Chapter 24 Anenyasha Nhasi izuva rangu rekuenda kumba, I can't wait kuona Paida I know she miss me sezvo ari ega. Baba handinga vaverengi kuti vanogara na Paida nekuti vanogara vakazvivharira mu room mavo. Mukoma Kurai vakatenga musha vava kugara nemhuri yavo kure nesu. So I know Paida anzwa nekugara ari bored Taffy haapo ati ari kunooneka shamwari dzake ini ndatopedza kugadzirira. I hate kuti ndine rwendo ndopedza kugadzirira ndobva ndagara zve pasi. Taffy akazosvika after some minutes achibva atora bag rangu nerake achiaendesa ku boot achidzoka zve "Now ngatichienda mai Tirimunzira" ndakamutarisa ndichinyemwerera "Chii" Tafadzwa akabvunza "Ndanzwa nekudamwa nemazita evana vandisingazivi kuti vachavapo here" Taffy akaseka "Soon Tawedzerwa kanenge kavapo zvako" Ndakaseka tichienda kunopinda mumota achiimutsa yakananga kumba "Tinofanirwa kudzoka tava official" "Handisi kunzwisisa" "Tinofanirwa kuudza family yedu nezverudo rwedu ndave kuda kukuita mukadzi wangu manje" "You think vabereki vako vachazvibvuma?" Ndakabvunza ndiri worried "Vanofanirwa kuzvibvuma ndinenge ndisingakumbiri mari yavo ka. Kana vasingakudi pamusha pavo zvagara ndine imba yangu tichanozvigarira ku Harare. Isu chatingoda kwavari makomborero avo" "Ndinotya Taffy" "Vabereki vangu usavatya ndicha dealer navo iwe chako taura na vaZhou" "Haa avo vanobva vatondirova" Taffy akandiseka "Uri kusekei?" "Zvauri kutaura" Taffy akadaro achimhanyisa mota. Hours later taiva tatova mudhorobha rekwedu, Taffy akamisa mota pa restaurant, Taffy anondiita mwana shuwa. Tapedza kutenga chikafu akandiendesa mu shop yembatya "Tiri kudei pano?" "Your shopping my love" "But Taffy nd---" "You won't disappoint me right?" Handina choice coz Taffy haambondiregi kusvika ndatora mbatya. Ndakatora shoma nekuti ndaityira homwe yake. Mbatya dzinodhura shame "I think dzakwana" "Ishoma mbatya idzi babe ndokumbira utore dzinodarika apa" Ndakamutarisa akanditsonya achinyemwerera, ndakazotora dzimwe tichibva taenda pa till tichibhadhara. Amount yacho handidi kumboitaura inotyisa. Takazoenda kune imwe liquor store achitora 12 Heineken tichibva taenda kumota "Saka uchachaira uchimwa doro?" "Asi zvakashata?" "Tafadzwa!! Iwe hauzivi here?" "Ahh ini handioni kuipa kwazvo" Ndakadzungudza musoro ndichivhura juice yangu naiyevo achivhura doro rake tichibva taenda. Ndakamukumbira kuti tidarike tichitora Talent shamwari yangu I miss her shame. Takadarika tichimutora tichienda kumba kwedu. Tafadzwa akatisiya pagedhi. Takaburuka na Talent, haipo nguva yekuti tirove katsvodi na Taffy baba vangazotiona. Talent paakaburuka ndakaswedera pana Taffy "Okay ndichakufonera" Tafadzwa akadaro achimutsa mota achienda. Ndakanyemwerera ndakatarisa mota ichienda. Payaiva isingachaonekwi ndakapinda mukati. Paida paakandiona akandimhanyira achindihaga "Uchandidonhedza Paida tora zvinhu izvi" Paida akaseka tichitora zvinhu tichienda mu room mangu. Tichitora zveku kitchen tichizviendesa. Takazotaura nyaya dzisingaendi kure Talent achibva aoneka. Ndakamukumbira kuti auye kuzorara neni timbokurukura nyaya dzechidiki. Akabvuma achibva aenda "So mukoma avo vanondizvara vaenda kupi?" "Vati vari kuenda ku shamwari yavo" "Hanzii nenyaya yamama?" "Eish Ane zvakaoma" Ndakaona marwadzo kumeso kwake. Yes Mai Sarah vakaita zvakashata asi ndimai vake ka. Uye now vasuffer zvakwana baba vanofanirwa kuvaregera I know vanomuda mudzimai wavo "Don't worry tichataura na baba" "Wavaregerera here?" Paida akabvunza "Ndakavaregerera kare" "Thank you so much" Paida akadaro tichihagana Tafadzwa Eish stress yekuenda kumba ayy ma court acho haaperi ndiko Saka ndisingafariri zvekugara kumba. Pandakangopinda ndisati ndatombodii ndakadanirwa kumuzinda. Na mhamha vasati vatomboita hug. "Unoshanda mpfana muchina wemota iyi kana kumbotiudza" baba vakadaro Handina kuvapindura "Hey mpfana muchina ka uyu iwe " Ticha akadaro "Ndiani ati mutaure kana ndichitaura" baba vakadaro "Ruregerero baba" Ticha akadaro "Ehe baba ndeyangu" ndakadaro "Yah wakura Tafadzwa wave kukwanisa kunhumburisa ka" baba vakadaro "Ehe baba ndinobvuma ndakaita mistake asi handifungi kuti mwana wangu" "Tafadzwa unopenga here mpfana iwe?" Munya akadaro "Taffy usataura uchidaro iwe wakarara nemwana wevanhu" Ticha akadaro "Aewa handizvibvumi izvo" ndakadaro "Unoona mwanangu zvawakashanda kudai nehurume hwako enderera mberi uchihushandisa Masithole unofanirwa kunomuroora sezvo wauya kudai" "Aewa baba handisati ndava ready kuroora ini uye ndicharoora munhu wandinoda" "Saka uri kupikisana neni here?" Ndakabva ndanyarara "Uchida usingadi uchamuroora Masithole agoita mukadzi wako hanti wakaita murume paari ukamunhumburisa" Handina kuvapindura "Chiendai henyu" baba vakadaro Ndakasimuka ndichienda, ndakadarika ku kitchen mhamha pavakandiona vakandifarira vachindihaga "Mwanangu" "Mhamha muri sei?" "Ndiri right mwanangu ndakakuguma kare nei usingauyi kuzondiona?" "Munoziva mhamha kugara pano handidi Ini dai zvichibvira ndaikutorai ndonogara nemwi ku Harare" Mhamha vakaseka "Baba vako vakakunzwa uchitaura uchidaro vachakuuraya" "Yoo kunochererwa ndiri mupenyu" ndakadaro tichiseka "Chikafu chako chiri apo mwanangu" mhamha vakadaro. Mamoyo vakabva vapinda takamhorosana ndichibva ndaenda mu room mangu. Jay paakandiona akandimhanyira "My champ" "Bamunini nei musina kundiudza kuti muri kuuya?" "Sorry neniwo ndanga ndisina kuzvironga kuti ndiri kuuya" "Yoo bamunini hamuzivi ndanga ndichikufungai sei" "You know what ngatimbobuda tifurwe nemhepo" Jay akafara zvakanyanya "Shuwa here bamunini?" "Ehe hanti tava nemota itsva here" ndakadaro tichibuda tichinopinda mumota. Ndaiedza kufamba zvakanaka asi chidzva chaiti unonyeba sezvo ndisati ndava right." "Chii superstar kufamba uchikamhina?" "Ndakuvara Champ but not that bad" "Okay superstar" Munya akaswedera patiri "Hahaha mpfana wava president here.mota inodhrayivhiwa nembinga chete iyi" Munya akadaro "Thanks broe" ndakadaro ndichiseka "Haa imvura mota iyi.zvinoonekwa kuti wava doctor manje" Ticha akadaro naiyevo achiswedera patiri "Doro? Unochaira sei uchimwa?" Munya akabvunza "Wee gara zviya ndasvika kumba ayy ayy" "Munya Ari kutaura chokwadi boy usazviita izvi" Ticha akadaro "Saka unoda kuenda nemwana wangu apa uchichaira uchimwa doro?" Munya akabvunza "Superstar anondida Saka hapana njodzi yaachaita" Jay akadaro achitarisa baba vake neziso reruvengo. Ayy iyi yave kuda vakuru vanofamba najesu. Ndakamutsa mota ndichifonera Ane ndichimuudza kuti ndiri kuendesa Jay mu town Munyaradzi Mangwana makuseni ndakamuka ndichivhura wardrobe ndichibudisa ma paper e divorce. Ndakaatarisa ndichinyemwerera. Handina kumbobvira ndakaaendesa nekuti ndaiziva kuti Ane achadzoka kwandiri. Chinhu chaaingoda kupedzisa zvidzidzo zvake. Ndanzwa kuti auya nhasi ndinofanirwa kunomuona uye ndinoziva kwandichanomuonera. Sisi vake ndinodziziva nguva dzaanochera nadzo mvura ndinoziva kuti naiyevo achange aripo. Ndakagadzirira ndichibva ndabuda. Pandakasvikako ndakavhunduka ndichimuona akamira nemurume. Ndakazotura befu pandakaona akamira na Taffy na Jay. Ndakaswedera pavari. Vakavhunduka pavakandiona "Broe" Taffy akadaro "Ndinokumbira kutaura na Ane tiri vaviri Tafadzwa Ndakaona Munya achiswedera patiri, I think now yava nguva yekuti Munya azive chokwadi pakati pedu. Ane akavhunduka paakaona Munya "Ndokumbira kutaura na Ane tiri vaviri "Ayy an-- Ndakaona Ane achidzungudza musoro, Saka ndave kufanirwa kuvasiya vari vaviri just like that as if ini handisi chinhu pana Ane. Never ndoda kunzwa zvinhu zvavari kutaura. Ndakabata Jay ruoko tichibva taenda. Ndakatora foni yangu ndichifonera Ane. Ndinoda kuti aidaire then ndonzwa zvose zvavari kutaura. Paaiva asingaidairi ndaida kuenda kwavari. Ko hanti haasisiri mukadzi wake here. She's my girlfriend now Anenyasha Handizivi kuti ndiite sei. Munya zvinoitavo here kuti arambe achingonditeverera nekuti takaparadzana. Ndakaona Taffy na Jay vachienda asi aingotarisa kumashure. Munya hazviiti kuti timuudze nenzira yakadai. Tofanirwa kutsvaga nzira ine chiremekedza yekumuudza nezverudo rwedu na Taffy. Foni yangu yakarira aiva Taffy. Anopenga here mukomana uyu?" Handina kudaira ndakaisa pa silent "Uri sei Ane?" "Mushe sei iwewe?" "Ndizvozvo hazvo asi ndanzwa nekukufunga. Aewa Ane chero hope hadzibati kani " Ndakashaya kuti ndomupindura ndichiti kudii "Kuri sei kuchikoro?" "Kuri right thanks nekubvunza" Tafadzwa aingofona nonstop eish I think ndave kufanirwa kuenda manje. "Baba vari kundifonera vanga vati kune kwavanoda kundituma Saka ndave kufanirwa kuenda" "Okay ndinokumbira kukusengedza" Ndakabvuma achibva andisengedza ndichienda. Ndainzwa kuti maziso ake ari kwandiri. Ndakaramba ndichifamba kusvika ndasvika kumba. "Haa unofamba wena, kuita sewaenda ku town iwe waenda parwizi apa" baba vakadaro "Baba ndine shamwari dzandakaguma kare Saka patinoonana tinombomira tichitaura" "Okay mai Mushavi ndiri kudya zvinhu zvawandivigira pano" Ndakaseka ndichienda Kuna Paida aiva busy nemapoto. "Wasara sei ndamuona Munya achiuya kwamuri?" Paida akabvunza "Yoo uyuvo uyo, asvika akadzinga Taffy" "Zvino Taffy adi?" Paida akabvunza achiseka "Angadii aenda. Hoyu Ari kufona" ndakadaro ndichidaira "Saka kusadaira foni chii nekuti ndanga ndichida kunzwa zvamanga muchitaura" "Ayy Tafadzwa " ndakadaro ndichiseka "Ayy Tafadzwa kudii manga muchitaurei?" "Hapana angondibvunza hupenyu nekuti kuchikoro kuri sei? Ndichibva ndamunyebera kuti ndibaba vanga vachifona" "Wanga uchifanirwa kudaira foni azive kuti wava wangu manje" "Haisi nzira yekumuudza iyo Tafadzwa tofanirwa kumuudza zvakanaka kwete musango sezviya" "Okay ndine godo ka ini" "Uchava strong " ndakadaro ndichiseka tichionekana ndichienda Kuna baba "Baba ndinokumbiravo kutaura nemwi" "Haa zvino ungabva wakumbira kutaura na baba vako shuwa" "Ehe pamwe zvinhu zvacho zvichakutsamwisai" "Taura tinzwe" "Mushavi nguva yareba manje mhamha vasipo ndinoona sekuti yava nguva yekuti muvaregerere" Baba vakanditarisa vachishamisika "Heee!!" "Kusvika rinhi baba? Tose tinoita ma mistake uye tinofanirwa kuregererwa topihwa umwe mukana. Hapana munhu asingafanirwi kupihwa umwe mukana panyika ino kana achinge aita mistake" "Mai Sarah Havana kuita mistake vakatozviita vachida. Hapana munhu angaita mistake inotyisa kudai.akabuda pano akaenda ku n'anga . Nzira yose iyi aiva asingazvioni here kuti Ari kuita mistake? . Akatora Mari yangu achinobhadhara n'anga kuti iuraye mukadzi wangu. Apedza ndipo paakaona kuti I mistake" "Ndinokunzwai baba asi vakazo realizer kuti hazviiti Havana kuzozviita. Please baba mhamha tiri kuvada isu sevana vavo" "Ini ndiripo zvose zvamunoda ndichakuitirai" "Ndinoziva baba asi space ya mhamha haivhariki zviripo zvimwe zvinhu zvatinenge tichida kutaura na mhamha" Baba vakabva vasimuka "Ndoda kumbofurwa nemhepo" "Baba" Havana kundipindura vakabuda vachienda. Ndakasara ndakangoti dzvoo maziso. Paida akauya kwandiri "Baba havafi vakaregerera mhamha" "Usataura uchidaro vachavaregerera nekufamba kwengu" Pakamboita runyararo kwema minutes pasina aitaura neumwe. Paida ndiye akazo breaker silent "Saka nyaya yako na Tafadzwa inoti kudii?" "Tinodanana uye tinoda kuti rudo rwedu ruende kune rimwe level". Paida akaseka "Watova muchato ka uyo" Ndakaseka "Yah something like that asi handifungi kuti kumba kwavo vachandigamuchira" "Yah taura hako. Yes pekutanga zvicharema asi vachapedzisira vazvigamuchira vachaona kuti munodanana zveshuwa " "Yah maybe" "Yes Mrs doctor " *Unoziva pane nyaya yandinoda kuti undionese Paida ndapererwa ini handichazivi ndoti kudii" *Nyaya yeyi manje?" "Tafadzwa haadi kushanda akangoshanda mwedzi umwe chete akarega" "Yonaweee" "Shuwa zve kana ndichimubvunza nei wakasiya basa anondiudza kuti naiyevo haazivi. Imagine akadzidza makore ose aya pedzezvo haachadi kushanda" "Hanzi handiziviwo " "Ehe ndizvo zvaanondiudza" Paida akanyarara achitarisa mudenga "Chii Paida?" "Hanti unoziva kuti Tafadzwa akazvarirwa pabarika?" "Pabarika pane type yose yevanhu. Vanoroya vane godo. Hanti unoziva kuti Pana mama Ethan vaitonga nehuroyi" "Paida handisi kunzwa kuti kuenda nyaya yako " "Pamwe Taffy akagadzirwa hapana munhu akakwana angaita zvinhu zvakadaro never" "Ahh Paida uri kutaura chokwadi zvino ndofanirwa kuita sei?" "Unofanirwa kunomutsvagira rubatsiro ku n'anga or kuna mufundisi Tino uya aimbonzi akaiswa mhuka bla bla anobatsira shame akabatsira vakawanda nemukadzi wake Esnath or uende ku n'anga " "Pane n'anga yaunoziva here" "Ehe iripo iya inogara yakasviba inoteverwa nemukomana mupfupi anofamba achidona anonzi bhurugwa . N'anga yacho ndaikanganwa Zita rayo " "Shumba Vaya vanotyisa?" "Exactly " "Ahh Tafadzwa haangabvumi kuenda ku n'anga " "I boyfriend yako ka unomu convince kuti pane zvinhu Zviri wrong paari Saka unoda kumubatsira. I know kuti haangabvumi asi unofanirwa kuita plan kuti abatsirike" Ndakatarisa Paida "Kure kunogara baba Vaya Kuna baba ndichati ndiri kuenda kupi?" "Baba tichavapeta nezvinhu zve chikoro kuti pane zvinhu zvawakanganwa ku Harare " Ndakamuhaga ndichinyemwerera "Thank you sisi you're the best in the world " You're welcome" Narrated Nicole haasisina zororo mumoyo make, ave kugara achivhunduka nenyaya ya Ane. Chii chichaitika zvikazivikanwa kuti aiva involve paku kidnepwa Kwa Ane. Uye akamuona Tafadzwa anenge Ane zvaari kuziva ****** On other side Bridget ane ma problems ake aiva akagara pa bed achichema.Mpume akapinda "Bridget uri kuchema?" Bridget paakaona Mpume akavhunduka achipukuta misodzi "Ndiri kutaura newe Bridget uri kuchemei?" "Ndoda kuva ndega sisi please" "Handibudi muno usina kundiudza, ndi Tafadzwa here?" "Why everything is about Tafadzwa!! Ndiri right ini ndati ndoda kuva ndega!!" "Taura neni Bridget ndiri sisi vako ndichakubatsira" "Ndiri right Mpume" Bridget akadaro achibuda achienda Tafadzwa Ndaiva ndakagara na Jay tichitaura nyaya na Jay, hwaiva husiku, Foni yangu yakarira aiva Ane " "Anenyasha dzangu" "My lucky Charmer " "Wow ndageza kupi nhasi?" Ane akaseka "I need your favour babe" "Anything for you my love" "Ndinoda kuenda ku fillabus mangwana " Ndakavhunduka "What? Kunei?" "Inyaya ya mhamha ndokumbira undiperekedze" "Ayy uko kwakazara magweja handiendiko" "Please Taffy hapana umwe munhu wandingakumbira kunze kwako" "Ane wanga uchifanirwa kundiudza early. Ndine zvinhu zvandinoda kuita mangwana plus kumba pane zvinhu Zviri kuitwa Saka ndinofanirwa kuvapo" "Ohh Saka haundiperekedzi it's fine bye" Ane akadaro achikata foni Ohh Saka atsamwa. Ndakamufonera back achibva adaira "Saka neyi wa dropper foni?" "Ndazviwana zvandanga ndichida ka Saka nda dropper" "Anenyasha unofanirwa kubvuma kuti uri wrong wanga uchifanirwa kundiudza early" "Okay I'm wrong I'm sorry" "Fine tichaenda Kuma 5 sezvo kuri kure" "Okay babe I love you" I love you more" ndakadaro ndichikata foni. Eyy vakadzi so. Makore ndeemunhu mukuru asi pfungwa ndedzemwana ane two years End of chapter