Chapter 4 Anenyasha "Mhamha kwaitikei?" Ndakabvunza misodzi yakajenga kumeso kwangu. Apa mhamha vacho havatauri kuti chii chaitika vari kungochema "Sarah baba vako vauraiwa" mhamha vakadaro vachiumburuka pasi vachichema. Takavhunduka tose tichitarisana "Baba!!" Sarah akadaro "Baba!! Vauraiwa nani Baba?" Ngoni akabvunza "Hatisi kunzwisisa isu mhamha chii chaitika?" Paida akabvunza. Munhu wese aiva akuchema "Mhamha nei muchiti baba vauraiwa neni? Vaurairwei? Ndivanani vavauraya and nei muchiti ndini ndakonzeresa kufa kwababa?" Ndakabvunza mhamha vakasimuka vachida kundirova nembama asi Ngoni akapinda pakati pedu achibva arohwa iye "Unoda kuziva hanti kuti Mhukahuru vauraiwa nei?" Ndakatadza chero kupindura misodzi yaiyerera ndakabvuma nemusoro. Ini ndaida kuona baba vangu chete. Havangambondisiyi nenzira yakadaro "Hanti waramba kunoroorwa kwa Mambo?" Mhamha pavakadaro ndakavhunduka "Saka kufa kwababa kunopinda papi?" "Sezvo iwe waramba kuroorwa na Mambo zvinoreva kuti waputsa mutemo wemudunhu saka baba vako ndivo vanga vachifanirwa kushara kuti vodzingwa mudunhu rino here vanozvipira nehupenyu hwavo" "No no hazvii--" ndakatadza kutaura ndakuchema ndichidzungudza musoro i dont believe this "Unoona zvawakonzeresa?" Sarah akadaro "Hamungamboshori Ane pazvinhu zvose no no ko nei baba vashara kuurauwa?" Ngoni akadaro achichema "Ndaiva ndisingazivi iwe mwana kuti rimwe zuva uchauraisa baba vako. Zvinhu zvakaitika kare zvakupamha zve" mhamha vakadaro ndakatadza kuziva kuti vaitaura nezvei "Munorevei kana muchidaro?" Ndakabvunza ndichipukuta misodzi "Sekuru vakafa naivowo vaiva nemwana wavo zai sewe" "Mhamha hatisi kunzwisisa" Paida akadaro "Tete venyu vadiki vakaita zvinhu zvaitwa na Anenyasha saka sekuru vako vakanzi vashare kudzingwa munzvimbo ino or kuuraiwa vakashara kuuraiwa. Ndiko kwakava kufa kwasekuru venyu. Nhasi zvapama zve pana Mushavi nekuda kwa Anenyasha" Ndaiva ndakubvunda ndakatora foni ya mhamha ndichifonera number yaiva yapedzisira kufona . lucky akadaira nekukurumidza "Vari kupi baba vangu?" Ndakabvunza ndichichema "Ndiani auraya baba vangu?" "Handizivi kuti vari kupi asi nguva yacho yakuchaya" "Hezvo ko havasati vaurayiwa?" "Aewa havasati asi nguva yakuchaya" Ndakakata foni ndichimhanya ndichienda mu room ma baba ndichitora ma key avo emota ndichimhanya ndichinopinda mumota. Ngoni paakamhanya achida kupinda ndakaimutsa ndichiimhanyisa ndakananga kwa Mambo. pandakasvika kwa Mambo ndakasvikirana nemota ya Munyaradzi hameno kwaaibva. Paakandiona akaburuka mumota neniwo ndakaburuka ndichimhanya ndichinogwadama mberi kwake ndichibatanidza maoko "Hey Anenyasha chii?" Prince akabvunza "Ndokumbira musavauraya baba ndichaita chero chii chamunoda ohk uchandiroora!!" Ndakadaro ndichichema. Munyaradzi akanditarisa achishamisika "Handisi kunzwisisa ini" "Hanzi baba vaenda kunouraiwa" Munyaradza Akavhunduka achitarisa nguva "Shit!! Kurumidza pinda mumota" Ndakapinda mumota ndichimhanya handitombozivi kuti tiri kuenda kupi. Munzira ndaichema Ndakatarisa Munyaradzi. Naiyevo ainditarisa nehuso hwaipisa tsitsi. Eish life sometimes "Ko hatisviki neiko?" "Takusvika usatya" Munyaradzi akadaro achivhetemesa mota. Some minutes later takasvika. Ndakapera simba pandakaona baba vangu vakagwadama pasi vakasungwa makumbo nemaoko vakakomberedzwa nevarume vaiva vakatakura type yezvombo zvose zvaungafungira vachiimba rwiyo rusinganzwisisike. No not my father thank Godness havasati vauraiwa. Ndakamhanya ndichienda kwavari. Umwe murume paakati asimudze bhemba achida kutema baba vangu pakati pemusoro "Babaaaaa!!!!" Vanhu vose vakatendeuka vachinditarisa "Mukadzi ari kudei panzvimbo ino?" Umwe murume akabvunza ndakamhanya ndichinogwadama mberi kwa Mambo "Imhosva yangu yose. Baba vangu havana zvavaita. Ndinokumbira musauraya baba vangu. Ndichauremekedza mutemo wenyu. Ndicharoorwa namambo" "Dza baba" baba vakadaro "Ndinoziva kuti ndaputsa murairo mambo wangu asi ndinozvishora nezvandaita. Baba vakandidzidzisa kuremekedza chivanhu chedu asi ini ndaita zvinhu zvandisina kudzidziswa please mambo wangu ndokumbira musavauraya ndichaita yose mitemo inofanirwa kuita" "Ichokwadi Zvayi mambokadzi ari kutaura chokwadi musapanisha munhu asina mhosva please Zvayi ndokumbira tigadzire nyaya iyi" Munyaradzi akadaro "Chimuregai" Mambo vakadaro. Ndakafara zvakanyanya ndichimhanya ndichinohaga baba vangu "Nazvino uchiri kuputsa murairo. Ndi baba vako avo munhu waunofanirwa kumbundira murume wako chete" Mambo vakadaro ndakabva pana baba nekukurumidza "Ruregerero mambo wangu" "Mushavi endai henyu" Mambo vakadaro. Ndakatora hembe yababa vangu ndichivapa. Kuvaona vakadai zvakandirwadza zvakanyanya "Ndichakuendesai" Munyaradzi akadaro Takapinda mumota Munyaradzi achibva atiendesa. Takasvika pagedhi rekumba. Pataiva takubuda Munyaradzi akadhonza chikosoro achititarisa "Baba ndokumbira kutaura na Anenyasha" "Hanti unoziva kuti hausiriwo mutemo?" Baba vakadaro vachiridza tsamwa No ndakutya baba vangu vangazouraiwa zve "Baba musandityira henyu hapana zvichaitika" Baba vakanditarisa vachibva vabuda vachipinda mumba "Im sorry Ane ndanga ndisingazivi nezvenyaya iyi ini" "Convince baba vako tisachata" "Hazviitiki izvo dai hangu ndisina kumbokushara from start" Handina kumupindura ndakatarisa pasi "Ko nei usingadi kuti tichate? Asi unotya zvinhu zvinoitika kana ndichida kuroora mukadzi" Ndakatarisa ndine ma reasons akawanda anoita kuti ndisaroorwa na Prince but ndicharoorwa hangu for the sake of my father " "I promise you hapana zvichaitika pauri. Ndakushara nekuti ndinokuda hapana andimanikidza kuti ndikude. I know kuti zvinorema kwauri asi ndokumbira uzame uchaona kuti ndinokuda sei" "Ndakufanirwa kuenda. Ugare uchiziva kuti ndinobvuma kuroorwa newe saka tichachata" ndakadaro ndichibuda ndichipinda mumba. Ndakawana vanhu vachihaga baba "Baba!!" Ndakadaro ndichinovahaga. Shuwa ndanga ndichakwanisa kurarama here ndisina baba. Ndakavahaga ndichichema "Baba nei manga muchida kuita zvinhu zvamaita?" Ndakabvunza ndichichema "Ndokumbira munorongedza zvinhu zvenyu tiri kuenda manje" baba vakadaro "Tiri kuenda kupi manje?" Ndakabvunza ndakatarisa baba "Hatichagari pano tichanotsvaga imwe nzvimbo yekugara" baba vakadaro "Baba makuda kusiya musha uyu?" sarah akabvunza "Ndichautengesa"baba vakadaro "Nekuda kwa Anenyasha makuda kusiya musha. Anenyasha ega here baba? Makanganwa sekuru vakati kudii nezvemusha uyu?" Sarah akadaro "Nei ndichifanirwa kurwadzisa mwana wangu nekuda kwechivanhu?" Baba vakadaro "Saka muchaita zvinhu zvakarambiwa nababa vako nekuda kwa Anenyasha?" Mhamha "Baba musanetseka neni ndichauita mutemo wacho," ndakadaro ndichi faker smile "Aewa nd--" "Chokwadi baba im fine i think about it i will do it" ndakadaro ndichitendeuka ndichienda mu room mangu. Baba vangu ndavapa stress zvakwans hapana zvandinokwanisa kuita zviri pachena kuti i destiny yangu iyi. handidi kuti family iparadzane nepakati nekuda kwangu. Now ndakufanirwa kusiya zvidzidzo zvangu asi kana Mwari vakati ndichapedza chikoro ndichapedza. Ndakatora foni yangu ndichipinda pa facebook. Munhu wandakatanga kutarisa ndi stranger ndakabva ndamusendera message hello stranger hello my beautiful lady Ndakabva ndamuudza nyaya yose akasenda ma emoji ekushamisika Saka wakutochata na Mambo i don't have any choice please ndokumbira usachata why? Nekuti family yangu iri munjodzi. Ini newe hatizivani hatisati tamboona saka nei uchiti ndisachata nekuti neniwo ndakuda kuchata hazviiti Anenyasha ungochata nemunhu wausina kumbodanana naye tell me the reason because i love you ndakavhura maziso Wtf you love me? You love me how usingadi kundiratidza iwe? Ko nei usingadi kuisa pic ysko? izvo hazvirevi kuti handikudi iko ndikati ndinokuda ndichati ndiri kuda ani? Luck charmer? Okay ari kupi lucky charmer wacho? Hauoni here kuti uri kundiita benzi? Listen nguva yekuti ini newe tirambe tichitaura yapera. I will make things easy for you i will block you dont do that please Chipoko chinondipengera ichi ndakabva ndatochi blocker Paida akabva apinda achindihaga "Im sorry nezvinhu zvaitika pauri" "Zvatoitika sisi ndatozvigamuchira kuti ndichava mukadzi wemunhu" "But une bright future. Unofanirwa kudzokera kuchikoro" "Izvo hazvichaitiki. Ndicharoorwa then tochata after that ndatova muroora " ndakadaro misodzi ichijenga kumeso "Everything going to be fine my little sisi" "Hapana zve fine apa " Zvichakadaro mhamha vakapinda "Unofanirwa kugadzirira mangwana uri kuroorwa" mhamha vakadaro "Ehoyi" ndakadaro "Ugorega kutiyemera hatina nguva yemahumbwe isu" "Haa mhamha" Paida akadaro "Iwe handina here kukuudza kuti uno cleaner ku kitchen?" "Mandiudza" Paida akadaro "Chienda mhamha vakadaro Paida akabuda achienda. Mhamha naivowo vakabuda vachienda. Ndakatora pic yamhamha vangu chaivo mhamha zvinhu zvose ndakuzviisa mumaoko enyu. Ndatadza kuzvigadzira. Baba vaedza asi hazvaiita kuti ndiruze baba vangu. Ndava kunoita mukadzi wemunhu nemunhu wandisingadi wesi muhombesa kwandiri. Mhamha hazvisirizvo zvinhu zvandaida ini. Apa mitemo yepamusha paya inenge yakaoma im still young kunomirira mitemo yavo. Haasiriye murume wandaida kurarama naye kwehupenyu hwangu hwese. Imwi makaroorwa nababa nekuti maida asi ini handimudi mukomana uya. But anyway hapana zvandokwanisa kuita ndokumbira kuti mundiratidze nzira pazvinhu zvose izvi.garai muchiziva kuti ndinokufungai siku nesikatu. I love you mommy and i miss you Ndakaisa pic pasi ndichinomira pa window ndichifunga zvinhu zvose zviri kuitika pandiri. Narrated Kwa Mambo vakadzi va Mambo vaikurukura. "Hayi Munyaradzi anomuda mwana uyu mufaro waanawo hautsananguriki" mamoyo vakadaro "Ari murudo shame mwana wangu mufaro wake wakawedzerwa" mai Munyaradzi vakadaro "Asi musikana haana mufaro haazvidi zvose izvi" Mhamha Ethan vakadaro "Yah ichokwadi mainini asi achava right nekuti Munyaradzi anomuda achamupa rudo kusvika naiyevo ava kumuda" mai Munyaradzi vakadaro "Saka munoti kudii na Munyaradzi? Vasikana vose vanosvika vachiroorwa naye vanofa. Haazofi here mwana wevanhu?" Mhamha Ethan vakadaro "Asi mhamha Ethan chiiko? Nguva dzose unenge uchingofunga zvinhu zvakashata. Isu tinofanirwa kunamatira kuti zvisaitika nekuti hatizivi honzeri yazvo" mamoyo akadaro "Ndofunga kuti vakudzoka kunoroora vanofanirwa kuti vasvike tatopedza kugadzirira zvemangwana sezvo vachichata" mai Munyaradzi vakadaro "Yoowee muchato mangwana? Muri kumhanyireiko. Asi mumoda kuti mwana wevanhu afe achata" mama Ethan vakadaro ----------------------------- Kwa Zhou vari kugadzirira sezvo mwanasikana wavo achichata mangwana. Talent akasvika achigogodza mu room ma Anenyasha. Anenyasha akamuvhurira vachihagana "I dont believe kuti zvinhu zviri kuitika izvi" Talent akadaro "Neni shaar ndiri kunzwa kunge ndiri kurota. Ko nei destiny yangu ichidai?" "Chirega kuchema Nyasha Mwari havangakupi mutoro wakadai vasina ma reasons" "Asi ini vandisengedza Talent nekuti pakadai hapadi ma reasons. Mutoro uyu wakanyanya kwandiri" "You strong chommie you will do it" "Handizivi, handizi ini. Husiku hope dzichabata here ndakarara nemurume" "Eish nyaya inorwadza iyi" "Unozvionawo ka" "Haisi nguva yekuchema iyi chomie Mwari ndivo vanoziva magumo acho" Anenyasha Yah life sometimes. Ndizvo zvakuitika kwandiri guys. Ndiri kungo faker smile kuti baba vasarwadziwa. Yes vanoona kuti handisi right asi handifanirwi kuti ndizviise pachena kuti handisi right. Ndiri kupfekedzwa zvuma nezvimwevo zvakadaro since nhasi tichifanirwa kuchata. Tapedza baba vakauya kuzonditora ndakavahaga ndichichema "I will miss you daddy" "Neniwo dza baba" "Ndichagara ndichikushanyirai" "Ndichakufonera mazuva ose princess" "Ndokuda mwanangu" "Ndokudai zvakanyanya baba" Takabva taenda kumota ikatiendesa kunochatirwa . ndakavhunduka zvakanyanya pandakaona munhu wandichachata naye. Jesus nditize here? No ndichatiza ndichienda kupi? Muchato wakatanga pakaitwa zvinhu zvose zvaifanirwa kuitwa. Kutsinzina kwandakaita ndichiiswa ring. No haasiriye munhu wandaida kuiswa ring naye. Vanhu vakaridza mhururu pandakaiswa ring. Neniwo ndakamuisa ring . tapedza ndakaoneka family yangu. Ngoni akauya kwandiri "I love you ohk" Ngoni akadaro "I love you too brother" ndakadaro ndichichema "I will miss you" he says as he hug me so tight Vakanditora tichienda kumota. Takasvika kwa Zvayi ndikaitiswa zvinhu zvakawanda. Ndakaita sendichazvirovera pasi. Ini ndoda kuzorora ndakaneta shame. Vakandipinza mune imwe imba Pakapinda mamwe madzimai akandiraira kuti ndiremekedze murume blah blah. Ndakaudzwa kuti ndofanirwa kumuka na 5 ndichibikira family yose. Ohh my goodness. But there is nothing yandokwanisa kuita . ndakaendeswa mu room ma Munyaradzi sezvo dzaiva dzava nguva dzekurara ndakamuwana atopfeka ma pyjama "You're welcome at your new house" Munyaradzi akadaro achinyemwerera "Thank you" "Enda hako unochinjira uko" Munyaradzi akadaro ndakaenda kunochinja kwaaiva andiratidza. Ndakapfeka ma pyjama angu ndichibva ndadzoka. Ndaiita kubvunda chaiko rinhi pandakamborara nemurume? Akabva apinda mumagumbezi "Hey huya urare" Ndakakwira pabed ndichipinda mumagumbezi. Ndakarara nechekumadziro naye ndisingadi kuti andigumhe ------------ "Handizivi kuti ndakabatwa nehope when ndakamutswa nefoni yangu yairira. Pandakatarisa nguva dzaiva kuma 4 makuseni. Ndakadaira sezvo vaiva mhamha "Mhamha chiiko husiku huno? Ndakarara ini?" "Husiku? Nazvino wakarara? Breakfast uchagadzira rinhi.? Ndidzo nguva dzekumuka kwe muroora muka tione" "Aewa mhamha ndichamuka kuma seven" "Kuma seven? Muka muka manje tione" mhamha vakadaro vachikata foni Apa handizivi kuti bathroom yacho iri kupi. Ndotya nekumutsa Munyaradzi ari kutoridza ngonono hake. Ndakangonanga kwandaifungira kuti ndiyo bathroom zveshuwa yaiva iyo. Ndakatora zvinhu zvangu zvekugeza ndichibva ndaenda kunogeza Ndapedza ndakaenda ku kitchen. Pandakapinda mu kitchen ndakawana pane umwe mukomana aiva akamira patafura. Airatidza kuti aiva nezvihombe zvaaifunga. Ainzwikwa nekukweva madzihwa kuti ari kuchema.. Ko pane pamusha pano pane umwe mukomana ari pasi pa Ethan? "Morning" Akavhunduka achinditarisa "Ohh ko ndiwe? Morning Mambokadzi" Wow zvatotanga ndatova Mambokadzi. Akatwasanudza ruoko rwake achindikwazisa "Ndinonzi Tafadzwa Zvayi" "Anenyasha dza baba Zhou" Akabva aseka Akabva amwa zvaaimwa nekukurumidza. Ndakadongorera ndichida kuona yaiva wine. Ndakamutarisa mumaziso. Haasi right munhu uyu anenge ane zvinhu zvinomunetsa. "Uri chidhakwa?" Nemutemo uri pamusha pano pangaita munhu anomwa here. Akanditarisa achipukuta misodzi "Ndokumbira kuti usaudza munhu nezvawaona" Tafadzwa akadaro achibuda achienda. Ohh okay chii chiri kuitika pano? Ayy rega ndisiyane nenyaya dzevanhu End of chapter