Chapter 26 Anenyasha Ndaiva ndaneta nekufamba ndakamira ndichitarisa nzvimbo yose ndichiti pamwe panga budikira mota apa ndaiva ndazara kutya nzvimbo yacho handiizivi kaa apa hapana kana musha kana mashop zvawo. Ndakapererwa ndikagara pasi ndakaona mota yaTafadwa ichibudikira ndakabva ndaenda kuside kwayaifambira akasvika achimisa mota mberi kwangu asina zvaakataura. Neniwo ndakaona kuti ndofanirwa kupinda mukati ndapinda akamutsa mota hamenho kuti aienda kupi. Takafamba mahour maviri tisingasviki kwataienda zvichakadaro foni yake yakarira akaidaira achiisa paloudspeaker sezvo aichaira "Bro uri kupiko ndikare tichikufonera usingadairi" Ethan akadaro "Ndiri munzira kuuya kumba asi handisi shuwa kuti ndichasvika kumba nguvai pamwe manheru nekuti ndichiri kure manje" "Ko uri kupiko unoziva baba vari kukutsvaga kuno and this time vari kupupuma nehasha vati hauvatereri kana vachitaura sezvo vatiudza tisaenda" "Ndichasvika ikoko" "Unoziva vambotaura nemota yako vati pane zvinhu zvavachaita mota neniwo handizivi kuti chii asi unofanirwa kungwarira" "Okay thanks ndichasvika manje" Tafadzwa akadaro achikata foni yake achinditarisa neziso rairwadza ndakatarisa pasi Akachaira nguva yakareba ndakazotura befu patakasvika kumaraini ekwedu. Akasvika pane liquor shop achibva amisa mota achibuda akadzoka be case ye heiken achiisa kuboot yemota achibva auya mberi. Just imagine kubva kufilabus kwese uko pasina ari kutaura neumwe. Takasvika kumba kwedu akamisa mota ndakaburuka ndisina kumbotaura naye naiyewo akamutsa mota achienda. Ndakapinda mumba ndikawana Paida achiona TV baba vasipo "You're back" Ndakazvikandira pasofa. "Mafamba sei?" "Tafambira mahara" "Chii chakaitika?" "Tafadzwa aramba kupinda kwaShumba" Akashamisika. Ndichibva ndamuudza nyaya yose. "I'm sorry sisi neniwo ndanga ndisingazivi kuti zvinhu zvichazodai" Paida akadaro "Yooh Paida wanga uchiti uri kubatsira asi hazvina kuzofamba nenzira yatinoda so don't stress. Chete Tafadzwa musoro wake wakaoma pane munhu anga dzokera pagedhi here atosvika kwaanga achienda" "Yaaah pakaipa" "Ini handifungi kuti ndichadanana nemukomana akafanana naTafadzwa kwehupenyu hwangu hwose. Munhu asinga ndirespect segirlfriend yake anga achindituka kunge ndisina kukwana asara padiki kuti andirove" "Usataura uchidaro sisi" "Next time achandirova hayi ngaaroore hake Bridget wake pamwe vachanzwisisana nekuti ini zviri pachena kuti handinga understand zvinhu zvake" "Ndokumbira usataura uchidaro unomuda iwe Tafadzwa" "Handinga kwanisi kudanana nemupengo ini, ndinoda kunorara ndakaneta ndimbozorora zvishoma" ndakadaro ndichienda muroom mangu Ndakakurura mbatya ndichibva ndapinda mumagumbezi. Handizivi kuti ndinzwe sei nezvinhu zvaitwa naTafadzwa Ndanga ndichiti ndiri kumubatsira asi iye ayy andiona semupengo anoda kumucontroller. TAFADZWA Ndakasvika kumba ndakamisa mota yangu pagedhi ndichingopinda chete mhamha vaiva vatomira padoor "Asi Tafadzwa mwanangu kusvika rinhi uchindiita kuti ndigare ndichitaura?" "Mhamha ndaitei manje?" "Hauzivi kuti waitei, baba vako vati kudii kwamuri?" "I'm sorry mhamha asi pane zvinhu zvangobudikira ndanga ndichifanirwa kuenda" "Zvango budikira zvakakosha kudarika zvababa vako here?" "Ayewa mhamha ndanga ndichifungira kuti ndicha kurumidza kudzoka" "Saka uchaita sei nekuti baba vako vari kupupuma nehasha" "Ndichataura navo" "Uchataura navo uchiti kudii Tafadzwa?" Zvichakadaro Jay akabudikira achindimhanyira achindihaga, ndakamubata ruoko tichienda "Champion" "Superstar yooh I miss you kana usipo pamba pano panobhowa" "Sorry nekukusiya asi ndauya manje" "Yaah" Jay akadaro tichienda muroom mangu "Eish uri kundidzimbira mhani superstar" "Chii manje?" "Ndarohwa nababa" "Hezvo hanzi waitei?" "Vanga vachindibvunza kuti muri kupi ndikati handizivi vakati ini nemwi tinotaura nyaya saka ndinofanirwa kuziva" "Ave kupenga here Munya? I'm sorry my Champ ndichataura naye kana auya" "Okay" Ndakagara pamubhedha. "Chii uri right?" Jay akabvunza "Ayewa" "Chii manje?" Ndakamuudza nyaya yose akashamisika "Saka imi madzokera pagedhi pasina zvamaita?" "Anga achindipengera Anenyasha, ini kupinda pan'anga dai wamuona mukomana ane mateya anofamba achidonha handitaure nevanhu vakadaro ini. Chidhoma chiya" "Pamwe akakutsamwira Superstar wadii kumufonera" "Ayewa handimufoneri achandifonera iye kana achida" "Superstar ndanzwa baba vachitaura nana bamunini" "Vanga vachiti kudii?" "Baba vanga vachiti Anenyasha vachiri kumuda" Ndakavhura maziso. "What?" "Handina kunzwa zvose asi vanga vachitaura nezva Anenyasha" "Ummm okay thanks" "Sekuru vati vachakuratidza kuti ndiani musoro wemusha uno vati pane zvinhu zvavanoda kuita mota yako" Ndakanyarara ndichibva ndamuhaga. "Ndokuda wanzwa. "Kana nemiwo ndokudai" Takagara kwemaminutes ndichibva ndamutorera machocolate mumota ndichiuya nawo. Kuma5 ndakaona mota ichipinda pamba vaiva ana baba vaisvika. Pavakasvika Munya akauya muroom mangu "Jay imbotisiya zvishoma" Munya akadaro Jay akanditarisa ndakabvuma nemusoro achibva abuda. Paakangobuda ndakanzwa nemambama padama ari Munya aindirova "Chiiko newe Munya?" "Nei usinga teereri iwe mupfanha?" "Chii chandisi ngateereri kwauri?" "Wavanzwa baba kuti vati kudii nezuro" "Saka iwe uri baba here? kuti unga ngosvika nekundirova just like that. Sei uchitora maproblems ako uchimabisira pavanhu, saka mwana wanga uchimuroverei?" "Jay mwana wangu saka ndini ndinoziva kuti ndezvipi zviri right kwaari and ndinoziva kuti ndoda kumukurisa sei" Handina kumupindura "Baba vari kukudana" Ndakasimuka ndichienda kwavari ndakasvika ndichigara pasi handina zvandakataura ndakanzwa nemambama kumeso kwangu "Wave murume pamusha pano handiti" Handina kuvapindura vakatora chamboko chavo vachibva vatanga kundirova nacho. "Taura wave murume pamusha pano saka nei usingabudi unogara pamusha pako nekuti iwe unoda kutonga" "Ndiregerereiwo baba" Baba vakandirova zvakanyanya, zvichakadaro ndakaona Munya achitora chake chamboko "Kurura hembe iyi yawakapfeka" Ticha akadaro Handina kuikurura "Tafadzwa ndati kurura hembe iyi!!!" baba vakadaro nehasha "Haanga kunzwei uyu baba" Ticha akadaro achindi dhonza nehembe kusvika yabvaruka Ndakanyarara ndakangovatarisa naiyevo Ticha akanditarisa "Ethan huya netambo" Ticha akadaro achideedzera "Handisi kuiwana ini" Ethan akadaro "Ndinoziva kuti aiviga" Ticha akadaro Vakatanga kundirova vari vatatu "Iwe mupfanha hauchateereri kubva zvawakaenda kuHarare" baba vakadaro vachindirova Vakandirova zvekuti ndakapedzisira ndave kuscreamer ndakaona mhamha vakamira padoor. "Ayehwa Zvayi zvakwana manje, Munya Ticha zvakwana manje" mhamha vakadaro Ndakaona baba vachitora matches ndakavhunduka zvakanyanya vakabva vabuda mumba ndakavatevera. "Baba muri kunoitei?" Ndakabvunza "Ari kupi makey emota?" "No no no baba ndokumbira musadaro" "Ndati ari kupi makey emota?" Baba vakabvunza nehasha Munya akabudikira mberi "Ndinawo" Munya akadaro "Buditsa mota iyi pedo nemusha wangu" Munya akapinda mumota achibva aibuditsa akanoimisa kure nemusha wababa "Ndatadza baba ndokumbira musaita chinhu pamota yangu" ndakadaro "Zvayi ndokumbira usadaro regerera mwana" Mamoyo vakadaro "Shuwa mwana ati haachazviiti usaguma mota yake" mhamha vakadaro "Mota iyi ndiyo ino mupengesa iyi" baba vakadaro vachidzokera mumba Pandaida kutorera Munya makey kuti nditize nemota asi Munya akaramba nemakey "Hunza makey angu iwe" Baba vakauya ne5 litres yepetrol vakapinda mumota vakabisa zvinhu zvaiva mukati "Hona doro riri kumwiwa mumota" baba vakadaro "Baba please ndokumbira musadaro musapisa mota yangu" "Baba pavaidira petrol ndakanzwa misodzi ichizara kumeso kwangu vakatanga kubatidza matches mukati mangu ndakanzwa moyo wangu uchiita kunge uri kubaiwa netsono "Baba" ndakadaro misodzi ichiyerera "Zvayi" mhamha vakadaro Mota yangu yakatsva ndakatarisa ndakagara pasi ndave kugaya horror chaiyo. Ndakaitarisa mota ichitsva kusvika yapera, handifi ndakanganwa nezvinhu zvavandiita izvi ANENYASHA Ndiri kuedza kurara asi hope hadzibati ndakatarisa foni yangu asi ndaitamba nenguva nekuti Tafadzwa aiva asina kundifonera. Ndakagara kudaro ndakanzwa munhu aigogodza ndakavhunduka zvese nekushamisika pandakaona ari Jay mwana waMunya "Hey" Ndakaona kumeso kwake kwakazara misodzi uye aifemera mudenga zvekuti anga achimhanya "Boy chii wasvika nani pano?" "Ndega" "Chii?" "Bamunini Tafadzwa" Ndakavhunduka. "Vaitei bamunini Tafadzwa?" "Baba nasekuru vavarova vachibva vap......" Zvichakadaro Jay asati apedza kutaura ndakanzwa munhu aiscreamer achipinda mumba aiva Paida "Anenyasha buda!!! panze uone!!!" Paida akadaro Takabva tabuda naJay pandakatarisa kumba kwana Tafadzwa ndakaona hutsi hwaiva hwakasviba ndakaona kuti pane zvinhu zviri kutsva "Chii manje?" "ndiTafadzwa" "Aitei manje Tafadzwa?" ndakabvunza misodzi yave kuyerera "Vavarova bamunini vachibva vapisa mota yavo" Jay akadaro "What?" Ndakabvunza nekushamisika "Ehe neniwo ndazvinzwa kurwizi baba vaTafadzwa vapisa mota yake" Paida akadaro Ndakavhunduka ndichibata muromo wangu. Ndakatanga kufunga Tafadzwa paafonerwa naEthan "Aaah asi vaitirei zvinhu zvakadaro kuna Tafadzwa?" ndakabvunza ndakatarisa Jay "Tafadzwa ari kupi?" "Ndavasiya kumba vachiona mota yavo ichitsva" Moyo wangu wakarwadza ndini wese ndakakonzera zvese izvi. Dai ndamusiya Tafadzwa paati ane zvinhu zvakakosha zvaanofanirwa kuita mota yaTafadzwa yatsva nekuda kwangu achinditarisa sei manje Ipapo misodzi yakatanga kuyerera pandiri ndichifunga pain ina Tafadzwa manje "Hande" ndakadaro kuna Jay "Unoziva Ane hazviiti kuti uendeko" Paida akadaro "Handipindi mukati" ndakadaro ndichidhonza Jay tichienda ko Ndakawana pazara vanhu ndakamira kumashure kweumwe muti. Moyo wangu wakarwadza zvakanyanya pandakaona Tafadzwa akagwadama pedo nemota yake akaitarisa ichitsva. Ndakanzwa munhu aindipukuta misodzi "Mainini musachema" "Nei vasvika pakupisa mota yaTafadzwa nekuti vanga vamurova already ko kuzopisa mota chii?" Jay akanditarisa. "Sekuru vapisa mota va nani?" "Vatanga nekuvarova sekuru, baba nabamunini Ticha, mota yapiswa nasekuru asi baba vanga vachivabatsira" "Okay ndinotenda ndokumbira uende kumba usaudza munhu kuti ndanga ndiri pano" "Okay ndichaudza Superstar chete" Jay akadaro achienda kuna Tafadzwa Akasvika achimira pedo naTafadzwa achimubhabhadzira. Ndakaitarisa mota yaTafadzwa ichitsva kusvika yasara yava black. Apa mota yanga yakanaka sei ichiyemurwa nemunhu wese. Mota iyi inodhura shuwa vongoipisa just like that Ndakaona Tafadzwa achisimuka achipinda mumba ndakaona madzikoma ake akamira achiona mota ya Taffy. Nei vaita zvinhu zvinorwadza kudai munhu wese aiva ave kuenda neniwo ndakaenda kumba ndakasvika muroom mangu ndikagara pedo nemubhedha ndikatanga kuchema. I can't imagine marwadzo anaTafadzwa I think zvinhu zvose zvaitika nekuda kwangu zvichakadaro Paida akapinda achindihaga "I'm sorry sisi" "Nei vaita zvinhu zvinorwadza kudai?" "Zvinhu zvose izvi zvaitika nekuda kwangu dai ndisina kukupa advice yekuti uende kufilabusi dai zvese izvi zvisipo dai mota yaTafadzwa ichiripo" "Ndokumbira usazvishora newewo wanga uchiti uri kundibatsira zvinhu zvaitika izvi inguva chete" Paida akandihaga "I'm sorry sisi" "Okay ndokumbirawo kuva ndega manje" Paida akabvuma achibva abuda ndakatora foni yangu ndichiedza kufonera Tafadzwa asi haana kudaira ndakaramba ndichiedza asi aiva asingadairi. Zviri pachena kuti akanditsamwira uye haafe akandiregerera TAFADZWA Ndakagara muroom mangu pedo nemubhedha ndiri kufunga kure chaiko ndiri kuinzwa mota yangu iri kunhuwa panze. Chiiko chandanyanya kutadza chingaita kuti vapise mota yangu zviri pachena kuti zvinhu zvavagara vachida kuita. Pane munhu angaita zvinhu zvakadaro here kumwana wake here, mota yangu iyi iri so expensive nei vaita zvinhu zvakadaro Ndinombozvibvunza ini kuti ndiri wepamusha pano here? Handifungi kudaro I think ndiri wemusango ndakazongopinzwa pano ne mistake nekuti hapana munhu angaita zvinhu zvakadaro kuropa rake. Ndakaedza kudzora misodzi asi yaiva isinga dzoreke Nefoni yangu yaiva busy ichirira. Aiva Anenyasha handizivi kuti ari kudei uyu nekuti ndiye honzeri yekuti mota yangu itsve. Ndakabva ndadzima foni yangu handidi kutaura nemunhu manje handisi right manje. Mota yangu iyi yakadhura uye ndanga ndichiida zvakanyanya asi zvose izvi zvanyangarika ndakaona Jay akamira padoor achibva apinda achiswedera pandiri "I'm sorry Superstar" Ndakamutarisa ndichiedza kunyemwerera asi ndakatadza handisati ndambova mumarwadzo akadai apo vandirova asi marwadzo ekurohwa handisi kuanzwa, marwadzo andiri kunzwa ndeemota yangu. "Superstar" "Musachema tichatenga imwe mota okay" Ndakanyemwerera. "Okay its fine Champion" "Nei vapisa mota yenyu bamunini?" "Zvichadarika Champion ndokumbira uende muroom mako ndoda kuva ndega manje" "Okay bamunini" Jay akadaro achisimuka achienda Paakangobuda ndakasara ndichikwira pamubhedha ndichichema ndakaedza kurara asi hope dzakaramba kubata. Pandakasimudza musoro ndakaona mhamha vakamira padoor vakanditarisa nemaziso aiva akazara misodzi ndakavatarisa vachibva vauya kwandiri. "Mhamha ndokumbira mundiudze chokwadi" ndakadaro ndichichema "Ndiudzei chokwadi chekuti handisi wepamusha pano" "Unorevei manje?" "Zvayi ndibaba vangu here uye Munya ibrother yangu here?" "Mwanangu zvichadarika ndiregerere ndatadza kukudzivirira" "Ndipindurei mhamha, Zvayi ndibaba vangu here?" "Usatsvaga zvinhu zvakavanzika unga zorwadziwa kudarika ipapo" . Inguva chete mwanangu zvichapfuura" "Vaipisirei mota yangu? mhamha vanoziva here kuti mota iyi yakadhura sei zvavangoipisa just like that" "Ndiri kurwadziwa newe mwanangu im sorry" "Ndichabva pamusha pano handidzoki zve ndichauya pano ndave chitunha" Mhamha vakanditarisa vachivhura maziso "Mwanangu usataura uchidaro uye usataura nezvekufa ndiudze kuti uri kutamba kuti haudzoki zvepamusha pano" "Handisi kutamba mhamha vandiratidza kuti ini handisi wepamusha pano havana basa neni" "Ini ndine basa newe mwanangu ndokumbira usandisiya" "Kana muchindida muchaenda neni" "Unoziva kuti izvi hazvingaitiki" "Okay sezvo muchiteerera murume wenyu ndikangopedza zvinhu zvandinoda kuita pano ndiri kudzokera kuHarare" "Ndinokuda Tafadzwa haungandisiyi zvakadaro" "Mhamha ndaneta ndinoda kuzorora" "Ndokumbira usaenda mwanangu" "Handingaendi manje" Mhamha vakandihaga vachibva vabuda ndakasara ndichitora mapiritsi ekurara nekuti ndaiva ndisingadi kufunga zvakanyanya ndichibva ndarara. Mpumelelo Ndaitenderera imba yose ndakamirira Bridget asi aiva asingauyi.aenda masikati achiti Ari kunosangana na Tafadzwa manje foni yake haichapindi. Ndakaedza Tafadzwa asi foni yake yaiva isingapindi. Pandakafonera Munya haana kuidaira Dai achiziva kuti handidi chinhu paari, coz I know Ari kundi ignowa achifunga kuti ndichamunyengerera kuti tidzokerane.ndakaramba ndichingozama number ya Bridget asi yaiva isingapindi. Zvichakadaro mhamha vakapinda "Uri kumuwana mwana here?" "Aewa mhamha chero Tafadzwa foni yake haipindi" "Eyy mwana uyu achandiuraya ne BP" "Ndicharamba ndichimuzama mhamha" Zvichakadaro takaona mota yemapurisa takabuda tichiendako "Sayijeni" mhamha vakadaro "Ndipo panogara Bridget Sithole here pano?" Mupurisa akabvunza "Ehe aitei manje Bridget?" "Ohh I'm sorry mhamha kutaura izvi Bridget awanikwa musango , apfurwa" Takavhunduka na mhamha tichitarisana. Ndakaona mhamha vachibata chipfuva "Sayijeni chii chaitika?" Ndakabvunza "Ari kupi manje?" Mhamha vakabvunza "Tatadza kumuendesa ku mochari pasina family yake" Ndakanzwa muviri wangu uchidedera "Mochari sayijeni? Uri kuti kudiiko?" Mhamha vakabvunza "Apfurwa akatisiya" sayijeni akadaro Mhamha vakaridza mhere ini neniwo musoro waiva wave kudhuma handizivi kuti ndoti kudii nenyaya iyi? Nekuti Tafadzwa anga asingadi kuroora Bridget Saka ndizvo zvaafunga izvi pa munin'ina wangu. Manje naiyevo achafira mujeri