Chapter 40 Anenyasha Four months later It's been 4months now Tate akazogamuchira situation yake neniwo zvinondifadza kumuona ave right. Nhasi tiri kuenda kumusha tiri kunovaona sezvo mangwana iri birthday yaJay ndinoziva kuti Tafadzwa haafi akakanganwa chinhu china Jay mukati. Tinofanirwa kuudza family kuti ndakazvitakura nekuti havazivi kuti ndakazvitakura uye vachashamisika pavachanzwa nenyaya iyi. Ndakaudza Tafadzwa ambomira zvishoma asatanga nekuudza family nezve pamuviri pangu. Pamuchato waEthan naPaida nhumbu yaiva isingaonekwi. Ooooh kovakachata zve now ave munin'ina mainini , grocery takatenga nezuro ratichaenda naro kumusha takafamba mahour mashoma tichibva tasvika. Patakapinda mukati vose vakafara pavakationa uye vakashamisika pavakaona nhumbu yangu manje yave kuonekwa. "Haaaa mwanangu" mai Munya vakadaro vachitarisa nhumbu yangu Ndakanyara ndichitarisa pasi "Ummm makorokoto vana vangu idzi nyaya dzinofadza idzi" Mamoyo vakadaro "Tinotenda zvakanyanya makomborero enyu ndiwo akaita zvose izvi zviitike" Taffy akadaro "Makorokoto bamunini" Mpume akadaro "Ayewa zvinodadisa izvi" Maidei akadaro "Ndinotenda zvakanyanya" ndakadaro Baba vaTaffy vakafara zvakanyanya nenyaya iyi. Ndakaenda muroom maPaida ndikamuwana achi cleaner akashamisika achindiona "Hezvo ko hamutauri kuti masvika" Paida akadaro tichihagana "Hanti ndauya kuzokuudza kuti ndauya here" "Haaa and then?" Paida akabvunza achitarisa nhumbu yangu "Saka ndave kuzoita mainini ka" "Yes soon tinenge tava nemwana" "Wow I'm so happy for you Sisi" "Neniwo ndinotenda, havakunetsi here pano?" "Ayewa havandinetsi pekutanga ndaitya asi manje zvinhu zvose zviri mugwara" "Haiwa zvinokudzwa mwana wababa" ndakadaro tichihagana zve "Ndinofanirwa kuenda kumba ndinoudza mhamha nababa kuti vave kuzoita mbuya nasekuru" ndakadaro ndichibuda Ndakanoudza Tafadzwa tichibva tabuda tichienda kumba kwedu. Takasvika vabereki vangu pavakandiona vakafara zvakanyanya mhamha ndivo vakatanga kundiona vakanyenwerera "Usandiudza kuti ndave kuzoita mbuya zve" mhamha vakadaro "Ndizvo chaizvo mhamha" Vakandihaga vachitarisa Taffy "Ruregerero mukwasha chete ndazofarira nyaya dzandiri kuona idzi" "Ndinonzwisisa mhamha" Taffy akadaro "Muri vapenyu henyu?" Mhamha vakabvunza "Ehe mhamha sezvamuri kutiona kudai" Tafadzwa akadaro Zvichakadaro baba vakabudikira vachibva muroom mavo "Aaah ndanga ndichambodaira foni pano vangu makadii" baba vakadaro "Okay baba, tauya pano kuzokuudzai zviri kuitika pandiri" ndakadaro "Chii chiri kuitika?" Baba vakabvunza "Mave kuzoita sekuru zve" ndakadaro Baba vakanditarisa vachinyemwerera "Haaa ndakura manje ndakura" baba vakadaro tichihagana TAFADZWA Mangwana makuseni ndakamuka ndichienda kuna champion pandakapinda muroom make ndakamuimbira happy birthday to you happy birthday to you happy birthday to you Jay akamuka achinyemwerera "Happy birthday mupfanha wangu" "Thanks Superstar" Ndakamuhaga. "Kura uremekedze nyika mupfanha wangu. Nyika haidi vanhu vanoibhaizira nhaika" Jay akaseka. "Haaaa handifi ndakazviita izvozvo baba" Ndakamutarisa ndichiseka "Iwewe wakazara hutsotsi handikuchenesi usazoita gangster" Jay akaseka. "Haiwa baba handingaiti izvozvo hanti Mari nhasi tichabuda monditengera something" "Izvozvi muka unogeza tiende" Jay akafara zvakanyanya achienda kunogeza. Neniwo ndakadzokera muroom mangu ndichinogeza. Ayyy unoziva nyaya yekugezera mubhavhu ndiyo inoita ndisauya kumba. Dai ndiri kuHarare nditori pashower "Uri kugezera kuenda kupi?" Ane akabvunza "Ndiri kunotengera Jay something for his birthday ndiri kuenda naye" "Okay asi ndokumbira usamudyisa zvakanyanya sezvo iri party yake" "Ayewa hatimbotengi chikafu" "Good" Ndapedza kugeza ndakaenda kunodya breakfast munhu wese aingomuti happy birthday. Tapedza kudya takaenda kutown anofanirwa kutenga chero chii chaanofarira akatenga zvose zvaanofarira mbatya dzinodhura ndakamutengera nefoni "Nhasi hautengi toy car here?" Jay akapera nekuseka. "Haaaa baba ndave ne12 years manje munofunga ndichiri kuita zvematoy" Ndakamuseka. "Okay zvakwana here zvinhu zvako?" "Yaaah zvandanga ndichida zvakwana baba" "Okay hatingaiti mistake yekusatengera Popo chicken inn nekuti anga tiuraya" "Yaaah ini ndanga ndatokanganwa" "Tinofanirwa kuitenga kana tichida kupinda pamusha paya" ndakadaro ndichienda kunotenga "Aaaah honai mhamha nababa" Jay akadaro achivatendeka "Ooooh vambotaura kuti vachapinda mutown" "Okay" Tapedza kutenga takadzokera mumota tichienda kumba. Mpume "Tiri mutown tauya kuzotenga zvinhu zviri kushota paparty yaJay takapinda maOK tikatenga zvose zvaanoda tichibva taenda kushop yembatya. Anofanirwa kupfeka mbatya itsva takatengera naPopo handinga mboiti mistake yekuti nditengere mwana mumwe chete "Dzakwana here mbatya?" Munya akabvunza "Yaaah dzakwana" ndakadaro ndichiendesa mbatya kumota Patakasvika kumota takaona umwe mukomana anga akamira paside pedu akazembera mota yake. Mukomana uya akaramba akanditarisa kwenguva refu chiiko naye murume uyu? ari kunditarisira chii. Pandakamutarisa akanditsonya neziso izvi zvakaonekwa naMunya Ooooh Jesus chiiko chaari kuita murume uyu ndakaona Munya achinditarisa nerimwe ziso. Ndakatanga kudedera ndakabva ndatopinda mumota naiyevo akapinda "Zvino iwe wave kufamba uchitsonyiwa nevarume" "Waona Munya kuti hapana zvandaita ini handitombomuzivi murume wacho" Asi Munya akaridza tsamwa achinditarisa nerimwe ziso. Oooh Mwari wangu ndibatsireiwo pasaitika chinhu pandiri ndaneta naMunya I'm tired nekushungurudzwa this time ndinofanirwa kuzvirwira handingazvigoni. ANENYASHA Tiri busy kugadzirira party yaJay tiri kushongedza imba yose anofanirwa kuitiwa zvinhu zvihombe ndiye muzukuru wekutanga pamusha pano mai Munyaradzi vakabva vapinda "Mandlovu unenge washanda zvakanyanya wave kufanirwa kuzorora" mai Munya vakadaro "Neniwo ndikare ndichimuudza asi nharo dziri paari so" Maidei akadaro Ndakaseka. "Handisati ndaneta ini" "Ayewa sisi zororai kani" Paida akadaro "Guys ndine pamuviri handisi kurwara" "Uchatiuraisa iwe naTafadzwa" mai Munya vakadaro Ndakaseka tichienderera mberi nebasa. Tafadzwa naJay vakapinda Jay paakaona zvose izvi akafara zvakanyanya "Zvese izvi zvaitirwa ini here?" Jay akabvunza "Yes muzukuru iwewe uri Prince yepano" mai Munyaradzi vakadaro Jay akanyemwerera achihaga mbuya vake "Ndinotenda zvakanyanya mbuya" Jay akadaro achitihaga tose "Ndinotenda mainini Ane" Ndakanyemwerera ndichimukisa padama. "You're welcome my boy and you deserve more" Akanyemwerera Jay "Mandlovu ndokumbira kutaura newe" Taffy akadaro Vanhu vose vakanditarisa vachiseka. Ndakatevera murume wangu tichienda muroom medu "Usandiudza kuti kubva zvandaenda wanga wakangomira" "Hezvo Taffy zvine basa here?" "Unofanirwa kuzorora baby haunga sweri wakamira zuva rose mwana wangu mudumbu umu anoneta kaa" "Hayi munhu wese ari kungodaro handirwari ini ndine pamuviri chete" "Izvozvo ndokumbira uzorore zvishoma uchamuka kana party yatanga" "But Taffy..........." Handina kupedza kutaura "No but" Zvichakadaro Mpume akapinda "Yaaah Tafadzwa ari kutaura chokwadi no but unofanirwa kuzorora" Mpume akadaro "Ooooh wasvika" ndakadaro ndichiseka Mpume akandipa zvinhu zvandaiva ndamuti andivigire aiva mafruits Tafadzwa akabva abuda ndakasara naMpume "Ndinotenda" "Uchaita mai vanoda vana vavo" "Chokwadi here?" "Yes unoonekwa" Zvichakadaro Popo akapinda achigara pedo neni achinditambisa dumbu takaseka "Popo mainini vanoda kuzorora" Mpume akadaro "Ndinoda kutamba nemwana ari mudumbu ini" Popo akadaro Takaseka. "Ndiani akakuudza kuti pane mwana apa?" Mpume akabvunza "Ndibamunini Tafadzwa" Popo akadaro "Tafadzwa anotaura chero chii pavana handizivi kuti problem yake ndeyeyi" ndakadaro "Imagine angataura zvinhu zvakadaro pamwana here" Mpume akadaro "Mwana achabuda rinhi ndinoda kumubata" Popo akadaro "Don't worry mwanangu munin'ina wako achabuda" ndakadaro Popo akabuda achimhanya achiti ari kunoudza baba vake "Anokuda Popo" Mpume akadaro "Zvakanyanyisa" "Okay chizorora ini ndiri kunogadzira zvasara zvacho mandibatsira zvakanyanya guys "Yaaah iko tamboshanda" Mpume akabuda ndakasara ndichidya zvinhu zvangu Tafadzwa akabva apinda naJay vachiedza zvinhu zvavo zvavanga vanotenga "Honai bamunini Tafadzwa vanditengera foni" "Woow foni" "Neniwo ndave kuzopinda patik Tok neInstagram" Ndakaseka. "Ndinoda ufonere varoora vangu" Tafadzwa akadaro Ndakadzungudza musoro "Asi musikana avapo here?" Tafadzwa akabvunza Jay akaseka. "Ehe ndinaye wandinodzidza naye" Ndakapera nekuseka shuwa vana vemazuva ano hanzi ndave nemusikana "Zvino ndiani zita rake?" Ndakabvunza ndichiseka "Aaaaah mainini handinga kuudzii" Jay akadaro tichiseka ****** Nguva dzeparty dzakachaya ndakaona Tafadzwa achipfekedza Jay naiyewo achichinja achipfeka mbatya dzinofanana nedzaJay "Woow guys you're so handsome" ndakadaro "Thanks mainini" "Tinotenda zvakanyanya mhamha tinokudai" Tafadzwa akadaro Ndakavhura maziso. "Shuwa zvee tinokudai mainini" Jay akadaro Ndakaseka. "Neniwo ndinokudai" ndakadaro tichienda kuparty sezvo zvinhu zvose zvaiva ready Nompumelelo Ayewa ndakura manje Jay ave ne12 years Popo ava ne6 ndiri kufara zvakanyanya zuva ranhasi. Ndakamuona achibudikira naTafadzwa vaiva vakapfeka mbatya dzinoenderana ndakaenda kuna Jay ndichimuhaga "Woow Zvayi wangu you're so handsome" "Thanks mommy" "Wakura manje Jay unofanirwa kutarisa hanzvadzi yako" "Aaaah ini handinga tariswi nemwana mudiki akadai" Popo akadaro takaseka "Ndinotenda Taffy nekumutengera mbatya andirataidza ne foni" ndakadaro "Ichampion yangu saka anofanirwa kuwana zvose zvaanoda" Taffy akadaro Ndakanyemwerera Munya akabva asvika patiri "Happy birthday son" Munya akadaro "Ndinotenda baba" Jay akadaro Family yose yakaungana sezvo yaiva yave nguva yekucheka cake. Cake racho raiva rakakura.. you can see mwana wangu Ari kufara shame. Nhasi I wish pasaita chinhu chinomurwadzisa izuva rake rekuti afare nhasi. Akazocheka cake akatidyisa. Vanhu vakafara vakadya chikafu nezvimwiwa. Ini ndakaenda mu room ma Munya sezvo ndaiva ndasiya Foni yangu pa charger. Ndinoda kusenderwa ma pic a Jay kune vanga vachimushuta. Pandaiva ndave kubuda Munya akabva apinda. Ndakashamisika achikiya door "Ndiani murume uya wamanga muchitsonyana?" Ohh Jesus "Munyaradzi munhu uya handimuzivi uye wandiona handina kumbomutsonya. Nhasi i zuva remwana wangu please ndinokumbira kufara" "Ohh Saka iwe wave kuita zvaunoda pamusha pano?" "Chero tanga tichitsonyana munyaradzi chinokutsamwisa chii? nekuti Ini handisi mukadzi wako tangosanganiswa nevana Saka handikukwereti chin--" handina kuzopedza kutaura Munya akandipa gwati rembama. Not this time ndakamudzorera negwati rembama, akachinja kumeso akaita Shumba chaiyo "Mpume wave kurova Ini iwe?" "Unoda ndiite sei Munyaradzi? Huh!!chii chaunoda kuti ndiite? Nei uchindishungurudza kudai?" Ndakadaro ndichichema I'm tired!! I'm tired na Munyaradzi, anoita kunge ndiye akachengeta hupenyu hwangu. Akandibata zvairwadza achinditsimbirira pamadziro. "Hanti tave kuenzana here? Ini newe, Saka ngatirwe" munyaradzi akadaro achindibata huro achindidzipa. "Unondikuvadza munyaradzi!!" Ndakadaro asi akaramba achindidzipa. Ndakaedza kudanidzira asi havangambondinzwi nekuti radio iri kuririra pamsoro. Ndakamuruma maoko achibva andiregedza. Ndakamhanya ndichinokiinura door ndichivhura asi pandaida kutiza akandibata. Ndaka screamer ndichikumbira rubatsiro "Munya I'm sorry please unondiuraya" Haana kumbonditeerera akandibata musoro achindiroverera pamadziro kakawanda achibva andirovera pasi ndichirovera pamsoro pesimbi nemusoro. Ropa rakatsakatika imba yose Ndakamuka nekukurumidza ndichida kutiza asi ndakanzwa nechinhu chakandirova musoro, ndakanzwa dzungu ndikanzwa musoro uchindiremera kunge ndasengedzwa chinhu chinorema. Ndakaedza kuvhura maziso ndichibva ndaona Popo aiva akamira pa door maziso akazara misodzi. Neniwo misodzi yakayerera pandakafunga vana vangu "P-o,p-o" ndakadaro ndichipera simba ndichidonhera pasi "Mhamha" izwi ra Popo ndaiva ndave kurinzwira kure Narrated Zvose izvi zvaiitika popo aiva akamira akatarisa baba vake vachirova Mai vake "Mhamha!!!!!!!" Popo akadaro achimhanyira Kuna Mai vake achivabata "Mhamha!!! Mhamha!!! Mukai please!!!!" Popo akadaro achiridza Mhere Radio payakanyarara family yose yakakunzwa Popo achichema, vakamhanya vose vachiuya kwaari.vakavhunduka zvakanyanya pavakawana Mpume akarara pamsoro peropa. Munyaradzi aiva angomira akazvondora maziso "Munyaradzi waitei?" Mai vake vakabvunza. Tafadzwa akaswedera pana Mpume achimubata chipfuva "Ethan budisa vana muno" Tafadzwa akadaro "No mhamha vanofanirwa kumuka. Baba mavaroverei mhamha?" Jay akadaro Ethan akavatora achibuda navo "Munyaradzi do something please" Anenyasha akadaro "Hapana zvandingaita Mpume atisiya" Taffy akadaro Munhu wese akavhunduka End of chapter