Chapter 6 Anenyasha Its been a month now ndakaroorwa zvikoro zvakavhurwa vanhu vakatotanga ku register asi ini ndakagara pamusha ndiri kuvabikira ndichivaitira zvose. Handizvidi zvinhu zvose zviri kuitika pandiri ini. Ndakaedza kutaura na Munyaradzi nezvekuchikoro asi akatondiudza kuti tisiyane nenyaya iyi nekuti hazvimboitiki izvi. Ndiye chete munhu wandaifungira kuti achandibatsira asi naiyevo akafanana na baba vake hutsinye. Asi chinhu chandakangofarira paari kubva zvaakaziva kuti andibisa humhandara haana kuzoda zve kuti tirare. Tinongorara as brother and sister kana ari sa Taffy. Yuu ndiye munhu wandaifunga kuti ndichava shamwari naye asi andichinjira mazuva ano. It seems like anondi avoider i dont know ndakamuitei. Ndakabva ndaenda mu room make nechikafu ndakamuwana achiita video call i think musikana wake "Babe ndichakufonera pane munhu wandoda ku attender" "Hey" "Hello mukadzi wa mukoma" "You really have to say that?" "Hezvo ko hausi mukadzi we brother yangu?" "Ndokumbira tisataura nezvenyaya iyi ndakuvigira chikafu handina kukuona uchidya nhasi" "Handina nzara" "Hezvo hauna nzara since morning hauna chawadya" "Ko iwe unotevererana nei kuti ndiri kuitei? Eish pamusha munhu haafi akawana peace please leave me alone Mrs Zvayi" "Taffy tell me ndakakuitei nekuti it seems like ndinokunhuhwira?" "Unoziva zvawakandiita" Handina kumupindura ndakangomutarisa "Kugara uchingonditeverera siyana neni please" Ndakatora chikafu ndichibuda, chiiko neni kutevererana na Tafadzwa haivawo iye kuzovhaira argg maan. Ndakadzosera chikafu ndichibva ndaenda mu mu room mangu ndichitora foni ndichinyorera charmer message asi haana kupindura ehh munhu wese ava kundivenga. Ndakabva ndaenda ku kitchen ndikawana Maidei achibika "Hey Ane uri right" "Yah im fine" "Kana pane zvinokunetsa usatya kutaura neni" "Dont worry maiguru kana pane zvinondinetsa ndichauya kwauri" "Kana iri nyaya yekuroorwa dont worry uchajaira neniwo ndakasvika pano ndiri mudiki" "Wakasvika pano nerudo Maidei ini ndakaroorwa zvekumanikidzwa apa Munyaradzi wacho anoyenzana ne first born yekumba kwedu argg maan Munyaradzi iharahwa iyi" "I understand asi vakawanda vanhu vanoroorwa vasingadi asi nekufamba kwenguva vanenge vakudanana zvinomwisa mvura ndokumbira upe mukana" "I dont think maidei tava nemwedzi tiri tose asi hapana chinoitika pandiri" "Ndokumbira ushingirire Ane " "Ndichaedza" Zvichakadaro Tafadzwa akapinda "Gulez ndiri kufa nenzara mabikei?" Tafadzwa akabvubza akatarisa Maidei "Ohh ndanga ndatokupakurira chikafu chako icho apo" Tafadzwa akatora chikafu chake achibuda achienda "He is so sweet" "Wava nenguva yakadii uchimuziva?" "15 years" "haa you mean une 15 years wakaroorwa pano?" "Ehe ndagarisa pano" "Uhhm taura hako" "Taffy ndakamuwana achiri rusvava asi nhasi ava baba" "Yah pakaipa" ndakadaro ndichimubatsira kubika Narrated Kunze kwaiva kwasviba Anenyasha aiva akagara mune rimwe room risingapindi vanhu aiverenga ma book ake. Zvichakadaro door rakavhurika Tafadzwa akapinda. Anenyasha akakurumidza kuviga mabhuku ake "Uri kudei muno? Chii chauri kuviga?" ."hapana" Tafadzwa akaswedera achitora mabhuku ake achiaisa pachena "Mabhuku" Misodzi yakatanga kuyerera pana Anenyasha "Ndokumbira usaudza munhu" "Nei uchiverenga wakaviga?" "Ane uri kuchemei?" "Ndoda kudzokera kuchikoro ini" "Dzokera zve" "Unouziva mutemo wepamusha pano" "Munyaradzi wataura naye here?" "Ehe asi andi ignowa" "Wanga uchidzidza kupi?" "UZ" "Okay unokwanisa here kudzidza part time uchigara pano. Ucha register part time" "Asi ndichadzidza sei nekuti ndofanirwa kuita mabasa emumba?" "Ndiyo chete nzira yekudzidza hapana imwe uye unofanirwa kuvavanzira kuti unodzidza nekuti unoziva kuti havangabvumi" "Handina ku register" "Ndichakuitira hande mu room mangu" Tafadzwa akadaro vachienda muroom make . Vakasvika Tafadzwa akatora laptop yake akaidzvanya dzvanya achibva atarisa Anenyasha. "Done" "Asi part time inodhura ndoiwana kupi mari yacho?" "Murume wako ane type yose yemari yaungafungira" "Asi unoziva kuti zvauri kutaura uri kupedza nguva" "Ohk siira ini zvose izvo " "Pane zvinhu zvinodiwa kana nda register kuti ndinotenga ini handibvumirwi kubuda muno" "Ndichanokutorera" "Thank you so much Taffy" Anenyasha akadaro achimuhaga "You're welcome" Tafadzwa akadaro vachitarisana mumaziso vachibva vakisana kwenguva diki. Anenyasha akavhunduka achibva paari "I need to go Anenyasha akadaro achimhanya achibuda Anenyasha Shuu i don't believe zvinhu zvichangobva kuitika pakati pangu na Taffy. Ndanga ndapindwa neiko. Ndakaroorwa nemukoma wake for goodness sake. Ndakamhanya ndichipinda mukamuri medu ndakawana Munya akagara pa bed "Hey" "Hey uri kuvhundekei" "Uhhm ha-- hap-- hapana" "Aewa pane zvaitika chete haungangopindi muno uchimhanya uye unenge wavhunduka pane munhu ataura something kwauri here?" "Munyaradzi ndaita ne mistake ndak--" handina kuzopedza kutaura Tafadzwa akabva apinda. "Broe ndauya kuzokumbira rubatsiro rwako " Taffy akadaro achidzungudza musoro achinditarisa "Rubatsiro rwei?" "Ndokumbira utaure na baba uvaudze kuti ndakuda kudzokera ku America " ndakavhura maziso "America!! Hanti wakapedza here kudzidza?" "Pane zvinhu zvandinoda kunoitako broe zvino ini ndikataura navo vanenge vachingotaurira ngano dzana tsuro na gudo" "Now pane zvinhu zvandoda kuita ndichataura navo manheru" "Thanks broe" Munya akabva abuda Tafadzwa akanditarisa "Wanga uchida kudii?" Taffy akabvunza "Kukumbira ruregerero pazvinhu zvataita" "Agokuregerera here?" "Handizivi asi ndiri kunzwa sendine mhosva nezvinhu zvataita. Tanga tisingafanirwi kuzviita" "I know but kumuudza hakusi kugadzira zvinhu. Zvichakonzeresa noise please ndokumbira usamuudza" "Wakudzokera" "Yes" "Ndichasara ndichibatsirwa nani zvinhu zvechikoro?" "Ndichakutsvagira munhu" "Asi wandivimbisa kuti uchandibatsira then why wakuenda?" "Nekuti ndofanirwa kuenda ka" "Saka ndozvaunoita kuvimbisa munhu chinhu wobva wamusiya akaremberera?" "Nei wadaro?" "Unoonekwa kuti uri munhu wekunyeba ungavimbisa munhu chinhu pasina ten minutes wobva waenda" "Handisi kunzwisisa ini" "I was just saying maybe neku America variko vawakatoita sezvawandiita" "Handisi munhu iyeye wauri kufungira kuti ndiri" "Ndakufungira kuti uri munhu akadii?" "Iyeye wauri kundifungira ndiwe unoziva asi handisi munhu iyeye" Tafadzwa akadaro achibuda achienda. Ndakasara ndichitora foni yangu ndichipinda pa Facebook Charmer ndiye chete munhu anodzosa mood yangu. Pandakatarisa facebook. Aiva asina kupindura message yangu yekutanga "Hello stranger" Akangovhura haana kundipindura "Ohh wakundi ignore manje?" Akangovhura haana kundipindura ohh naiyevo haachadi kutaura neni. Ndakabva ndabuda ndichienda ku kitchen. Ndakawana mai Munyaradzi vari ku kitchen "Mambokadzi pane zvauri kuda?" "Aewa mhamha ndanga ndauya kuzomwa mvura" "Ohk wamboona Tafadzwa here?" "I think ari mu room make" "Mhamha pavaida kudana mushandi ndakavatarisa "Dont worry mhamha ndichanomudana" ndakadaro ndichienda mu room make. Ndakasvika ndichivhura door aiva pafoni "Ohk ndichauya kuzokutora husiku" Tafadzwa akadaro achikata foni "Ukagogodza unofa here?" Tafadzwa akadaro "Uri kudamwa na mhamha vako ku kitchen" ndakadaro ndichidzokera ku kitchen, akanditevera kumashure "Ndanzwa kuti wakuda kuenda" "Ehe mhamha chero nhasi chaiye" "Asi unogoenda sei mukoma wako achigadzikwa pahumambo mwedzi unouya" "Ndichadzoka mhamha" "Baba vako handifungi vakazvibvuma izvo" "Saka munhu akufanirwa kurarama hupenyu hweumwe munhu ayy zvinhu zvepamusha pano zvinobhowa maan" Tafadzwa akadaro achienda. Mai Munyaradzi vakadzungudza musoro "Zvarai muone kuti zvorwadza sei" Ndakaseka ndichivatarisa "Pamwe akufunga shamwari dzake" "Shamwari dzake dzakosheiko kudarika family yake" "Pakaipa mhamha" Mai Munya vakabva vabuda Tafadzwa Month later Handizivi kuti ndiite sei. Ini chinhu chandakuda kubva pamusha pano ndinogara ku Amerika. But anyway ndangosarirwa nemazuva mashoma sezvo Munya achigadzikwa pahumambo nhasi. Zvichakadaro ndakanzwa munhu aindibata pafudzi aiva Tom shamwari yangu. Ndaiva ndakatarisa Anenyasha achiendeswa panzvimbo inogara Mambokadzi "Shiit!!! Mukoma wako ane mukadzi apa" "Yah ari nani hake" "Haa Tafadzwa usati ari nani akanaka mwana wevanhu" "Ohk " "Ko manje kuzotarisa mukadzi wemukoma wako neziso rakadai kwakanaka?" "Iwe mupfanha unopenga. Maziso angu orega kutarisa paanoda nekuti zvichanzi ndakatarisa mukadzi wa Munyaradzi?" "Saka nei usina kupfeka mbatya dze huprince?" "Hu Prince hwekumama" Pakazoitwa zvinhu zvose Munya akagadzikwa pahumambo. Nhasi kuma seven vari kuendesa Munya hamenho kupi. Vachodzoka after 1 week. Handidzizivi nyaya dzavo dze Humambo ini asi nhasi varume vose vari kuenda "Taffy asi hauendi?" Tichaona akabvunza "Eyy handiendiko ini" "Panofanirwa kusara umwe murume pamusha pano. Hatingasiyi vakadzi vega" jinda guru rakadaro "Muudzei baba" "Ok ok ndanga ndichingobvunza ini handina kumboti ndiri kurwa" Ticha akadaro Vakagadzirira vachibva vaenda. Ini ndakaenda mu room mangu ndichiedza kurara asi hope dzakaramba kubata ndakamuka ndichienda mu room ma Anenyasha Anenyasha Ndaiva ndakarara ndega mu room mangu. Ko hanti vanhu vaenda uye Ndofanirwa kujaira kurara ndega nekuti vaenda kwesvondo rose. Ndaiedza kurara asi hope dzaiva dzisingabati ndaingoshanduka nonstop. Zvichakadaro ndakanzwa knock pa door ndakaenda kunovhura aiva Tafadzwa "Taffy uri kudei pano nguva dzino?" "Ndavinga iwe" "Unondidii?" "Hande mu room mangu pane zvandoda kukuratidza" Takabva tabuda tichienda mu room make. Akasvika achivhura laptop achitura befu akanditarisa. "Ahh nxaa ndakuenda ini. Wandidanira kuzonditarisa chete usina zvaunotaura" Pandaiva ndakusimuka akaita laptop on achienda ku facebook. Ndakavhura maziso ndichishamisika "And then" "Wait" Ndakavhunduka ndichiona account ye facebook yaiva yakanzi Lucky Charmer "Lucky Charmer?" Akanditarisa achivhura ma conversations edu "Are you Lucky Charmer?" "No ndonzi Tafadzwa iyi i fake account inongozivikanwa neni newe chete. Sezvo wakuiziva ndichaibisa" "I dont believe this. Nei wakaita zvinhu zvakadai?" "Because i love you Anenyasha. Ndakakuda nezuva randakatanga kukuona. Handisati ndambonzwa zvakadai pamunhu wechikadzi kana ndiri pedo newe" ndakavhura maziso "You love me Tafadzwa? Saka nei wakandishandisira fake account?" "To be honest ndaikutya. Ma gents munharaunda aindiudza kuti uri munhu akadii so ndaikut--" "Ndiyo chete reason iyi yaungandiudza? Unonditora sei Tafadzwa?" "I'm sorry but now i can't take it i love you Anenyasha" "Problem yako uri gwara nguva yose waindiita benzi ndichitaura newe" "Nekuti newevo unondida ka" "Ndiri mukadzi wemukoma wako zviise mumusoro mako izvo. Wakatadza nenguva yacho now wakuda kundikanganisira zvinhu" "Anenyasha ndakakuda kare ini ndaishaiya kuti ndotangira papi. Ndosaka ndakazouya ne plan ye fake account" Kubva nhasi we will say handina kumbobvira ndakataura na Lucky Charmer newevo hauna kumbobvira wakataura na Anenyasha. Ukangopamha zve ndinoiudza family yose nekupenga kwako kwawanga uchiita" "Ane please ndokumbira undipe mukana i love you please. Ndakakuda Munya asati atomboziva kuti kunewe panyika" "Ndidane mai vako here vauye kuzonzwa zvauri kutaura?" Mai vangu vapinda papi manje?" "Tafadzwa nguva yose iyi wanga uchindiita benzi hako ndichikuudza zvose zvaiitika pandiri uchinyebera kusaziva izvo ndiwe hako. Arrgg maan!!" ndakadaro ndatobhowekana ndichisimuka ndichienda mu room mangu I dont believe this. Ndakapinda mu room mangu ndichigara pa bed. Nguva yose iyi ndaitaura na Tafadzwa. Munhu wandinogara naye. Munin'ina we murume wangu? I think zviri nani aende ku America kwake nekuti angazondikanganisira imba yangu. Ndichiri kufunga kudaro door rakavhurika aiva Tafadzwa "Uri kudei Tafadzwa?" "Ndoda chokwadi?" "Chokwadi chei?" "Do you love me? Yes or no?" "Handikudi Tafadzwa buda muno" "Ohh Tafadzwa haumudi asi Lucky Charmer ndiye waunoda" "Yes ndaimuda ndaiva ndisingazivi kuti ndiwe buda muno Tafadzwa ndakuda kurara" "Ohk fine ndichaenda" Tafadzwa akadaro achibuda achienda. Ndakasara ndichipinda mumagumbezi ndichirara Makuseni ndakamuka ndichigadzira breakfast ndaibatsirwa na Maidei? "Mainini muri bhoo" "Handisi bhoo ini i miss my parents" "Now wakubvumirwa kunovaona enda unokumbira kuna mhamha havarambi" "Ohk ndichaenda tapedza zvatiri kuita" "Ohk Mambokadzi" Ndakabva ndaseka "Chii manje?" "Its weird" "Dont worry uchazvojaira" "Munyaradzi" "Adii?" "He's innocent right?" "Yah he's innocent asi ukangomutsika chigunwe ndopaunoona ma true colours ake" "Eish unoziva pane zvinhu zvandinomboda kumubvunza asi ndichitya kubvunza" "Bvunza hako?" "Ane vana here? Akamboroora before?" Maidei akanditarisa achitarisa pasi "Ohh it's fine kana zvisingaiti kuti undiudze i will understand" "Yah akamboroora uye ane vana vaviri mukomana nemusikana" Ndakavhura maziso "Zvino vari kupi?" "Mukadzi paakangonzwa kuti Munyaradzi akuroora mukadzi wechi two akamuka asipo zvese nevana" "But why vasina kuvatsvaga nzvimbo yose" "Ihh unofunga kuti havana kuzviita here? Linda aiva calm asingatauri ndaiva ndisingafungiri kuti angaita zvinhu zvakadaro. Vakavatsvaga kusvika vaneta" "Unoziva Munya anofarira kumira pa window paanobvapo maziso anenge akatsvuka maybe ndizvo zvaanenge achifunga" "Munya aimuda mukadzi wake handidi kunyeba. Zvicharema kuti Linda abude mupfungwa dzake. But since iwe wavapo pamwe achakanganwa nezvake" "Yah ndavapo ndichava Munyaradzi wake" ndakadaro tichiendesa chikafu tichigara pasi tichidya. "Taffy uri right mwanangu" "Ndiri right mhamha " "Ndakamutarisa Taffy ndikaona maziso ake akatsvuka. I think Ndofanirwa kutambira kure naye kuitira hupenyu hwake. Ndipe Munya mukana ndione kuti tichasvikepi. Tapedza kudya takatora ndiro tichinosuka na Maidei "Chienda unokumbira kuna mhamha" Maidei akadaro "Thank you" ndakadaro ndichienda kuna mhamha Ndakakumbira vakabvuma vakanditi Chero ndikararako no problem. Taffy ndiye achandiendesa. Ndakasimuka ndichinyemwerera . i cant wait to see my father. Ndakarongedza zvinhu zvandaizoshsndisa ndichibva ndabuda. Ndakawana Taffy atondimirira Ndakapinda mumota achibva aimutsa tichienda kumba. Munzira takasangana neumwe musikana. Taffy akamisa mota achibva aburuka vachihagana vachikisana mberi kwangu here amana?/ shuu Taffy anodherera uhu. Adii kutanga andiendesa kumba ozoita chihure chake nxaa. vapedza kunhanzvana akauya mumota kana kumbondikumbira ruregerero nekundirindisa nxaa maan. Takasvika kumba akandivhurira door remota ndichibva ndabuda "Thank you" Haana kundipindura ndakatora bag rangu ndichibuda ndichipinda mumba family yose yaivapo chero mukoma kurai vaivapo ndakatanga nekuhaga baba End of Chapter