Chapter 23 Anenyasha Ndakamirira kusvika ndaneta, nezuro ndakamirira Nicole nemapurisa asi havana kusvika kuti, chii chaitika kuti vasasvika pamwe pane munhu amubata here, zvino ndichabuda sei pano? Zviri pachena kuti pane zvaitika chete pana Nicole. husiku hwose ndanga ndichingonamatira kuti pasaita chinhu chinomuwira nekuda kwangu. Manje nguva dzave kuma2 apo ndichangobva kunogeza sezvo ndapihwa mbatya. Hanzi munhu ari kuuya kuzonditora ari munzira handisisina plan ndapererwa vave kuzonditora manje hapana zvandichaita. ndakagara pasi ndichifunga zvinhu zvakawanda. misodzi yangu yaiyerera ndichifunga nezvaTafadzwa zvose zvataitaura nemashoko ake ari sweet paaindiudza kuti anondida. Kuti zvinhu zvose izvi zvaaindiudza Tafadzwa ainyepa here? Asi moyo wangu uri kuramba kuti Tafadzwa ndiye azviita izvi. asi ka ndavanzwa vachitaura naTafadzwa pafoni asi moyo wangu uri kuramba. Dai ndanzwa neumwe munhu ndanga ndichati vanomunyebera Tafadzwa asi ndamunzwa mukomana uya achitaura naTafadzwa. Pandakati ndisimuke ndakaona foni pasi Oooh pamwe yasiiwa nemurume uya. Ndakabva ndatora foni nekukurumidza number dzakatanga kusvika mupfungwa dzangu ndedzaTafadzwa ndakabva ndatomufonera pasina kana 1 second akaidaira ndakambonyarara ndakanzwa hana ichirova. Ohh no zvinoita here ndiudze Tafadzwa anova ndiye andipinza muno "Tafadzwa!!!" ndakadaro ndichichema "Anenyasha!! Ane!!!Ane!!! uri kupi" "Handizivi Tafadzwa asi vave kundiendesa mhiri kwenyika vanga vachitaura nezvema passport. Please Tafadzwa huya unditore please please" ndakadaro ndichichema "Okay ok Ane chirega kuchema please ndiri kuuya ipapo manje" "Ndokusendera location please ndokumbira uuye kuzonditora I'm scared. Hanzi munhu ari kuuya kuzonditora ari munzira please Tafadzwa" ndakadaro ndichichema Ndaichema ndichizvibvunza mibvunzo yakawanda ko nei ndafonera Tafadzwa mhandu yangu "Send location please nekukurumidza" Tafadzwa akadaro Ndakakata foni ndichibva ndasenda location. I'm confused handizivi kuti ndaitei pamwe ndatovangwadza vanhu ava pamwe Tafadzwa achavafonera. Musoro wangu uri kuita kudhuma chaiko ndaiva ndatogamuchira zvose zvichaitika pandiri. Narrating Tafadzwa paakapedza kutaura naAne pafoni akatora makey nekukurumidza "Chii? ndiani anga achifona?" Roe akabvunza "Ane!! Anenyasha ari munjodzi tofanirwa kuenda manje" Tafadzwa akadaro vachibuda vachimhanya vachinopinda mumota Tafadzwa akamutsa mota neimwe speed chero pama robots aiva asingamiri aidarika achimhanya chero robot rakavhara achitevera location yaaiva asenderwa naAnenyasha "Dude chaira zvakanaka mhani" Ronald akadaro "Hatina nguva Ronald andiudza kuti vari kumuendesa kune imwe nyika" "Anombori kupiko?" Lee akabvunza "Handiizivi nzvimbo yacho andisendera location" Tafadzwa akadaro Mota yakafamba kwehour rose ichienda kunzvimbo kwaiva naAnenyasha vachibva vasvika "We are here" Roe akadaro Pavaiva vave kuda kubuda mumota vakaona mota ichipinda Tafadzwa akabuda mumota achiswedera akahwanda achida kunonzwa kuti vari kutaura nezvei sezvo munhu uyu aiva abuda mumota achitaura nemunhu aiva mukati "Ooooh wafunga kuti usvike wega" man 1 akadaro "Yaaah handiti vakomana ava vandiitira mashura saka ndafunga kuzviuyira ndega" "Yaah good apa wacha apa" ma1 akadaro Tafadzwa akaitira vana Roe masign kuti vatarise panze iye ave kupinda mukati. Asi aiva asingazivi kuti Anenyasha ari mukamuri ripi akanyahwaira achinopinda mukati newindow achinopinda mune imwe kamuri akaburitsa pfuti yake achibva atanga kutarisa maroom ose Ukuvo Anenyasha aiva asingachachemi angonyarara kuti zii aneta nekuchena. Aiva ave shuwa kuti zveshuwa Tafadzwa ndiye aita zvose izvi ko nei asingasviki. Tafadzwa achiri kunyahwaira kudaro akanzwa pfuti ichirira akabva aziva kuti ndivana Roe vaiva vaonekwa Ane akachema zvakanyanya sezvo aiva anzwa pfuti kurira izvi zvakabatsira Tafadzwa nekuti akabva anzwa kuti Anenyasha ari muroom ripi akabva amhanya achienda ikoko. Akamuwana akagara pasi Anenyasha paakaona Tafadzwa akamhanya achienda kuna Tafadzwa achichema "Tafadzwa" Ane akadaro nemufaro achimuhaga "Ane are you okay?" Tafadzwa akabvunza Anenyasha akabvuma nemusoro aiva asisachakwanisi chero kutaura "Hapana zvavakuita here?" Tafadzwa akabvunza achimuhaga zve vachibuda Pavaiva vave kubuda vakanzwa munhu aiuya kwavari uku pfuti dzairira zvaiva pachena kuti panze paiva nehondo hombe. Tafadzwa akadhonza Anenyasha nekukurumidza achimuvhara muromo sezvo aida kuridza mhere. Vakawanda kumashure kwedoor murume uya achibva apinda mukati. Murume uya akavhunduka paakaona kuti Ane haamo mukati. Paakati amutarise kuseri kwedoor Tafadzwa akabva amuisa mabara maviri pahuma Anenyasha akavhunduka achivhara maziso "I'm sorry" Tafadzwa akadaro achimhanya achimudhonza vachienda pawindow raaiva apinda naro Tafadzwa "Be careful okay" Tafadzwa akadaro Ane akabvuma nemusoro Tafadzwa akamubudisa nepawindow naiyevo achibva amutevera. Paakatarisa panze pfuti dzairira shamwari dzake neava vaiva vakidnapper Anenyasha vairwa. Akaedza kutsvaga nzira yekuti vadzokere kumota apo Anenyasha aibvunda mabvi asisakwanisi chero kufamba. Tafadzwa akapererwa akamusimudza kunge mwana mudiki achitiza achienda naye kumota, achimhanya kudaro akanzwa Roe achidanidzira "Tafadzwa!!!!!!!" Roe akadaro Tafadzwa paakatendeuka bara rakamhara pachidzva chake. Anenyasha akaridza mhere "Tafadzwa!!!!!!" Ane akadaro achiridza mhere Tafadzwa akasara padiki kudonha asi akashingirira achimhanya achienda kumota akasvika achiisa Ane mumota apo pfuti dzaingorira uku neuku. "Tafadzwa are you okay?" Ane akabvunza Tafadzwa akapinda mumota "Guys huyai!!!" Tafadzwa akadaro achivadana Zvichakadaro mapurisa akasvika vakabva vamhanya ava vaiva vakidnapper Anenyasha vachitiza. Mapurisa akavatevera Roland akamutsa mota achiimhanyisa akananga kumba kwaTafadzwa apo Anenyasha aiva aneta asisakwanisi chinhu "Mvura" Anenyasha akadaro nezwi raipera "Mvura Prince" Tafadzwa akadaro Prince akatora mvura achimupa Tafadzwa akamumwisa "Don't worry wave safe manje tinosvika manje kumba, Roe rova mota tiende" Tafadzwa akadaro Anenyasha haana kumupindura akabva arasa maoko ndiye zii "Anenyasha!!! Anenyasha!!!" Tafadzwa akadaro achitora mvura achimudira nayo asi Anenyasha akaramba ari zii "Anenyasha!! Ane please muka!!!" Tafadzwa akadaro "Dude I think avhunduka chete hapana chaitika paari" Lee akadaro TAFADZWA Ndakamurarisa pamakumbo angu ndikamubata pachipfuva ndikamunzwa achiri kufema "Fast fast Ronald" ndakadaro Ronald akamhanyisa mota kusvika tanosvika kumba ndakamusimudza nekukurumidza ndichienda naye muroom mangu. Ndakamurarisa pamubhedha ndichivhura drawer ndichiburitsa stethoscope ndichiteerera moyo wake ndakaona kuti aiva right anga avhunduka chete. Ndakatora injection ndichiisa mushonga ndakamubaya kuti azorore uye asafunga zvinhu zvakawanda pazvinhu zvaitika. Vana Roe vaiva vakamira padoor vakandimirira "Ari right here?" Roe akabvunza "Yaah avhunduka hapana zvakashata hapo" ndakadaro tichienda kusitting room Handikwanisi kutarisa Prince nezvinhu zvandamuita. "Prince sorry dude nezvinhu zvaitika pauri neniwo hapana zvandanga ndichikwanisa kuita I was worried naAnenyasha" ndakadaro "I understand Dude neniwo I'm sorry nekufungira Anenyasha zvinhu zvakashata" Prince akadaro "Ndokutruster sei mushure mezvinhu zvawanga uchifungira Anenyasha?" "Trust me dude dzaingova hasha chete, ndakataura zvinhu zvandakataura kuna Lee but I swear ndakazosiyana nazvo hade bro" "I think we are cool now" Roe akadaro "Yaaa tagadzira zvinhu zvedu" ndakadaro tichikwazisana "Thank you so much guys nezvinhu zvose zvamandiitira handaikwanisa kuzviita ndega kunze kwenyu" ndakadaro "Tiri tose boss unozviziva wani usatitenda" Lee akadaro "Ndiani adana mapurisa?" Ndakabvunza "Ndini ndaona kuti vanhu ava vakawanda hatinga vakwanisi" Prince akadaro Apo chidzva changu ndaichinzwa kuti chiri kurwadza "Washanda boy" ndakadaro "Haaa Tafadzwa chidzva chako" Lee akadaro "Uri kubleeder" Roland akadaro achinonditorera bandage muroom mangu At least bara rabuda, dai risina kubuda ndanga ndicharwadziwa zvakanyanya. Ndakazora vanga rangu mushonga ndichibva ndaisa bandage iko ndakuvara but not zvakanyanya. Zvichakadaro mapurisa akapinda ndakasimuka "Muri kuona manje kuti hamuzivi basa renyu" ndakadaro nehasha "Izvo hazvirevi chinhu wakanganisa mutemo" Sajeni akadaro "Dai ndisina kukanganisa mutemo chii changa chichaitika pana Anenyasha? dai kutaura kuno atove kuNigeria imi muri busy makachengeta ini kupolice station muchitadza kubata zvigeven'a siku nesikati" ndakadaro "Unoziva zvinhu zvawaita zvekusprayer mapurisa kuti imhosva yakaita sei" Mupurisa akadaro "Ndanga ndisina choice nekuti manga musingadi kuti ndibude" "Ari kupi Anenyasha?" Sajeni akabvunza "Akarara" "Tinoda kutaura naye" Sajeni akadaro "Akarara ari kuzorora uye hapana achamumutsa ndamuisa injection so please musiyei azorore chii chamuri kuda kwaari? Mave kuda kumuwedzera stress" "Chii chaitika pavanhu vaya mavawana here?" Roe akabvunza "Yaaa vari kupolice station now" mupurisa akadaro "Ndizvo zvinhu zvamanga muchifanirwa kuita before kwete kungova nanga nanga neni kuchitokisi" "Tiri kukupa warning nezvinhu zvawaita iwe mr Zvayi" mupurisa akadaro "I'm sorry asi hapana zvandanga ndichikwanisa kuita ndanga ndichifanirwa kukuitirai basa renyu" "Unodherera iwe" mupurisa akadaro "Ndiri kutaura chokwadi asi" "Warning" mupurisa akadaro vachitendeuka vachienda ndakadzungudza musoro "Ko wavaitei?" Roland akabvunza "Ndava sprayer nepaper spray" ndakadaro Vana Roe vakaseka "Unopenga here iwe?" Lee akabvunza "Hapana zvandanga ndichifanirwa kuita ndaifanira kutiza" "Taundura tikaundura mwana wevanhu tichimurovera zvisipo" Roe akadaro "Manga muchimurovera kuti nei akadanana naAnenyasha ndizvo zvaaroverwa hapana munhu anofanirwa kudanana naAnenyasha" "Tave kufanirwa kuno musunungura manje" Roe akadaro "Endai henyu ini ndichasara naAnenyasha" Vakabuda vachienda ini ndakasara ndichienda muroom mangu ndichimutarisa aiva akakotsira. Shem she is innocent, chii changa chichida kuita paari, nevanhu ava vanga vakamutora Zviri pachena kuti vanoziva kuti achiri mhandara I think pane munhu ari involved apa kuti ndiani ndichamuwana chete handifi ndakaresta ndisati ndamuwana Ndaingomutarisa ndichinyemwerera, ndapotsa padiki kurasikirwa nemunhu akanaka kudai. ANENYASHA Ndakapepuka pamubhedha uri comfortable ndakatarisa mudenga room iri rinenge raTafadzwa kaa ndakatarisa paside ndikamuona akagara pedo neni ndakamutarisa achibva anyemwerera. Yaah ndichiri kurangarira zvinhu zvaitika asi pandapinda mumota handizivi kuti chii chazoitika pandaida kusimuka akaswedera pandiri achindibata "Take it slowly" Tafadzwa akadaro achindibatsira kumuka Ndakamuona kuti aikamhinha. "Tafadzwa wakuvara?" Ndakabvunza "Not that bad" "No usati not that bad bara rapinda muchidzva chako" ndakadaro ndichiburuka pabed "Ndokumbira urare" ndakadaro ndichimubatsira kurara pamubhedha Ndichibva ndamubvisa bandage rake ndichitora mvura iri warm ndakaenda kukitchen ndichinotora salt ndichiisa mumvura nemucheka. Ndakatora mucheka ndichiisa pachidzva chake ndakamunzwa achigomera zvemarwadzo "Uri kuti not that bad asi uri kuchema" "Pamwe uri kundiita rough" Tafadzwa akadaro achinyemwerera Ndakaona mushonga mudrawer ndakabva ndautora ndichimuzora ndichibva ndamuisa bandage. I think zvinhu zvose izvi zvaitwa nemunhu wekuziva ndinoshuvira kuziva. Iko dai Tafadzwa asina kuuya chii changa chichaitika pandiri iko nei munhu uya anga achinyebera kutaura naTafadzwa zviri pachena kuti anga achindiuraya pfungwa kuti ndigofunga kuti ndiTafadzwa aita zvose izvi. But why? Kuti pane munhu wandinoziva here ari involved nenyaya iyi kuti Themba here nekuti ndiye ega anoziva Tafadzwa ndinofanirwa kuwana munhu aita izvi. Unoziva ndiri kunzwa ndiri guilty kana ndichifunga kuti ndanga ndichifungira Tafadzwa kuti ndiye aita zvose izvi "Thanks" "Ndanga ndichifanirwa kuzviita" "Thanks kuti wapinza hupenyu hwako munjodzi nekuti wanga uchida kuponesa wangu hupenyu" Tafadzwa akandiswededza paari "Zvakwana manje wave kunzwa sei?" "Ndave right manje ndinoda kukanganwa nezvinhu zvose zvaitika" "Dai ndakubvunza something asi unofanirwa kuzorora manje haufanirwe kutaura nezvinhu zvaitika nhasi" "I'm sorry" "Sorry yei?" "Ndanga ndichifunga kuti ndiwe waita zvose izvi" Tafadzwa akavhura maziso. "Why?" Ndakamuudza nyaya yose yaiva yaitika asi akanzwisisa. "Ndokumbira kuti uzorore tichataura mangwana" Apa ndaiva ndisina kana mapjyma akatora hembe yake achindipa tichibva tarara. TAFADZWA Ndakamuka makuseni ndikaona Ane akarara ndakamuka ndichienda kukitchen ndichimugadzirira breakfast "Morning" Ane akadaro achinyemwerera "Morning mai Mushavi marara sei" "Ndarara zvakanaka" "Here is your breakfast" "Hona wakuvara sei wanga usingafanirwe kuita breakfast ndanga ndichaita ini kana ndamuka" "Hakusi kukuvara uku kavanga kadiki kakadai" "Haaa Tafadzwa" Ndakagara pedo naye ndichitanga kumudyisa. "Thanks" "Waguta?" Ane akaseka. "Haaa ko ndave mwana mudiki here Tafadzwa?" "Hameno gara zviya wakati unoenda rinhi kumba kwenyu?" "Nemugovera asi handifungi kuti ndichaenda" "Nei?" "Handikusiyi wakakuvara kudai" "Neniwo ndiri kuenda kumba" "Wakakuvara kudai, uchati waita sei kumba?" "Ndichati ndakuvara that's all havanga ndibvunzi mibvunzo yavo kaa vanenge vave kuda mweya wangu manje" "Yoooh iwe Tafadzwa unodherera manje" ndakadaro ndichiseka "Haaa unoziva nezuro ndakatiza kujeri ndaiva ndakasungwa kubva musi wavaku kidnapper" "What?" "Yaaah vanga vachifungira kuti ndini ndaita zvose izvi making up stories nevana vaunogara navo ikoko zvabva zvaita kunge ndini ndaita zvose izvi ndoshuvira kuti dai ndaendako ndosvika ndichiva kwapaidza nemambama vose" Ane akaseka chinhu chinondifadza zvakanyanya kumuona achiseka "Tafadzwa pane chinhu chandisinga nzwisisi" "Chii manje?" "Kuswera nezuro ndakafonera Nicole nekuti ndaitya kufonera iwe ndaifungidzira kuti ndiwe waita zvose izvi. Ndakamufonera ndichimukumbira kuti aende kumapurisa anovaudza nyaya yangu ndakamupa chero neaddress asi zuva rakasvika pakuvira asina kuuya" Ndakashamisika. "Nei asina kuenda kumapurisa?" "Ani ndakangozviudza kuti ari munjodzi kana kuti mapurisa haana kumu believer" Ndakanyarara ndichifunga nezvanyaya iyi, kuti ndiye here naThemba vaita izvi apa vanga vachida munhu ari mhandara uye vanhu vaita izvi vane mari. Nicole asi akabhadharwa kuti atengese Ane ndiye ega anoziva kuti Ane imhandara saka zviri nyore kuti amutengese "Uri kufungei?" "Aaa zvangu unga zvikwanisa here sezvo wati uri kuenda nemugovera kumba tofanirwa kunotora mbatya dzako kwaunogara zvagara kwangosara 2 days uchaenda uchibva pano" "Okay no problem" "Rega ndinogeza tiende" Nei Nicole asina kuenda kumapurisa sekukumbirwa kwaaitwa naAne, mapurisa vanga vachiziva nezvenyaya iyi vaimu believer uye vaiwana pekumutangira kumutsvaga. Nhasi ndinoda kuziva chokwadi chose pandichaenda kumba kwake. Ndapedza kugeza takanopinda mumota tichienda takasvika tichipinda mukati asi Nicole paakaona Ane akavhunduka, kuvhunduka kwake hakuna kundipa runyararo. Unomuona kuti munhu uyu avhunduka zvinhu zvaari kuona aiva asingafungiri kuti zvaitika hakusi kuvhunduka kwekufara asi kwake ndekwekutya. Ndakaona Ane achiyeredza misodzi achinomuhaga "Nicole" Ane akadaro "Anenyasha you're back" Nicole akadaro Ndakagara pasofa ndichipeta maoko angu ndichimutarisa "Yes ndadzoka Taffy ndiye andibatsira kuti ndidzoke dai asina kusvika dai kutaura kuno ndatove kuNigeria" "I'm sorry Chommie" Nicole akadaro achinditarisa "Thanks Tafadzwa" Nicole akadaro "Aiwa ndanga ndichifanirwa kuzviita but now ndiri pamission yekutsvaga munhu atengesa Anenyasha nekuti zviri pachena kuti atengeswa" ndakadaro Akabva atizisa maziso ake achitarisa pasi. Ooooh Mwari wangu ndiye mwana uyu aita zvose izvi. "Nicole ndakakufonera wakaita sei?" Ane akabvunza "I'm sorry Ane asi zvaiva pachena kuti pane munhu aiva akanditarisa nekuti pandaiva ndave kuda kuenda kupolice station pakabudikira mota kwakabuda murume akandiudza kuti anoziva kuti ndiri kuenda kupi better ndidzokere hangu kana ndichiri kuda kurarama I'm sorry Chommie neniwo ndaitya kuenda" Nikky akadaro "Ndinonzwisisa ndakaziva kuti wasangana nezvinhu zvakadaro" Ane akadaro "Sorry Chommie" Nicole akadaro "Ummm at least tose tiri safe manje saturday ndiri kuenda saka ndauya kuzotora mbatya dzangu ndichabvira kuna Taffy" "Okay" Nikky akadaro Ane akaenda kunotora mbatya dzake apo ndaiva ndakagara ndakatarisa Nicole mumaziso paakaona kuti ndamutarisa nguva yakareba akasimuka achienda kuna Anenyasha ndakadzungudza musoro. Ane anoonekwa kuti anomuvimba musikana uyu achanzwa sei paachaziva kuti ndiye aita zvose izvi asi ndinofanirwa kutanga ndawana evidence yakakwana then ndozoona kuti ndoita sei nayo. Ane akauya akabata bag rine mbatya dzake ndakatora bag achibva ahagana naNicole vachionekana. Takabuda tichienda kumota ndakaisa bag rake kuboot ndichimutaa kumashop. Kumba hapana chinhu chinodyiwa ini ndinodya chero chiichasvika handina basa nezvakawanda asi munhu wechikadzi anoda zvakasiyana siyana. Takapinda mukati ndakaudza Ane kuti atore zvinhu zvaanoda tapedza takadzokera kumba. Narrated Mpume aiva akagara mu room make achifunga nezvenyaya ye munin'ina wake kuti anofanirwa kuroorwa na Tafadzwa. Akatanga kufunga zvinhu zvaakasangana nazvo ari kwa Zvayi. Akasimuka achienda mu room ma Bridget "Sisi" "Bridget hauroorwi na Tafadzwa" "Why?" "Why Bridget?" "Yes sisi Tafadzwa ndomuda ini" "Iye anokuda here? Dai muchitaura ka sezvo une pamuviri pake" "Aewa asi nai--" "Bridget Tafadzwa haakudi saka handingabvumi kuti uroorwe nemunhu asingakudi" "Please sisi ndokumbira usandidaro" "Ndapedza newe Bridget hapana Tafadzwa achakuroora" Mpume akadaro achibuda achienda Anenyasha Ndaiva ndakarara pamakumbo a Tafadzwa tichiona TV. Nguva dzaiva Kuma seven manheru "Tafadzwa" "Hmm" Ndokumbira kukubvunza something asi ndoziva uchanditsamwira" "Bvunzai mai Tawedzerwa handitsamwi" "Nei wakasiya?" "Handizivi ndakangonzwa husimbe " Ndakamutarisa "Husimbe? Wakanzwa husimbe hwekuita basa rawakadzidzira kwemakore" "Husimbe hunongosvika Ane hauna basa kuti wakadzidzira basa kwemakore" Handina kumupindura ndakamutarisa ndichishamisika. Ini ndiri kumubvunza zvinhu zviri serious iye ari kutoita ma jokes hake. "Ayy ndava nehope ini hande tinorara" Tafadzwa akadaro tichisimuka tichienda ku bedroom. Patakasvika Tafadzwa akandiswededza paari tichitanga kukisana Akandiwisira pa bed achikwira pamsoro pangu. I think yava nguva manje yekuti ndive mudzimai. Humhandara uhu ndakahuchengeta kwenguva yakareba now it's time kuti ndipe munhu ari mumoyo mangu. Takakisana ndikamukurura hembe apa ma feelings aiva oita zvinogara zviripo pakati pedu. Akandikisa achibva andisiya "I'm ready Taffy "Ready for" "Kukupa humhandara hwangu" Akasimuka pamsoro pangu achipfeka hembe ndakashamisika "What?" "Wakati kwandiri munhu wauchapa humhandara hwako munhu achatanga akuroora" "Yes ndakadaro asi now ndaona kuti unondida. Saka kupa munhu wandinoda humhandara hwangu handifi ndakazvishora" "Let's do this Ane. Ini newe ticharara wava ready kwete now, une pressure yekuti ndakuponesa. I know kuti you feel guilty nezvinhu zvose asi usaita zvinhu zvausingadi ini I'm okay ne decision yekutanga. I love you so much so I have to respect your decisions. Ini ndicharara newe kana ndaita zvinodiwa kumba kwenyu okay" Ndakamutarisa ndichinyemwerera "Shuwa here Taffy?" "Yes I love you so much" "I love you more Taffy" ndakadaro tichihagana End of chapter