Chapter 42 (FINAL) Anenyasha Tiri kudzokera Kumba manje. nzira yose iyi Taffy haasi right, you can see zvaari he's mess. Ndakamutarisa ndichimupurudzira musana "My love don't worry everything will be fine" "Chii chichaitika pavari Ane?" "Vachava right I promise" "Popo anoda counseling as soon as possible" "Zvichadarika babe" Takasvika kumba apo mhamha vaiva vakatimirira. Mota payakangomira vakauya kwatiri. Tafadzwa akapinda mumba "Mafamba sei?" mai Taffy vakabvunza "Tafamba mushe" ndakadaro "Vana varisei?" "Ndizvozvo hazvo vafara vachitiona" "Ndinoshuvira kuti dai neniwo ndaenda asi situation yaramba" "Don't worry mhamha zvinhu zvose zvichava right Popo and Jay vachava right uye vachauya pamusha pano" "Ngativimbe kudaro mwanangu" "Ehe mhamha" ndakadaro ndichienda muroom medu ndakawana Taffy akarara pamubhedha akatarisa mudenga. Zvinhu zvose izvi zvamurwadza handidi kunyepa. "Mangwana tiri kuenda ndokumbira ugadzire zvinhu zvako" "Okay" "Ndakaneta ndinoda kurara" "Okay unofanirwa kuzorora" ndakadaro ndichirongedza mbatya dzedu dzatichaenda nadzo. Ndakaenda kukitchen ndakawana Maidei achibika "Hey" ndakadaro "Hoo mauya mamuviga sei Mpume?" "Zvakanaka" ndakadaro, ndakaona misodzi paari ko handiti vanga vachiwirira vanhu ava shame "Yaaa zvinhu zvose zvichava right" "Asi nei zvinhu zvose izvi zvaitika pamusha pano Ane?" "Kuda kwaMwari hakupikiswe" "Yaaah uri kutaura chokwadi" Ndakamubatsira kugadzira chikafu chemanheru ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mangwana takamuka tichigadzirira kuenda Tafadzwa aiva ati tinoenda makuseni uye anga achirevesa. Tapedza takaoneka tichibva taenda kuHarare Hours later taiva tatosvika. Ndinofanirwa kucleaner nekuti maiva makasviba sezvo taiva tane nguva taenda. "Tinofanirwa kutsvaga munhu acha cleaner" "Ndiripo ini hanty" "Aiwa iwewe unofanirwa kuzorora haunga kwanisi kucleaner" "Ndine pamuviri Tafadzwa handisi kurwara" "Handinga kubvumiri" "Taffy..........."handina kupedza kutaura "Ndatomufonera already" Ndakadzungudza musoro haaa vanhu vanondiita kunge ndinorwara Narrated Five months later Paida aiva asinganzwi mushe akazofunga kuenda kuchipatara nemurume wake. Paakasvika kuna doctor vakaudzwa good news vakafara zvakanyanya "Shuuu I don't believe kuti ndave kuzoita vabereki" Ethan akadaro "Neniwo murume wangu" "I wish dai atobuda already" Paida akaseka. "Aaaa nhumbu ichiri diki wani" "Yaaah ndotenda zvakanyanya mai Mushavi wangu" "Ndini ndinotenda murume wangu kunze kwako dai zvinhu zvose zvisipo" Paida akadaro vachihagana nemufaro ANENYASHA Nhumbu iyi inondishungurudza ndaiva ndisingazivi kuti nhumbu ichandishungurudza kudai iwo mwedzi wekuti ndizvare wave pedo Nhasi mugovera ndakagara naTafadzwa asi handisi kunzwa mushe pamwe ndiro zuva racho "Chi babe asi pane zvauri kunzwa?" "Ndiri kunzwa marwadzo asi not too much" "I think tofanirwa kuenda kuchipatara manje" "I think zvinhu zvichapfuu......." Handina kupedza kutaura Marwadzo akandikurira ndakaridza mhere ndichichema aiwa marwadzo aya handinga kwanisi kushingirira "Tafadza ouch" Tafadzwa akandibatsira kupinda mumota ndaiva ndisingakwanisi chero kufamba handizivi kuti takasvika sei kuchipatara nekuti ndaguma ndichipinda mumota chete. Ndakavhura maziso angu ndichitarisa paside ndakaona Tafadzwa achinditarisa nehuso hwaiva wakazara mufaro "Uyu mwana wedu mommy" Ndakanyemwerera. "Daddy" ndakadaro nemufaro I don't believe kuti ndave mubereki manje ndakatora mwana wangu ndichimutarisa ndichinyemwerera "Ndini ndatanga kumuona kudarika iwe" Ndakaseka. "Zvanga zvisingafanirwi kuitika" "Nekuda kwei mwana wangu kauyu" Taffy akadaro achiswedera patiri naiyewo achibata mwana "Tawedzerwa Emmanuel Zvayi ndiro zita rake" "Woow ko waitaura chokwadi paya pawaiti mai Tawedzerwa?" Taffy akaseka achindihaga. Mufaro watinawo hautsananguriki ndirinhi shuwa takamirira mukoma wedu. Popo achafara achiona munin'ina wake" "Zvikoro zvinofarwa rinhi vatishanyire?" "Tinofanirwa kuenda kumba mwana wedu anoziviswa kuvadzimu" "Okay babe" "Ndinotenda zvakanyanya my love wandiita murume pavarume" Taffy akadaro achindikisa pahuma achikisa mukomana wedu achibva achema "Zvayi" ndakadaro ndichimunyararidza 2 years later Hapana chinondifadza sekuona Manu wangu achikura now ava nemakore maviri. Ndavemuberki zveshuwa, pamakore maviri aya adarika zvinhu zvanga zvichifamba zvakanaka naTaffy. Tafadzwa akazotenga private hospital yake. hupenyu hwedu huri kuendeka kudarika pekutanga. Portia naJay vanotishanyira kana zvikoro zvakavharwa. Yes kwavari zvichiri kurema vachiri kufunga mai vavo asi varikuedza zvakanyanya kuzvipfuudza. "Unoziva handisi kuda kuti tiende kumba" Taffy akadaro "Nei uchidaro?" "Handiidi nzvimbo iya kana tiri ikoko panongoitika madrama" "Ndinoziva baba Manu asi kumba kwenyu uku ndiko kwawakazvarirwa vabereki vako vanogara ikoko pamwe chete nemudzimu yako iri pamusha paya saka haunga gari usingaendi ikoko" "Ndinoziva asi drama racho handiridi rinondibhowa" Ndakaseka. "Ayy saka unofanirwa kuenjoya nekuti idrama rekumba kwenyu" "Unofanirwa kusiya vana kumba kwamai vavo nekuti havangabvumi kuenda kwaZvayi" "Asi unofanirwa kutanga wataura navo, kumba kwavo uko vanofanirwa kuedza kuendako" "Unoziva ndinogara ndichitaura navo asi havabvumi" "Eyi nyaya yacho hainzwisisiki" Taffy akandibata dumbu. "Varisei vana vangu?" Ndakanyemwerera. "Vana vari right vari kunetsa mhamha" Oooh ko handiti ndine pamuviri here. Ndaiva ndisiri ready kuti ndiite pamuviri Manu achiri mudiki, asi Taffy haadi ndiite ndiite prevent. I tried asi paakazviwana yakaita hondo chaiyo saka ndakaona kuti handinga putsi imba yangu nekuda kwezvinhu zvidiki kudai ndakabva ndasiya. Apa I'm pregnant my first born ane 2 years imagine. Zvichakadaro Popo naManu vakabudikira vachitamba "Daddy" Popo akadaro "Yes my baby" "Tiri kuenda mangwana handiti?" "Yes tiri kuenda asi wave kufunga kumba?" "Yes ndave kufunga mbuya vangu ini, I'm sure naivowo vari kundifunga sezvo tisipo kudai hapana wavanotuma" "Ooooh zvakanaka mbuya ndichavawanira munhu anovabatsira sezvo imi muri Kuno" Popo akabvuma Jay akabudikira "Ndinoda kutaura nemwi" Taffy akadaro "Nezvei baba?" Jay akabvunza "Ndinokumbira tiende kwaZvayi" "Munoziva kuti hatidi kuendako" "Ndinoziva vana vangu asi munofanirwa kuenda ko" "Ini daddy handiendi kwaZvayi" Popo akadaro "Neniwo handiendiko" Jay akadaro vachitendeuka vachienda ndakatarisa Tafadzwa "Iiiiii vane musoro wakaoma vana ava" Taffy akadaro "Asi vachanzwisisa havo nekufamba kwenguva" ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mangwana makuseni takaenda kumusha ndaingofunga nezvaMunya sezvo ndaiva ndisingazivi kuti ari kupi ndakaguma ndichinzwa kuti akatiza mujeri. Takasvika kumba vanhu vakafara vachitiona mwana waPaida akandimhanyira achindihaga mai Taffy vakauya kwatiri "Muri right vana vangu" mai Taffy vakadaro "Ehe tiri right" Mai Tafadzwa vakatora Manu "Muzukuru wambuya" "Mbuya" Manu akadaro Isu takapinda muroom medu naTafadzwa sezvo taiva tichifanirwa kugadzira mukati. Asi hamuna hamo kusviba kungoisa mbatya dzedu muwardrope I think vacleaner pavanzwa kuti tiri kuuya. "Yoooh ndakaguma kare room yangu" Taffy akadaro "Yaaah iko tave nenguva" "Nzvimbo ino handichaifariri ini" "Hmmmm" ndakadaro ndichitanga kurongedza mbatya dzedu. Narrated 15 years later Jayden & Portia Kubva zvakashaya mai vavo Jayden na Popo Havana kuzova right Jayden akatanga kurarama hupenyu hwehu geven'a chinangwa chake chiri chekuda kuuraya baba vake. Popo vakazomuendesa ku counseling akava nani haadi kuona chinhu chinonzi murume pedo naye. Varipo vanozama lucky pana Portia asi anovaudza magaramoyo chaiwo. Jay na Popo vakazokurira ku Harare kuna Taffy na Anenyasha vakakura vachiti ndivo vabereki vavo. Jayden akazotenga imba ave kugara ega nemushandi wake waakanhonga munzira asina pekugara mushure mekunge atiza kwaakakura achishungurudzwa nevanhu vakamukurisa mushure arasikirana na sisi vake.Jay anomushungurudza musikana uyu dzimwe nguva anobatsirwa na Popo kana aripo ndiye anotsiura Jay. She's tired now chinangwa chake chave pakuda kutsvaga sisi vake chero asingazivi kuti achatangira papi Munyaradzi Munyaradzi akazopihwa mutongo wake wemakore gumi nemashanu ekuuraya nekushungurudza Mpume asi after two years akatiza mujeri nechinangwa chekuda kuuraya Tafadzwa nekuti ndivo vakaita honzeri yekufa Kwa mpume ndivo vakaita honze yekuti vana vake vamuvenge now ari mujeri ndivo honzeri. Akananga straight kumba kwavo nekuti aiva ave kuziva kuti vari kumuzinda zveshuwa akavawana vakarara akavapfura vakamukira kuchipatara. Munyaradzi akazowedzera mamwe makore mashanu now asarirwa nemakore mashanu uye anoratidza kuti achinja anozvishora pane zvinhu zvose zvaakaita. Nyaya inomudya siku nesikati inyaya yevana vake vasingadi kuona chero paafamba asi gore raachabuda he's ready kuita chero chii chichaita kuti vana vake vamuregerere uye vaone kuti achinja At Palace Mambo Zvayi zviito zva Munyaradzi ndizvo zvakazovabisa pachigaro nekuti mumhu wese ari kuti Munyaradzi akaregererwa. Shingi akazodzoserwa pachigaro chake Zvayi akazo confess kuti zvakaitika pakati pa Shingi na Mai Munyaradzi ndivo vakaisira Shingi drugs.shingi Pekutanga zvairwadza ASI paakafunga nezva Tafadzwa akazoregerera munin'ina wake. Now vari kushandidzana pamwe chete . Tafadzwa chigaro akachiramba iye anoda kunogara ku Harare ne mhuri yake Tafadzwa & Anenyasha Hupenyu huri kuendeka pavaviri ava kubva zvavakapfurwa na Munyaradzi kumusha vave kuenda apo neapo. Vakazokomborerwa nema twins mukomana nekusikana Timukudzei na Tifadzei. Rimwe zuva akafonerwa na Mai mpume vachimuudza kuti Mpume Ari kumunetsa kuti amupe vana Saka vakazosainirana ma paper kuti vana vava vake. Tafadzwa akazotsvagira Mai Mpume mushandi. Hupenyu huri kuendeka pavaviri ava Anenyasha akazotora Chiedza mwana wa Ngoni ari kugara naye ku Harare. Thank you so much kune vakaverenga book your support means a lot to me The end