Chapter 28 Tafadzwa Ndaiva ndakagara pacell ndichingofunga nezva Ane chete ndinoziva achandibuditsa muno chete chero zvadii. Nezuro ndamboita impressed paanga asingaratidzi kutya paaudza family yangu nezvangu naye. Nzira yaaita nayo yaita kuti ndione kuti anondida zvechokwadi ndaingo nyemwerera ndisingapedzi. Ndoda kumbo laxer ndione Ane achamira mira here Pandakasimudza musoro ndakaona Anenyasha, Ethan naMpume "Ane" ndakadaro ndichisimuka ndichiswedera pavari "Babe" Ane akadaro Sayijeni vakauya akavhura cell, Ane akamhanyira kwandiri achindihaga "Babe" Ane akadaro achichema "Ndave right manje chirega kuchema" ndakadaro ndichimupukuta misodzi "Are you fine?" Ane akabvunza "Yaaa ndiri right" Mpume akaswedera pandiri "I'm sorry Taffy ndanga ndisinga fanirwi kuti ndibelieve kuti ndiwe waita zvose izvi pana Bridget ndanga ndichifanirwa kubeliever iwe" Mpume akadaro "Okay maiguru mamuwana here munhu aita izvi?" ndakabvunza Ane akandiudza nyaya yose ndakashamisika neniwo kuti ndaive ndave kutopfekedzwa bhachi risiri rangu kaa apa. "Don't worry maiguru zvinhu zvose zvichaita" ndakadaro Mpume akatanga kuchema. "Dai Bridget akandiudza nyaya yose iyi tanga tichaigadzira pamwe dai ari mupenyu" Mpume akadaro Ndakamuhaga sezvo aiva ave kuchema "Mpume be strong for Bridget mai vako vachaita sei kana iwe wava weak kudai" Ane akadaro "Yaah ichokwadi maiguru" Ethan akadaro Ndakaenda kuno signer mapaper tichibva taenda kumba handizivi ndichavatarisa sei. Kwete kuti ndinotya kuti vave kuziva nezvangu naAne ayewa asi nei vaita zvinhu zvakadaro kwandiri. Handifungi kuti i family yangu iyi ini ingabva yandisundira kumapurisa kunge ndisiri ku exist (a) muhupenyu hwavo. kubva nhasi hapasisina chinhu chinondisanganisa navo. Ethan akatanga nekuendesa Ane kumba kwavo then nesuwo tichibva taenda kumba. Patakasvika kumba munhu wose akatitarisa nekushamisika Ethan akavaudza nyaya yose. Mhamha vakauya vachindihaga Munya nzira yaainditarisa nayo aida kundidya shem. Pandaida kuenda muroom mangu Munya akandibata "So iwe nemukadzi wangu muri kudanana?" Munya akabvunza "Mukadzi wako upi?" ndakabvunza "Unoreva kuti haumuzivi here mukadzi wangu?" Munya akabvunza "Mpumelelo" "Usandiita benzi iwe Tafadzwa" "Ini ndinoziva mukadzi wako aiva Mpume hapana umwe wandinoziva" Ndakanzwa baba vachitidanira pamuzinda takapinda mukati. Ndisati ndatombogara pasi Ane akapinda nababa vake nevamwe vanhu vemudunhu vecommity. I wonder inyaya yei iri kuzotaurwa. baba vakasimuka "Tine problem pamusha pano vanhu vedu mutemo haucharemekedzwi" mambo vakadaro "Munorevei mambo kana muchidaro?" Gumede akabvunza "Tese tinoziva kuti Mandlovu anga akaroorwa pamusha pano nemwana wepamusha pano muhombe asi zvino tazoziva kuti ave kudanana nemukomana mudiki wacho" mambo vakadaro Vanhu vose vakavhunduka "Sei manje?" Manyoni akabvunza "Eeh vana vemazuva ano" Mambo vakadaro "Ayewa hakuna kuti vana vemazuva ano iye Mandlovu akaita sei zvinhu zvakadaro nekuti zvinhu zvaari kuita izvi zvinonyadzisa" Manyoni akadaro "Ndine shuwa kuti vana vanga vari confused chete havangaiti zvinhu zvakadaro" mai Munya vakadaro "Ayewa mhamha hatizi confused ndinomuda Ane naiyevo anondida tinodanana" ndakadaro Ndakanzwa nembama yaibva kuna baba asi handina basa nazvo izvo. Vanhu vose vakatarisa pasi nezvinhu zvandaiva ndataura asi vanofanirwa kuziva chokwadi "Zvinhu zvose zviri kuitika pano hazvifi zvakapedza kuti ini naAne tinodanana uye tinoda kurarama tose kwehupenyu hwedu hwose" ndakadaro "Tafadzwa!!!!" mhamha vakadaro nehasha "Sezvo uchitaura zvose izvi naMandlovu ndizvo zvaari kufunga sewe here?" Manyoni akabvunza Ndakatarisa Ane asi aingotarisa baba vake achitya but i understand her. "Anenyasha" Manyoni akadaro "Ari kutaura chokwadi Tafadzwa ndinomuda zvakanyanya uye ndiri ready kuroorwa naye" Ane akadaro Ndakaona Munya achiridza tsamwa "Anenyasha!!!" baba Ane vakadaro "I'm sorry baba asi handinga kwanisi kuchinja nzira yandiri kunzwa nayo pana Tafadzwa, ndinokumbira kwamuri kuti mundipe makomborero ini naTafadzwa" Ane akadaro "Chatiri kuda makomborero enyu chete nekuti hatinga kwanisi kuchinja nzira yatiri kunzwa nayo" ndakadaro "Munojairira imwi vana, Tafadzwa hauzivi here kuti aiva mukadzi wemukoma wako uyu wauri kutaura naye kudaro" baba vakadaro nehasha "Ini naAnenyasha takadanana kare baba asati atombochata pamusha pano" ndakadaro Vanhu vose vakavhunduka. "Ari kutaura chokwadi Tafadzwa takadanana kare, ndisati ndatomboziva kuti Kuna Munyaradzi" Ane akadaro "Uye tinoda kuchata" ndakadaro "Zvinhu zvamuri kutaura ndezve kupenga hazvifi zvakaitika pamusha pangu. Hapana Anenyasha naTafadzwa vachachata" baba vakadaro "Unoziva ndaiva ndisingafungi kuti uchaita zvinhu zvakadaro Anenyasha izvo pawaiparadzana naMunya waitoda munin'ina wake nei waita zvakadaro Anenyasha? Pamusha pano waiva wavinga kuzoputsa musha wangu wakambozvinzwa kupi Anenyasha zvinhu zvakadaro? mhamha vakabvunza Takanyarara. "Anenyasha haufi wakadanana nemukomana uyu haufi wakaroorwa naye uri kundinzwa" vaZhou vakadaro "Ndinomuda baba" Ane akadaro "Zvinhu zvauchaita pari zvino ndinoda ukanganwe nezvinhu zvose nekuti ukasasiyana naye imwi muri vaviri muchabuda panzvimbo ino nyaya yenyu ngaipere nhasi chaiye hakuna zvakadaro" baba vakadaro "Yaaah Zvayi ari kutaura chokwadi tinkangonzwa nezvenyaya iyi munobuda munzvimbo ino. Hatinga jairirwi nevana munopenga imwi munodhererisa dunhu rino" Gumede akadaro "Ndinofunga kuti manzwa musangano wapera" baba vakadaro Vanhu vose vakasimuka vachienda ndakatarisa Ane achibuda nababa vake. Chero chii chinofanirwa kuitika chichaitika nekuti ini handifi ndakarambana naAnenyasha never. Anenyasha Takaenda kumba nababa asi ndaivaona kuti vaipupuma furo nehasha asi vanga ita chero zvavanoita ini handifi ndakaparadzana naTafadzwa. Takasvika kumba vakandidhonzera kusitting room "Kudherera sei kwauri kuita nhai Anenyasha? nei uchida kungogara uchindinyadzisa pavanhu?" Baba vakabvunza "Handisi kukunyadzisai baba asi ndinomuda Tafadzwa. Munya handina kumbobvira ndakamuda" "Usapamha zve kutaura zita ramukomana iyeye pamusha pano. Uchida usingadi ucharambana naye mukomana uyu" "Ndinomuda baba uye tine zvishuviro zvedu muhupenyu uye tinoda kuzochata rimwe zuva" "Hee mashura angu ari kuti kudiiko mwana uyu kwandiri. Inzwa mwanangu kana uchida kuenderera mberi nemukomana uyu uchabuda pamusha pekwa Zhou" "Baba hamunga ndidzingi pano ndakadaro ndave kuchema" "Zviri kwauri uchasarudza family yako kana kuti mukomana wekwa Zvayi" "Ndinosarudza family yekumba kwedu asi naTafadzwa ndinomuda" "Ndati sarudza pakati pezvinhu zviviri Anenyasha" Ndakanyarara nekuti ndaiva ndisingazivi kuti nditi kudii. Handidi kurasikirwa nefamily yangu uye handidi kurasikirwa naTafadzwa handizivi kuti ndichazviita sei kana zvadai. "Ndiri kutaura newe Anenyasha" "Baba ndinomuda Tafadzwa ini" Baba vakasimuka nekukurumidza vachienda muroom mangu ndakavatevera ndave kuchema "Baba ndokumbira munditeerere please" Vakasvika mawardrope yangu vakabvisa mbatya dzangu vakadziisa mubag "Baba ndokumbira musandidzinga baba ndokumbira musadaro kwandiri please" ndakadaro ndichichema Vakatora bag rangu vachinorisarira padoor "Tevera bag rako uye usambofunga kuuya pamusha pano. Kwandiri wave kufanana namunhu akafa kubva nhasi ndichakanganwa nezvako kuti ndine mwana anonzi Anenyasha" "Baba ndeuno chete musha wandinawo ndokumbira musandidaro please" "Ndati buda pamusha pangu tora mbatya dzako uende kumukomana wekwa Zvayi ndiri kumupa mahara" Ndakagwadama nemabvi ndichiedza kunyengerera asi baba vakaenda vakadzoka nedzimwe mbatya dzangu vachinhonga dzaidonha pasi vachidzikandira panze ndakaona Paida achivatevera "Baba muri kuitei? baba ndinokumbira musadaro" Paida akadaro Baba havana kumuteerera vakatora mabag angu vachindidhonzera kunze kwemusha vachibva vakiya gedhi "Baba husiku huno ndichaenda kupi?" Ndakabvunza ndichichema "Enda kumukomana wekwa Zvayi" baba vakadaro vachipinda mumba Paida aingovatevera kumashure achiedza kuvanyengerera asi vaiva vasinga muteerere. Ndakapererwa kuti ndiite sei ndichaenda kupi zveshuwa iko ndichafonera Tafadzwa achati kudii nenyaya yose iyi. But hapana zvandingaita ndinofanirwa kumufonera ndakatora foni yangu ndichimufonera "Tafadzwa" ndakadaro ndichichema "Babe uri kuchemei?" "Baba vandidzinga kumba handizivi kuti ndicharara kupi" ndakadaro ndichichema "Don't worry ndiri kuuya kuzokuona" Ndakasuduruka pedo nemusha wekumba ndichinogara pasi peumwe muti apo nguva dzaiva dzave kuma7 kunze kwaiva kwasviba. Ndakamira kwe20 minutes pandakatarisa ndakaona kombi ichibudikira ndakasimuka nekutya Akafona achindiudza kuti ndiye Kombi yakaswedera pedo neni ichibva yamira akauya pandiri achindihaga "Zvichaita babe don't worry" Tafadzwa akadaro achitora mabag angu achimaisa mukombi mukati maiva nadriver I think aiva a hire Kombi "Tiri kuenda kupi?" "Ticharara kutown muhotel then mangwana tiri kudzokera kuHarare" Ndakabvuma nemusoro. Handizivi kuti ndiri kunzwa sei nezvinhu zvaitika baba vandidzinga sei? Kombi yakasimuka ichienda kutown patakasvika takaenda ku hotera ndikanogeza ndikapfeka mbatya dzekurara. hapana zvekuti tinga kisana chero chii ini ndoda kuzorodza pfungwa chete. Handisi kuzvi believer zvinhu zvataurwa nababa asi ndinofanirwa kuzvi gamuchira **** Makuseni ndakamutswa naTafadzwa andivigira breakfast "Morning" "Morning" "Maziso ako kubva atsvuka kudaro Ane?" Handiti ndanga ndichichema husiku hwose ndichingo funga nezvababa ndinomuda murume uya But he left me with no choice handinga kwanisi kugara ndiite zvinhu zvavanoda nevanhu vekwaZvayi vasina moyo Takadyisana naTafadzwa zvichakadaro takanzwa munhu aigogodza Tafadzwa akaenda kunovhura door. Ndakaona Tafadzwa achidonhera pasi ndakasimuka nekukurumidza pamubhedha ndikaona ari Munya "Munyaradzi" ndakadaro "Uri kudei pano Munya?" Tafadzwa akabvunza "Ndauya kuzotora mukadzi wangu" Munya akadaro "I'm sure kuti warasika Munya nekuti Ane musikana wangu" Tafadzwa akadaro Munya paakaedza kurova Tafadzwa, Tafadzwa akamubata ruoko "Haungandiroveri musikana wangu uye zvekundirova uchazviita Kwa Zvayi kwete pano ndinokupedzera ini ukada kundi sizer. Haudi respect neiko iwe Munyaradzi?" Tafadzwa akadaro "Anenyasha mukadzi wangu" Munya akadaro "Nei uchikanganwa kuti makaparadzana" Tafadzwa akadaro Munya akaburitsa mapaper achiratidza. "Hatina kudivorcer" Munya akadaro Tafadzwa akavhunduka. "Handiti unoona kuti mukadzi wangu" Munya akadaro "Mapaper haana zvaanoreva moyo wangu uri kuna Tafadzwa saka haufe wakatiparadzanisa" ndakadaro Munya akabva abvarura paper redivorce."ndinoda kuona kuti muchachata sei" Munya akadaro Ndakaedza kumubata asi Tafadzwa akandibata Munya akabvarura mapaper akasara ari tuma pieces pieces achibva abuda achienda. Ndakatarisa Tafadzwa, Tafadzwa akandihaga "Hapana zvichaitika okay" Ndakarara pa chipfuva chake ndichichema. Tafadzwa Ndakamurarisa pachipfuva changu ndichimunyaradza hatinga mborambaniswi nemapaper isu never "Don't worry babe zvinhu zvose zvichaita baba vachadzora moyo pari zvino vachiri shock. Baba vanokuda zvakanyanya vachakuregerera" "Shuwa here?" "Yes babe don't worry zvinhu zvose zvichaita ndokumbira ugadzirire tiri kuenda ini ndiri kunotora mbatya dzangu kumba uye Roe ari munzira kuuya kuzotitora" "Okay" Ndakabuda ndichienda sezvo aiva asvika munhu wandanga ndahire akachaira kusvika asvika kumba ndakabuda mumota ndichipinda mukati ndakawana mhamha vari kukitchen asi handina kuvamhorosa nekuti ndinoziva kuti vachati ndisaenda. Ndakapinda muroom mangu ndikarongedza mbatya asi ndichaita sei naJay kuti asandiona nekuti achandichemera. Ndapedza kutora zvinhu zvakakosha Ethan akapinda "Yaah bro uri kuenda kupi" Ethan akadaro "Ndiri kuenda ndave kunogara kuHarare" "Haungaiti zvinhu zvakadaro bro tofanirwa kugara pasi titaure sefamily" "Family ipi handina family ini pano ndina mhamha chete naEthan" "Please bro" "Please Ethan usandiitira kuti zvinhu zvive worse" ndakadaro ndichitora mbatya dzangu ndichibuda door asi mhamha vakandiona "Taffy mwanangu uri kuenda kupi?" Mhamha vakabvunza "Ndiri kuenda mhamha ndakura ini ndichakwanisa kuzvitarisa" "Ndokumbira usadaro" mhamha vakadaro vave kuyeredza misodzi "Ndiri kukuudzai handifi ndakadzoka pamusha pano ndichauya ndave mucoffin ndafa kana musingandidi ndichavigwa kumba kwangu" Mhamha vakandirova nembama yaiva yakaneta "Usapamha zve kutaura nezvekufa" mhamha vakadaro nehasha "Ndiri kutaura chokwadi mhamha ndiri kuenda kunotanga family itsva nekuti pano handina family" "Tiripo isu family yako" "Ayewa mhamha hapana family yangu pano ndimi chete family yangu nazvino ndichiri kuzvibvunza kuti ndinoera Zvayi here" "Usapamha zve kufunga zvinhu izvozvo Tafadzwa" Zvichakadaro Ticha naMunya vakapinda vakamira padoor "Uri kuenda kupi Tafadzwa?" Ticha akabvunza "Ndiri kukusiyai murunyararo pamusha penyu mugare zvakanaka pasina anokunetsai" ndakadaro "Please Taffy usataura uchidaro" Ticha akadaro "Saka uri kutiza naAnenyasha?" Munya akabvunza "Handisi kutiza ndiri kuenda naye nemvumo yake" ndakadaro Mhamha vakanditarisa vachivhura maziso "Saka uri kutiza family yako nekuda kwemusikana?" Mhamha vakabvunza "Musikana akakwanisa kundi support (a) apo family yangu yandipandukira family yangu yainditi ndiri mhondi ndauraya munhu. Akaita zvose zvaanogona kuti ndibude mujeri yes ndiye musikana wandinosarudza iyeye kudarika family yangu" Mhamha vakanyarara. "Besides that ndinofanirwa kuva naye Ane plus naiyevo aita izvozvo kwandiri baba vake vamudzinga kumba kwavo naiyevo haasisina family angosarirwa neni ndega" Vakatarisana vose ndakabva ndabuda mhamha vakanditevera vachichema naEthan aingondinyengerera asi handifi ndakachinja decision yangu. Ooooh ndave kurangarira manje Jay haapo ari kumba kwamai vake sezvo kune rufu "Ndokumbira umutse mota tiende" ndakadaro Zveshuwa muchairi akamutsa mota tichienda kutown. Ndakafonerwa naRoe achindiudza kuti ave kusvika after some minutes ndakasvika kuhotel kwaiva naAne aiva akagara pabed you can tell kuti pane zvinhu zvaari kufunga handizivi kuti chii chandingaita kuti akanganwe nezvinhu zvose zviri kuitika "Babe uri right?" "Kumba vati kudii?" "Havana zvavataura mhamha ndivo vanga vasingadi kuti ndiende asi ini handichadi kugara pamusha paya" "Baba vako?" "Vanga vasipo baba im sure kuti vachafara pavachanzwa kuti ndaenda" "I'm sorry" "Hauna chawatadza we will do it babe. Roe ati ave kusvika" "Okay" "Yaaah ndamuraira room achauya muno" Ane akabvuma tichitanga kuona TV after some minutes Roe akasvika tichibva tabuda tichienda "Murisei guys" Roe akadaro "Tiri right" ndakadaro "Ane urisei" Roe akadaro "Ndiri right" Ane akadaro "Tafadzwa saka mudhara wako akaipisa mota yako?" Roe akabvunza "Yaaah handiti ndakakusendera mapictures yakatsva mota yangu. Uye ngavatore maparts asina kutsva vanotengesa" ndakadaro "Yoooh mudhara wako ndinomutya ane moyo wehutsinye" Roe akadaro "Ndinoda kutoziva kuti vangani vakarara pasi nekuda kwavo" ndakadaro Roe akaseka. "Ayy hameno kuti ndoti kudi" Roe akadaro achiseka ANENYASHA Ndiri kumunzwa Roe ari kutaura naTaffy asi ini ndakagara kumashure ndiri kufunga nhamo dzangu ndiri kuzvibvunza kuti chii chichazoitika muhupenyu hwangu kuti zvinhu zvichafamba mushe naTafadzwa here kana kuti ndichazochema mberi. Ndinoziva kuti Tafadzwa anondida uye anondiitira chero chii asi handidi kutira advantage yeizvozvo saka ndafonera Kule vangu kuti ndiri kuuya ndichagara navo kumba kwamhamha Zvagara handinga bhowekani kune macousin anoenzana neni saka ndichange ndiinavo. Ndakatora foni ndichifonera mhamha vakadaira nekukurumidza "Hey sisi" mhamha vakadaro "Mhamha murisei" "Unenge usiri right kwakanaka?" "Ayewa mhamha hakuna kunaka ndiri munzira kuenda kuHarare kutaura kudai" Ndakanzwa mhamha vachishamisika "Harare? zvikoro hazvisati zvavhurwa ka?" "Baba vandidzinga kumba vati ndisadzoka zve kwavari ndafanana nemunhu akafa" "Nei baba vako vadaro?" Ndakavaudza nyaya yose . "Handifungi kuti ichokwadi ini saka uchaita sei kuHarare?" "Ndichanogara kumba kwamhamha ndataura naKule then kana zvikoro zvavhurwa ndichaenda kuuniversity kana zvavharwa ndichadzokwera kuna Kule" Tafadzwa akanditarisa achishamisika "Unoziva kuti baba vako vanokuda sei ihasha chete" "Hakuna izvozvo mhamha baba havachandidi" "Usataura uchidaro mwanangu" "Okay mhamha bye tichataura" ndakadaro ndichikata foni "Saka hautauri kuti uchanogara kwaKule vako kaa?" Tafadzwa akabvunza "Ayewa Tafadzwa sezvo zvikoro zvisati zvavhurwa ndichanogara naKule then zvavhurwa ndogara kuuniversity" "Eeh ndanga ndichifunga kuti uchanogara kumba kwangu" Tafadzwa akadaro "Babe handidi kuva mutoro wako" "Hausi mutoro wangu babe tichagara tose" "No kana tasvika ndokumbira undiendese kumba kwamhamha" "Okay no problem" Ndakamuona kuti aiva atosunga huso asi hapana zvandingaita, dai ndaenda Kuna Ngoni asi Mitchy anogara achisvika uye imba yaanorenta idiki. Takasvika ku Harare takatanga nekumba Kwa Taffy, takawana pane musikana aiva akagara achiona TV. Ndakavhunduka nekuti zvaiva pachena kuti musikana wake, hapana munhu angagara mumba nemunhu asipo. Paakationa musikana akasimuka achiuya kwandiri "Hey ini ndinonzi Viole Vee mai vemwana wa Tafadzwa" Ndakavhura maziso ndichitarisa Taffy.Roe akapera nekuseka, ndakatura befu "Babe chiiko uri kundikanganisira plan yangu" "Ahh iwe unoda mwana wevanhu afende" "Ndanga ndichida kumu tester hey ini ndinonzi Viola musikana wa Roe" "Nice to meet you chero hako wanga wandiuraya" "Nhasi wanga uchafa chaiko. Roe ndiye anazvovo uyu" Ndakaseka "Vee wabikei ndiri kufa nenzara ini" Vee akaenda ku kitchen ndakaendavo ku kitchen ndichinomubatsira tichiuya nechikafu "Nhasi munhu haana kumbotenga Heineken" Taffy akadaro "Haa Taffy inga Roe auya nayo" ndakadaro. "Ahh yanga iri shoma iyo" "6 pack here Taffy ishoma?" Ndakabvunza "Ishomasa ahh" Taffy akadaro Ndakadzungudza musoro tichitanga kudya. Tapedza ndakatarisa Taffy "Taffy ndokumbira undiendese" "But nei Ane uchindidaro,?" "Taffy handingakwanisi kugara pano ini" "Okay" Taffy akadaro "Ayy this time muchaenda mega ndakaneta ini" Roe akadaro "Hande" Taffy akadaro. You can see kuti zvinhu zviri kuitika now haazvidi but he don't have choice Narrated Mai Munya vaiva vakagara pamuzinda Vega vachichema vachifunga mwana wavo aiva aenda "Hezvo ndiani afa?" Mambo vakabvunza "Baba mwana wangu aenda" "Handisi kunzwisisa " "Tafadzwa aenda baba" "Aenda kupi?* "Chamunofanirwa kuziva ndechekuti haachadzoki zve pano" "Yah abatsira akaenda inhubu mwana uya" Mai Munya vakavhura maziso. "Baba mati kudii?" "Mwana ane misikanzwa kani uya, haanzwe" Mai Munya vakatanga kuchema "Baba ndimwi munodaro nhasi? Inga Wani makandivimbisa kuti Tafadzwa muchamubata semwana wenyu. Honai nhasi zvamuri kumuita" "Mwana uya musoro wake wakaoma, akatodza baba vake ndaneta nekushingirira kupenga kwake ini. Kuchikoro kuti aende akatoita zvemusoro wake!! Mambo vakadaro "Zvayi ndokumbira usafananidza mwana wangu nemurume iyeye please!!" Mai munya vakadaro "Saka ini unoda ndimuite sei Tafadzwa nekuti unomuona newevo chigeven'a uyu sa Shingi" "Zvayi nei wakandivimbisa kuti uchamubata zvakanaka mwana wangu. Neyi usingamubati sevamwe vans vose? Nekuti iye haasi mwana wako weropa" "Mai Munya hazvisirizvo Izvo. Yes Tafadzwa haasi mwana asi achiri ropa rangu. Pandinodetemba vadzimu vekwa Zvayi naiyevo anenge aripo nekuti ndewekwa Zvayi Tafadzwa iropa rangu chero asiri mwana wangu chete haanzwi munhu wacho" "Dai Ari Munya, Ethan kana Ticha banoita izvi waizovapanicha sezvauri kuita pan Tafadzwa here. Dai vari Ivo vaenda wanga uchafara sezvauri kuita here!!!!" "Chero dai anga ari ani aita izvi ndanga ndichaita zvinhu zvandaita pana Tafadzwa" "Manje ndiri kuzviona kuti mwana wangu kubva kare hauna kumbomugamuchira!!!!" Mai Munya vakadaro nehasha vachibuda End of chapter