Chapter 25 Narrating Aiva makuseni apo Zvayi brothers yakagara mu kitchen ichidziya moto ichizuwa nyaya asi Munya aionekwa kuti aiva asiri pavari aingofunga nezva Ane wake mabrothers ake akazvi noticer kuti munhu uyu haasi pavari. "Uri kufungei nhai zvauri kungonyemwerera?" Ticha akabvunza "Eish haunganzwisisi" Munya akadaro "Tiite kuti tinzwisise" Ethan akadaro "Ndamuona" Munya akadaro "Waona Ani?" Ticha akabvunza "Anenyasha yoooh mwana akanaka uya anga akaita kunakira svoto Munya akadaro "Hey aaaa zvakaoma pamwana wekwaZvayi" Ethan akadaro "Ndiri kukunzwa unomuda mwana uyu uye handina problem nazvo ndinofara kukuona uri murudo kudai. Asi ndine kafeeling kekuti ucharwadziwa zvakanyanya" Ticha akadaro "Unorevei manje?" Munya akabvunza "Hazvingaiti kuti mwana uyu anga ari kuHarare achidzidza oshaya munhu waanga danana naye" Ticha akadaro "Aiwa hazvingaiti izvozvo" Munya akadaro "But bro ini ndofunga Ticha ari kutaura chokwadi nezvenyaya iyi" Ethan akadaro "Maitaurei nezuro?"Ticha akabvunza "Hatina zvatakataura zvinoenda kure ndakamubvunza hupenyu achibva ati baba vake vari kufona achibva aenda" Munya akadaro "Hey kana pane zvinhu zvaunofanirwa kuita ita fast nekuti uchava neproblem, problem hombe" Ethan akadaro "Yaaah ndinonzwisisa" Munya akadaro "Pamwe panotori nemunhu ari serious naye" Ethan akadaro "Ayewa Ane mukadzi wangu hapana munhu ane right paari kunze kwangu" Munya akadaro "Makaita divorce kare" Ticha akadaro "Hatina kumbozviita izvo iye ari kufunga kuti takaita divorce asi achiri mukadzi wangu" Munya akadaro "Iwe hauoni kuti achakutsamwira here nezvenyaya iyi" Ticha akadaro "Ndichataura naye" Munya akadaro "Ngativimbe kudaro kuti zvinhu zvose zvichafamba mushe" Ethan akadaro "Hapana zvinhu zvichachinja. Ko Tafadzwa ari kupiko nekuti mumba make haamo. Ndabvunza Jay waanorara naye asi ati haazivi?" Munya akabvunza "Neniwo handizivi asi ndambonzwa mota yake ichidhuruma kuma 5" Ethan akadaro "Anoziva kuti tinofanirwa kuita sei asi iye anofunga kungoenda hake" Munya akadaro "Mupfanha uyu mota yake inomupengesa" Ticha akadaro "Haachakwanisi kugara pasi" Munya akadaro "Asi achamuona mushe Zvayi nekuti atiudza kuti anotida tose" Ticha akadaro "Yooh ini handichazivi" Ethan akadaro ❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Family yekwa Sithole yaiva yakagara ichidya asi Bridget aiva asipo patafura chero muroom make vari pakati pekudya Bridget akapinda "Bridget uri kubva kupi makuseni ano?" mai Mpume vakabvunza "Ndanga ndichifurwa nemhepo mhamha" Bridget akadaro Mpume akangonyarara achimutarisa. "Asi haunga mbobudi usina kuudza munhu usakanganwa kuti hausisiri wega pane umwe mweya uri pauri" mai Mpume vakadaro "Sorry mhamha" Bridget akadaro "KwaZvayi vanga vafona vachitaura nezvekuti svondo rino hariperi vasina kuuya kuzoroora" mai Mpume vakadaro "Kuroora? kuroorei mhamha? nei muchifarira kugara muchipinda muma problem vakomana vekwaZvayi vane nzira dzavo havafe vakachengeta mukadzi zvakanaka vaya" Mpume akadaro "Ndinonzwisisa mwanangu kuti chii chakaitika pakati pako naMunya asi izvi hazvirevi kuti vose vakadaro" mai Mpume vakadaro "Bvunzai mwana wenyu uyu kuti Tafadzwa watiri kutaura nezvake anomuda here, anombofona here achibvunza nezvemwana ari mudumbu" Mpume akadaro "Bridget" mai Mpume vakadaro vachitarisa Bridget "Ini handizivi problem yako iri papi iwe Mpume" Bridget akadaro achitendeuka achienda muroom make Mpume akamutevera. "Bridget taura chokwadi uri kubvepi?" Mpume akabvunza "Ndataura wani ndanga ndichifurwa nemhepo" "Usanyepa Bridget chii chiri kuitika pauri mazuva ano ndiunze?" "Hapana chiri kuitika sisi" Bridget akadaro "Unoziva zvinorwadza hameno chii chiri kuitika pauri asi zvinhu zvauri kuita ndini ndichatambura namhamha but anyway wakura kana wadai wave kukwanisa kutora madecision ako" Mpume akadaro achibuda muroom maBridget Anenyasha Tiri mumota tiri kuenda kufilabusi naTafadzwa yooh hakusi kuneta uku handizivi tichasvika nguvai "Ko nhai Tafadzwa hatisviki here?" "Tosvika after 30 minutes" "Oooh thank God ndaneta ini" ndakadaro "Saka iwe unoreva kuti haungaendi kujoni nekuti kure" Ndakaseka, "Ndokurumidza kuneta ini nekugara mumota" "Ndiudze Uri kunoitei kwatiri kuenda?" "Uchaona tasvika" "Wandifambisa mufambo wakareba kudai handizivi kuti tiri kunoitei what if uchinondiuraya woromba neni" Ndakaseka. "C'mon babe ndingabva ndaromba newe uri wekumba kwedu here?" "Aaah ko handiti unoromba nemunhu waunoda zvakanyanya saka ini ndinoziva kuti iwe unondida zvakanyanya saka unokwanisa kuromba neni" Ndakaseka. Takafamba tikasvika pedo nemusha wekwaShumba sekurairwa kwandaiva ndaitwa naPaida. Ndakatanga kurohwa nehana handizivi kuti nyaya yose iyi Taffy acha reacta sei. Takasvika pedo nemusha wacho waitoonekwa kuti musha wen'anga Pagedhi paiva nematehwe enyoka zvichakadaro pakabudikira umwe mukoma mupfupi aifamba achidonha "Yonaweee" bhrugwa akadaro achidonha achisimuka zve Tafadzwa akanditarisa nekushamisika "And then?" Ndakavhunduka "Musha wen'anga kauyu?" "Ndauya pano kuzo......." "Wandifambisa mufambo wakareba kudai uchindifambisira zvekupenga izvi Anenyasha" "Hazvisi zvekupenga Tafadzwa" "Wavingei pano?" "Handisirini asi ndiwe" Tafadzwa akavhura maziso. "What?" "Tafadzwa une problem saka unofanirwa kubatsirwa nen'anga" Tafadzwa akashamisika "Ndine problem yei ini?" "Yebasa I'm sure pane zvinhu zvisiri right pauri nei usingadi kushanda" Tafadzwa akanditarisa asinga zvibelieve "Handisi kukunzwa ini Anenyasha" Ndakamuudza nyaya yose asi ndakapedza munhu ave kupupuma nehasha "Unopenga here iwe? Anenyasha ungaita zvinhu zvakadaro sei kwandiri unonditora sei? Wandibvisa kumba uchindiunzira zvekupenga izvi tisina kuwirirana" Tafadzwa akadaro nehasha "Zvichabatsira iwe babe please ndokumbira tipinde mukati Zvayi" "Unondijairira iwe Anenyasha zvinhu zvawaita kwandiri kundijairira uku. Ndakuudza kuti pane zvinhu zvakakosha zvandanga ndichifanirwa kuita asi iwewe nekuti ndinokuda ndasiya zvose izvi ndikauya kwauri ndikaita zvaunoda iwe" "Neniwo ndinokuda Tafadzwa ndosaka ndakuunza pano" "F*ck Anenyasha!!!!!!" Tafadzwa akadaro achirova steering ndakavhunduka "Ndambokukumbira here ini kuti undiunze kuvaroyi ava" Tafadzwa akadaro "Hazvisirizvo Tafadzwa" "Ndiani ati sezvo ndisinga shandi ndinoda zvose izvi Anenyasha?" Tafadzwa akabvunza nehasha "Please babe ndokumbira sezvo tatosvika upinde mukati" "Tiri kudzokera kumashure manje" "Tafadzwa please ndokumbira usadaro" Tafadzwa haana kundipindura akadzokera kumashure "Please Tafadzwa tafamba kudai todzokera tisina zvataita here?" "Wakadhakwa iwe musoro wako haushandi mushe" "Wave kundituka kaa apa" "Ndati wakadhakwa!!! musoro wako uyu haushande mushe!!!. Unga ndibvisa kumusha ndikasiya zvinhu zvose zvandanga ndichida kuita uchindiunzira zvekupenga izvi" Tafadzwa akadaro nehasha Ndakamubata ruoko. "Ndokumbira usadaro Zvayi please" "Ndisiye mhani iwe ndichaire" "Tasvika Tafadzwa ndokumbira tipinde mukati please itira ini hako" Tafadzwa akamutsa mota neimwe speed. Oooh Mwari wangu tafamba kudai here tichifambira mahara "Tafadzwa please" Tafadzwa haana kundipindura kana kunditarisa "Babe please ndokumbira usadaro ndinoziva kuti ndanga ndisingafanirwi kuzviita nenzira yakadai asi sezvo tatosvika ndokumbira kuti tisvike please babe dzora moyo. Zvinhu izvi zvicha benifita iwe" "Anenyashadzashe usada kunondibhowa wazofarisa ukadarikidza apa" "Ndafarisa Tafadzwa ndafarisa zvekufarisa zvakupinda papi apa Tafadzwa?" "Haungazvioni nekuti iwe unopenga musoro wako uyu wakazara mvura mvura nazvino handizivi believe kuti wandiunzira zvinhu zvekumama kudai. Kuuya kufilabus kuita kunge ndichapondwa nematombo nemagweja nekuda kwezvinhu zvisina Basa. Ayy uno ndicontroller shuwa mwanasikana I'm sure kuti wafara uri kuzvirova dundundu kuti uri chimhamha kana iwewe ukataura ndinojamba jamba" "Usataura uchidaro Tafadzwa hakusi kuku controller asi ndanga ndichiedzawo kukubatsira" "Shut up!! shut up!! wambonzwa ndichiti ndinoda rubatsiro rwako here Ini" Tafadzwa akadaro nezwi riri pamusoro "Usandituka zve Tafadzwa" "Unoda ndikuitei unoda ndikukise ndikutende kuti wandiunza kun'anga ndizvo zvaunoda Anenyasha" Tafadzwa akadaro nehasha Ndakanyarara ndikaramba ndichitaura naye anga pedzisira ati beura nenzira yaari kumhanya nayo. "Chaira zvakanaka Tafadzwa" "Wave kundi controller chero nemumota manje why usingauyi iwe kuzochaira kana uchiona kuti handigone kuchaira" "Wakambondiona chero zuva rimwe chete ndichichaira here, usakanganwa kuti hausi wega mumota pane mumwe mweya" Tafadzwa haana kundipindura asi akatowedzera speed kudarika pekutanga. Ndakamutarisa ndichidzungudza musoro, ndiye murume uyu wandakati ndinoda kurarama naye kwehupenyu hwose ndakanyarara ndichitarisa mberi asi ndaimuona kuti anoda kutaura. Asi ndaneta manje ngaatarise kumberi ndanga ndichifunga kuti zvinhu zvose izvi zvinomufadza. Ini ndanga ndichiitira kubatsira iye asi iye musoro wake wakaoma anofunga kuti anoziva zvose. "Wave kuroya manje iwe?" "What?" "Ndati wave kuroya here? Unoizivira kupi n'anga inogara nechidhoma chinoonekwa nemunhu wesemasikati machena" "Handinga kupindure mubvunzo wako nekuti hatina kumbopinda mukati" "Ndiri kutaura newe, unoziva ndaitaura chokwadi pandakati wakandidyisa" Ndakamutarisa nekushamisika. "Wave kundipengera Tafadzwa haaa chiiko newe" "Inzwa kuti uri kutaura neni sei" Tafadzwa akadaro achidzungudza musoro Takafamba kwenguva yakareba ndave kunzwa kuti ndava nenzara manje ko handiti kubva makuseni hapana chandadya. Takafamba nzvimbo yakareba pasina mashop, ndakaona tave kupinda mune imwe nzvimbo yaiita kunge town "Ndave nenzara ini ndoda kunotenga chikafu" Akanyarara hake mukomana wekwaZvayi "Tafadzwa ndokumbira umise mota ndoda kunotenga chikafu" Tafadzwa akamisa achindipa mari "Thanks ndinayo yangu mari" ndakadaro ndichibuda naiyewo akabuda Ndakapinda mumashop ndikatenga one piece yechicken nemachips hazvidhure hazvo asi ndinokwanisa kuzvi afforda. Ndakamuona achipinda mukati achitenga full chicken ndakadarika ndichienda kune imwe shop ndichitenga chingwa nedrink ndichinopinda mumota ndakamumirira kwenguva yakati rebei asati auya "Eish kufamba nemota dzevanhu zvinonetsa Dai ndine yangu dai ndavakutoenda" Ndakavhura chikafu changu ndichitanga kudya ndakamuona achibudikira akabata doro, hapana chimwe chinhu chaanoziva kunze kwedoro chete. Akabva apinda mukati achindipa plastic mukati maiva neburger nezvimwewo zvakadaro daro asi ini handisi interested muzvinhu zvake "Tora chikafu" "Ndatenga ini chikafu changu nei usina kundibvunza usati watenga" "Wakatanga rinhi kudya one piece chicken and chips?" "Ndinodya ini zvinhu zvando afforda" "Saka wandiunzira kuno kuzondipengera?" Handina kumupindura. "Handina kutenga chikafu ichi kuti uite movie nacho" Tafadzwa akadaro achindiswededza paari achindipa plastic achivhura 1 can yedoro achirara pachituru "Hatichaendi manje?" "Handiti uchiri kudya here" "I don't mind kudya tichifamba. Now ndinoshuvira kuti dai ndiri kumba" "Hazvingaitiki nekuda kwako kana uchida kukurumidza kusvika kumba kwenyu rank iri pedo apo ndichakuendesa" Ndakamutarisa handina kumupindura ndakatanga kudya chikafu ndapedza ndakamwa drink yangu achibva amutsa mota handina kumboguta ini handina kujaira kudya chikafu ichi better kudya burger asi chikafu chake handichidye Tafadzwa aingonditarisa. "Saka haudyi chikafu chandatenga?" "Ndakuudza kuti ndazvitengera chikafu changu ndakuguta manje" "Saka ucharamba uchingondiitira nharo unoziva ndanga ndakarara pamubhedha wangu kumba iwe ukandimutsa" Ndakaridza tsamwa. "Saka ucharamba uchingondifungidza izvozvo kusvika rinhi?" "Unofunga kuti mota iyi inofamba nemvura here zvekuti unongoti ngatiende zvobva zvadaro apo tiri kuenda kuvaroyi" Nxaa munoziva vamwe vanhu so zvakavaomera. Ndakabuditsa foni yangu ndichipinda paeco cash ndichimusendera mari. Apo yaitova imari yangu yekupedzisira. Akatarisa foni yake achibva anditarisa "Chii manje ichi?" "Tora mari yako unotenga petrol yauri kungondiverengera nayo wobva wamisa mota yako ndichakwira kombi" "Anenyasha usandiitira hubenzi ini ndiri pano nekuda kwako" Tafadzwa akadaro nehasha achitora foni yake achidzosera mari yangu "Ndati misa mota iyi Tafadzwa ndinoda kuburuka" "Usandimamira ini" "Tafadzwa!!!!!" ndakadaro nehasha ndichitora plastic yanga iri pedo naye ndichiikandira panze nepawindow Tafadzwa akanditarisa achishamisika achibva amisa mota ndakabuda naiyewo achibva abuda achinditevera "Iwe unopenga chete unoziva here kuti chikafu ichi ndachitenga handina kuchinhonga" "Handina basa nazvo" "Ndachitenga nemari nhonga chikafu ichi udye" "Handidi" "Uri benzi iwe" "Ini ndiri benzi Tafadzwa?" Haana kupindura. "Newewo uri benzi" "Uri kutaura neni here Anenyasha?" "Ndiri kureva iwe Tafadzwa Zvayi unoda ani aite benzi ani asaita benzi. Ndati enda nemota yako yandisingazivi kuti wakaitenga nei nekuti haushandi" Tafadzwa akapupuma furo nehasha. "What?" "Ndati enda nemota yako yehugeven'a" Ndakamunzwa achiridza tsamwa achibva apinda mumota achimutsa mota achienda achiimhanyisa kunge ndiye ega Ari panyika. ndakaitarisa kusvika isisaonekwe. Ndakatanga kufamba apa paiva pasina kana mota imwe zvayo apo ndaiva ndave musango Paiva pasina kana musha kana mushop. MUNYA Tave muroad kuenda manje kugomo asi Tafadzwa haasati asvika ndakaedza kumufonera asi haana kudaira foni. Ndichiri kumufonera kudaro Jay akapinda "Jayden" "Baba" "Vari kupi bamunini vako Tafadzwa?" "Handizivi" "Hauzivi sei iwe warara naye hanty manga muchitaura nyaya" "Saka munoda ndikuudzei zvinhu zvatinotaura nasuperstar handizivi kuti vari kupi" "Nzira yauri kutaura neni nayo haisi right Jayden" Akandivhurira maziso. "Ndiri kutaura newe Jay" Akatendeuka achibuda. Ndakamubata ndichitora bhandi pawardrope ndichimuzvambura naro akanyarara haana kumbochema akangonditarisa "Unodherera iwe" ndakadaro ndichimurova kusvika achema "Mbuya!!! mbuya!!" Jay akadaro achichema "Unodherera iwe hausi kurohwa na mai vako vaikuregerera too much" "Mai vangu vanopinda pai nei musingaiti zvinhu zvenyu musingaisi mhamha mukati handiti makavadzinga nekuti maisavada pedo nemwi saka munotaurirei nezvavo ivo vasipo" Jay akadaro nehasha "Munyaradzi uri kuitei mwana?" Mhamha vakabvunza "Anodherera uyu mhamha" "Wanga uchifanirwa kutaura naye mwana kwete kuita zvauri kuita" mhamha vakadaro Mhamha vakamutora ndichibva ndagara pamubhedha ndakaona Popo akamira padoor misodzi ichiyerera "Princess" Popo akapinda mukati. "Muri kuroverei mukoma wangu?" "I'm sorry princess asi mukoma wako anodherera" "Ndinoda kuenda kuna mhamha ini" Popo akadaro achibuda mumba achimhanya Ndakasara ndichibata musoro zvichakadaro Ticha akapinda "And then?" Ticha akabvunza "Eish musoro wangu wakangosangana" "Uchisanganiswa nei?" "Munhu wese ari pamusha pano ari kusanganisa musoro wangu" "Wave kusvuta mbanje here?" "Nxaaa unopenga iwe" "Saka unoda nditi kudii?Nazvino mupfanha uyu haasati asvika here, chero ndichimufonera haadari foni yangu" "Ndinoda kuziva kuti chii chiri kuitika mumusoro nemukomana uyu, baba vatiudza zvakanaka kuti tinofanirwa kuva pamwe chete iye ndipo paanobuda hake" "Tafadzwa anoshota tsvimbo chete anoda kumborohwa" Ethan akapinda. "Baba vari kutidana, vati tave kufanirwa kuenda" Ethan akadaro "Newewo hausati wamuona Tafadzwa?" "Ndikare ndichiedza kumufonera asi haadairi foni" Ethan akadaro Ndakadzungudza musoro tichienda kuna baba "Ari kupi Tafadzwa?" Baba vakabvunza "Tafadzwa baba kubva zvakwaedza hatisati tamuona hatizivi kuti ari kupi chero tichimufonera haadairi foni" "Mukomana uyu anoita madiro pamusha pano ndinofanirwa kumuratidza kuti ndini ndiri kutonga pamusha pano kwete iye" baba vakadaro Takanyarara tose "Imota yake iyi ndofanirwa kuita plan nayo" Takatarisana tose Mpume Musoro wangu uri kudhuma chaiko handizivi kuti Bridget chii naye asi anenge ane zvinhu zviri kumunetsa. Ndaiva ndakagara muroom mangu mhamha vachibva vapinda "Ari kupi Bridget nekuti haamo muroom make uye ndamutsvaga imba yose handisi kumuwana?" Mhamha vakabvunza "Ndamuguma ari muroom make" ndakatora foni ndichimufonera "Sisi" Bridget akadaro "Uri kupi?" "Ndiri kunosangana naTaffy" Ndakashamisika. "naTafadzwa ko sei usina kutiudza?" "I'm sorry sisi, chete andifonera achiti ndiuye manje" "Okay" ndakadaro ndichikata foni yangu "Mhamha ati ari kunoona naTafadzwa" "Okay zviri nani kana ari safe" mhamha vakadaro vachibuda vachienda Ndakarara pamubhedha ndichifunga nyaya yaBridget ane zvinhu zviri kumunetsa chete mazuva ano. Haisi nyaya ye nhumbu asi zvihombe zvaakavharira. End of chapter