Chapter 17 Anenyasha Unoziva nyaya dzemafaro idzi hadzisi pandiri. Kungozama kuendako ratova drama ayy better ndisiyane nazvo zvine varidzi izvi. Ndakagara kudaro foni yangu yakarira aiva Themba. "Themba" "Ndoda kutaura newe" "Taura" "Ndiri panze huya" "Nei usina kundiudza kuti uri kuuya?" Akabva akata foni. Hezvo asi anopenga Themba. Ndakabva ndabuda ndichienda kwaari, ndakamuwana aripo zveshuwa. Ndakapinda mumota "Themba handizvifariri zvawaita, nei usina kundiudza kuti uri kuuya?" "Asi pane zvauri kuvanza?" "Unorevei?" "Ndati asi pane umwe anosvika kana ndisipo?" Hee mashura chaiwo. Themba anopenga here? "Saka ukundiudza kuti ini ndiri hure?" "Okay ngatiisiye iyo? Chii chiri kuitika pakati pako nemukomana uya aikuteverera ku club uye hauna kuzondiuza kuti wakakuvadziwa nei?" "Hapana zviri kuitika pakati pangu naye?" "Saka kana pasina zviri kuitika pakati penyu nei auya kumba kwangu ne shamwari yake achindityisa kuti ndisiyane newe" Ndakavhura maziso "Tafadzwa auya kumba kwako?" "Handimuzivi zita rake asi iye ndozvaaita saka ndoda kuziva kuti uri chii chake?" "Ndakuudza Themba kuti hapana chiri kuitika pakati pedu" "Usandiita benzi Nyasha. Hapana munhu angaita izvi pasina zviri kuitika " "Saka iwe unofunga kuti chii changu?" "Ndiwe unofanirwa kundiudza izvozvo nekuti ini handizivi " "You know what Themba ini handingakwanisi kudanana nemunhu asingandivimbi. Ndichiri mudiki ini kuti ndakufanirwa kungotsanangura zvinhu zvisina basa kuvarume. Kana iwe usingandivimbi it's fine let's cut the deal" ndakadaro ndichibuda mumota "Anenyasha dzoka pano!!!" Handina kumupindura ndakapinda mumba, handina nguva yekuitiswa nevarume ini nxaa. Chekutanga angondifonera achindiudza kuti ari pagedhi ndakamuudza kuti handizvifariri. Ndakapinda mumba ndikafonera Taffy "Anenyasha dza Tafadzwa " "Tafadzwa " "Chii manje asi warambwa?" "Tafadzwa nhasi ndoda undiudze kuti uri kudei muhupenyu hwangu? Nei usingadi kundiona ndichifara?" "Ko takamboparadzaniswa neiko inga wani taiva ma good coup-- I mean ma good friends?" "Tafadzwa usachinja topic" "Dza Taffy unoziva ndoda kutaura newe sei?" "Hanti tiri kutaura " "Iyi yandoda kutaura newe haidi through foni" "Nxaa handidi kutaura newe " "Ahh unotomba iwe nditori mumugwagwa kuuya ikoko, " Tafadzwa akadaro achikata foni. What's the f**k!!? Ndakagara pasofa "Chii Ane?" "Tafadzwa anondijairira Nicky?" "Ndiani Taffy?" "Mukomana anga ari pano nezuro ati ari kuuya handizivi arairwa nani pano" "Unovaziva vakomana zvavari but he's handsome" "Handsome my foot" Ayy humhandara hwakuzoenda manje, vakomana vanohuvhima left and right" Nicky akadaro achiseka Pandaiva ndakubatidza TV yangu Tafadzwa akafona "Ndasvika dza Taffy" "Ndakuudza kuti usauya" "Ndipinde here?" "Ayy Tafadzwa ndakuda kurara ini" "Okay ndakutouya" "Fine fine ndakuuya" ndakadaro ndichibuda Vanhu vainditarisa. I'm sure vari kungoti ndiri kuchinjanisa varume. Ndakaona mota nhema Mercedes Benz yakamira. I wonder ndeyani Mercedes Benz iyo nekuti inodhura iyo Tafadzwa haangai afford mota yakadai. Akandivhurira door ndichibva ndapinda "Hey" Tafadzwa akadaro achinyemwerera "Ndiudze zvinhu zvawanga uchida kundiudza Tafadzwa " "Ndokumbira kuti zvinhu zvandichataura ndizvitaurire panzvimbo yakanyarara" "Tafadzwa" "I promise hatiendi kure" "Chimbori chiiko chaunoda kutaura". "Please " "Handina kumbozviudza kuti ndichabuda manje" "Chizviudza manje. I know kuti hapana zvauri kuita tichakurumidza kudzoka" Handina kumupindura "Kunyarara kwako kwandiri kunoreva yes" Tafadzwa akadaro achimutsa mota achinditarisa achinyemwerera "Taffy ndeyani mota iyi?" "Ndeyangu" "Usanyeba Tafadzwa" "Iyaa uri kumashure ndakushanda zve ini" "Kupi?" Ndoshanda ku New Harare private hospital as doctor" Ndakaseka ndichirova maoko "Uri kusekei?" "Unofunga kuti doctor kusvuta mbanje?" "Ko ndaidzidzira kuita sei ku America?" Ndakamutarisa ndava serious "Waiita medicine?" Akatora name tag yake achindiratidza "Doctor?" Ndakabvunza nekushamisika "Aewa ndiri makanika" "Wait unoshanda nguvai nekuti unoswera uchimbeya uchitsvagana nezvandiri kuita?" "Basa rine nguva yaro" "Ndinobvuma asi haungatengi mota inodhura kudai in 3 months" "I'm a professional sisi ndakaitenga ne salary yemwedzi umwe chete" "Okay congratulation asi hausi ku behavior sa doctor " "Saka ndofanirwa kutakura varwere musoro kuti ndionekwe kuti ndiri doctor or ndofanirwa kugara ndakapfeka white coat nema stethoscopes" "Ehe unofanirwa kudaro" "So tell me unorwirei neni?" "Ayy Tafadzwa ndine zvinhu zvakawanda zvandingaita ini kwete zvauri kundibvunza" Mota yakamira pamberi peimwe imba yaiva yakanaka "Imba yako iyi?" "Aewa ndeya kule veshamwari yangu Saka havagari pano vari ku england isu takavatarisira imba yavo" Ndakamutarisa kwenguva yakareba tichibva tapinda mukati "Fridge yangu ine doro chete zvinhu zvema juice ayy ayy" "Saka na Dee anongomwa doro chete juice haamwi" "Dee wepi?" "Dineo musikana wako ane drama" "Nxaa" Tafadzwa akadaro achitora juice achindipa iye akatora cane yedoro "Chii chatavinga kuzotaura pano?" "Anenyasha ndinoziva kuti uri kuzviudza kuti handidi kukuona uchifara asi hazvisirizvo. Hapana chinhu chandinoda kuona sewe uchifara uchibudirira mu life" "Asi hauzviratidzi" "Okay I understand maybe behavior yangu kwauri asi neniwo ndinenge ndisingazviiti nekuda kwangu. I know kuti ini newe takambonetsana asi izvo hazvirevi kuti handikudi. I love you so much" "Ndakakuudza Taffy ndinokuda wakaita sei? Hanti wakandidzinga sembwa" "No Ane newevo wakandiwana ndine mutoro paya" "Ohh okay let's say takudanana kana wava nemutoro unoutura pandiri?" "Aewa Tafadzwa akadaro achitarisa pasi "Tafadzwa wakarara nemusikana mberi kwangu" "Mberi kwako?" Tafadzwa akabvunza achiratidza kushamisika "Zvaingofanana nekuti mberi kwangu. Wakarara na Bridget pa same bed mbatya dzenyu dzakazara pasi, chero nema underwear pawakaona kuti ndakuona hauna kumboratidza kuzvishora or unondida. Hauna kumboita hanya nekuti ini ndinonzwa sei nazvo" "I'm sorry Ane" "Une vasikana vangani?" Tafadzwa akanditarisa achishamisika *Ane look nd--" "Uri kutadza kupindura mubvunzo uri easy kudai. Look it's up to you kana uchida kuva neni uchagadzira nzira dzako" "Nzira dzangu dzipi?" "Ndiwe unodziziva. Kana wagadzira maybe we will talk zvinhu zvine musoro. Uchandiendesa or ndidane tax?" "Anenyasha" "Ndakuda kuenda ini" Akasimuka achitora ma key emota tichinopinda mumota Nompumelelo Ndakagara mu room medu, now nguva dzava Kuma 10 Munya haasati auya handizivi kuti ari kupi nani. ndakatarisa mwana wangu aitoridza magwiriri hake. Nahalf past ten Munya akapinda "Hey rega ndokutorera chikafu chako" ndakadaro ndichida kubuda asi akandibata ruoko "I'm sorry nemashoko andataura makuseni ndanga ndisinganirwi kutaura zvakadaro pauri" "Munya ndini ndofanirwa kukumbira ruregerero, ndavhura ma message ako ndichifunga kuti pamwe uchinarwo rudo rwangu. Ndanga ndichifunga kuti rudo ruchiripo pakati pedo izvo kwete kwangosara rudo rwevabereki. Munya, Jay na Popo vakura manje I know kuti vanokwanisa kurarama kunze kwangu. Tora hako vana there is no need yekuti undichengete pano moyo usiri pandiri. Ndokumbira tidai so. Tichaita divorce vana vachasara kwauri kana vachindida vachandishanyira" ndakadaro ndichipukuta misodzi "Ndaona iri iyo best solution iyi. Iyi yekunyebera vanhu tichiti tinodanana handifungi kuti iri right ini. Mangwana chaiye ndokumbira utaure na baba vako nenyaya ye divorce. Ndichaenda mangwana chaiye ma paper e divorce achanditevera kumba. I'm sure Anenyasha wako kwaari ari kukufungavo naiyevo anokuda sezvauri kumuita nekuti zvinorwadza kuda munhu asingakudi" "Nompumelelo " "I think tapedza nenyaya iyi Munyaradzi " ndakadaro ndichikwira pa bed ndichihaga mwana wangu Nhasi izuva rekupedzisira ndakarara naye mu room iri nekuti mangwana ndiri kudzokera kumba kwedu handichadzoki zve. Munya naiyevo akakwira pa bed achinditarisa ***** Mangwana makuseni ndakatanga kupepuka Munya aiva akafa nehope. Ndakabva ndamumutsa "Ko ndikumutsirwei makuseni ano?" "Tofanirwa kunotaura nevabereki vako manje ndoda kuenda nhasi ini" "Nompumelelo ko vana?" "Vana ndataura Munya kuti ndichavasiya vachandishanyira kana vakundifunga" "Asi vanoda kugara vachikuona" "Fine then ndichaenda navo" "Hakuna ropa rekwa Zvayi richanogara kure neropa ravo" "Saka ngavasare ka. Ndichataura navo vana vangu vacha understand (a)" Akabva amuka achipfeka chero kugeza haana kuzogeza. Ini zvekuva pano handichadi shame. Mashoko andaudzwa na Munya hapana angakwanisa kushingirira mashoko ataurwa pandiri. Why ndichifanirwa kugara pano ini ndisingadiwi. Achasara achiita zvaanoda. Handingagari pano ndichiti ndiri kuitira vanhu ndisingapihwi zvinhu zvandakavinga pano. As for vana vachandishanyira saka handioni reason yekuramba ndiri pamusha pano Takaenda kumuzinda tikawana Mai vake na baba vake vakagara "Mamuka sei?" Ndakadaro "Mambokadzi marara sei?" Mai Munya vakadaro "Tarara zvakanaka mhamha" ndakadaro "Baba na mhamha tauya nechichemo kwamuri asi tokumbira mugamuchire chichemo chedu" Munya akadaro "Chiizve Munya" "Muchandiregerera vabereki vangu neniwo hapana zvandingaita. Zvinhu zvandichakuudza ndoona zviri izvo zvinodiwa nesu. Chinangwa changu changa chisiri chekusvibisa zita renyu asi zvangozviita zvega" "Munyaradzi taurai nyaya yenyu" Mai Munya vakadaro "Kubva zvakasvika Mpume zvinhu hazvina kuzofanana nekare. Zvinhu zvandainzwa kare kana ndinaye handichazvinzwi. Pano angogarira vana chete kwete ini" Munya akadaro "Ichokwadi mhamha neniwo andiudza nezuro asi tazowana solution yenyaya iyi"ndakadaro "Izvo hazviitiki manje hamufi makazviona" "Mhamha zvakangofanana chero Mpume akagara pano anenge akuitira vanhu munharaunda nevana chete ini handisisina ma feelings ake" Munya akadaro "Munyaradzi wakuda zve kusvibisa mutupo wekwa Zvayi. Ndakakupa chigaro chino nekuti ndaikuvimba. Wakatanga nekuparadzana nemukadzi wako mudiki now wakuparadzana na Mambokadzi zve. Kubva zvawakagadzikwa pahumambo yakawanda mitemo yawakaputsa zvinhu zvamuri kuda kuita handingazvibvumi" Mambo vakadaro Takatarisana na Mpume hapana akapindura "Ndeipi solution yamuri kuda muri vaviri " Mambo vakabvunza "Divorce " "Ndokupai mvumo chiendai" Mambo vakadaro "Baba" Mai Munya vakadaro "Vakura vanhu ava vanoziva zvavanoita" Mambo vakadaro Takasimuka tichienda. Mai Munya vakatotevera "Huyai pano imwi" takaswedera Pana Mai Munya "Iwe Munyaradzi zvinhu zvauri kutaura wazvitora kupi?". "Mumoyo mangu?" "Saka ndihwo hupenyu hwauri kuda uhu here? Hwekuroora uchidzinga vakadzi. Iwe Mpume uri kubvumirana na Munya haukwanisi kurwira murume wako here?" "Mhamha hapana zvandingarwira dai kuchinzi Munya ana marwei ndiye anomudaro ndanga ndicharwa asi hapana Munya ari kutaura zvinhu zviri mumoyo make" ndakadaro "Ko vana?" Mai Munya vakabvunza "Vana ndichavasiya kumba kwavo" Musaita izvi vanangu. Munya wadii kuzvipa nguva usabvuma Masithole achienda Kani" "Munya andiudza ini kuti munhu waanoda ndi Anenyasha " "Ohh Saka iwe Munya uri kuparadzana na Mpume uchiti wakamirira Anenyasha. Anenyasha achiri mudiki uya. Yes Ari pano aiita zvinhu kunge munhu mukuru asi aizviitiswa nesu uye akasvika pakuneta. Anenyasha anodzidza nevamwe vana uko. Vanoyenzana naye, akashara zvinhu zvaanoda. Zvidzidzo ndizvo zvaanoda. Kana apedza chikoro acharoorwa nemunhu akadzidza" "Zvakwana mhamha " Okay itai zvamunoda asi zvisazokunetsai kumberi uye musazonetsa vana nenyaya dzenyu" Mai Munya vakadaro vachienda Anenyasha Ndaiva mu sitting room ndichiona TV. Foni yangu yakarira aiva Tafadzwa ndakadaira "Ndati handitauri newe usati waziva zvauri kuda" "Okay ndokumbira kuzokuona ndikuudze everything" "Usapfuudza 20 minutes coz ndoda kuverenga" "Ndichaita sekudaro" Ndakakata foni yangu ndikaenderera mberi nekuona tv. After 10 minutes ndakaona message yaiti I'm outside Ndakabuda ndichinopinda mumota "Thanks nekundipa mukana wekutaura newe" "Ndakamirira kunzwa everything" "Ohh paya pawakaona ropa pa hembe yangu waitaura chokwadi raiva ropa remunhu" ndakamutarisa ndichishamisika "Asi handina kumbomuuraya munhu ini. Ndeuya akatitevera kuhotera atumwa na mainini. Ini ne shamwari dzangu takamuona somewhere neshamwari dzangu tikamutevera. Takakwanisa kumu blocker achibva abuda mumota. Ini ndakamuti takukuendesa ku police unotaura wega zvinhu zvawakatiita asi akabva azvipfura nekuti munhu wacho airatidza kuti ane ma crime akawanda anokwanisa kufira mujeri" "Saka ropa raidei pahembe yako?" "Takavhunduka ka patakaona achizvipfura, takamhanyira kwaari tichiedza kumumutsa asi aiva at--" "Tafadzwa nei uchinyeba" "Handinyebi Ane ndiri kutaura chokwadi " "Story yako handiibvumi ini Taffy" "Saka iwe unofunga kuti ndini ndakamuuraya?" "Handizivi Tafadzwa, handizivi chinhu iwe ndiwe unoziva chokwadi" "Maybe ndatadza kutsanangura zvakanaka asi zvinhu zvandiri kutaura ichokwadi. Anenyasha ndokumbira undipe mukana uchaona kuti ndokuda sei" "Handingadanani nemunhu ane ma secret ini" "Anenyasha dza Taffy" Tafadzwa akadaro achinditaridza kwaari "I love you look I do mistake like munhu wese but I'm not that bad. Sezvo ndichiti ndinokuda Ane ndinokuda zveshuwa" Ndakanyarara ndichitarisa pasi "Please Mai Mushavi wangu handimbo kukanganisi pazvidzidzo please ndichatamba yako ngoma kusvika wakundivimba" "Taffy" "Please" Taffy akadaro achindiswededza paari "I love you" Tafadzwa akadaro "I love you too" ndakadaro Tafadzwa akanditarisa kwenguva neniwo ndakamutarisa. Slowly slowly ndakanzwa ma lips angu ava pane ake. Akatanga kuadhonza zvishoma nezvishoma zviri gentle End of chapter