akabvunza "It's fine my boy everything will be fine" Taffy akadaro "Mhamha vari kuenda kupi hanty vachava right vachadzoka kwatiri?" Popo akabvunza Ndakapererwa kuti ndoti kudii ndakatanga kuchema vana ava vachiri vadiki vachakura vasina mai vavo. Zvinhu zvose zviri kuitika pano zvakatanga kundifungidza mai vangu. Ndakatanga kufunga kuti neniwo ndakakura ndisina mhamha mai vangu vanondibereka asi zvangu zvaiva nani nekuti baba vaivapo asi ivo vangosara vasina munhu. Vana vakatanga kuchema vakura vana ava vari kuona zvinhu zviri kuitika "Baba vauraya mai vangu" Jay akadaro Tafadzwa akamuhaga. "Chirega kuchema Jay" Taffy akadaro achichema Neniwo ndakaswedera pavari ndichivahaga handizivi kuti chii chandinofanirwa kuita kana zvadai TAFADZWA Ndaiva ndakagara pamubhedha ndakahaga Jay aingochema handizivi kuti ndomuita sei "Chirega kuchema Jay mhamha pavari havazofari vachikuona uchichema" "Nei baba vauraya mhamha? chii chavanga vanyanya kutadza?" Jay akabvunza "Jay chirega kuchema Munya achawana mubairo wake pazvinhu zvose zvaaita" "Asi izvo hazvifi zvakadzosa mhamha nei musina kuvauraya baba" Takavhunduka naAne "Tinokumbira usataura uchidaro mwanangu ndinokumbira usanyanya kufunga. Unofanirwa kupedzisa zuva rako uri right" "Munyaradzi achauraiwa neni. Handizorori asina kufa" Jay akadaro ",Please Champion" Apo kwaingova kutaura neniwo ndaiva ndisiri right ndaiedza kumusimbisa ndakamupa mapiritsi ekuti arare kuti asanyanya kufunga kuitira kuti musoro wake upore achema zvakanyanya. Paakarara ndakamurarisa pamubhedha ndichibva ndaenda kuna Ane aiva akagara pasofa ndichimuhaga. Unoziva ndizvo zvinhu zvichaita kuti ndisagara pamusha pano nemukadzi wangu panogara pane madrama chete. Munhu uyu ane pamuviri haafanirwi kuita stress "Zvichadarika babe then todzokera kuHarare" ndakadaro "Dai tisina kuuya kuno dai zvose izvi zvisina kuitika" Ane akadaro achichema "Nei uchidaro?" "Zvinhu zvose zvaitika ndini honzeri Munya ane anger nerudo rwedu zvino anga achipedzera anger yake pana Mpume. I'm responsible for everything" "No no no hakuna zvakadaro Ane ndokumbira usambofunga zvakadaro. Munya ari kurwara nepfungwa ispoiled brat kuna mhamha nababa vakamuregerera ndiko saka akadai. Ndinokumbira usapamha kutaura zvinhu zvakadaro please babe chirega kuchema" ndakadaro ndichimuhaga Takaenda kwaiva nemunhu wese nazvino vaiva vakagara you can see kuti haavazivi kuti vatangire papi "Varisei vana?" Mhamha vakabvunza "Parizvino varara" ndakadaro "Saka tichaita sei?" Baba vakabvunza "Tinofanirwa kugadzirira kumuviga muroora" baba vaMunya vakadaro "Handifungi kuti anga vigwa pamusha pano ini. Wavaona mai vake zvavanga vari havadi chinhu chinovasanganisa nepamusha pano" baba vakadaro "Chii chakaita kuti Munya musamuendesa kujeri pamakatanga kuziva kuti aishungurudza Mpume?" ndakabvunza Hapana akapindura "Ndiri kubvunza nei akangoregwa just like that ini ndaiuraiwa ndosiiwa ndakadaro zvonzi kusaita munhu anondibatsira" ndakadaro "Taffy please" Ane akadaro "Ndiri kubvunza nekuti dai ndiri ini ndakatodanirwa mapurisa ne2 seconds. Auraya mwana wevanhu manje hapana ambofunga kufonera vanhu vari responsible ifamily yepamusha pano munhu wese akanyarara paakanzwa kuti Munya ari kushingurudza Mpume ari responsible. Makarega Munya achiita madiro pamwana wevanhu" ndakadaro "Takataura naye Munyaradzi" baba Munya vakadaro "Kutaura naMunyaradzi kwakamuita kuti achinje hunhu hwake here? Come on Zvayi problem yenyu mumofunga kuti Munya zvinhu zvose zvaanoita zviri right" ndakadaro "Ndinoziva kuti taiva tisingafanirwi kumusiya asi wave kuti dherera Tafadzwa" mhamha vakadaro Tichiri kutaura Popo akabudikira achichema Ane akamhanya achienda kwaari "Chii my baby?" Ane akabvunza "Ndinoda kuenda ini" Popo akadaro "Kupi muzukuru wangu?" Mhamha vakabvunza "Ndinoda kuenda kwambuya vangu mai Mpume ini handichadi kugara pamusha pano" Popo akadaro achichema "Look mwanangu" ndakadaro "Handidi kugara pamusha pano ndinoda kuenda handidzoki zve pamusha pano mauraya mai vangu" Popo akadaro Ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso kwangu ndakagwadama mberi kwake "Nhanha look............" Handina kupedza kutaura "Ndinoda kuenda kwambuya vangu bamunini Taffy" Popo akadaro "Fine ndichakuendesa mangwana" ndakadaro "Ayewa ndinoda kuenda manje" Popo akadaro Zvichakadaro Jay akabudikira akabata bag rake ndakamhanya ndichienda kwaari "Champion" ndakadaro "Ndiri kuenda kwambuya" Jay akadaro "Hamungaendi just like that ndokumbira munditeerere ndinokudai ndichaku chengetedzai ndichaenda nemwi kuHarare ndinokumbira musaenda please" ndakadaro "Ndinoda kuenda handidi kudzoka zve pamusha pano. Nei makauya kuzotitora namhamha nekuti taiva takazvigarira zvedu zvakanaka hapana munhu aitishungurudza taiva tisngavadi baba pedo nesu" Jay akadaro "I'm sorry Champion but......." Handina kupedza kutaura "Ndinokumbira mufonere mbuya vauye kuzotitora" Jay akadaro Ndakatarisa Ane akabvuma nemusoro "Husiku manje ndichakuendesai mangwana" ndakadaro "Tinoda kuenda manje" Jay akadaro "Ane ndokumbira urongedze mbatya dzaPopo" ndakadaro Ane akaenda kunodzirongedza ini ndakagara pasofa misodzi yaiva yakazara mumaziso angu. Ndakatarisa Jay aiva asingadi chero kunditarisa. Ane akauya nembatya dzaPopo sezvo tiri kuvaendesa kumba kwamai vake asi moyo wangu uri kurwadza zvakanyanya but hapana zvandingaite nekuti vatii havachadi zvekugara pano Ethan nana baba takaenda kumba kwa mai Mpume, vana baba vaida kunotaura nezvekuvigwa kwaMpume. After some hours tasvika vana vakamhanyira kuna mbuya vavo moyo wangu wakanyura mumafuta chaimo vakakumbira umwe musikana kutu atore vana vachibva vasimuka vachiuya kwatiri "Muri kudei pano?" mai Mpume vakabvunza "Tinokumbira ruregerero nezvinhu zvaitika" baba vakadaro "Ndakunzwai chiendai" mai Mpume vakadaro "Tiri kunzwisisa marwadzo enyu nesuwo tiri kurwadziwa Mpume anga achifanana nemwana wedu" baba vakadaro "Ndinokumbira mundibatsire nechinhu one, budai pamusha pangu musadzoka ndichamuviga ndega mwana wangu. Uye handidi kana umwe zvake wekwaZvayi parufu rwemwana wangu kana muchimuremekedza zveshuwa Mpume musauya pano" Mai Mpume vakadaro "Mhamha ndino.........." Handina kupedza kutaura "Ndinofunga kuti tapedza hapana chinhu chichandisanganisa nevekwaZvayi" mai Mpume vakadaro Vanhu vakabuda ini ndakaswedera pavana ndichivahaga "Musare mushe musakanganwa kuti bamunini Taffy vanokudai zvakanyanya" ndakadaro tichihagana ndichibva ndaenda Yoooh hupenyu hwakaoma Mpume aenda zveshuwa ndinoziva kuti mbuya vavo vanofanirwa kugara navo sezvo pasisina umwe munhu kunze kwavo asi Inu chishuviro changu ndanga ndichida kugara navo. Patakasvika kumba ndakaenda muroom mangu ndakawana Ane atondiisira mvura yekugeza. Ndakageza ndapedza ndakakwira pabed "Mafamba sei?" "Tafamba mushe asi mai Mpume varamba kuti tiuye kurufu rwaMpume" "Yaaah ndinovanzwisisa nei vasingadi" "Neniwo ndinonzwisisa asi vana vanotida Ane" "Yes chero zvakadaro tinofanirwa kuremekedza chikumbiro chavo" "Yaaah zvakaoma zvinorwadza zvaitika" "Neniwo handisi kubeliever kuti zvaitika zveshuwa" "Zvinhu zvaonekwa na Popo, I think anofanirwa kuwana counseling zvinhu zvaaona zvihombe" "Yaaah anofanirwa kuwana counseling" "Yoooh Munya ane hutsinye azosvika pakuuraya Mpume unoziva ndiri kunzwa kunge ndiri kurota" "Zvaitika Taffy hapana zvatingaita tinofanirwa kugamuchira tichengete vana vaMpume" "Havadi chinhu chinobatanidza mutupo wekwaZvayi" "Vachiri confused moyo wavo uchiri kurwadza vachava right vape nguva. Unoziva rimwe zuva Mpume akandikumbira kuti ndisare ndichimutarisira vana vake asi handina kuzvitora serious I thought aitamba" "Ndinoda kuzorora manje" ndakadaro ndichiedza kurara asi hope dzakaramba kuuya Moyo wangu waiva kuvana ndaingofunga kuti varisei kwavari vari kunzwa sei nezvaitika chii chiri kuitika kwavari. Mai Mpume Ko ini ndakatadzei panyika ino? nei vana vangu vachienda nenzira yakafanana? nei vachindisiya nenzira yakada?. Chero ndichinzi ndakatadzei asi izvi handizvi deserve, first it was Bridget manje ndiMpume. Shuwa mhosva yangu ndeyeiko panyika ino? kuti handina kumbova mai vechokwadi here pavana vangu? Misodzi yakatanga kuyerera pandakarangarira kuti handisisina mwana manje vana vangu vose vandisiya. Vanhu vandangosarirwa navo vana vaMpume "Sisi chiregai kuchema" Netsai akadaro munin'ina wamai Mpume "Nei zvose izvi zvichiitika pavana vangu, ko ini ndakatadzei nhai Netsai?" ndakadaro ndichichema "Ndinoziva kuti zvinorema sisi asi satan uyu hanty ari kujeri" "Asi izvo hazvinga dzose mwana wangu aenda Mpume haachadzoki" "Handifungi kuti Mpume anga fara kukuona wakadai pamwe chete nevana vake vanoda iwe pari zvino" Ndakavhunduka. Ndanga ndatokanganwa nezvavo,vakativigira breakfast asi hapana chinhu chingapinda mumuromo mangu "Sisi munofanirwa kudya" "Handidi chikafu ini" "Idyai sisi muwane simba" "Ndichadya later" Zvichadari Jay akapinda achiuya achigara pedo neni "Mbuya idyai nezuro hamuna kudya maipisa tsitsi" Jay akadaro Ndakanyemwerera ndichimutarisa nemaziso aiva akazara misodzi. Akatora chikafu changu achitanga kundidyisa "Ndinotenda muzukuru wangu" "Mbuya ndokumbira kuti bamunini Taffy namainini Ane vauye kunhamo kwamhamha" "Handivadi vanhu vekwaZvayi pano Jay" "Neniwo handivadi asi ivo havafanani nevanhu vekwaZvayi vari sweet" "Sisi musamurambidza mwana please" Netsai akadaro "Okay no problem kana wadaro" ndakadaro Jay akanyemwerera. "Ndinotenda zvakanyanya mbuya" Jay akadaro achindihaga ndichibva ndamukisa pahuma "Wadya here naPopo?" Ndakabvunza "Tadya mbuya" TAFADZWA 2 weeks later Nhasi kuri kuvigwa Mpume saka ini naAne tiri kuenda sezvo Jay anga achida kuti tiveko anga achingondifonera achindifungidza kuti tinofanirwa kuuya "Mufambe zvakanaka" mhamha vakadaro nemisodzi "Ndanga ndichida kuenda asi ndinoziva kuti ndakenda pachaita noise" mhamha vakadaro "Its fine mhamha tichange tiripo tichakuudzai zvose mhamha" Ane akadaro "Zvakaoma mufambe zvakanaka vanangu" mhamha vakadaro Takabvuma tichienda kumota "Uchava right here?" Ndakabvunza "Yes babe don't worry I will be fine" Ndakamutsa mota tichienda takasvika Jay angori achifona achibvunza kuti tave kupi. Pavakationa vakatimhanyira vachitihaga "Bamunini" Jay akadaro "Urisei mwanangu" ndakadaro "Tiri right" Jay akadaro Popo akauya achindihaga "Zvinhu zviri kufamba sei pano?" ndakabvunza "Zvakanaka tiri kufara kuti mauya" Popo akadaro tichivahaga zve Nguva dzakafamba vakagadzirira kunoviga Mpume moyo wangu wakarwadza pandakaona coffin raMpume richibuda panze. Takaenda kunoviga Mpume ini ndaiva busy kunyararidza Jay, Ane ainyararidza Popo nekuti vairidza mhere Zvinhu zviri kuitika apa zvinorwadza nambuya vavo vari kuchema I can imagine marwadzo avari kunzwa parizvino. nevana ukowo varikuchema. Izvo ndizvo zvino ndinondirwadza zvakanyanya "Champion chirega kuchema" "Mhamha handichavaoni futi" Jay akadaro achichema Ndakamubata ndichimuhaga sezvo airidza mhere achiona coffin ramai vake richipinda mugomba. Ukowo Popo naiyevo aichema vana ava vachiri vadiki kuona zvinhu zvakadi. Takaramba tichivanyaradza Mpume akavigwa tichibva tadzokera kumashure kumba kwana Mpume "Ndinokumbira mupinde muimba iyo" Netsai akadaro "Tinotenda mainini asi hatichagari tinofanirwa kudzokera kumashure nekuti ini ndinofanirwa kuenda kubasa" ndakadaro Hapana chinhu chandinovenga sekudya kunhamo saka vakazotipa juice ndakanyara kuramba. Tapedza kumwa takaoneka vanhu "Musare mushe ndokumbira musarega kundifonera kana pane zvamunoda" ndakadaro "Okay bamunini" Jay akadaro tichivahaga "Mufambe mushe" Popo akadaro Ndakavahaga Ane naiyevo akavahaga tichibva taenda kumota. Nguva yose iyi ndaiva ndakabata misodzi yangu kuti isabuda, pandakangopinda mumota misodzi yakatanga kuyerera Ane akandinyaradza "Ndinoda kugara navo handisinunguki kana vachigara kure neni ini ndiripo" "Vachagara newe ndinokuvimbisa ndokumbira uvape nguva" Ane akadaro achindihaga End of chapter