Chapter 30 Anenyasha Unoziva Tafadzwa anofunga kuti ndichamunyengera here ndamuudza kuti ndanga ndiri busy asi iye anondiudza zvimwe ayy handinga zvigone ini "Chii manje cousin?" Tatenda akabvunza achiseka "Wakambodanana nemunhu anorwara nepfungwa?" "Vaitei manje bamukuru vangu?" "Akanditsamwira kuti nei ndisina kudaira foni ndanga ndichifanirwa kuita sei ini foni ndanga ndasiya muroom" "Haaa anotya zve kukuruza" "Nxaaa anofanirwa kundivimba kusandivimba kwake uku kwaari kuita" "No darling hazvisirizvo" "Nxaaa hande tinodya vamwe vatomirira isu" Tatenda akandiseka tichibva taenda patafura. Takadya chikafu chedu nevamwe "Tatenda" mai Masango vakadaro "Mhamha" Tatenda akadaro "Ndarasikirwa nemari yandanga ndakaisa pedo nesofa hauna kuiona here" mai Masango vakadaro "Ayewa mhamha yanga iri marii?" Tatenda akabvunza "Yanga iri $30 ndaiisa ipapo pandati ndinoitarisa yanga isisipo" mbuya vakadaro "Asi mai Musango ndakuudza kuti pamwe wakanganwa pawaiisa" Kule vakadaro "Handina kukanganwa Musango" mbuya vakadaro "Pamwe hauna kutarisa zvakanaka iwe" Kule vakadaro Ipapo ndaiva ndisisisakwanisi kudya zvakanaka chikafu "Mhamha muchaiwana mari yenyu" Tatenda akadaro " asi mari inotanga kunyangarika pano" mbuya vakadaro Ndakarohwa nehana, mbuya vanorevei kana vachidaro. Unoziva zvinorema sei kuti uri pamusha pevanhu then munhu otaura zvakadaro ndakanyarara misodzi yave kupisa kumeso ndakaedza kushingirira asi yakapedzisira yoyerera. "Uri kuona zvinhu zvandanga ndichitaura manje unobhowa iwe. Ndinoziva kuti mari iripo paari chingoti wakanganwa pawaiisa" Kule vakadaro Ndakabva ndasimuka "Uri kuenda kupi Ane?" Kule vakabvunza "Ndiri kunotarisa mari yambuya" ndakadaro "Hakuna mari yauchatsvaga gara pasi udye chikafu chako" Kule vakadaro Ndakagara pasi asi moyo wangu wairwadza. Tapedza kudya takaenda kunosuka ndiro "Tatenda hande tinotsvaga mari yamai vako" ndakadaro "Mai naivowo vachaiwana mari yavo" Tatenda akadaro "Please" ndakadaro "Tjoo Ane ndine husimbe ini" Tatenda akadaro tichienda Ndakaitarisa patv tikatarisa nzvimbo yose tikasimudza nesofa "Hona manje" Tatenda akadaro achitendeka mari Ndakagwadama ndichiitora. "Thank God ndichaiendesa kuna mbuya" ndakadaro ndichienda muroom mavo Pandakasvika padoor ndakaona vachinetsana "Handizvidi izvozvo zvauri kutaura apa unoda kuti Anenyasha anzwe sei nezvinhu izvozvo" Kule vakadaro "Anzwe sei ko ndiye aitora here mari nekuti ini ndanga ndichitaura chete" mbuya vakadaro "Kana uchiti mari inotanga kunyangarika wanga uchirevei?" "Ndanga ndichitaura chokwadi mari yakambonyangarika here pano pamusha Masungo?. Mari yanyangarika pave nemuzukuru wako uyu" "Mai Tatenda" Kule vakadaro nehasha Ndakabata misodzi yangu. "Uchavhurika rinhi maziso iwe unoziva kuti Anenyasha adzingwa kumba kwavo unoziva kuti adzingirwei" "Pamba pamai vake pano Anenyasha saka anofanirwa kuuya chero nguvai" "Dai anga achida kushanya anga achashanya kwete kuti auye kuzogara pano ayewa. Imbofonera mukwasha wako umubvunze kuti chii chaitika" "Handifoneri munhu ini chero kuchinzi adzingwa handina basa nazvo ane kodzero yekuuya pano. Inzwa pano musha uyu hausi wako ndewe vabereki vangu naChenge mai vaAne saka zvinoreva kuti Ane anekodzero inodarika iwe pamusha pano" "What about my daughter? unomuona Tatenda achiri mudiki muzukuru wako achadzidzisa mwana wangu zvinhu zvakashata" Ndakabata muromo ndichitendeuka ndichienda muroom medu ndisandadi kuti Tatenda andione ndakaenda kunogeza huso nekuti misodzi yaiva yave kuyerera ndichabva ndadzokera pamubhedha. "And then?" Tatenda akabvunza "Ndokumbira unopa vabereki vako mari" "Wanga waenda kunovaona wani" "Ndazotaura naTafadzwa pafoni ndikakanganwa kunovapa ndave nehusimbe hwekunogogodza ini" Tatenda akaseka. "Mave kufonerana manje" Tatenda akadaro achitora mari achienda Ndakatora foni yangu nemaoko aibvunda ndichitryer kufona Tafadzwa Sh*t nyaya yedu iyi yekubhaizisika husiku yandibhowa shem. Asi nhasi hatifanirwi kuita zvinhu zvakaitika nezuro. Ndakaneta apo hope hadzibati ndine stress yaAne nazvino haachadairi macalls angu haandifonere. Ndakamuka ndichibva ndaenda kunogeza pamwe ndakaneta zvichapera zvandiri kunzwa. Pandakapedza kugeza ndakadzokera muroom mangu ndakaona foni yangu yanguri yarira ndakashamisika pandakaona ari mamissed aAne ndakabva ndamufonera "Hey Tafadzwa" "Wave kuona kuti undifonere kana iwe wave kuda" "Tafadzwa ndinokumbira kuuya kumba kwako nhasi" Ndakadzora hasha pandakanzwa izwi rake kunge munhu asiri right "Chii manje babe uri right?" "Ehe ndiri right ndokumbira uuye kuzonditora masikati" "Ane taura chokwadi, okay urongedze mbatya dzako dzose" "Eeh babe ndicharara kwezuva rimwe chite usauya nepfungwa dzako idzodzo" "Okay" ndakadaro ndichikata foni yangu Chero kuchinzi kudii Ane haasi right ndakafonera Roe ndichikumbira kuti andipewo mota yake kuma12 ndoda kunotora Ane. Ndakanodya breakfast yangu pandakapedza kutaura naRoe ANENYASHA Unoziva mashoko ambuya haana kugara zvakanaka mumoyo mangu zvinoreva kuti havasi right nekuva kwangu pano. Yoooh ichasvika rinhi Monday apo ngasi iwednesday tichaenda hangu ndinogara kuchikoro ndisiye vanhu murunyararo pamusha pavo "Cousin kubva wanyarara kudai uri kufungei?" Tatenda akabvunza "Ayy ndiri kufunga maresults chete sezvo tave kuvhura chikoro" "Iiii taura hako" "Nhasi ndiri kuenda asi ndichatanga ndataura naKule" "Uri kuenda kupi?" "Ndiri kushanyira Tafadzwa asi kuna Kule ndichati ndiri kuenda kuna Ngoni" "Oooh woow ndichawana something" Tatenda akadaro achiseka "Haaa ini here kana, saka ndiudze mai vako vati kudii nemari pawavapa? "Vanga vachati kudii vangoshamisika" "Ummm okay hande tinogadzira chikafu" ndakadaro ndichienda asi patakasvika pakitchen vaiva vatoigadzira "Morning mbuya" "Ummmmm muri vana madam shem munorara" mbuya vakadaro "Mommy" Tatenda akadaro "Nazvino muchiri kutaura husiku hwose?" Mbuya vakabvunza "Ayewa mbuya tinokumbira ruregerero nekunonoka kumuka" ndakadaro ndichivabatsira nechikafu. Tapedza ndakaenda kuna Kule muroom mavo "Muzukuru uri right?" Kule vakabvunza "Ehe Kule" "Ndinokumbira kunoshanyira Ngoni ndichauya mangwana pane zvabdinoda kunotaura naye" "Haaa unoreva kuti unoda kuenda nhasi?" "Ehe asi ndichauya mangwana" "Okay mwanangu no problem" Kule vakadaro vachiburitsa $50 "Ooh mari yetransport utenge nezvimwe zvinhu zvidiki" "Haa Kule no need for that" "Iripo need ndakafanana nekuti ndiri mubereki wako saka ndinofanirwa kuita chero chii" Ndakanyemwerera ndichicahaga ndichibva ndaenda muroom mangu ndichinorongedza mbatya dzekuchinja dzandichaenda nadzo kuna Tafadzwa. I really need fresh air zvechokwadi Kumba kwaTafadzwa hapana chinondinetsa kuma11 Tafadzwa akafona achiti ndigadzirire Nekuti ari munzira. Ndakagadzirira akasvika Kuma 12 ndichibva ndaenda kumota ndakabva ndapinda mukati tichihagana tichikisana "Babe" Tafadzwa akadaro achinditarisa mumaziso "Yes love" "Maziso ako akatsvuka kunge wanga uchichema" "Oooh ndanga ndisinga cheme pamwe handina kurara" "Nei usina kurara?" "Tanga tichitaura naTatenda" Tafadzwa akamutsa mota tichienda kumba munzira taitaura nyaya "Nei uchida kundishanyira?" "Hezvo imhosva here kuti ndishanyire munhu wangu?" "No I doubt asi ndafara hangu kuti ndinewe nhasi" Ndakarara pachituro ndichitarisa mudenga apo ndaifa nemusoro ndainzwa kuda kurara "Are you okay?" "Ndinokumbira unditengere mapiritsi emarwadzo ndiri kunzwa musoro" "Nei usina kundiudza kuti uri kurwara?" "Wanditanga manje" "Okay" Tafadzwa akadaro tichibva taenda kumashops Tafadzwa akadzoka neplastic mukati maiva nezvinhu zvinonaka nemapiritsi "Thanks" "Haungamwi mapiritsi usina kudya idya chikafu chako chandakuvigira" Ndakanyemwerera nekuti aiva andivigira burger. Narrated Kuma12 Shingi Zvayi aiva akarara foni take yakarira raiva lawyer rake "Shaaa" "Mr Zvayi uri kupi?" "Ndiri kumba" "Kumba kupi?" "Kumba kwedu" "Ndinokumbira usaita zvinhu zvusinga enderane nemutemo nekuti uchapinda zve hupenyu hwako munataisireva, I'm sure kuti haudi kudzokera kujeri" "Ndauya pano kuzotora zvinhu zvangu zvose kwete kuzorwa" "Ndinonzwisisa uye unoziva kuti izvi haufanirwe kuzviita nehondo ndinokumbira kuti ugare chero kwemwedzi muviri then wozobvunza zvinhu zvako nekuti uchava nerocord yakaipa uchangobva mujeri wava muhondo futi" "Mwedzi uri kure kuti upede ayy handinga kwanisi kurarama" "Hupenyu hwako uhwu uye mwedzi unokurumidza kupera ndokumbira undiitire izvozvo chete" "Okay ndiri kukunzwa" Shingi akadaro vachionekana Anenyasha Moyo wangu uri kurwadziwa nezvaitika masikati, handizivi ndarara nguvai asi ndaguma Taffy achindiendesa kunondiradzika pa bed ndichibva ndatobatwa nehope. Ndakapepuka ndichitora foni ndichitarisa nguva dzaiva Kuma 2 makuseni. Pandakatarisa side ra Taffy aiva asipo. Ndakasimuka ndichimutsvaga ku shower aiva asipo. Ndakamutarisa imba yose asi ndakamushaya. Ko aripiko Tafadzwa? Ndakadziks downstairs negumbezi ndichienda ku TV room. Nei Tafadzwa angondisiya just like that mumba make? Ndakasvika ndichizvikandira pasofa ndichirara Kuma 4 ndakanzwa door richivhurika ndichinzwa ma footsteps. Ndakasimuka ndichinobatidza light. Tafadzwa paakandiona akavhunduka "An-- Aneny-- anenyasha" "Uri kubvepi nguva dzino Tafadzwa?" Pandakamutarisa hembe yake yaiva yakazara neropa akazvitarisa achibva anditarisa "Iropa reyi iri? Nhasi zve nderembudzi? Manga muchiba mbudzi Tafadzwa?" "Babe" Ndakaswedera paari ndichida kutora bag raaiva akabata asi akatizisa bag rake. "Haungabati zvinhu zvangu Ane" "Ndinoda kuona kuti munei umu!!!" Akatendeuka achienda. Ndakatevera ndichimudanidzira ,"Tafadzwa!!!" Haana kumbonditeerera akaramba achifamba. Akapinda mu bedroom neniwo ndichibva ndapinda. Akabuda zve achidzoka asisina bag. "Tafadzwa uchandiudza here kuti wanga waenda kupi?" Haana kundipindura akaenda ku shower achibva auya achipinda mumagumbezi asina kumbondipindura. "Tafadzwa" "Ane siyana neni please ndinoda kurara ini" Neniwo ndakapinda mumagumbezi ndichirara ndakatarisa rimwe side. Ndichibaya baya foni yangu. Ndauya kuno ndichiti ndinoda kufurwa nemhepo asi ndiri kuwana stress more. Eish kunoyedza rinhi ndidzokere Kwa Kule. Ndave kuzvishora kuti ndanga ndichienda kupi. Now I know Tafadzwa anoita basa rekuuraya vanhu. Iropa rei ranga riri pahembe yake *** Kuma 5 ndakamuka ndichienda kunogeza ndichibva ndachinja. Ndakafonera munhu we tax, handina basa kuti achandidhurisira sei as long ndabva pano. Minutes later munhu we tax akasvika ndichibva ndabuda ndichienda. Pandakasvika pamota, ndakanzwa munhu achindibata ruoko aiva tafadzwa "Uri kuitei?" Tafadzwa akabvunza "Ndisiye maan ndiende Tafadzwa" Tafadzwa akaburitsa mari achipa munhu we tax "Tiri ku cancel trip" "Tafadzwa" Munhu we tax akamutsa mota yake achienda "Tafadzwa uri kuitei?" "Saka iwe unoda kungoenda chete tisina kumbotaura?" "Ndinotaurei newe Tafadzwa iwe usingadi kutaura neni?" "Ngatipinde mumba panze pari kutonhora" Tafadzwa akadaro achindibata ruoko tichipinda mumba. Tichienda ku bedroom. Ndakasvika ndichigara pa bed ndichimutarisa "Tafadzwa" "Look ropa rawaona nezuro yes ranga riri ropa remunhu asi anga ari Prince apfurwa" "Nazvino uchiri kundinyebera?" "Handinyebi, Prince apfurwa ndiko Saka ndamuka ndikaenda ndisina kukuudza Ndanga ndisingadi kukumutsa husiku" "Prince vachimupfura husiku anga achibvepi?" Haana kundipindura "Ndakubvunza Tafadzwa "Unoziva varume vanofamba husiku hwani" "Pakati pehusiku Tafadzwa" "Anga achibva ku club" "Tafadzwa nei uchindinyebera? Chero kuti Prince apfurwa andizvibvumi" Akatora foni yake achifona achiisa pa loud speaker ". "Shoo" "Shoo Roe, Prince waenda kunomuona here?" "Ahh unopenga Tafadzwa makuseni ano here? Ndichaenda Kuma 8 zvagara musikana wake aripo achamutarisa" "Okay sho" Tafadzwa akadaro achikata foni Unoziva Anenyasha haana chinhu chandinovenga sekunzi prover kuti ichokwadi here" "Nazvino hausati wa prover chinhu Tafadzwa. Kusvika muwane ma bara hanti manga muchinoita misikanzwa. Mu bag umo manga munei Tafadzwa?" "Ayy Anenyasha ayy" "Ndinoda kuziva Tafadzwa" "Uchakwanisa kumirira chokwadi Tafadzwa?" Handina kupindura ndakatarisa pasi. Pachokwadi handizivi kuti ndichakwanisa kumirira zvinhu zviri kutaurwa na Tafadzwa "Anenyasha ndiri kutaura newe" "Yah" Akasimuka pa bed "Nditevere" Ndakatanga kurohwa nehana "Ndati nditevere Anenyasha " Ndakamutevera tichienda mune rimwe room. Mukati maiva nerima muchityisa. Ndakabatirira pasri "Tafadzwa " "You strong right? Hanti unoda kuziva zvinhu zvisinei newe" "Ndoda kudzokera ini " "No turning back musikana " Tafadzwa akadaro tichifamba kusvika tasvika pane imwe nzvimbo Tafadzwa akabatidza light. Ndakasara padiki kufenda pandakaona type yose yepfuti. Akatora bag raauya naro nezuro achirivhura. Ndakapera simba pandakaona ari ma drugs. Ndakabvunda muviri wese ndichimutarisa nekushamisika. What the hell is this? Akandiratidza zvinhu zvose "I'm sure now wagutsikana". Ndakamutarisa nemaziso aiva akazara misodzi "This is my life" "Your life? Uchuraya hupenyu hwevechidiki nema drugs" "Handikanganisi hupenyu hwemunhu ini" "Uri kuitei?" "Hatingatauriri muno" Tafadzwa akadaro tichibuda tichienda ku bedroom kwake. Ndakasvika ndichitora bag rangu "Problem Yako Ane haudi kuteerera waita zvinodiwa newe chete. Ndinoedza kukutsanangurira asi haudi kunditeerera" "Ndazviwana zvandanga ndichida kunzwa" "Ma drugs aya tiri kuatora ku Nigeria toatengesera umwe munhu weku America " "America? Ku America wainodzidza here or wainotebgesa ma drugs?" "Anenyasha ndakuudza zvandanga ndichifanirwa kukuudza" "Why Tafadzwa? Why wakasiya basa rako raiva professional uchiita zvehugeven'a unoziva here kuti zvichakukanganisira hupenyu hwako? Unoziva here kuti newevo uchafa sevanhu vauri kuuraya" "Handiurayi munhu Ini" "Nei usingadzokeri kuchipatara Tafadzwa?* "Handidi" "Saka nei wakadzidza?" "Nekuti ndaida Anenyasha. Look life yandiri kurarama ndinoida zvakanyanya uye hapana munhu achandisiisa. Maybe iwe haungakwanisi kudanana nemunhu akaita seni Saka ndinokusunungura nekuti Ini handingazvakwanisi zvekuudzirwa kuti ndiite sei nehupenyu hwangu. Enda hako kumba kwengu unoenderera mberi nehupenyu neniwo ndichasara ndichirarama life yandinoda" Ndakamutarisa ndichishamisika "So you break up with me?" "No but I see things between me and hazvifi zvakashanda" "Nei uchiita zvinhu zvose izvi Taffy?" Ndiyo mibvunzo yandisingadi iyoyo. Ndiko Saka ndati umwe neumwe afambe nzira yake. Handingakwanisi kugara nsichitsanangurira munhu ini. Ndakabva kumba nekuti ndaida kurarama hupenyu hwangu kwete kurarama hupenyu hweumwe munhu Saka handingazoudzwi nemusikana kuti ndiite sei nehupenyu hwangu"Tafadzwa akadaro achitora foni achiibaya Vaya After 10 minutes "Tora bag rako tiende" Ndakatora bag rangu tichibuda ndakawana tax yakamira panze. Apa misodzi kwandiri yaiita madiro. Ndakapinda mu tax ndisina kumbooneka. Tafadzwa akabhadhara driver achibva amutsa mota tichienda. Ndaungochema nzira yose. Moyo wangu waiva wakatsemuka pakati chaipo. After everything yatakadarika na Tafadzwa obva andiramba just like that. Zvichakadaro foni yangu yakapinda message yaibva Kuna Taffy For your own good ngatisiyane Anenyasha. Relationship yedu haishansi Ndakaverenga message iyi kakawanda misodzi ichiita kunaya kumeso kwangu Tafadzwa It's been a week now ini na Ane tisingataudzani. Ndakaedza kumufonera asi haadairi ma calls angu. anenge aka blocker number yangu coz haichapindi. I'm sure ari kuchikoro now, yes we not together anymore asi handingamuregi achigara nemusikana uya. Ndava be information yose kuti ndiye akatengesa Anenyasha. I know Ane acharwadziwa asi anofanirwa kuziva chokwadi. Proof ndaitora kune umwe wavo kujeri andiudza nyaya yose. "Saka tiri kuenda kwavanogara?" Roe akabvunza "Ehe ndinoda kuti Nicole abvume ega mberi Kwa Ane" "Then Anenyasha ogara kupi?" "Hamheno pamwe achanogara Kwa kule vake" "Saka iwe wakatomuramba mwana uya" "Eyy dude musikana uya Ari too forward I won't survive" "Hee usazotichemera kana adzojera zve Kuna Themba". "Handina basa Dude..I think now vabuda kuchikoro vave kumba kwavo" "Yah ichokwadi " Roe akadaro tichinopinda mumota achiimutsa tichienda.. Takasvika pagedhi. Nzvimbo ino varume havabvumirwi asi isu tinofanirwa kupinda. Takapinda tikaenda mu room mavo. Takavawans vachiona TV. Ka Nicole pakakationa kakavhunduka zvakanyanya. Ohh kanotoziva nyaya yako "Roland" Anenyasha akadaro "Hello ladies" Roe akadaro "Roland muri kudei pano?" "Kuzotaura nemwi" Roe akadaro Ane haana kupindura. Saka Ane ave kundivenga zvekudaro. But it's fine "Nicole tauya kwauri sisi. Tinoda uudze Anenyasha chokwadi" ndakadaro Anenyasha Ndakashamisika kuti vairevei pavakati Nicole ngaataure chokwadi "Muri kutaura nezveyi?" Ndakubvunza "Nicole hatina nguva yekutamba newe tave kuziva chokwadi chose. Ukaramba wakanyarara unorara wava kujeri" Roe akadaro "Nicky vanotaura nezveyi?" Ndakabvunza ndiri confused zveshuwa ndaiva murima.iye Nicky aiva ave kubvunda uku misodzi ichiyerera "Nicky" ndakadaro "Hatina nguva yekutamba newe bitch!!!!" Tafadzwa akadaro nezwi riri pamsoro "I'm sorry Anenyasha ndakazviitiswa nekuda mari " Ndakashamisika kuti vaitaura nezveyi "Handisi kunzwisisa in" Nicole akandiudza nyaya yose. "You!!!" "I'm sorry " "Nicky ndagara newe nguva yakareba pano asi iwe ndipo paunofunga kuita mari neni" "I'm sorry Anenyasha ndiri kuzvishora nezvinhu zvandakakuita" Ndakapererwa kuti ndikomupindura ndichiti kudii. Handina nguva yekuitisana nharo naye. Handingakwanisi kugara nemunhu akaita izvi. Zviri pachena chero kundiuraya angazviita. Ndakarongedza mbatya dzangu ndichibva ndaenda ku sitting room "I'm sorry Ane ndinokumbira usaenda nekuda kwangu. Ndichaenda ini" "Nei Nicole? Nei wakandidaro? Ini ndaikuona sa sisi vangu izvo iwe uri kutoona munhu achakuitisa mari.dont worry ndichaenda ini" ndakadaro ndichitora ma bag angu "Don't worry tichakuperekedza" Roe akadaro achindibatsira kutora ma bag angu tichiaendesa kumota. Tafadzwa aiva akanyarara hake. Takasvika kumota ndikagara kumashure be bag rangu Roe na Taffy vakagara kumberi. Roe akamutsa mota tave kuenda kumba Kwa Kule. Handizivi mbuya vachati kudii nekuzogara kwangu kumba nekuti havandidi shame havadi chero kuzvivanza End of chapter