Chapter 18 Anenyasha Handizivi kana ndatora decision iri right asi hapana zvandingaita Taffy ndomuda ndakamuda ndisati ndamuziva. Ndakamuda ndisati ndaroorwa na Munya asi hapana angazvi understand a izvozvo. Chinhu chandava worried nacho vanhu vemudunhu rangu, vachati kudii sezvo ndaiva ndakaroorwa nemukoma waTaffy. Vachatanga kundi judger vokanganwa kuti vakandiroodza zvenharo. Ndakaedza kumuda Munya asi ndakaona kuti noo hazvirizvo zvinodiwa nemoyo yangu. But I'm ready chero chii chichaitika. Chimwe chinhu chinondipa stress ndechekuti baba vachati kudii nenyaya yose iyi. Asi pekupedzisira vachandiregerera ndiri mwana wavo ka. Vachandiona se betrayer or disappointment but still I'm his daughter. Takakisana kwenguva yakareba na Taffy . Ma feelings akakwira kudarika pekutanga. Patakaona kuti tingazoita mistake takaregedzana. Ndaka blasha paakanditarisa "Thanks nekundipa mukana" "You're welcome" "I love you so much" "I love you more" ndakadaro asi pfungwa dzangu pakatanga kuuya drama yemusikana wake Dineo "Chii manje asi pane chandatadza?" Taffy akabvunza "Musikana wako Dineo anek--" "Haa uyo yatova history takarambana" "Shuwa here?" "Yah asi iye achiri kunditeverera but don't worry ndichagadzirisa zvose" "Okay" "20 minutes yawati unoda kuverenga yakwana" "Eish apa yatodarika" "Okay rega ndisakukanganisa kana wafoira wozochema neni uchiti ndini ndakonzeresa" "Zvagara ndiwe unenge wakonzeresa" ndakadaro ndichiseka Takakisana tichibva tabuda "Uverenge zvakanaka asi usakanganwa kuti Taffy anokuda" "I love you too Lucky Charmer " Akaseka tichinopinda mumota achindiendesa kwandinogara. Ndakasvika ndikawana Nicky achiona TV "Haa ndiko kukurumidza kwanga uchireva uku?" "Haa Nicky ahh" ndakadaro ndichiseka "Kubva wanonoka kudai manga muchitaura dzei?" Ndakanyemwerera "Uhhm waku blasha manje?" "Nicky stop it" Ndiri kubvunza hangu wava neboyfriend itsva futi?" "Ndanga ndisina choice ndakashingirira zvakwana manje. Chero ndiri kumba kwavo ndaimuda, now ndatadza kushingirira " "Yowee Anenyasha dzemashura unoziva here zvaunoda iwe" "First of all handisi Anenyasha dzemashura nei uchiti handizivi zvandinoda?" "Uchagwisanisa vana vanyamunhu" "Vapi manje vana vanyamunhu?" "Uyu aiva akakuroora na Tafadzwa" "Haa ini na Munya taiva tisingadanani so handioni problem ini apo. Munya akandi understanda pekutanga so nazvino achandi understanda" "Zvaunofunga hazvisirizvo zvichaita. Ndiri kukuona uri kufunga semwana mudiki. Family iyo ichati kudii nenyaya iyi? Wakaramba Munya nekuti waiva waona Tafadzwa" "Ohh God Nicole ndokumbira usaita kuti ndifunge zvinhu zvakawanda mupfungwa dzangu. Kuti chii chichaitika kupi sei ndokumbira usandifungidza now let me enjoy my life please " "Saka Tafadzwa uchamupa humhandara hwako?" "Kuti iye aita sei?" "Kungobvunzawo hangu " "Tingadanana hedu asi ipapo hatingasviki" "Asi mukomana wako uyu I type inoda zvinhu" "Nicole stop it please!!!" Ndakadaro nehasha "What if avinga humhandara hwako chete?" "I said stop it!! Buda munyaya dzangu!! Chiiko newe?!! Tafadzwa ndiye akuudza here kuti ndozvaanoda kwandiri. Please siyana neni Nicole!!" "Chero ukatsamwa asi zvinhu zvandakuudza ichokwadi. Hapana mukomana akafanana na Tafadzwa angashingirira kupenga kwako. Anongoda humhandara hwako okusiya wakashama" Ndakamupa gwati rembama, akavhunduka achibata dama rake "Anenyasha wandirova?!!" "Aewa ndakukwenya" ndakadaro ndichienda mu room mangu Chiiko na Nicole, ndakatora mabhuku angu hameno ndikakwanisa kuverenga kwacho Nompumelelo Kusiya vana vangu kunondirwadza zvakanyanya ndajaira kugara navo ini uye ndaiva ndazviudza kuti ndichagara navo kwehupenyu hwangu hwese asi Mwari vanenge vazviramba. "Popo ndichauya nhaika?" "Mhamha nei musingachandi kugara pano?" "Kure kubasa my baby" "Baba vane mota vachakuendesai mazuva ose" "My girl haungazvinzwisisi kwandiri kunoshanda kure handingakwanisi kufamba mazuva ose" "Saka endai nesu ka" "Papa vagosara nani?" Haana kundipindura "Wava big girl now my baby uchasara uchiitira baba zvose zvavanoda nhaika?" "Okay mommy ndokudai zvakanyanya musarega kuzotiona" "Okay my angel" ndakadaro ndichimuhaga. Ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso moyo waiita kunge uri kubaiwa ne tsono. Ndakamusiya akanditarisa achiseka "Mhamha munoyema imwi. Hanti muchadzoka here. Ini ndiri birg ndichavaitira zvose daddy" Ndakanyemwerera achibva aenda. Jay aiva akamira akamira pamadziro akatitarisa "Jayden" "Nei muchiudza Popo zvinhu zvisizvo mhamha" Ndakatarisa mudenga nekuti ndainzwa kuti misodzi yangu ikuda kubuda "Imwi na baba hamusisiri pamwe chete makuenda hamuchadzoki kwatiri. Nei muchinyebera Popo?" "Jayden" "Imwi na baba hamutidi. Makatanga nekutitora muchinotigarisa kure na baba manje ndi baba vari kutigarisa kure nemwi. Nei muchitidaro?" "Jay kana wakura uchazvionawo newe. Rudo kana rwapera rwapera harufi rwakavapo zve. Muhupenyu haufanirwi kumanikidza zvinhu nekuti pekupedzisira ndiwe uchakuvara. Nesuwo naMunya tasvika pa breaking point hapasisina rudo rwapera" "Rwapera kwamuri muri vaviri or Kuna baba chete?' "Chero vari baba vako chete asi zvakangofanana please my boy ndokumbira kuti usatiomesera. Kana uchida ndigare pano ndinenge ndakudzosera hupenyu hwangu kumashure. Ndovimba kuti haudi izvozvo pana Mai vako" "Vana vose vanokura nevabereki vavo vakakwana asi isu tinogara takatorerwa kodzero yedu. Okay fine endai tichararama hupenyu hwatogara tichirarama hwekukura tichichengetwa nemubereki umwe" Ndakayerdza misodzi "Mwanangu please ndokumbira usandiita kuti kwandinenge ndiri pfungwa dzangu dzisare kuno" "Dai hangu ndakazviendera na bamunini Tafadzwa ndivo vanondida pamusha pano" "Jayden please mwanangu" Haana kundipindura akatendeuka achienda. Ko nei Jayden achitaura zvakadaro. Handichazivi kuti ndiite sei. Yes vana vangu ndinovada asi kugara pano hazvichaiti. Misodzi yakabuda ichiita rwerwizi pamatama angu. Zvichakadaro Maidei akapinda "Pachiri early kuti mugadzire zvinhu Mpume " "Maidei hakusi kuda kwangu. Unofunga ndanga ndichaenda ndichisiya vana vangu here" "Taura na Munya mugadzire zvinhu. Makura imwi kuti mungaita divorce. " "Anyatsondiudza Munya kuti haachandidi pano ndangogarira vana chete. Dai ndanga ndisina vana dai ndisipo pano. Iwe ungagarira izvozvo here?" "Asi gadzirai zvinhu na Munya. Makore ose aya mozorambana manje nekuda kwemunhu akatobva pano here" "Maidei ndakufanirwa kuenda" Maidei akaswedera pandiri tichihagana ndichitora ma bag angu ndichibuda door Anenyasha Ndakamutswa nefoni yangu yairira pandakatarisa aiva Tafadzwa "Morning" ndakadaro "Anenyasha wa Tafadzwa" Ndararisa nhasi Tafadzwa yoo" "Hezvo nazvino uri mumagumbezi hauendi ku campus nhasi" "Ndinoenda asi handiendi kunonyora" "Okay ndokumbira kuva ride yako nhasi" "Hauendi kubasa here?" "Aewa nhasi ndiri off" "Okay ndichabuda na 8 ndofanirwa kusvika na 9" "8 o'clock ichachaya ndava pagedhi" "Okay" ndakadaro tichionekana. Ndakaenda ku kitchen asi kwaiva kusina munhu. I think Nicole aenda ko hanti nezuro tarara tisingataudzani nekuda kwezvinhu zvaanga achitaura. Ndakagadzira breakfast ndapedza ndakanogara pasi ndichidya Ndapedza ndakagara some minutes Tafadzwa akandisendera message achiti Ari pagedhi. Ndakatora stationary ndichienda kwaari "Morning " ndakadaro "Morning my angel " Taffy akadaro achimutsa mota tichienda ku campus. Akasvika akamira pagedhi "Thank you" ndakadaro "You're welcome " Ndakaona mota ya Themba ichiuya kuzomira pedo nemota ya Tafadzwa. Ohh God ngapasaita drama kani. Takakisana kwema minutes ndichibva ndabuda mumota. Tafadzwa akamutsa mota achienda. Themba akabuda mumota achiuya kwandiri "Ndizvo zvawandirambira izvi?" "Aewa" "Unomuziva zvakanaka here mukomana wauri kudanana" "Unorevei?" "Ndati unonyatsomuziva here munhu waunodanana naye?" "Ehe ndomuziva " "Okay kana uchimuziva bhoo" Themba akadaro achienda ndakasara ndakavhura maziso Ko nei vanhu vasingamu approve Taffy kuti adanane neni. But anyway zvinhu zvandiri kuita handiitiri munhu ndozviitira ini. Tafadzwa Ndakagara nemachinda angu ndiri pa Whatsapp chart with Anenyasha ndikungorova smile "Ayy iwe watodyiswa iwe?" Prince akadaro "Dineo ava kukupengesa mupfana " Lee akadaro "Unondipengera iwe ndakaramba naye uyo ini" "Ehh ko ava ne new girlfriend ka inonzi Anenyasha" Roe akadaro "Fu** ko kuzandiudza mpfana" Prince akadaro "Chii asi unoda kuita refree patinokisana" ndakabvunza "Saka unomupenengura rinhi?" Lee akabvunza "Kupenengura chii?" "Unoziva zvandiri kureva Tafadzwa" Prince akadaro vachiseka "Musataura zvinhu zvisinei nemwi" "Hezvo Tafadzwa watopinda nemoyo?" Roe akabvunza "Vanondijairira ava" "Hayi maan Tafadzwa tinozviziva tose kuti unongoda kumudya chete. Tokuziva zve iwe zvauri" prince akadaro "Mondiziva or mondifungira?" "Ndiani asingakuzivi kuti apple unorida mpfana" Lee akadaro Ndakanzwa hasha ndikaswedera paari ndikamurova nechibhakera achibuda ropa mumhino "Tafadzwa ukundiroverei?" "Uri kumuroverei Tafadzwa? Kuti akuudza chokwadi here?" Prince akadaro Handina kumupindura naiyevo ndakamupa chake chibhakera "Budai mumba mangu" "Zvagara tanga takuenda" Lee akadaro vachibuda "Tafadzwa chiiko?" Roe akabvunza "Chiiko kudii hauna kuvanzwa zvavataura here?" "No maan dude vanga vachitamba newe" "Kutamba neni my foot!! Kupenengura my foot" "Newevo Tafadzwa wangopinda nemoyo asi vanga vachitamba newe" "Uchavatevera newevo" "Unondipengera mpfana" Roe akadaro achirara pasofa, ndakagara pasi zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Jay "Champion " "Superstar " "Unenge uri kuchema" "Mhamha na baba havachavi vose zve" "Handisi kunzwisisa champion" "Mhamha vaparadzana nababa, mhamha vaenda. Bamnini havatidi ava ini ndoda kuzogara nemwi ku Harare" Ndakavhura maziso "Vaparadzana rinhi" Mhamha vaenda nhasi" "Okay okay champion usachema ndichauya kuzotaura na baba vako okay" "I miss you bamnini" "I miss you too chirega kuchema okay" ndakadaro tichionekana Pandakakata foni yangu ndakawana pane ma missed call ndi Ane anga achizama kundifonera ndakadaira "Wanga uchambotaura nevasikana vako?" "Haa ndiko kumhorosa here uku?" "Ndikare ndichikufonera ichingoto waiting " "Ndanga ndichitura na Jay anga achindiudza dzimwe nyaya apa" "Dzei?" "Ati Mai vake na baba vakaparadzana" "Haa rinhi chii chaitika?" "Handizivi handina kumubvunza zvinhu zvakawanda anga achichema" "Shuu pakaipa. Ndikunzwa kuda kuuya kumba kwako. Haudi here kuti ndiuye?" "Awuu ndiani angaramba offer yakadaro haunyori here mangwana?" "Aewa tiri kuverenga zvatichanyora kuswera mangwana " "Okay Rega ndiuye kuzokutora " Ndakadaro ndichikata foni yangu "Roe ndiri kubuda ini ndiri kunotora musikana wangu" "Haa handichaendi ndoda kumuona Anenyasha wacho" "Nhema ita unotya Glady" "Eish iyo ndeimwe nyaya imagine munhu anodzingwa pamba pake" "Ndiko kuti usiye chihure bye" ndakadaro ndichibuda ndichinopinda mumota ndichienda kwaigara Ane. Ndakasvika pagedhi ndikamusendera message ndichimuudza kuti ndasvika Ndakamuona achibudikira ndakanyemwerera ndakamutarisa. Finally ava wangu manje. Ndakamuvhurira door achipinda. Ndakamukisa padama. "Anenyasha dza Tafadzwa" Ko nei vanhu vachichinja zita rangu kudaro?" Ane akadaro achiseka "Ndivanani vamwe" "Ahh vanhu vakungoita zvavanoda nezita rangu" "Uvaudze vanodaro kuti vachandiona mushe" Ane akaseka. "Thanks nekundishanyira" "Ndangonzwa kuda kuva newe " "Chinhu chanyanya kundifadza ndechekuti wazvitaurira wega kuti unoda kundishanyira. To me it's mean a lot" "I missed you that's why " "Neniwo ndanga ndichikufunga asi ndanga ndichitya kutaura" "Iwe Tafadzwa nekutya" Ndakaseka "Ahh wava musikana wangu ka saka ndofanirwa kubata mutemo" Ane akaseka "Ndakamutsa mota tichienda kumba. Zvagara chikafu chose chiripo so no need yekuti tidarike Kuma shops. Takasvika kumba tikaburuka mumota, ndakabata bag ra Ane tichipinda mumba. Roe aiva akangorara "Roe Roe ndadzoka" ndakadaro Roe akamuka achizvipukuta kumeso achititarisa "Ohh ndakudzingwa manje" "Haa iwe ndanga ndichingokuudza chete ini" "Hey Anenyasha takagumana musi uya we drama" Roe akadaro "Hie" Ane akadaro "Ayy rega ndogadzira nyaya dzemusha wangu. Ndichatiza kusvika rinhi " Roe akadaro ndakamuseka "Umhorose Glady" "Ukwane Tafadzwa. Miss Anenyasha usare mushe" Roe akadaro achibuda achienda. Ndakazvikandira pasofa "Handina kubika ini ndokumbira undibikire ndakaguma kare chikafu chabikwa newe" "Hezvo wanga uchiti uchadyei" "Ndichangosvika ini" "Imba iyi yakanaka shame, inoonekwa kuti muridzi Ari ku America. Kule ve shamwari yako vanokuvimbai shuwa. Kukusiirai imba yakanaka kudai. Saka shamwari yako iri kupi?" "Ohh uyo Ari kumusha asi achauya soon" ndakadaro ndichimuswededza pandiri tichitanga kukisana Anenyasha After some minutes Tafadzwa akasimuka achienda mune rimwe room akadzoka ne plate yaiva nema strawberry, snack sweets nezvimwewo zvakangodaro daro ne drink "Swedera pandiri Ane" Ndakaswedera achibva andigarisa pamakumbo ake "Shamwari yako waisiya yega?" "Shamwari yangu?" "I mean roomza wako" "Yoo uyavo uya" "Haa ini ndaifunga kuti mowirirana ka? Asi marwa?" Tafadzwa akabvunza achiseka ,"Yah but it's not a big deal" "That's why ini ndisingakwanisi kugara neumwe munhu kuchikoro kwenyu uko" "Ku America waigara nani?" "Ndaigara ndega. One day tofanirwa kumboshanyako" "I can't wait" Tafadzwa akanditarisa achindibata chirebvu changu achindiswededza paari achindiradzika zvinyoro nyoro pasofa achitanga kundikisa. Neniwo ndakamukisa back. Takakisana kwenguva yakati rebei. Taiita kurova slomotion kiss yaiva nerudo rwakawedzerwa. Handisati ndambonzwa zvinhu zvandiri kunzwa manje. Hapana kana nguva yakareba tichikisana asi zvinhu zvandiri kunzwa manje zvakapfurikidza Ndakamunzwa ava kukopunura zvikopera zvehembe achitanga kunanzwa mazamu angu. Ndakafemera mudenga nezvinhu zvandainzwa "Tafadzwa" ndakadaro nezwi raiva kure kure "Relax" Tafadzwa akadaro achindikisa. Ayy Mwari wangu ndakanzwa kunge ndiri kudenga Akakurura hembe yake achirara pamsoro pangu. Ohh God muviri wake unondiita kunge tiri kunyika yedu tega. Akatanga kundipurudzira uku achindikisa mazamu nemuhuro. I enjoy this a lot. Ndakanzwa kunge ava kuenda kumaodzanyemba ndakajamba "Tafadzwa" "Hapana zvandinokuita Ane, just a romance. I won't do anything kunze kwemvumo yako" Ndakabvuma nemusoro achitanga kundiita romance yacho. After some minutes akazondiregedza tichigara pasofa "I enjoy a lot" Tafadzwa akadaro "Me too ndakadaro ndichi blasha Zvichakadaro foni yake yakarira aiva Mpume. Akaitarisa haana kudaira "Ndi Mpume" "Ayy ndichamufonera ndava free" "What if nyaya yacho yakakosha? "Hapana chinhu chakakosha kudarika iwe. Pamwe anoda kundiudza nyaya yavo na Munya handichadi kupindira nyaya dzavo ini" Foni ya Mpume payakanyarara pakapinda ya Bridget "Ayy Tafadzwa daira Kani" "Ane handisi mu mood yekubata foni nhasi." After some minutes foni yake yakapinda message akaiverenga achibva anditarisa achitarisa zve foni yake "Tafadzwa chii chauri kundivanzira?" "Hapana babe" "Tione foni yako" Akandipa foni. Message yaibva Kuna Bridget yaiva yakanzi. Kana wava free undifonere "Tafadzwa Bridget ari kudei kwauri?" "Ndine 3 months ndisingatauri naye pamwe ndi Mpume asenda message" Ndakamutarisa "Hausi kundi believer?" "Ndokumbira usatamba nema feelings angu" "Izvo handifi ndakazviita. Iwe hausisiri Anenyasha dza baba asi wava Anenyasha dza Taffy" Tafadzwa akadaro achindiradzika pachifuva chake "I love you mandlovu wangu" "I love you Zvayi wangu" End of chapter