Chapter 38 Anenyasha I dont believe this yoo. Chii chaitika nezuro nezuro. Munyaradzi ave kupenga here? Ko nei asingazvigamuchiri kuti ini ndiri mukadzi wa Tafadzwa now. I don't know ndiite sei. But kunyarara nenyaya yakadai hazviiti ukuvo kuti nditaure zve hazviiti zvinenge zvoita sekunge ndinoda kurwisanisa Mpume na Munyaradzi. Ndichiri mukufunga foni yangu yakarira aiva Taffy "Good morning mukadzi wangu" "Murume warara sei?" "Ndarara mushe, uri right here Ane coz unenge usiri right?" Ndakanyebera kuseka, handidi kumuudza zvaitika Taffy mupengo ndinomuziva angarara ava pano oita noise "Yah ndiri right chete ndanga ndajaira kuti unomuka uri pedo neni" "Ohh I miss you too babe hanti dai uri pano ndatorova chimutsa neda**" ndakaseka "Ayy Taffy rega ndiende ku kitchen ini" "Okay babe uve right usazouya waonda ka" Okay bye" ndakadaro ndichiseka ndichikata foni yangu Ndakaenda ku kitchen ndikawana Mpume ari busy. Pandakapinda akavhunduka achinditaridza kutya. Chiiko chiri kuitika pana Mpume "Morning" ndakadaro "Morning" Mpume akadaro achitarisa pasi "Mpume are you okay?" Misodzi yakatanga kuyerera Pana Mpume. Ndakamutora ndichienda naye mu room mangu ndichimugarisa pasofa. Ndakamutarisa kumeso ndikaona ziso rakazvimba. Pane Zviri kuitika chete Pana Mpume. Pane munhu ari kumushungurudza. Ohh not munhu asi ndi Munya "What's going on Mpume?" "Handichadi kugara pano ini. Anondishungurudza" Mpume akadaro achichema "Ndiye akuita izvi?" "Ehe, kubva zvandakauya pano anondirova, ndave kuraramira tsvimbo chete" Ndakaswedera pedo naye "I'm sorry Mpume nezviri kuitika pauri. Neyi usingaudzi vanhu vakuru nezvenyaya iyi" "Mwana wangu Ane zvose zvandiri kuita ndiri kuitira mwana wangu" Mpume akadaro achindiratidza mavanga aiva akazara muviri wese zvese nemumusoro. Munyaradzi anorwara pfungwa here "Mpume kana usingakwanisi kuvaudza ini ndichavaudza handingabvumi kukuona wakadai. Remember kuti Bridget akafa achiuraiwa nemurume nekuda kwekunyarara. Newevo ndizvo zvaunoda kuti zviitike pauri here?" Mpume akadzungudza musoro. Aewa vanhu vakuru vanofanirwa kuziva nenzenyaya iyi. Better vandivenge once. Ndakatora Mpume ndichienda naye kwaiva kwakagara vanhu vakuru. Mpume airatidza kuti aitya asi ndakamudhonza ndichienda naye. Ndakasvika tikagara pasi ndikavaudza nyaya yose. Munhu wese akavhunduka nechiitiko ichi asi ndinoziva hangu Munya anodiwa pamusha pano hapana zvavachamuita vachangoudza Munya kuti asiye zvaari kuita zvobva zvapera zvakadaro. "Ichokwadi here chiri kutaurwa Munyaradzi?" Mambo vakabvunza. Munya haana kupindura "Ndati ichokwadi here iwe Munyaradzi kuti uri kushungurudza mukadzi wako?" "Iwe Munyaradzi nei uchishungurudza mukadzi?" Bamkuru vakadaro. "I'm sorry ndinoziva ndanga ndisingafanirwi kurova Masithole chete ndanga ndakatsamwa" Munya akadaro "Zvino kana wakatsamwa unopedzera shungu dzako kumukadzi. Nei usingapedzeri kumunhu akutsamwisa" bamkuru vakabvunza "I'm sorry handichapamhi zvevkumurova Masithole " Munya akadaro "Ini ndinoona sekuti zviri nani kuti Masithole adzokere hake kumba kwake" bamukuru vakadaro "Hazviiti hanti unoziva kuti Chii chakakonzera kuti Masithole ave pano" Mambo vakadaro "Saka mwana wevanhu ofa here achiuraiwa negoritoto iri?" Bamkuru vakabvunza Ndakaona Munya achinditarisa nerimwe ziso. Handina basa naye. Ngaatende kuti handina kuvaudza zvaanga achida kundiita nezuro "Munyaradzi na Masithole hapana zviri kuitika pakati Pavo. Masithole Ari pano nenyaya yemwana Saka ndichadai so. Masithole uchashandisa rimwe room kungonzwa chete kuti wagumha Masithole ndichakupwanya kunge inda mpfana" bamkuru vakadaro. Ndakaitarisa Mpume "I'm sorry baba nekubvunza asi ndanga ndichikumbira kubvunza Mpume kuti iye Ari kufungei nenyaya iyi?" Ndakabvunza "Masithole Ari pano nenyaya yemwana wake, Saka ngaamire pagadzirwe zvinogadzirwa then ozoenda hake" "Ndakatarisa zve Mpume "Ehe ndichamirira kuti Popo apore then kana ava right ndozoenda hangu" Mpume akadaro Ndakashamisika nazvo. I'm scared nezvandaona mumuviri ma Mpume. Sometimes kunonzi munhu akafa achizvisungirira or nepfuti kana pasina kugadzirwa vamwe vanozofa ne same thing. Ndizvo zvandiri kuona manje, Mpume achaita zvakaitika pana Bridget nekuti nyaya iyi Ivo vanoitora senyaya diki nekuti havazivi zviri mumuviri ma Mpume "I'm sorry Masithole" Munya akadaro Mumba makamboita runyararo. Mai Munya vakatarisa Munya vachidzungudza musoro. "Munyaradzi unoziva zvinhu zvauri kuita zvinogona kukupinza mujeri?" Mambo vakabvunza "Ndinoziva" Munya akadaro "Masithole pamwe takufambira mberi pamwe unoda kuti Munya aende kujeri" bamkuru vakabvunza "Aewa ndikamuendesa kujeri vana vangu vangazonditsamwira. Ndichamiregerera asi akapamha zve ndichamuendesa kujeri" Mpume akadaro Vakazotaura vachitsiura Munya, vapedza ndakabatsira Mpume kuisa zvinhu mu room raacharara . I'm still think zvinhu zvandaona mumuviri make. No ways Munyaradzi deserve jeri chairo. Ini handifungi kuti ndingazvimirira izvi. Taffy kungondiisa ruoko chete anobva atondiziva. Tafadzwa Ndiri kuchipatara Ndanga ndichiita imwe operation. Pandapedza ndaona ma doctor nema nurse achimhanya mhanya I'm sure pane munhu ari kurwarira kufa. Ndakabuda ndichiendako. Ndakaona vachimuendesa ku ward yevanozvara. Ayy handinei nevanhu vanozvara ini asi munhu wacho anenge ari kurwarira kufa. Zvichakadaro ndakaona doctor Mbedzi achiuya kwandiri achimhanya "Dr Zvayi vari kukumbira rubatsiro rwako" "Handizvarisi ini" "Haasi kuzvara ane mimba please doctor come help us" Ndakabuda ndichiendako. Pandakasvika ndakavhunduka ndichiona ari cousin wa Ane. "Ari kunzwei?" "Hatizivi doctor asi musikana ari pregnant uye moyo wemwana wakanyarara kuti zii" "Handisi kunzwisisa ini. Chii chaitika kusvika asvike pa situation iyi?" "Mai vacho vari panze bvunza Ivo" Ndakatora stethoscope yangu ndichiteerera if achiri kufema. Aifemera kure zvekuti anytime tinogona kumuruza. Ndakanzwa kupera Simba pandakafunga Ane. Achati kudii kana paitika something pana Tatenda. Apa hazviiti kuti timubise mwana uyu nekuti pangazobuda mweya mudiki iwoyo wasara paari. Ndakatarisa doctor Mbedzi "Wanga wamutarisa here kuti problem chii chakonzera zvose izvi?" Ndakabvunza "Yes aita ma complications ne pregnant yake. Problem anonoka kuuya kuchipatara" "Mbedzi ndinokumbira undidanire Kwenda" Mbedzi akabuda achimhanya achidzoka na Dr kwenda. Takapfeka ma gloves tichiedza kumuita operation asi mukana wekurarama paari mushoma pazvinhu zvatichaita Mai Tatenda Ndiri kurohwa nehana shame. Mwana wangu ari kufa. Masango achati kudii nenyaya iyi kana akainzwa. Hanti ndingafira kujeri. Ndakatendeuka ndichienda kuchimbuzi ndakaona doctor achiuya Kwandiri "Wati kudii kwavari?" "Handina kuvaudza kuti amweyi" "Good ndichakuisira Mari Yako. Hapana munhu anofanirwa kuziva nyaya iyi" "Okay mom" doctor akadaro achienda Tafadzwa We doing operation I was scared panogona kuitika something but thank God takwanisa kubudisa mwana. Takabuda panze ndakaona umwe mudzimai aichema, paakationa akamhanya achiuya kwandiri. I wish dai ndine nguva ndamubvunza zvinhu zvaaiita pana Tatenda but I don't have time yekutambisa. Uye kumuona chete kunondipa hasha. Pandaida kuenda akandibata ruoko "Ari sei mwana wangu" "Tamuita zvatamuita asi haasati ava right" "Handisi kunzwisisa" "Haasati ava right asi takwanisa kubudisa mwana ndiye anga achiita hupenyu hwake huve munjodzi" Ndinotenda" "Ndakaenda ku office kwangu, ndakasvika ndichitora foni yangu ndichifonera Ane. No Ane anofanirwa kuuya kuno. I'm sure mbuya vake vane zvavanoziva panyaya yose iyi" "Tafadzwa na Anenyasha" "Anenyasha dza Taffy uri sei" "Ndiri right babe uri sei iwe?" "Ndiri right " "No haasi Tafadzwa wandinoziva uyu chii chiri kuitika Tafadzwa " "Ane unofanirwa kuuya mangwana" "Taffy handisati ndava ne two days ndiri pano. Kwakanaka here" "Hakuna Ane huya please pane nyaya yakakosha yandiri kukudanira" ndakadaro ndichikata foni I know kuti Ane haangabvumi kuuya anenge achitya kuti vanhu vachati kudii. Ndakatora foni ndichifonera mhamha ndichivaudza nyaya yose. Vakazondivimbisa kuti vachamusunungura Ane auye .Aewa Ane anofanirwa kuuya mbuya vake handivavimbi kuti vangatarisa Tatenda. Zvichakadaro pakapinda umwe doctor achindidana paiva nemurwere wandinofanirwa kuno attender Anenyasha Nei Tafadzwa ati ndiuye ku Harare Ini ndichangosvika kumusha. Ndakaedza kumufonera asi haana kudaira I think adzokera kubasa.ndakaenderera mberi neku cleaner mu room mangu. Ndakanzwa knock pa door ndakanovhura vaiva Mai Munyaradzi. Vakapinda vachigara pasofa tichimhorosana. "Ndafonerwa na Tafadzwa ati unofanirwa kuuya pane zvinhu zvaanoda kuti umubatsire nazvo" "Ndichangobva kutaura naye, Ndanga ndichifunga kuti anonyeba Ini" "Aewa Ari kutaura chokwadi mangwana chaiwo umuke uchienda mwanangu" Mai Munyaradzi vakadaro vachisimuka vachida kuenda asi pavakasvika pa door vakadzoka vachiswedera pandiri vachindibata maoko vachinditarisa "Ndinoziva kuti unofunga kuti ndinokuvenga asi handikuvengi mwanangu chete nyaya yenyu yakandivhundutsa asi manje ndiri kuona kuti munodanana zveshuwa uye unoremekedza mwanangu. Ndiregerere nemabatiro andanga ndichikuita" "Ndinotenda mhamha nekundiregerera" Mai Munya vakandihaga vachibuda vachienda. Wow zvinhu zviri kuitika here izvi or I'm dreaming.. ndakanyemwerera ndichigara pamubhedha ***** Manheru ndairongedza mbatya dzangu Mpume akapinda "Sorry to disturb" "No hauna kundi disturb ndanga ndichitobhowekana ndega" Mpume akagara pasofa achinditarisa "Mumwedzi inouya ndiri kuenda kumba ndinokumbira unditarisire vana vangu kana uri pano" Ndakamutarisa ndichishamisika. "Nei uchitaura uchidaro?" "Ndiri kungotaurawo hangu life is too short uye ndiri kuona Jay anoda Tafadzwa kudarika baba vake Popo newevo anokuda zvakanyanya saka ndinoona kuti kana vanemwi vanenge vari safe besides kuenda kumusha Ane Ini hupenyu panyika hapasisina ndakafa kare ini Munya akandiuraya kare ndakakuvarira mukati ndiri kunzwa kuti ndave kuita zvekumanikidza asi hupenyu pandiri hausisipo" No no Mpume usataura uchidaro we can go kuchipatara iwe uchararama kusvika vana vako varoorwa nekuroora" ndakadaro ndichimuhaga "Handifungi kudaro Ane. Chengeta mashoko angu" Mpume akadaro achibuda achienda Ndakasara ndakangoti tuzu, nei Mpume achitaura mashoko akadaro Tafadzwa Nhasi mudiwa wangu ari kuuya I can't wait, chero kubasa handina kuenda. Ndakamumirira shame. Hours later akandifonera achindiudza asvika ku rank ndakaenda kunomutora. Takasvika kumba handina kutambisa nguva takatamba mutambo wedu, tapedza takageza achibva avhura chikafu sezvo aiva apfuura pa chicken licken achitenga chikafu. Handina zvandakamuudza about Tatenda achazvionera ega ndangoti andiperekedze kuchipatara Paida Hana iri kuita madiro pandiri sezvo vanhu vekwa Zvayi vanga vari pano, I'm sure vanga vauya kuzoudza baba nezvenyaya yangu na Ethan. I wish to know kuti baba vati kudii kwavari dai vakasaramba baba please. Kubva zvaenda vanhu vekwa Zvayi baba havana zvavati vataura. Ndiri kungotenderera mu room mangu handizivi ndiite SEI. Zvichakadaro mhamha vakapinda vachiti baba vari kundidana. Ndakavatevera kumashure uku Hana yairova zvekuti aiva pedo neni aiinzwa. Ndakasvika ndichigara pasi "Ndauya baba" ndakadaro ndichigara pasi "Unomuziva Ethan Zvayi" "Ehe Mhukahuru" "Chii chako?" Handina kuvapindura ndakaramba ndakatsikirira pasi "Tiri kutaura Mai Mushavi" "Mukomana wangu baba" ndakadaro ndichitarisa nzvimbo pamwe ndingawana gomba ndihwandemo "Une sure nazvo here kana kuti pane akakumanikidza" "Aewa baba" "Okay kana une chokwadi nezvauri kuti tevera moyo wako mwanangu" Ndakavatarisa ndichishamisika "Wakura Paida uye wanga wakazvichengeta Saka papi pacho pandingakuvharira mufaro wako" "Ndinotenda Mhukahuru " ndakadaro ndichisimuka ndichinovahaga ndichihaga na mhamha Anenyasha I wish to know kuti Tafadzwa andidanirei nekuti kubva zvandasvika haana zvaati andiudza. Kuti anga ava kundifunga here? Aewa anenge achipenga zve. Ndaichinja ukuvo naiyevo achichinja ati ndimuperekedze kuchipatara. Tapedza takanopinda mumota tiichienda. Takasvika kuchipatara tikananga mu office make, akasvika achitanga kuva busy nema files ake "Saka ndichagara pano here?" ."asi unoda kunorara pamubhedha wevarwere?" "Aewa dai hangu ndazvirarira pamubhedha wangu kumba" "Ohh sorry love hande pane zvandinoda kukuratidza" "Chii Tafadzwa" ndakabvunza ndavhunduka "Usavhunduka babe hande" Takateverana tichinopinda mune rimwe ward. Ndakavhunduka pandakaona Tatenda akarara pa bed akazara michina. Ndakamhanya ndichienda kwaari "Tatenda!!!! Tatenda!!!" Ndaka screamer ndichimubata dumbu asi raiva flat. Ndakatarisa Tafadzwa Tafadzwa chii chaitika paari?" "Babe achavara right" Ndakanzwa kupera simba Tafadzwa ndaiva ndave kumuonera kure "Anenyasha!!!!" Aiva Tafadzwa asi ndaimunzwira kure ***** Handizivi Chii chiri kuitika pandiri ndakapepuka ndakarara pamubhedha wechipatara. Tafadzwa aiva akagara pedo neni. Pandaida kumuka Tafadzwa akandimutsa "Chii chaitika pandiri?" Tafadzwa akanyemwerera "Congratulations Mai mushavi we are pregnant" "What ?" "Yes babe unopamuviri" "Wow tave kuzoita vabereki thanks daddy" "Thank you too Mai mushavi" Taffy akadaro tichihagana. "Asi Tatenda ach--- "Don't worry about Tatenda Ari mumaoko Ari safe" Taffy akadaro achindihaga. Mufaro waanawo unoonekwa chero nemwana mudiki End of chapter