Chapter 10 Anenyasha Handisati ndamborara zvinorwadza kudai. Ndarara ndakafuga gumbezi rimwe chete apa idiki. Ndanzwa nechando wee ndikuita kubvunda chaiko. Tafadzwa ndiri kumuona akatidongorera. "Ane huya utore t.shirt yangu ucharwara please" "Zvakangofanana nezvawandiita Tafadzwa ndisiye ndirware" "Please Ane" "Siyana neni Tafadzwa" Kumba ndoziva kuti vakutoziva nyaya yose. Shuwa baba ndichavatarisirwa nani. Ko Munya ohh God. Minutes later takauya kuzofurwa ndakasara padiki kuzviitira wiwi pandakaona Munya na Tichaona. Pavakationa vakauya kwatiri. "Handei" Ticha akadaro Takananga kumota ini pandaida kugara kumashure Ticha akanditarisa "Mambokadzi garai mberi" Yes im scared but i dont have a choice. Munya iye aiva akanyarara hake kunge asipo. Ndakagara mberi ndikatarisa Munyaradzi. Haa huso hwaiva husingajairiki wee "Zvayi" ndakadaro ndichiedza kumubata akabisa ruoko rwangu paari chinyararire achimutsa mota yakananga kuhotera. Takasvika ku hotera Tafadzwa ndiye akapinda achitora zvinhu zvedu achidzoka. Munya akamutarisa achibuda mumota achienda kwaari "Hauoni here kuti tanonoka iwe uri kufamba zvishoma kunge mukadzi ane mimba" Munya akadaro achimurova nembama achiita zvekumusundira mumota achinoroverera pamota achikuvara. Ndaingotarisa Taffy nepa window. Ndiri kuita kurohwa nehana handizivi chii chichaitika kana tasvika kumba "Munya siya zvauri kuita maan" Ticha akadaro Munya akapinda mumota achiimutsa. Yaiita kubhururuka chaiko. Aewa zve nhasi tichabheurwa nemota ka. "Hayi broe ndokumbira kuchaira ini" Ticha akadaro Munya haana kumupindura asi akatowedzera speed. "Munyaradzi maan!!!!" Ticha akadaro achikwidza izwi. Munya akamisa mota achiburuka achinogara kumashure. Ticha akauya achigara kumberi achinditarisa "Endai munogara kumashure Mambokadzi" Ticha akadaro "Hayi hayi Ticha mutsa mota tiende maan" Munya akadaro Ticha akamutsa mota. After 2 hours taiva tatova mu town yekwedu. Ticha akamisa mota achinotenga chikafu. Ndakatanga kurohwa nehana manje zvatakusvika kumba nekuda kwezvinhu zvataiva taita. Vanhu vachanditarisa sei pamuzinda. Asi izvo handina basa nazvo baba vangu vachati kudii. Pazvinhu zvose dai havo vakandirova or kundituka kwete kundinyarira aewa i can't survive hangu ipapo manje. "Mambokadzi chikafu idya im sure mune nzara" Ticha akadaro Ndakatarisa Munya ndikaona achiratidza kundisema chaiko "Ndakaguta" ndakadaro apa ndine nzara shame ndaguma makuseni kudya tisati taenda ku campus asi chikafu chacho hachingapindi wee. Ticha akamutsa mota takuenda kumba. Patakangosvika pagedhi ndakasara padiki kuzviitira wiwi ndichiona varume vakaungana. Ndofunga mauto adamwa na Mambo. Ndakaburuka mumota. Vanhu vose vakanditarisa, saka vakutoziva nyaya yose ka. Ndonyarirepiko ini Ndakabhidhaira ndichipinda mumba. Pandakangopinda mumba vana mhamha vaiva vakagara nemamwe madzimai. Pavakandiona maziso avo akato njoo kwandiri. Moziva ndikasafa nhasi ndichiuraiwa nemaziso evanhu handichafi zve. Chero step ndakaishaya. Ndakatarisa pasi ndisingachazivi ndiite sei "Mambokadzi hanzi kana wauya tiuye newe kumuzinda" Mamoyo vakadaro vachiswedera pandiri vachindibata ruoko tichienda kunotongerwa nyaya. Takawana makazara vanhu, maziso angu akamhanya imba yose kusvika anomira paiva na baba. Ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso. Ndakatarisa mudenga Ndichiidzora kuti isabuda. Zvichakadaro Zvayi brothers yakapinda. Mambo vakaswedera pana Tafadzwa vachimutarisa "Muri kubvepi?" mambo vakabvunza. Takatarisana na Tafadzwa hapana akapindura "Ndiri kutaura newe Tafadzwa muri kubvepi!!!?" "Ku Harare baba" "Kwanga kunei ku Harare kwacho?" "Mukoma vandikumbira kuti ndiperekedza Ane kunotora ma b--" Vanhu vose vakamutarisa "I mean Mambokadzi kunotora mabhuku ake e kuchikoro" Vanhu vakatarisa Munya "Mabhuku eyi?" Mambo vakabvunza "Ekudzidza" "Haa mambokadzi achidzidza nyika zvayava kupera shuwa" vanhu vaiita yowe yowee. Gumede baba vepa next door vakasimuka "Mambo wangu" Mambo vakagara pasi "Ini nyaya iyi handifambidzani nayo kana padiki zvapo saka ndichabvunza kwauri Mambo mudiki. zvaitika sei kuti mambo adzidze?" "Mutemo unouziva mambo saka wabvuma nei kuti Mambokadzi aite zvechikoro vamwe vanova mutungamiri wemauto vakadaro. Munyaradzi haana kupindura akangotarisa pasi " Munyaradzi ndanzwa sekuti vari kutaura newe"Mambo vakadaro. Munyaradzi akadhonza chikoso "Chekutanga ndichakumbira ruregerero kwamuri vakuru vangu. Ini Mambokadzi anga achindichemera saka ndanga ndichingoda kuti apedzise zvishuviro zvake. Ndinoziva kuti ndaita zvisirizvo asi ndanga ndichiti ndiri kufadza mukadzi wangu kut--" Munya haa a kuzopedza kutaura Gumede akasimudza ruoko "Saka vanhu vose vakauya kwauri Mambo wangu vachiti vanoda kuzadzikisa zvishuviro zvavo unobvuma ka chero vachiputsa mitemo?" "Aewa" Munyaradzi akadaro "Saka izvi wazviita sei? Zvinhu zvaitwa nemukadzi wako zvinonyadzisa isu vanhuwo zvavo tiite sei?" Ndakatarisa pasi apa baba vaingonditarisa "Mambokadzi tiudze kuti chii chakaita ku Harare?" mama Ethan vakabvunza. Ndakadzora misodzi yangu yaida kubuda "Tinoda kuziva chokwadi hanti ndiwe mutungamiri wedu mutsva watakashara nekuti taimuvimba kuti haamgozoputsi mitemo" Mamoyo vakadaro "Ndiregerereiwo " ndozvega zvandakakwanisa kutaura "Toda kuziva zvose. Zvinhu zvatakaona pa Tv ichokwadi here?" "Ndiregerereiwo asi pachokwadi ma drugs handina kumboasvuta ini" "Ko doro?" mama Ethan vakadaro Ndakatarisa pasi . mai Munyaradzi i can see she is very dissapointed on us. Kubva zvatasvika havasati vataura kana rimwe zvaro shoko "Ko doro Mambokadzi?" Mamoyo vakabvunza. Ndakavhara maziso ndichitarisa mudenga "Yes doro takamwa" Vanhu vakaita yowe yowe vamwe vachirova maoko "Ndezvipi zvimwe zvamakaita?" Mama Ethan vakabvunza "Hapana zvimwe ndinokuvimbisai" "Saka kana muchiti hamuna kusvuta ma drugs mapurisa akaawana sei ma drugs?" Mamoyo akabvunza "Tafadzwa maakusvuta ma drugs?" "Aewa" Tafadzwa akadaro Zvichakadaro pakasvika mushandi aiva akabata usb. Takatarisana na Tafadzwa. Yakaiswa pa screen pakabudikira ini na Tafadzwa takarara pamubhedha umwe chete. Takavhunduka tose. Kana ari sa Munya handitauri akaita zvekusimuka paaiva akagara. Ndakatarisa baba na mama vaiva vakatarisa pasi. Pakazobudikira Tafadzwa paaiva akati kwati kwati neni.. Pakabudikira zve tiri ku swimming pool ndakapfeka swimming costume "Mashura" Gumede akadaro Vakabva vatodzima nekukurumidza. Ndakatarisa Tafadzwa ndichiita kubvunda chaiko ndiani atiita zvinhu zvakadaro? "Aewa apa ndapererwa chaiko nhasi. Mambokadzi wedu achiri kuda kuenda kuchikoro achitevedzera mafaro. Mambokadzi wedu akuita Mambo wedu anyebe. Mambokadzi wedu akurara ne munin'ina wemurume wake. Mambokadzi wedu akudya ma drugs" Mama Ethan vakadaro "Hapana zvataita isu kutaura chokwadi mberi kwa m---" handina kuzopedza kutaura ndaiva ndakuchema "Matinyadzisa kwa Zvayi imwi vana. Chii chamatiitira ichi? Tafadzwa hauzivi here kuti Munya mukoma wako?" Mambo vakadaro "Baba zveshuwa hapana zvataita ma picture chete aya" Tafadzwa akadaro "Zvinhu zvose zvabuda pachena" mama Ethan vakadaro "Zvinhu zvose zviri kuitwa nemusikana idzidziso yevabereki vake" Mamoyo. Vakadaro "Aewa vabereki vangu havana zvavait--" "Dai ndiri iwe dai watovhara muromo wako. Zveshuwa hauna kudzidziswa mutemo iwe ndiri kutaura newevo uri kutaura" Mamoyo vakadaro "Tinofanirwa kuita something navo vari vatatu" Gumede akadaro "Isu hatingabvumi kutongwa nehure rinodya ma drugs" mama Ethan vakadaro Ndakavhara maziso misodzi ichiyerera i wish kuvaudza kuti hazvisirizvo zvose zvavari kutaura. I wish kuvaudza kuti ndichiri mhandara. I didn't mean kusvibisa zita rekwa Zvayi. Ndakatarisa Munya aiva asingadi kunditarisa kana padiki zvapo "Zvayi hanti munoziva mutongo unoitwa panyaya dzakadai?" Gumede akadaro. Ndiye anobatsira Mambo kutora ma decision panyaya dzakadai "Ndinozviziva" Mambo vakadaro "Munyaradzi tichatanga newe. Ndakakuisa pachigaro nekuti ndaikuvimba asi wazoputsa chirangano nekuda kwemukadzi wako anorara akatsamhira munin'ina wako. Mukadzi anosvuta ma drugs. Mukadzi anorara pamubhedha umwe chete na bamunini vake. Watadza chigaro ichi saka tofanirwa kuisa umwe" Mambo vakadaro ndakaona mhamha Ethan vachinyemwerera . Vanhu vose vakavhunduka "Adi Zvayi tose tinoita mamistakes. Na Munya aita zvinongoitwa nemunhu wese. Mistake imwe chete mobva mamupa punishment yakadai" Ticha akadaro "Ichokwadi ichi Mambo" gumede akadaro "Hazviiti kuti mumutorere chigaro Mambo wangu. Ane zvinhu zvakawanda zvaakatiitira zvakanaka. Saka nei mangofunga zvakaipa zvega ko zvakanaka zvaakaita munoti kudii nazvo?" Ticha akadaro "Neniwo ndobvumirana na Ticha na baba Gumede" Ethan akadaro "Munoziva zvinhu zvaitwa nevana ava zvatinyadzisa. Zvasvibisa dunhu rinho. Mamwe matunhu ari kutiseka ndanga ndichiverengerwa zvinhu zvacho pafoni nemwana wangu vanhu vari kuita kuseka. Hanzi Mambo wedunhu rino anodhonzwa nemhino nemukadzi wako. Nevanji anosvuta ma drugs. Nevanji anorara nemukadzi wemukoma wake" Gumede akadaro "Mwana wangu haarari nemukadzi wemukoma wake maan!! Mwana wangu haasvuti ma drugs!!!" Baba vakadaro nehasha Zhou tofanirwa kukupa mutongo newevo" Gumede akadaro Ndakaona mhamha vachitarisa baba vachibva vagara pasi. "Nyaya ya Mambokadzi inoda nguva yekumbofunga nezvayo saka tichambomira kwesvondo tichionesana nezvayo" Gumede akadaro. "Tafadzwa hanti unoziva mutongo wako panyaya iyi?" Mambo vakadaro. Ndakaona Tafadzwa achiyeredza misodzi. Handitozivi mutongo weyi iwoyo. Varume vashanu vakasimuka vachibuda, vakadzoka umwe neumwe akabata shamhu yake yaiva yakareba umwe tsvimbo umwe chamboko. ohh my God let's hope hazvisirizvo zvandiri kufungira "Tafadzwa haana zvaandiita?" Ndakadaro ndichichema. "Nyarara uko!!" Mambo vakadaro nehasha Ndakatarisa baba ndichibva ndanyarara. Vakamusunda Tafadzwa maoko nemakumbo vachitanga kumurova vari vashanu. Ndakatarisa reaction ya Mambo kui vacharwadziwa semwana wavo asi kwete vairatidza kuzvifarira zvinhu zvaiitika. Imwi mukati mwana wavo here Tafadzwa? I don't think so. Hapana mubereki angafarira zvinhu zvakadaro ***** I punishment yakadii iyoyo yekuti munhu anorohwa kusvika pakufenda. Marohwego aaitwa kunge vasingarovi munhu kunge vasingorovi mwana wa Mambo. Kubva zvaarohwa Tafadzwa haana kana kumbochema or kuridza mhere. Anga achingogomera chete. Havambomusiyi shame as long asingachemi. Tafadzwa akarohwa kusvika aridza mhere ndipo pavakazomusiya. Chinhu chanda noticer mu family iyi. Munya na Mambo ndivo vanoratidza kufara nezvinhu zviri kuitwa pana Taffy. Ini handingakwanisi kushingirira mwana wangu achirohwa kunge dhongi riri kuenda kuchigayo. Mai Munya ndiri kuvaona vari kurwadziwa kwete zvekufungudzira, asi vangaita sei havo? Hapana yekuita ndiwo ka mutemo wedunhu. Vapedza vakatora mabhuku angu vakaapisa. Ndakarwadzisa moyo wangu wakaita seuri kubayiwa netsono. Zvichakadaro vamwe mai vakasimuka vanova ndivo vanotora ma decision pavanhukadzi. "Mambokadzi zvinhu zvawaita zvinonyadzisa zvakanyaya, saka hatingaiti Mambokadzi akafanana newe saka toona sekuti unofanirwa kuva na mainini vako. Parizvino takamirira kunzwa kuti Mambo mudiki achadzoserwa pachigaro here. Kana achidzoserwa anofanirwa kuroora umwe mukadzi achazvibata sa Mambokadzi kwete iwe". Ndakavhura maziso ndichitarisa Munya, akanyemwerera akanditarisa jesus!!! Mashura angu aya. Saka Munya anotoridawo barika? Barika ini? Aewa ndichiri mudiki kani for barika. Vadii havo kuti ndidzokere kumba pane kundiisa pachipari. Vanhu vakatanga kusimuka vachienda kudzimba dzavo. Mhamha na baba naivowo vakasimuka ndakasimuka ndichimhanya ndichienda kwavari asi havana kumboita hanya neni "Mhamha!! Baba!!" Havana kumbonditarisa vakaramba vachifamba. Ndakabhidhaira ndichidzokera kumashure. Ndakaona Tafadzwa achienda mu room make, aiita kuzvidhonza zvekuti aiva asingakwanisi chinhu, apa hanzi hapana anofanirwa kumubatsira. Ndakaenda mukamuri mangu, Ndakawana Munya akagara pasi, ndakapererwa kuti ndotangira papi kumutaudza "Zvayi" ndakadaro nezwi raibvunda. Munya akabva asimuka. Ndakajamba ndichizvipeta pamadziro "Hande" Munya akadaro Handizivi kuri kuendwa ndakatevera kumashure. Akananga mu room ma Taffy. Takawana Taffy achiedza kuzviisa mushonga pamavanga ake. Paakaona Munya akabva asimuka "Ndoda chokwadi" Munya akadaro "Ndechipi chokwadi chaunoda kuziva? Ndakakuudza kuti handidi kuendesa mukadzi wako iwe ukandiendesa zvenharo. Hona manje, ini ndiri mumarwadzo iwe uneyi?". Taffy akadaro achichema. Handisati ndambonzwa Taffy achitaura na Munya achidaro. Munya akamupa gwati rembama "Ndirove madiro Munyaradzi zvagara mapedza neni hapasisina marwadzo andiri kunzwa. Ndipedzise!!!" Taffy akadaro "Usandi tester mupfana" Munya akadaro "Zvayi hapana zvatakaita" Ndakadaro. "Handisi kutaura newe iwe ndiri kutaura na Tafadzwa" "Hapana zvatakaita ku Harare" Tafadzwa akadaro "Hamuna kurara pamubhedha umwe chete here?" "Takarara asi hapana zvatakaita" "Nei makarara pa same bed mu same room" "Kwaiva kwangosara one room chete saka hapana zvataikwanisa kuita" "Muhotera hamuna masofa here?"... "Izvo bvunza mukadzi wako" Munya akanditarisa "Tafadzwa anga achida kunorara kumusikana wake ndikamurambidza" "Nei wamurambidza?" "Ndaitya kurara ndega" "Ko imwi ku Harare manga mafambira ma book or mafaro muchimwa doro muchisvuta ma drugs nekunodhidha" "We are sorry Munya asi nyaya yema drugs hatina kumboasvuta isu" "Zvese izvi yanga ingori set up. Hameno nei pamusha pano ndakavengwa ini" Tafadzwa akadaro Munya akabuda ndakamutevera kumashure. Akasvika achitora duvet pa bed nemutsamhiro achizviisa pasofa. "Uri kuitei? Nei usingarari pamubhedha?" "Rara iwe ndicharara pasofa" Munya akadaro "Huya urare pamubhedha wako" haana kundipindura asi akazvivhara kumeso ne duvet Haa mwana wekwa Zhou handinganyengereri harahwa yose iyi ini. Ndakapinda mumagumbezi ndichirara. Ndakaedza kurara asi hope dzairamba. Ndaingofunga Tafadzwa kuti ari sei kwaari. Ndakatarisa Munya aiva akutodzifodora zvake mukomana wekwa Zvayi I wonder Tafadzwa ari sei. Murovegwo waaita unorwadza shame handidi kunyeba. Ndakatarisa nguva dzaiva dzava kuma 12. Ndakamuka ndichitora mapiritsi emarwadzo ndichibuda ndichienda mu room ma Tafadzwa. Ndakamuwana asina kurara akavhunduka paakandiona "Uri kudei pano newevo ayy?" "Ndauya kuzokubatsira" "Ndamboti ndoda rubatsiro rwako ini?" "Handina basa nazvo izvo ini" ndakadaro ndichigara pa bed ndichitora mushonga . ndakatanga kumuzora kumusana "Anenyasha ndokwanisa kuzvizora ini enda kumurume wako please" "Saka unotosvuta ma drugs here nhai Taffy?" "Usandibvunza mubvunzo wakapusa iwe, kangani ndichikuudza handisvuti. Uri kudei pano?" "Asi newevo ndakuona wakawabata ka?" "Unei nazvo iwe.Anenyasha siyana nenyaya dzangu. Ndiri zvandiri nekuda kwako" Ndakamutarisa ndichishamisika "Nekuda kwangu. Ndini here ndati tiende ku party?" "Dai ndisina kuperekedza iwe dai zvose izvi zvisipo.ndanga ndichazviitira zvinhu zvangu chinyararire pasina anondiona" "Im sorry" Ndakapedza kumuzora ndichibva ndamupa mapiritsi ndichibuda ndichienda mu room mangu. Ndakawana Munya akagara pasofa. Handina kutaura naye ndakapinda mumagumbezi ndichizvifukidza kumeso ndichirara Mai Sarah Yah zvorwadza zviri kuitika pana Mushavi nekuda kwa Ane. Anenyasha anomuda zvakafurikidza. Saka pakaitika something paari Mushavi anorwara chaiko. Ndakatora chikafu chemakuseni ndichimuendesera. Kwasvika pakuedza haana kumborara shame "Chikafu chenyu baba" "Ndinotenda asi handina nzara" "Mune nzara baba idyai kani" "Ko nei Ane aita zvaaita? Nei asingandifungirivo" "Baba Ane achiri mudiki ari kuita zvinhu zvinoitwa nevamwe vana" "Akaroorwa Anenyasha uye ndi Mambokadzi" "Baba musandiudza kuti nemwiwo munozvibvuma kuti Ane anosvuta ma drugs" "Aewa handina kudaro asi wamuona here kuti anga akapfeka sei mberi kwa Prince. Wamuona here kuti anga akaisa sei gumbo rake pana Prince?" "Baba dzorai moyo kani" ndakadaro ndichimupa chikafu chake achidya "Kune musangano wandiri kuenda wemadzimai" "Okay enda hako" Hakuna musangano uriko inhema dzega ndoda kuenda kuna mama Ethan. Ndoda kumubvunza ari sure nenyaya yake. Zvagara ndandatomufonera ndikamuudza tosangana kupi. Ndakasvika ndikamuwana atondimirira "Wandivigirei nhasi?" Mama Ethan vakabvunza "Ndiwe hanti?" "Unorevei?" "Ndiwe wanga watuma munhu wako kuti atevere vana avatore mifananidzo?" "Kana ndiri ini iwe unorwadziwa nei nenyaya dzekumuzinda?" "Asi unokanganwa kuti Mambokadzi wenyu mwana we murume wangu?" "Yes ndini, saka uchaita sei ne fomeshini yawawana? Uchanoudza murume wako here?" "Yea ndichamuudza uye handiudzi iye ega munhu wese anofanirwa kuziva nyaya iyi" "Ko warambidzwa nani? Asi ziva kuti pandinodonha newevo unodonha" "Oohh good for you" mama Ethan vakadaro vachisimuka vachienda. Neniwo ndakasara ndichisimuka ndichienda kumba kwangu. Ndakawana Mushavi akagara pasi pemuti" "Wafamba zvakanaka?" "Ehe baba Ndokumbira tipinde mumba pane zvandoda kutaura nemwi" "Zvii izvozvo manje" Mushavi akabvunza tichipinda mumba. Pandakagara pasi ndakutanga nyaya yangu. Foni yangu yakapinda message. Ndakaivhura ndichiiverenga. Ndakavhunduka ndichivhura maziso. Ndakapindwa nechando ndichidedera mabvi