Chapter 29 Anenyasha Ndakabuda naTafadzwa tave kuenda kumusha kwamhamha ndiri kumuona Tafadzwa kuti haadi asi handinga kwanisi kugara mumba yake ini. Akananga mutown kumashops "Tiri kudei pano?" "Saka uchasvika kumba kwaKule vako wakabata maoko here? Hakuna vana here waungavigira zvinhu zvinonaka" Ndakanyemwerera. "Thanks" ndakadaro ndichiburuka ndichipinda mutown Ndinomuziva kaa cousin wangu anozvida zvinhu zviri sweet. "Hauchatore nyama hayo negrocery shoma?" "Handinga kwanisi kutora zvinhu zvakawanda nemari yako" "Tora zvinhu zvaunoda" Ndakatora grocery diki akandibatsira tichibva taenda kutill takanobhadhara tichibva taenda "Asi Ane waenderei hona ini newe tanga ticharara mumakamuri akasiyana?" "Tafadzwa haisiriyo nyaya yaita ndisagara mumba mako" "Saka chii?" "Ndokumbira usandibvunza Taffy please" "Okay fine" Taffy akadaro achichaira kusvika tanosvika kumba kwamhamha Mota yakamira pagedhi tikambokisana kwenguva yakareba "Ndinokuda ndichakufunga zvakanyanya" "Neniwo ndinokuda" "Ndokumbira undiudze kana pane zvinhu zvaunoda usatya kundiudza babe okay" "Ndichakufonera thank you so much" ndakadaro tichikisana Achibva anondivhurira boot achiburitsa zvinhu zvangu ndakapinza zvinhu zvangu mukati ndichibva ndadzoka kuzotora plastic akanditarisa nemaziso ainyengerera "Please Taffy enda" "Ndinokuda wanzwa" "Neniwo ndinokuda zvakanyanya" Taffy akamutsa mota achienda ndakasara ndakamira ndichitarisa musha uyu ndakatanga kufunga mai vangu pamwe chete nambuya vangu vakashaya. Ndichiri kurangarira tina mhamha naNgoni tashanya kuzoona mbuya asi manje havasisipo uye handichafi ndakavaona. Ndakasvika padoor ndikagogodza ndakanzwa munhu aiuya kuzondivhurira aiva Tatenda cousin wangu paakandiona akavhunduka. Takaguma kare akandimhanyira achindihaga "Urisei" Tatenda akadaro "Ndiri right Tatenda" "Unoziva ndanga ndichifunga kuti baba vari kutamba pavandiudza kuti uri kuuya" "Vanga vasingatambi" Woow that's good news" Tatenda akadaro achindibatsira kutora zvinhu tichipinda mukati Kule pavakandiona vakafara zvakanyanya. "Ooh muzukuru wangu" Kule vakadaro "Kule murisei" "Hawu tinotenda kuti wasvika uri safe mwanangu" "Neniwo ndafamba zvakanaka Kule" "Ini ndanga ndichifunga kuti hauchauye sezvo ndaona zuva rave kuvira" Kule vakadaro "Aaaah pane zvandinonotsa sekuru asi ndanga ndiri safe" Ndakaona vana vaKule matwins vachiuya kuzondihaga I think now vava nemakore 8 vasikana ndiMunashe naMatipaishe. "My babies" "Imi hamuchatidi" "Aaah ndisinga kudei nei nhai vana vangu?" "Nei musingauyi kuzotishanyira?" "Ndiripo manje ndauya" "Yoooh pachanakidza pano" Tatenda aiva ave busy nefoni yake akabva adzinga vana "Imi munonetsa mhani budai munotamba uko" Tatenda akadaro "Okay nhanha ndichiripo hakuna kwandinoenda" ndakadaro ndichivhura plastic ndichivapa mayougurt nemachocolate vakafara zvakanyanya Zvichakadaro mbuya vakabudikira "Makadii mbuya" "Urisei mwana sikana" mai Masungo vakadaro "Ndiri right mbuya" Mai Masungo vakatarisa Kule "Hezvo ko wadii kundiudza kuti Ane ari kuuya?" mai Masungo vakadaro vachitarisa mabag angu "Afona ndiri kubasa ndanga ndichiti ndichakuudza" Kule vakadaro "Oooh tafara kuti wasvika Anenyasha" mai Masungo vakadaro "Ndinotenda" ndakadaro "Tatenda tora zvinhu zvacousin wako uise muroom mako I'm sure muchakwana muroom imomo" Kule vakadaro "Ehe baba tichakwana" Tatenda akadaro "Mbuya hezvo zvinhu zvandakuvigirai" ndakadaro ndichiburitsa grocery "Aaah muzukuru wangu shuwa ungabva watenga grocery rose iri" Kule vakadaro "Ndakakugumai kare kule saka zvanga zvisingaiti kuti ndiuye ndingori maoko chete" "Tinotenda watibatsira" mai Masungo vakadaro Takaenda muroom maTatenda ndakasvika ndichizvikandira pamubhedha "Shooo ndakaneta ini" ndakadaro "Shuwa unofanirwa kuneta mota inonetesa kaa" "Ayy mbatya ndichadziisa later muwardrope ndakaneta ini" "Zorora mwana sikana ini ndiri busy netik tok pano" Ndakaseka ndichirara. Narrated Mai Sarah vairongedza mbatya dzavo vaiva vatotora decision yekudzokera kumba kwavo chero murume wavo akavadzinga this time havabvume. Vapedza kurongedza vakanokwira kombi vachienda kumba kwavo kwaiva kusiri kure saka havana kutora nguva vaiva vatosvika. VaZhou pavakavaona vakashamisika "Handina kukuudza here kuti handikudi pamusha pangu?" vaZhou vakabvunza "Mushavi urisei" "Hey mai Sarah usada kundinzwa wanzwa kuda kundingwarira" "Ndaneta baba nekugara kumba mukadzi mukuru seni anga gara kumba kwavo zvinoita here izvozvo chimbozvifunga newewo" "Mai Sarah" Mai Sarah havana kupindura vakapinda mumba vaZhou vaingotera kumashure Munyaradzi Unoziva handizivi kuti ndinofanirwa kufunga sei nezvinhu zvose izvi Ane angaita zvinhu zvakadaro sei kwandiri. Pamusoro pekushingirira kwese uku ndinomuda Ane zvakanyanya ndaida kumuitira zvinhu zvose. Ndanga ndichizviudza kuti ndichamumirira kusvika apedza chikoro asi hona manje kuti ari kuitei. Ndichiri kufunga kudaro mhamha vakapinda "Munyaradzi wakanganwa here kuti tinofanirwa kugadzirira kuenda kurufu?" Mhamha vakabvunza "Ayehwa mhamha handina kukanganwa" "Ndezvipi zvawaita zvinotaridza kuti hauna kukanga Munyaradzi" Ndakashamisika nei mhamha vachitaura neni nenzira yakadaro. "Muka kuhope uko urege kurota" "Mhamha" "Rufu rwekwa ambuya vako saka unofanirwa kuvapo uchibatsira nezwimwe. Chero zvichinzi naMpume hamuchataudzani asi vana vanongo kusanganisai" "Ndinokunzwai mhamha ndichaita sekudaro" "Good" mhamha vakadaro vachienda Ndakasara ndichidzungudza musoro nei mhamha vachitaura neni nenzira yakadai Oooh pamwe inyaya yaTafadzwa kuti aenda. Ndakabuda ndikaona baba nana Ticha vane zvinhu zvavaiita after some minutes ndakaona mota ichibudikira ichiuya nestraight kumba kwedu. "Ndiani manje uyu ari kuuya pano?" Baba vakabvunza "Neniwo handizivi" Tichaona akadaro Ndakaenda kunovavhurira ndakavhunduka zvakanyanya pandakaona bamukuru Shingi pamwe chete naTawana vachibuda mumota. Vana Ticha vakanditarisa vachishamisika nekuti ivo vaiva vasinga zivi chinhu "Chii Munyaradzi?" Ticha akabvunza "Tisvikewo kwaZvayi tauya pano tiri vekwaZvayi" bamukuru Shingi vakadaro Baba vakavhunduka zvakanyanya. "SHINGI!!!!" baba vakadaro "Ehe ini ndauya kuzotorazvinhu zvangu zvese" bamukuru vakadaro Takavhunduka tichitarisana asi chero takavhunduka tose zvamhamha zvaiva worse. Munhu uyu akagara 25 years ari kujeri. Tanga tadokanganwa nezvake "Shingi!!!" baba vakadaro "Ndini munin'ina wangu" bamukuru Shingi vakadaro "Wabuda sei mujeri?" Baba vakabvunza "Kanganwa neizvi hazvina kukosha iwe ziva kuti ndabuda mujeri ndava pano manje pamusha pababa vangu" babamukuru vakadaro "Bamukuru makadii" ndakadaro "Oooh ndiri kukuonai vapfanha makura manje pari zvino handidi kutaura ndinoda kuzorora" bamukuru vakadaro vachipinda mukati baba vaitevera kumashure "Mhamha muri right?" ndakabvunza "Yes ndiri right" mhamha vakadaro vachitendeuka tichitarisana "Tawana uri right" Ticha akadaro "Yaaah ndiri kukuona kuti muri kugara pamudhadha hapana chamunoshaya" Tawana akadaro "Nei uchidaro nekuti ndiwe wakashara kubva pamusha pano" ndakadaro "Hapana zvandataura ini" Tawanda akadaro achisimudza maoko achitevera baba vake "Ooooh ndivo baba ava vainzi vakasungwa?" Ethan akabvunza "Ehe ndivo" ndakadaro ndichienda muroom mangu Handizivi kuti ndiite sei zvinhu zviri kuitika pandiri zvinondi stressa uku ndinofanirwa kuenda kunhamo uku havo bamukuru Shingi ndinovaziva vane madrama ava. Ndakatora foni ndichifonera Mpume ndaida kunzwa kuti Popo arisei sezvo zvanzi ari kurwara "Hello" Mpume akadaira "Hey arisei Popo?" "Hapana chati chachinja apa ndangomumwisa mushonga achibva arara" "Okay ndizvo zvandanga ndichida kunzwa. Jay arisei?" "Ari right uyo ari kupinda" "Ndinokumbira umupe foni" Mpume akamupa foni "Jay" "Aaah mhamha muri kundipa foni kuti nditaure nauyu munhu akarova bamunini Tafadzwa" ndainzwa Jay achitaura pafoni "Jay mwanangu please" Jay haana kundipindura "Aenda uyu" Mpumelelo akadaro "Okay ndichamuona mangwana ndauya ikoko" "Kana uchinzwa kuti haudi kuuya usazvinetsa" "Handina kumbodaro ini" ndakadaro Mpume achibva akata foni Anenyasha Ndakapepuka kuma 9 ndikaona Tatenda atomuka "Morning" ndakadaro "Morning cousin" "Ndakarara late nezuro ndosaka ndanonoka kumuka" "Taura hako" Takamuka tichinogeza tapedza takaenda kukitchen tikaona kune vana mbuya pamwe chete naKule vatomuka "Morning" ndakadaro ndichigara pasi "Muzukuru wamuka ko warara sei?" Kule vakabvunza "Zvakanaka Kule" "Yoooh kubva mamuka masikati ano" mbuya vakadaro "Hatina kurara mhamha tichitaura nyaya" Tatenda akadaro "Let's hope hamutaure nyaya dzevakomana" mbuya vakadaro Ndakatarisa Tatenda "Haa mhamha pezvinhu zvose mabva mafunga zvevakomana here" Tatenda akadaro "Ndozivei ini" mbuya vakadaro "Siya vana mhani imwi mai Masango" Kule vakadaro Takatanga kudya breakfast yedu "Tsano varisei?" Kule vakabvunza "Vari right Kule" ndakadaro "Manje washanya kwenguva yakareba sei?" Kule vakabvunza "Ndichaenda kana ndave kuenda kuchikoro Kule kwangosarirwa nesvondo rimwe chete" ndakadaro "Chero ukagara pano handione problem kana uri pano ndinenge ndichitoona mai vako" Kule vakadaro Ndakanyemwerera. Takaenderera mberi nekudya tapedza takaenda kunosuka ndiro. "Nhasi tiri kumbeya kupi?" Tatenda akabvunza "Oooh kasi tinofanirwa kumbeya?" "Aaaa hatinga gari mumba kusvika nguva dzekurara kaa" "Pane munhu anokwanisa kuti mbeesa" "Ndiani manje?" "That guy wandanga ndichikuudza nezvake nezuro achauya kuzotitora agotimbeesa" "Ko chifona zve" Tatenda akadaro tichienda muroom medu Ndakatora foni yangu ndichifonera Taffy "Anenyasha dzaTaffy" "Urisei Tafadzwa waAnenyasha" "Ndinga right sei iwe usipo pedo neni?" "Ndina cousin wangu tinoda kumbombeya asi atizivi kuti tichambeyera kupi ndokumbira umbeye nesu" "Ooh shem sorry remember handina mota" "Sh*t ndanga ndatokanganwa" Taffy akaseka. "Relax ndichauya nemota yaRoe, muchandishanyira kumba kwangu" "Aaah babe hatidi imba yako isu tinoda kumbeya" "Zvino handina mota" "Oooh ndanga ndatokanganwa" "Okay ndichakuisirai mari muende ndichakuona" "Okay babe, I love you" "Ndinokuda kudarika Tafadzwa" Ndakaseka ndichivhara foni "Unoziva ndanga ndatokanganwa kuti mazuva ano haana mota" "Yooh saka kuchabhowa" Zvichakadaro ndakaona message yaipinda mufoni yaiva yemari. "Yaiswa mari ngatichienda" "Okay rega ndinoudza baba kuti tiri kubuda out" "Okay let's hope vachabvuma" "Havarambi baba trust me" Tatenda akadaro achibuda achienda Ini ndakasara ndichitsvaga mbatya dzekupfeka. Narrated Family yekwaZvayi yaibva kufuneral yaBridget uku Shingi aiva atovamirira "Ndiudze nhai Shingi chiiko chauri kuda kwandiri?" Mambo vakabvunza "Unoreva kuti hauzivi here kuti ndiri kudei mupfanha wangu?" "Handina nguva yekutamba ini" "Unoziva kuti ndiri kuda chigaro changu pamwe chete nemwana wangu" Mai Munya vakavhara door. "Une mwana here iwe? hauna mwana iwe!!!!" mai Munya vakadaro nehasha "Oooh zviri pachena kuti hamuna kumuudza kuti mwana wangu ndinomuda nhasi chaiye zuva risati ravira" Shingi akadaro "Tafadzwa haana kumbobvira akaita mwana wako uye haafi akazviziva izvozvo" mai Munya vakadaro nehasha "Hauna mwana iwe pano uye hauna chigaro chauchawana" Mambo vakadaro "Vanhu mudunhu vanoziva here kuti makaviga zvinhu zvakadai. Iye Tafadzwa anoziva here kuti hausi baba vake?" Shingi akabvunza "Usapinda munyaya dzefamily yangu" mai Munya vakadaro "Handina kupinda nyaya dzefamily yako ini asi ndinoda twangu twese. Chigaro ichi chaifanira kuva changu baba vakandisiira chigaro ichi iwe wakachitora kwandiri" Shingi akadaro "Handina kumbotora chigaro kumunhu inj ndiwe wakatadza kuchibata zvakanaka ukatorerwa" Mambo vakadaro "Ndinoda mwana wangu manje ndinoda kumuudza kuti ndini baba vake kwete iwe Obert" Shingi akadaro "Haungaiti zvinhu zvakadaro" Mambo vakadaro "Ndicharambidzwa nani? ndinoda mwana wangu manje pamwe chete nechigaro chake" Shingi akadaro Vanhu vose vakavhunduka "Oooh muri kuvhunduka chii? chigaro changu ichi saka ndichachipa mwana wangu Tafadzwa" Shingi akadaro TAFADZWA Handinga kwanisi kumirira zvinhu zvakadai izvi zuva haringaviri kunze kwaAne ndakabva ndatora foni yangu ndichiedza kumufonera asi haana kudaira. Ndizvo zvinhu zvisingandipi runyararo izvi vapfanha vemuHarare vachada kutora machance paari Ndakaramba ndichingoedza kufona asi haana kudaira ndakaisa foni yangu pasi ndichibva ndarara pasofa yakabva yarira ndakamhanyira kuitora asi aiva asiri Ane aiva Ethan "Ethan mupfanha" "Bro hauchatifonere?" "Unoda baba vako vauraye foni yako pavanonzwa kuti ndini ndiri kufona" "Usataura uchidaro mhani iwe" Ethan akadaro tichiseka "Uchiri kuvarangarira bamukuru Shingi vatakaudzwa nezvavo?" "Uya ainzi ari kujeri" "Vauya shaa kutaura kudai varipo pamba" Ethan akadaro ndakaseka "Hanzi vaiva vakasungirwei?" "Handizivi chinhu hapana chandati ndanzwa auya nedununu rake iri rinonzi Tawana harina zvaratiudza" "Haaa ndabva ndashuvira kuti dai ndiriko ndichiona drama pamwe naiye Shingi wacho ane moyo wakashata semunin'ina wake ndiko saka aiva akasungwa" "Huya mhani chiiko newe" "Handidzoki pamusha paya ini" "Maiguru kubva zvawakaenda havasi right" "Ngavaite focus nemurume wavo ini ndakagara kuno nemunhu wandinoda, hey kata foni mukadzi wangu ave kufona" Ethan akaseka. "Wave nemukadzi here iwe?" "Pfutsek" ndakadaro ndichikata foni ndichabva ndadaira Ane "Babe" "Wasvika ikoko hauchadairi macalls angu" "Haaa Tafadzwa" "Usati haa nei wanga usingadairi macalls angu pandanga ndichikufonera?" "Handairega kudaira ndichiiona Tafadzwa pamwe ndanga ndiri busy" "Chii chaungaita busy nacho chakakosha kudarika ini?" "Ndanga ndiri kukitchen ndasiya foni kubedroom Tafadzwa zvino ungatsamwira kuti nei ndisina kudaira foni" Ane akadaro achikata foni "What the f*ck anokata sei foni ndisati ndapedza kutaura naye" ndakadaro ndichiedza kumufonera asi haana kudaira Ndakaramba ndichingozama haana kudaira ndakapedzisira ndamunyorera message Anenyasha uri kundijairira handidi zvekutetswa ini, don't test me nekuti ndiwe uri wrong ndakasenda message ndichiedza kurara Nei Ane ataura neni kudaro zvichakadaro ndakanzwa munhu achindibata "Ayy unondivhundutsa mhani iwe Roe" "Chiiko newe?" "Ko ndipewo mota yako ndinoda kunoona Ane ndiri kuona kuti ave kundijairira manje" "Wave kurwara iwe saka unoda kupinza mwana muma problem what if Kule vanokuona?" "Saka ini ndinofanirwa kugara ndakadai apa asingadairi macalls angu" "I'm sure kuti ari busy pamwe newewo pane zvawaita haugone kutaura zve iwewe" "Newewo futi" "Uri kuziva here kuti tinofanirwa kunotora staff kuairport husiku" "Yaah ndichiri kurangarira" "Saka ndinokumbira kuti udzikame hatikwanisi kuenda wakadai" "Okay rega ndimborara zvishoma" Ndichauya kuzokutora and please usaenda kumba kwana Ane" "Handiendi" ndakadaro Roe achibva abuda achienda Ndakatarisa foni yangu saka Ane haadi kutaura neni message yangu haasati aipindura Narrated Shingi aiva akarara pamubhedha apo pakapinda mwanakomana wake Tawana" "Baba" "Ndinoda kuzorora Tawana" "Ndinoda kubvunza zvino munoziva here kuti Tafadzwa ari kupi?" "Ndakamirira kuti vandiudze kwaari, ndinomuda kwete zvekutamba" Vachiri kutaura kudaro Mambo vakapinda "Unoenda rinhi?" Mambo vakabvunza "Kupi?" Shingi akabvunza "Unobva rinhi pamusha pangu?" "Musha wako here uyu? Unoziva kuti wakavakwa sei? Musha wababa uyu.parizvino hazvisirizvo zvandiri kuda kutaura nezvazvo. Ndiri kukupai svondo rimwe chete mundiudze kuti Tafadzwa ari kupi?Auye atore chigaro chake" Shingi akadaro "Mupfana uya ane misikanzwa sewe haafi akatungamira vanhu" "Hausiriwe uno decider Izvo hausi Mambo iwe. Tafadzwa anofanirwa kuuya kwaari azotungamira vanhu vake. Now ndave kutanga kunyumwa mwana wangu maimunetsa pamuzinda pake, nei Ari iye ega asipo pano vako vana vose varipo" "Tafadzwa haafi akatonga" Mambo vakadaro.. "One week chete. Buda muno ndinoda kurara" Shingi akadaro. Mambo vakabuda vachipupuma nehasha End of chapter