Chapter 39 Anenyasha Handisi kuzvi believer kuti mwana waTatenda haasisipo kuti chii chakaitika paari? Ndiri kusvora ini kuti ndimbuya vane ruoko pazvinhu zvose izvi. Mbuya vane moyo wakashata Tafadzwa akazondiregedza "Chii manje?" "Ndimbuya vaita zvose izvi" "Hameno hatizivi nezvazvo saka hatingavape mhosva. Tichaziva zvakanaka kana Tate amuka" Ndakaona misodzi wave kuyerera pandiri "Achopora here?" "Yes babe achapora cousin wako" Ndakamuhaga tichibva taenda kuward yaTate ndakaona mai vake varipo vaiva vatosvika kuzomuona ndakaenda kwavari straight. Ndakavaona vachichema and I'm sure kuti vari kunyepera kuchema "Mbuya makadii" "Ndiri right mwana wangu haasati amuka here?" "Ooooh I'm sorry nezvinhu zvaitika pana Tate" ndakadaro ndichitora foni yangu "Rega ndifonere Kule ndivaudze kuti neniwo ndiri kuchipatara" "Nei uchida kuvaudza izvozvo? Ndokumbira usafanera murume wangu" Ndakavatarisa ndichishamisika. "Nei?" "Ari kure akaenda nebasa saka ndakamuudza kuti Tate ari kurwara anozofunga kuti inyaya hombe obva aita stress" Yaaah mbuya vari kutaura chokwadi havo. Asi chero zvakadaro pane zvavari kuvanza chete "Ndimwi hanty?" Ndakabvunza ndazvipa chivindi chero hazvo ndaiva ndisiri shuwa "Ndini ndadii?" "Maita zvose izvi pana Tatenda" Mbuya vakanditarisa vachivhunduka and pakutarisa kwavo vairatidza kuti pane zvavanoziva chete "Unopenga here iwe unofunga ndanga ndichaita zvinhu zvakadaro pamwana wangu here, unofunga ndanga ndichida kubisa nhumbu yemwana wangu?" "Ndiani ati mabisa nhumbu yake nekuti ini hazvisizvo zvandiri kureva ndiri.........." Pandaida kutaura Taffy akabudikira achinditora achiti tiende kuoffice kwake misodzi yaingoyerera "Babe wanga uchiti kudii kuna mbuya vako?" "Ndivo Tafadzwa ndivo vaita zvose izvi kuna Tate sei vaita zvinhu zvakadaro pamwana wavo" "Ndinokumbira udzore moyo Mandlovu achawana mutongo wake okay" "Ndinoda Kule vauye ini" "Vachauya babe usanyanya kufunga remember wakatakura mwana wangu" Ndakanyemwerera ndichibva ndagara muoffice make iye aiva busy nebasa. Apo moyo wangu waingova kuna Tate chete achanzwa sei paachamuka kuti mwana wake ashaya hazvisati zvamboitika zvinhu zvakadai pandiri asi ndiri kurwadziwa. Unenge uchizviudza kuti wave kuzoita mubereki asi Mwari voita kuda kwawo ndaiva ndakagara ndichiedza kuona laptop yaTafadzwa asi hapana zvinhu zvainakidza zvandaiona ndakabva ndatorara pasofa. Ndakanzwa munhu ave kundimutsa aiva Tafadzwa "Ko watorara?" "Yaaah ndabhowekana nelaptop yako" "I'm sorry kukusiya wega" "Nei usiri right?" "Pane murwere wangu ashaya" Ndakasimuka ndichimuhaga "Oooh what a bad news sorry babe" "Yaaah ndiri kunzwa sekunge ndatadza kumuponesa" "Tafadzwa usataura zvinhu zvakadaro unoziva iwe kuti hausi Mwari saka haunga kwanisi kudzora zvido zvavo" "Yaaah uri kutaura chokwadi handisi Mwari kana Mwari vabvuma ini ndini ani kuti ndingaramba" "Tave kufanirwa kuenda kumba manje usvike uchizorora" "Ave sei Tate?" "Usanetsekane naye uyo achava right chete pari zvino akaneta asi achamuka" Taffy akadaro tichienda kumota Muviri wangu waiva weak handifungi ndichakwanisa kubika. Ndakaudza Taffy tikapfuura tichitenga chikafu kumashops chatichadya. Aiva ave kundibvunza kuti nhumbu yangu inofarirei shooo mukomana uyu drama rose iri here TAFADZWA Ane kubva zvaaziva nyaya yacousin wake haasi right handidi kumuona akadai. Ndakamuisira chikafu mundiro apo iye aiva akarara pasofa "Ndakaguta Taffy ndichadya mangwana" "No Ane une nzara ndinokumbira kuti udye" ndakadaro ndichigara pedo naye ndichitanga kumudyisa "Vhura muromo Ane' Naiyevo akaita sekudaro ndakamudyisa kusvika apedza tichibva taenda muroom medu ndakasvika ndichimuisa pamubhedha. Handidi kumuona akadai manje "Ndinokumbira usanyanya kufunga babe nekuti une mweya wakadependa pauri" Ane akanyemwerera. "Yoooh handisi kuzvi believer kuti ndave kuzoita mhamha" "Neniwo ndave kuzoita baba" ndakadaro ndichimuhaga ❤️❤️❤️❤️❤️ Mangwana makuseni ndakafonerwa kuchipatara vachiti Tate amuka ndakatarisa Ane ndichinyemwerera ndichibva ndamuudza nyaya yose akaratidza kufara. Akabva atondiudza kuti tigadzirire tiri kuenda kunoona cousin wake. Anenyasha Tafadzwa paandiudza kuti Tate apupuka ndanzwa sekunge ari kundiudza kuti ahwina lotto nemufaro wandanga ndiinawo. Takabva taenda kuchipatara patakasvika kuchipatara ndakamhanyira kuward kwake ndakamuona akarara pamubhedha akatarisa mudenga. You can see kuti munhu ari kufunga zvakanyanya "Cousin" Tatenda akanditarisa misodzi ichiyerera asi akaratidza kufara paakandiona "Anenyasha" Ndakamuhaga neniwo ndichichema "Ane mwana wangu" Tate akadaro achichema Zvichakadaro Taffy akapinda "Chiregai kuchema zvido zvaMwari hapana anga zvidzora" Taffy akadaro Tate akatanga kuchema. "Ndeuya mukadzi wandinodana ndichiti mhamha" Takashamisika naTafadzwa "Mai vako vaitei?" ndakabvunza "Vandiisira piritsi reabortion mutea" Tate akadaro Takavhunduka but zvakamufita mukadzi uya. Tate akatiudza zvose zvaiva zvaitika. Yoooh mukadzi uya ane hutsinye angaite zvakadaro shuwa kumwana wake "Chirega kuchema Tate" ndakadaro "Handidi kudzokera kumba ini baba vasati vasvika aaah mhamha vanga ndiuraya" Tate akadaro "Sununguka uchaenda kunogara nesu kusvika baba vako vauya" Tafadzwa akadaro "Yaaah usanyanya kufunga uchava safe kumba kwaTafadzwa" Zvichakadaro mbuya vakabudikira pavaida kupinda ndakanomira mberi kwavo "Muri kuenda kupi?" Vakashamisika. "Ndauya kuzoona mwana wangu" "Tate atiudza zvose nei maita zvakadaro pamwana wenyu?" "Haungandiudzi zvekuita iwe ndinoda kuona mwana wangu" "Tate haadi kukuonai so ndokumbira kuti muende" "Muchabuda here kana kuti ndidane masecurity" Tafadzwa akadaro "Ndinoda kuona mwana wangu" "Hapana mwana wamuchaona pano Tatenda tiri kuenda naye kumba kwedu muchasara nehutsinye hwenyu. Kule vari kuuya ndichavaudza zvose zvaitika" "Usapinda nyaya dzingakudi" mbuya vakadaro "Iyi haisi yevanhu ndeyamwana waKule vangu saka ndine kodzero yekumutaurira" Vakabva vanyarara "Sies iwe mudzimai une hutsinye unoroya masikati machena" ndakadaro ndichidzokera mukati ndakasvika ndichigara pedo naTate "Handidi kuvaona Ane" "Haumbovaoni chirega kuchema manje" ndakadaro tichihagana Next day Takaenda kunotora Tate kuchipatara Tafadzwa anga atsvaga vanhu kuti vatarise Tatenda mai vake vasambomuona zvake. Takasvika kuchipatara takamutora you can tell kuti haasi right chero muviri wakadzikira. Takadarika nekumashop tichitenga zvinhu zvaachadya sezvo aiva pasituation ane chikafu chaanofanirwa kudya Takasvika kumba tikamuendesa muroom make ndakamugadzirira chikafu ndichibva ndamuendesera ndakumuwa atoras ndakasvika ndichimumutsa akamuka achibva agara pasi. "Handina nzara ini ndinoda kuzorora chete" "Ayewa unofanirwa kudya nekuti hausati wadya ndinoziva kuti une nzara" "Ini chinhu chandoda kurara chete ndipeiwo mapiritsi achaita kuti ndirare" "Kana usina kudya unopererwa nesimba okay ndokumbira umwe mapiritsi" Tate akanyemwerera asi unomuona kutu kunyemwerera kwake kwakaneta. Ndakaenda kukitchen "Ari kudya here?" "Ndauya kuzomutorera maheu" "Okay" Ndakatora maheu ndichienda nawo muroom make ndichamumirira ndione kuti anomamwa here. Zveshuwa akaamwa asi asati apedza aiva ave kuda kurutsa ndakamutora ndichienda naye kuchimbuzi akasvika achimarutsa ose. Ndakarwadziwa kuti chikafu hachisi kupinda paari ndakamubatsira kumuendesa pamubhedha "Oooh I'm sorry" "I think ndichadya later" Ndakadana Taffy akamumiswa mapiritsi achibva arara takaenda muroom medu naTafadzwa paaida kundipa chikafu neniwo ndaiva ndisisina appetite asi ndakaramba "Ndokumbira usadaro babe please" "Wamuona here kuti mwana wa kule arisei?" ndakabvunza ndichichema nekuti ndairwadziwa "Yes asi unofanirwa kuva strong for her kana iwe wakadai unofunga kuti iye achava sei?" Handina kumupindura "Please Mandlovu wangu uitire mwana wedu ari mudumbu" Ndakanyemwerera kutokanganwa kuti ndine pamuviri. Ndakatora chikafu ndichidya kusvika ndapedza "Unofanirwa kufonera Kule" "Ndichati kudii kwavari?" Ndakatora foni yangu ndichivafonera luck vakadaira "Muzukuru wangu" Kule vakadaro "Kule murisei?" "Ndiri right" "Neniwo ndiri right ndinokumbira kubvunza kuti munouya rinhi?" "Ndanga ndichifanirwa kuuya svondo rinouya asi ndave kuuya mangwana" "Manga mavaudza here mbuya kuti muri kuuya?" "Ayewa handina nei uchibvunza izvozvo?" "Ndokumbira kuti musavaudza Kule" "Nei?" "Ndinokumbira kuti musvikire kumba kwaTafadzwa pane zvinhu zvatinofanirwa kutaura zviri secret" "Muzukuru wave kundityisa manje" "Ayewa sekuru musatya hapana zvakaipa hazvo ndokumbira mundivimbe imi itai izvozvo chete" "Okay ndichaita sekudaro" "Ndinotenda Kule" ndakadaro tichionekana "Vati kudii?" Taffy akabvunza "Vabvuma" "Oooh that's good" PAIDA Handisati ndambofunga kuti inini ndichafa ndakablusher nekuda kwemukomana. Now I see manje kuti ndinomuda Ethan kwete zvekufungira. Ndichangobva mukutaura naye pafoni ndakazvigadzira sezvo ndichienda kunomuona. Nhasi izuva rangu rekutanga kunomuona kubva zvandakamuudza kuti ndinomuda akandiudza kuti akamisa mota kupi ndakaenda ikoko ndakasvika ndichipinda mumota tichihagana asi ini ndaifa nenyadzi. "Urisei" Ethan akadaro achinyemwerera "Ndiri right urisei iwe?" "Ndave right manje nekuti ndakuona tsvarakadenga yangu" Ethan akadaro achinyemwerera achimutsa mota Takaenda kune imwe nzvimbo pasina munhu achatikanganisa. Takabuda mumota tichinogara pasi aiva akabata zvinhu zvinonaka. Takasvika tichiwaridza tauro tichigara pasi awwww ndozvinoita rudo rwacho handisati ndamboitirwa zvakadai ini ndinongozviona pamatv. Ok so ndopicnic yacho IM happy kuti nhasi zviri kuitika pandiri "This is all for you mudiwa" Ethan akadaro akanditarisa achinyemwerera "Thank you so much" Ethan akatora strawberry achindidyisa, yoooh nyadzi zvadzaiva dzave kundiita so but soon munhu uyu achave murume wangu saka ndofanirwa kusanyara mberi kwake. Tagara kwenguva yakareba tichikurukura ndakapedzisira neniwo ndave kukwanisa kumuudza nyaya dzakasiyana siyana ndaiva ndave kuenjoyer. Chinhu chairema chete pandiri ndepekukisana haaa ipapo manje handisati ndambozviita ini before imagine musikana akakura kunge ini onzi haagoni kukisa yooh hayi hayi at least iye anonzwisisa nekuti ndamuudza kuti handisati ndambodanana nemukomana. Takazopedzisira takisina chero hazvo zvairema asi ndakapedzisira ndave kukwanisa ndave kuita zvakanaka Ethan akanyemwerera achinditarisa. "Thank you so much kundiita murume pavarume" Ndakanyara ndichitarisa pasi akandihaga achibva andisimudza tichinopinda mumota achindiendesa kumba. Ko handifanirwi kusvika kumba husiku NOMPUMELELO Nhasi izuva rekuzvarwa kwemwana wangu I can see ndakura manje Popo ave mhandara "Happy birthday sweetheart" "Thank you so much mommy" Apo taiva tamuitira party ndakaona Munya achipinda muroom akabata mabaloon Popo akafara zvakanyanya. Hapana chinhu chaanofarira semabaloon "Happy birthday princess" Munya akadaro "Thank you daddy" Popo akadaro achihaga baba vake "I love you so much mom and daddy" Ndakanyemwerera. "Nesuwo tinokuda mwanangu" ndakadaro tichimuhaga tiri vaviri Zvinondifadza kuona mwana wangu achifara kudai ndivo vanhu vandave kuraramira Jay naPopo. Ndakamutora ndichinomugezesa pane zvatamugadzirira for party "Ndakura mhamha musandigezesa aah" Ndakaseka. "Haaah wakura" "Ndakura manje neshamwari dzangu dzichandiseka vakanzwa kuti ndiri kugezeswa' "Okay last day" "Promise" "Yes promise" ndakadaro ndichiseka Ha ha ha ndave kuitiswa mapromise TAFADZWA Mangwana ndakamuka ndichienda kubasa ndinofanirwa kutsvaga doctor anga akabata case yaTatenda pekutanga zvinoreva kuti andiudza zvinhu zvisirizvo andiudza kuti pregnancy yake yanga ine complication izvo anga achinyepa. Zviri pachena kuti mukadzi uya amutenga kuti anyepe. Ndakabva ndaenda kuna doctor Ndedzi ndakasvika ndichimubvunza kuti ndiani doctor anga akabata case yaTatenda akandiudza kuti ndiani ndanga ndatokanganwa zve musoro wangu wakasangana nezvenyaya yaTatenda. Ndakaenda kwaari ndakasvika ndichimubvunza asi akandiendesa zvinhu zvakasiyana siyana asi akazopedzisira andiudza nekuti pandiri haangapabudi kaa. Akandiudza kuti mai Tatenda vamutenga uye akakumbira ruregerero kuti ndisaudza mukuru wepachipatara izvo handifi ndakazviita angabvume kutengwa sei nemupengo wemunhu. Ndakamutora ndichienda naye kuoffice ndichiudza mukuru wechipatara nyaya yose. "Ayy handisi kubeliever kuti ungaita zvinhu zvakadaro pachipatara changu" "Ruregerero mukuru wangu hazvifi zvakaitika futi neniwo ndakurirwa nekura mari" doctor akadaro "Ko yauri kuhora hauguti here?" Mukuru wechipatara akabvunza Akaramba akanyarara. "Handinga chengeti vanhu vakafanana newe pachipatara chino uchakanganisa chipatara chino. Unofanirwa kutenda kuti hatina kukudanira mapurisa izvo zvanga zvichaita kuti uloose license yako saka ndokumbira kuti ubude pachipatara changu" Doctor Ndoro vakaedza kunyengerera but they is no way yekuti vanga mubvumira kushanda pachipatara chino. ANENYASHA I'm trying kurara hope hadzibati ndichingofunga Tate kuti ari kunzwa sei nenyaya yose iyi ndakaona Tafadzwa achimuka achinditarisa "Babe nei usinga rare?" "Hope hadzibati" "Nei hope dzisiri kubata?" "Handikwanisi Tafadzwa ndiri kuedza asi zviri kuramba" "Usadaro babe zvinhu izvi zvichakonzera kuti urware please rara babe" Tafadzwa akadaro achindiswededza paari achindihaga so tight "Zvinhu zvose zvichava right please babe cousin wako apora okay" Ndakabvuma nemusoro ndainzwa ndiri safe paari. ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Makuseni ndakamuka ndichigadzirira Tate porridge sezvo pasina chinhu chaanokwanisa kudya. Ndapedza ndakamuendesera ndakamuona akamira pawindow takaitana mamornings tichibvunzana kurara ndichibva ndamupa chikafu akadya kusvika apeda ndakatora ndiro. "Kule vari kuuya nhasi" Tate akavhunduka. "Shuwa here?" "Yes vachasvikira pano kwete kumba kwenyu uye ndavaudza kuti vasaudza amai vako kuti vari kuuya" "I'm scared Ane baba vachandituka" "Ayewa Kule ndinovaziva havangaiti zvinhu zvakadaro" "But vachava disappointed" "Yaaa vanofanirwa kuva disappointed asi havakutsamwiri manje vanofanirwa kukusaupporta pazvinhu zvaitika" ndakadaro ndichimuhaga "Uchava right okay" "Thank you so much cousin" "You're welcome" ndakadaro ndichienda kukitchen naye Chinhu chiri kundifadza ndechekuti ave comfortable zuro aiva asiri right. Takagara pasofa tichiona TV "Tafadzwa haasi kuenda kubasa here?" "Ayewa ari off nhasi" "Okay thank you so much guys mandibatsira zvakanyanya" "Oooh I have good news" "I love good news ngadziuye ndakateerera" Ndakaseka ndichipuruzira dumbu rangu "I'm pregnant" Tate akafara. "Wow wow cousin congrats I'm happy for you" "Thank you" ndakadaro ndichienda muroom mangu ndichinotora foni yangu Pandakadzoka ndakaona Tate agara neshamwari dzaTafadzwa Roe naPrince "Hello guys" "Hey Ane" Roe akadaro Ndakaona kuti Tate aiva asisiri comfortable uye ndairiona ziso raPrince aingomutarisa "I think ndinoda kumborara zvishoma" Tate akadaro achindizevezera "Okay enda hako" ndakadaro Tate akabva atosimuka ipapo achienda muroom make "I'm sorry nekukuudzai izvi asi chii chiri kuitika pana sisi ava nekuti last time ndichivaona vaiva vasina kudai?" Prince akabvunza "Eyi it's a long story" ndakadaro "Make it short" Roe akadaro Ndakaseka. "Varume vanoda nyaya kudaro" Vakaseka ndichibva ndavaudza nyaya yose yaiva yaitika naivowo zvakavashamisa. "Yoo Mai ine hutsinye iyi" prince akadaro "Zvakaoma shame, I can imagine marwadzo aari kunzwa mwana uyu" Roe akadaro. "Hezvo ko murume wako haachasviki?" Prince akabvunza zvichakadaro Taffy akabudikira "Muri kundinyeya? " "Haa iwe tanguri takagara pano" Roe akadaro "Muri kudei pano?" "Tauya kuzokuona zve" Roe akadaro. "Nhasi ndiri off so izuva rekuswera nemukadzi wangu kwete nemwi" "Haa Tafadzwa unoda kundivengesa neshamwari dzako". Ndakadaro vanhu vose vakaseka Zvichakadaro Foni yangu yakarira vaiva kule vaindiudza kuti vasvika ndisende location. Takagara kwema minutes kule vakasvika Ndakaenda kunovatora takamhorosana tichipinda mumba. Vana Tafadzwa vakavamhorosa tichibva taenda mu room maiva na Tate. Takamuwana akarara akatarisa mudenga. Paakaona Kule akabva atomuka achigara "Tatenda!!" Kule vakadaro vachienda kwaari vachimuhaga. "I'm sorry baba" Tatenda akadaro achichema. Kule vakamutarisa kwenguva yakareba "Tatenda nei uri pano? Asi uri kurwara here? Nei muviri wakadzikira kudai?" Kule vakabvunza. Tatenda akatadza chero kuvhura muromo aingochema. Kule ndakazovaudza nyaya yose "I'm sorry baba" Tate akadaro "Chirega kuchema mwanangu tose tinoita ma mistake asi iyi yekuti Mai vako vapinze hupenyi hwako munjodzi handiinzwisisi. I'm sorry kuti ndanga ndisipo kuti ndikudzivirire" kule vakadaro Kule Masango Shuwa mukadzi wangu angaita zvinhu zvakadaro pavana vedu here? Vana vemazuva ano ndizvo zvavari tinofanirwa kuzvigamuchira. Yes panichi mwana anopiwa asi kwete yekuuraya apa asara padiki kuuraya mwana wangu "Kule muri kufungei?" Ane akabvunza "Ahhm Tate tinofanirwa kuenda kumba manje" ndakadaro. Tatenda akaratidza kudya "Ndinewe mwanangu hapana chichaitika pauri. Ane nemurume wako ndinokumbira mutiperekedze" ndakadaro tichienda ku sitting room "Mukwasha ndinotenda zvakanyanya nezvamandiitira kutaura kudai dai mwana wangu tichidotaura zvimwe "Ndanga ndichiita basa rangu baba" Taffy akadaro "Ndinotenda zvakanyanya" ****** Tiri mumota manje tiri kuenda kumba. Ndakafonera mapurisa. Mukadzi uyu anofanirwa kufira mujeri. Dai asiri Ane na Taffy dai kutaura kudai Tatenda asisipo. Takasvika kumba mapurisa asati asvika. Paakationa akavhunduka. Ndakatadza kuzvibata ndakamupa gwati rempama rakamurasira pasi "Masango" "Chii chawaita pamwana wangu!!!?" "Tate akanganisa baba aita zvinhu zvaanga asingafanirwi kuita" "Saka iwe ukaona zviri nani kuti uuraye mwana wake? Ndakaroora mhondi here ini" "Ruregerero baba ipapindatadza zveshuwa" "Uri kumuona Tatenda akaona sei3? Handina nguva Yako Dudzai uchafira mujeri iwe" Akavhunduka zvakanyanya "Baba musandisungisa please ndabvuma Wani kuti ndatadza" Zvichakadaro mapurisa akabva asvika. Ndakavaudza kuti vamutore handina nguva yekutarisana naye manje "Please baba vana vangu vachasara nani?" "Ndiripo ini iwe enda unogara kwaunofanirwa kugara" Mapurisa akamutora achimupinza mumota. Ndakatarisa Tate aichema, ndakamuswededza pandiri ndichimuhaga End of chapter