Chapter 33 Narrated Mai Munya vari kuenda kuna Munya sezvo vachifanirwa kun'anga "Munya why usati wave ready?" mai Munya vakabvunza "Ready yei mhamha?" Munya akabvunza "Handiti unoziva tinofanirwa kuenda kuti tinonzwa kuti chii chiri kuitika pamwana" '"Popo ave nani manje" "Haasi right Popo zvango nyarara chete mwana ari kurwara asi iwe uri kungoita zvinhu zvako. Manje simuka ugadzirire tiende naMpume ndamufonera ati ave ready' "Nei tichifanirwa kuenda naMpume?" "Mpume havasi mai vaPopo here? Usada kupenga iwe Munyaradzi. Chero chingava chii chinoita kuti uvenge Mpume nenzira yakadaro asi musapinza vana munyaya dzenyu vana vanoda mai vavo" "Okay mhamha ndave kugadzirira" Mai Munya vakabuda vachienda kukitchen vakasangana naTafadzwa "Mhamha pane zvinhu zvandinoda kuti tutaure nezvazvo" Taffy akadaro "Chii ichocho?" Mai Munya vakabvunza "Tell me more about bamukuru" Mai Munya vakavhunduka vachishamiswa naTafadzwa kuti nei achibvunza mubvunzo wakadaro "Ndinovazivira kupi ini handiti mukoma wababa vako saka handizivi chinhu nezvavo ini" "Asi munofanirwa kuti dai muchiziva mhamha. Vaiva vakasungirwei?" Mai Munya vakaridza tsamwa. "Iwe Tafadzwa unondipengera iwe" "Ayewa mhamha bamukuru vanoonekwa kuti munhu ari right ndiko saka ndichibvunza jeri harina kuvafita" "Usapamha zve kundibvunza mubvunzo iwowo" "Nei musina kundiudza nezvezita ravakandipa rekuti Sheunesu?" "Siya kupenga iwe Tafadzwa" "Ayewa mhamha ndinoda kuziva kuti chii chiri kuitika pamusha pano nei munhu wese achiratidza kuti haadi bamukuru pamusha pano. Why muchi actor do mberi kwavo kana kuti zvinokonzerwa nekuti bamukuru havatti Zvayi boss wenyu?" "Tafadzwa wave kubuda munzira manje murume wangu iyeye wauri kutaura uchidaro" "Oooh sorry mhamha hakusi kuti ndiri kudherera asi ndanga ndichingobvunza chete. Endererai henyu mberi nerwendo rwenyu" Tafadzwa akadaro achienda Mai vake vakasara vakatsamwa vasingazivi kuti vaite sei. Vaizvibvunza kuti Tafadzwa ave kuziva here kuti Shingi ndibaba vake vechokwadi vaizvipindura vega uko vachirohwa nehana kuti chii chichaitika kana Tafadzwa akaziva nyaya yose kuti chii chaitika kusvika ave panyika ❤️❤️❤️❤️❤️ Shingi ari kuenda kumba kwana Ane kuti anotaura navaZhou nenyaya yevana. Akasvika achipindisa panze vaZhou vakabuda vachivhurira Shingi achibva apinda mukati VaZhou vakashamisika nekuti vanoziva Shingi ari mujeri. Vakapinda mumba asi vaZhou vaiva vari confused vaizvibvunza kuti Zvayi muhombe aivingei pamusha pake. "Mhukahuru" Shingi akadaro "Zvayi" vaZhou vakadaro "Ndinoziva kuti uri kuzvibvunza uchishaya mhinduro kuti nei ndiri pano" "Waita seuri kuziva ndizvo chaizvo" "Ayy handina kuuya nehondo asi ndauya nenyaya dzinonakidza VaZhou vakashamisika "Mupfanha uyu Tafadzwa andiudza zvose zvaitika" "Anodherera mupfanha uyu akatanga nekuita kuti mwana wangu ashare iye kudarika ini. Mushure meizvozvo ave kuuya pamusha pano achindicherera" "Awu awu Mhukahuru ruregerero ipapo mwana akakurwadzisa chaizvo. Asi unoziva kuti vechidiki vedu ava varisei" "Vana ava havana respect vanotinyadzisa shem" "Mhukahuru unofanirwa kuziva kuti generation yamanje haifanani nesu. Havafi vakarama hupenyu hwairaramiwa kare vana vanoratidza kuti vanodanana zveshuwa. Ini chandiri kuda chete kuti uvape makomborero" "Makomborero?" "Ehe Mhukahuru makomborero mukomana anomuda mwana wako zvakanyanya futi. Uye nemwana wako anomuda zvakanyanya futi" "Mukomana wauri kutaura nezvake munin'ina wemukomana aiva akaroora musikana wauri kutaura nezvake. Hauone kuti zvinonyadzisa here izvozvo Zvayi?" "Asi unoziva wani kuti mwana wako paya akamanikidzwa kuti aroore Munyaradzi. Makamanikidza mwana kuti aroorwe kasi mazvikanganwa izvozvi nei musingasiye mwana aroorwe nemunhu waanoda" "Zvinonyadzisa izvi zvinoda kuitwa nevana ava" "Hauone here kuti zvinga zonyadzisa worse kuti vana vachaye mapoto vanhu vachati kudii vachinzwa kuti mwana wako ari kuchaya mapoto" "Anenyasha haasiri mwana wangu" "Kwauri haasiri mwana wako asi kuvanhu vanoziva ari mwana wako zvese zvaanoita zvakashata zvinongonzi mwana wekwaZhou. Unoziva ini dai ndiri iwe dai ndichiita zvinhu zviri right nyaya iyi itaurwe kuti mwana wako aroorwe naTafadzwa pane kuti achaye mapoto" VaZhou vakanyarara "Ndinoziva kuti zvose izvi zvauri kuita uri kutya mambo wenyu asi manje ndauya pachigaro changu" "Zvayi mudiki haangabvume nyaya iyi" "Iwewe uri kufungira Zvayi kana kuti mwana wako? Mufaro wemwana wako wakakosha kudarika Zvayi" VaZhou havana kupindura "Paweekend tiri kuuya kuzoroora ndinotenda" Shingi akadaro achisimuka achienda Zhou akasara achizvibvunza mibvunzo yakawanda zvichakadaro mukadzi wake akauya achigara pedo navo "Zvayi muhombe ari kutaura chokwadi baba, tinofanirwa kupa vana makomborero uye unofanirwa kumubvumira kuti adzoke kumba Ane zvinhu zvamakaita baba zvekudzinga mwana zvinhu zvinotinyadzisa padunhu" mai Sarah vakadaro vachipinda pakitchen TAFADZWA Ndaiva ndakamira pasi pemuti ndichataura nemudiwa wangu ndichimuudza kuti bamukuru vari kundibatsira kunoroora. Zvichakadaro ndakaona bamukuru vachipinda "Tafadzwa naAnenyasha tichazotaura havo bamukuru vari kupinda kubva kumbwa kwenyu kunotaura nababa vako ndinoda kunzwa kuti vafamba sei" ndakadaro "Eyy ndinoshuvira kuti dai vabvuma" "Okay ndichakufonera kana ndataura navo" "Bye I love you" "I love you more mamas" ndakadaro ndichikata foni ndichinyemwerera. Ndakanzwa munhu achitaura "Neniwo ndichiri jaya ndaiva ndisingabatiki" bamukuru vakadaro ndakaseka "Nemiwo bamukuru?" "Ehe handiti ndiri bamukuru vako zviri possible zvekuti uite zvinhu zvaiitwa neni" "Apa tinofanana" "Ehe ndazvionawo" "Ko imi sei makasiyana nemunin'ina wenyu?" "Aaah inini zvimutemo zvavi zvekupenga kubva kare ndaiva ndisinga zvibvumi ini ndairarama hupenyu hunodiwa neni hapana aindiudza zvekuita" "Yaaah ndiri kuzviona manje. Mafamba sei kwaZhou?" "Sununguka iwe weekend tiri kunoroora Mandlovu" Ndakanyemwerera. "Shuwa here?' "Sezvo ndichikuudza mwanangu" Ndakavahaga. "Ndinotenda Zvayi muhombe munoziva kuti masvika pano makaita zvinhu zvangu kuti zvive nyore" "Hawu rega ndipinde mukati nditaure naObert" "Ndinotenda" Bamukuru vakapinda mukati ndichibva ndafonera Ane ndichimuudza good news "We are getting married" ndakadaro ndakamunzwa achi screamer nemufaro "For real ooh my God I don't believe this Tafadzwa kuti ndave kuzorarama hupenyu hwangu hwose newe" "Neniwo babe ini newe tave kuzotanga family yedu" "Thank you so much wandiita munhu pavanhu kunze kwako I'm nothing" "Bamukuru ndivo vaita zvose izvi" "I wish kuvaona ndivatende" Ane akadaro achiseka "Chii?" "I'm just saying lover of my life ndovatangira kupi?" "Dai uchiziva kuti vane moyo wakanaka sei havafanani naZvayi waunoziva" ndakadaro tichiseka "Havo mhamha kune kwavanga vaenda saka ndoda kuziva kuti vafamba sei " "Bye tichazotaura" "Okay Tafadzwa naAnenyasha" ndakadaro ndichikata foni ndichipinda mukati kwaiva nevanhu vose "Mafamba sei?" Baba vakabvunza "Tafamba zvakanaka baba" mhamha vakadaro "Ndoda kuziva kuti mwana anzi ari kunzwei?" Baba vakabvunza "Baba hanzi mwana anoda vabereki vake vari vaviri sezvo vasiri panzvimbo imwe chete ndizvo zvinomurwarisa uye nevadzimu vari kuchema kuti nei muroora wekutanga pamusha pano akabva ivo vane vatatu" mhamha vakadaro "Zvinhu zvose izvi hazvishandi" Munya akadaro "Munyaradzi unoda kubvuma nekuona mwana ave mucoffin here?" Mhamha vakabvunza "Munyaradzi" baba vakadaro "Baba" Munya akadaro "Unofanirwa kunotora mukadzi wako" baba vakadaro Munya akanyarara "Aaah pamusha pano pane drama asi ini ndakuvigirai good news" bamukuru vakadaro Ndakanyemwerera "Taura tinzwe" baba vakadaro "Svondo rino tiri kunoroora kwaZhou" bamukuru vakadaro "Kunoroora?" Munya akabvunza "Ehe tiri kunoroora musikana ari kudiwa naTafadzwa" bamukuru vakadaro "Hazvifi zvakaitika izvo Anenyasha mukadzi wangu" Munyaradzi akadaro "Anenyasha mukadzi wangu kwete wako" Tafadzwa akadaro "Ini naAnenyasha hatina kumbobvira taparadzana mapaper edivorce achiri pano achiri mukadzi wangu" Munya akadaro "Hayi ndiri kukunzwa mpfana waObert saka chiendesa ka mapaper iwayo kucourt wakamirirei nekuti mukadzi wauri kurwira ndewa Sheunesu wako ari munzira kuuya hapana barika pamusha pano zvakaguma naObert chete" bamukuru vakadaro "Ndaka......" Munya haana kupedza kutaura "Enda kumukadzi wako uko usiyane nevana vadiki Obert zvichakubatsira kuti utaure nemwana wako agadzirire nyaya dzake nekuti ikazopindirwa neni panomama munhu" bamukuru vakadaro vachibuda vachienda Anenyasha Nhasi mugovera ndinofanirwa kuenda kumba. Tafadzwa akandiudza nyaya yose handizivi baba kuti vachati kudii kwandiri despite ndiri kufamba nevanhu. What if havadi munhu pamba pavo ndiri kufamba nacousin Tatenda, Vee, musikana waRoe pamwe naSaru musikana waPrince. Takasvika mota yaRoe iri pagedhi maiva naTafadzwa mukati sezvo aiva atichingamidza "My love are you scared?" Taffy akabvunza "What if baba vasingandide pamusha pavo?" ndakabvunza "Hakuna izvozvo babe baba vako vanokuda zvakanyanya" "Ndinoziva kuti Kule havangaiti zvinhu zvakadaro ngatipindei mukati" Tate akadaro "Roe!!!" Vee akadaro "Aaah siyanana naRoe hauna kuvinga Roe pano" ndakadaro "Haa iwe siyana nemukadzi wangu" Roe akadaro Takabuda mumota tichida kuenda "Kana zvichinzi zvinhu zvaoma mufone vasikana vedu mungauraiwa" Prince akadaro "Asi baba vakanzi vanouraya vanhu?" ndakabvunza tichiseka zvedu Takapinda mukati tichiri pagedhi Paida akationa akamhanya achiuya kwatiri kuzondihaga "Yooh long time" Paida akadaro "Haaa newewo handina kana gore" ndakadaro "Zuva rimwe igore kwandiri. Makadii" Paida akadaro achivahaga vose "Urisei" Vee akadaro "Haaa Tatenda ndatokanganwa ini ko uripo newewo. Ndanga ndatokanganwa kuti kune munhu akafanana newe ko sei usinga tishanyirewo?" Paida akabvunza "Yoooh ndinozvarwa nevamwe mai ini" Tate akadaro "Aaaah aaah ungati mbuya vanga rambe kuti ushanye kuno here. Zvatichapedza nyaya dzose ngatipindei mumba" Paida akadaro "Vari kupi baba?" ndakabvunza "Baba havapo vaenda kubasa" Paida akadaro "Okay" ndakadaro "Pana mhamha" Paida akadaro "Oooh vakazouya?" ndakabvunza "Yes darling" Paida akadaro tichipinda mumba Mhamha pavakandiona vakafara zvisingaite vakatigamuchira zvakanaka. Takanoisa mabag edu muroom mangu "Vamwe muchasiya mabag muno mumwe achauya muroom mangu hamunga kwane mose muno" Paida akadaro "Yaaah uri kutaura chokwadi" ndakadaro "Ini hangu ndokumbira kuenda kuna Paida" Saru akadaro "No problem darling" Paida akadaro vachienda kuroom. Ini nevamwe takasara muroom mangu "Ini ndakaneta ndikare tichifamba' ndakadaro "Yoooh neniwo ndinoda kumbogeza ndoda shower chaiyo" Tatenda akadaro "Iya zve Tatenda watokanganwa kuti kuno kumusha here unogezera mubhavhu asi ihombe bhavhu racho" ndakadaro "Uuuu nzvimbo yekwenyu yakanaka iyi" Vee akadaro "Yaaah unofanirwa kuuya kuzovaka kuno naRoe umuudze" ndakadaro "Heee pano pane mutemo yakawandisa handinga igone ini" Vee akadaro "Uchatevedzera mutemo wacho" ndakadaro ndichiseka "Ndiudze saka iwe wakaroorwa uchauya kuzogara kuno here?" Vee akabvunza "Ayewa ndichagara kumba kwaTafadzwa kuHarare handingava full time house wife ini ndinenge ndiri rich muroora" ndakadaro tichiseka "Family yekwana Tafadzwa vachazvibvuma here?" Vee akabvunza "Vanofanirwa kuzvibvuma nekuti ndinenge ndachata naTafadzwa. Dai vachindida ndanga ndichagara ikoko what is the use yekugara ikoko vasingandidi ndinofanirwa kugara nemunhu anondida" ndakadaro "Yaaa uri kutaura chokwadi cousin pano ayewa haungazvigoni" Tatenda akadaro Zvichakadaro ndakanzwa mota yaidhuma. Heee imota yababa iyi I wonder chii chichaitika, mhamha vakauya kuzotidana kuti chikafu chave right. Takaenda kunodyirwa "Sunungukai vana vangu idyai henyu" mhamha vakadaro "Ndinotenda mhamha" ndakadaro Takatanga kudya chikafu chedu baba vachibva vapinda. Baba vakashamisika vachindiona havana kana kumbondimhorosa vakananga muroom mavo neniwo ndakanyarara zviri pachena kuti havasati vandiregerera "Usazvinetsa navo vachava right" mhamha vakadaro "Yaaah mhamha vari kutaura chokwadi" Paida akadaro Handina kumbozvifunga kuti relationship yangu nababa ichasvika pakadai. Tapedza kudya takaenda kunosuka ndiro "Haaa baba vako vanotyisa yooooh" Vee akadaro "Hakuna zvakadaro kutsamwa chete asi havanga nditsamwire kusvika kumagumo kaa" ndakadaro "Yoooh Chommie baba vako ndivo vanoita izvi kwauri?" Tatenda akabvunza "Maybe havadi kundiona ndichifara" ndakadaro misodzi yave kuda kuyerera Ndainzwa kuda kuchema asi ndakazvidzora ndakazoenda muroom mangu sezvo misodzi yaiva yave kubuda vakanditevera vaVee pavakaona ndichichema "Chirega kuchema zvichapfuura izvi" Vee akadaro "Nei baba vangu vachindidaro inini ndinofanirwa kugara ndisiri happy nekuri ndofanirwa kufadza ivo?" ndakabvunza "Unoziva hazvisi rizvo Ane" Paida akadaro "Ndizvo nei vachindi shungurudza kudai?" ndakabvunza "Dzora moyo he is adult babes ndinoziva kuti uri kurwadziwa kana naivowo vari kurwadziwa chete munhu mukuru. Unoziva vakuregerera just like that uchapamha kuita mistake nekuti unenge uchiziva kuti vachakuregerera" Saru akadaro "Ipi mistake yandakaita ini?" ndakabvunza "Kuenda naTafadzwa baba vako munhu mukuru havaikurega uchirara musango pavakakudzinga" Saru akadaro Ndakapukuta misodzi "That's my girl" Paida akadaro "Tinofanirwa kunoshopa remember" ndakadaro "Kunoshopei?" Paida akabvunza "Chikafu chevanhu mangwana vari kuuya" ndakadaro "Unofunga kuti tingangogara chete here takamirira iye tatenga kare isu namhamha" Paida akadaro "Okay thanks, thank you guys ndanga ndichifunga kuti baba havanga bvume" ndakadaro "Aaah ndivo vatotipa mari yacho yekunotenga" Paida akadaro Ndakanyemwerera. "Zveshuwa here?" ndakabvunza "Yes darling" Paida akadaro "Handizivi ndivatange sei kutaura navo" ndakadaro "Don't worry vachachilla havo" Paida akadaro "Chinhu chinondirwadza ndechekuti Ngoni haapo" ndakadaro "Andifonera akati achasvika nhasi husiku" Paida akadaro "Saka nei anga achindiita benzi achiti haasviki?" ndakabvunza "Handizivi neniwo iye andiudza kuti anenge aripo" Paida akadaro "Ndichamuona kana auya" ndakadaro Ndakanzwa mhamha vachindidana ndakabva ndaenda kwavari MPUME Hapana chinhu chandisingaiti for vana vangu, ndakadzokera kwaZvayi nekuti n'anga yakanyatsozvitaura kuti ndikasadzokera pano buda chitunha chete. Saka better ndishungurudzike pane kuti ndishaikirwe nemwana wangu. Tiri kukitchen tiri kubika naMadei "Uri right?" Maidei akabvunza "Yaaah ndiri right" ndakadaro "Kana usinganzwi mushe enda hako ndichasara ndichibika" "Hazvingaiti kuti ubikire vanhu vose ava beside handisi kurwara" "Okay if you say so" Ndakabvuma "Madrama ese epamusha pano ndinoshuvira kuti dai akapera kare" Maidei akadaro Ndakaseka. "Handifungi kuti achapera ini" ndakadaro ndichienderera mberi nekubika kusvika tapedza Takabva tapakurira munhu wese apo vanhu vacho vakawanda pamusha pano. Worse futi pane shamwari dzaTaffy, munhu wese akauya kuzodya tapedza kudya ndakaenda kunosuka ndiro naMaidei. Tapedza ndakaenda kubedroom ndakawana Munya akamira akaisa maoko muchiuno kunge pane zvinhu zvaari kutarisa "Pane zvinhu zvauri kutarisa here?" Ndakabvunza "Ndiri kuda tauro rangu rekugeza" Ndakaenda kunoritora pandaiva ndariisa "Iri" "Waritorerei pandanga ndakariisa?" "Ndanga ndichi cleaner saka ranga risina kugara zvakanaka" "Iroom yangu iyi haundiudziri nezvinhu zvangu kuti zvakagara sei" "I'm sorry handina kuzviita nekuti ndanga ndichida kukutsamwisa" "Problem yako Mpume uri useless kwawanga uchigara hakuna varume here vaungadanana navo pamwe ungasiyana neni" Mashoko aya akandirwadza zvakanyanya. Varume havanga nzwisisi isu vakadzi nesuwo kuti tinorwadziwa zvinhu zvandiri kuita handisi kuitira ini kana ani asi ndiri kuitira mwana wangu hupenyu hwake huri munjodzi. Ndakanyarara ndichibva ndanogara pamubhedha. Akatendeuka achibva aenda kunogeza. Zvichakadaro foni yake yakarira handina kumboiguma unoiziva ziso zvariri. After some minutes akauya kuzogeza "Foni yako yanga ichirira" "Ndiani ati bata foni yangu?" "Handina kumboibata yanga ichirira chete" Akanditarisa nerimwe ziso achibva atora foni. Ndakakurura hembe yangu ndichizvibata kumashure kwairwadza paandirova makuseni achindirova kuti nei ndisina kudaira paanga achindidana apo handina kumbomunzwa apo ndikabva pano hupenyu hwemwana wangu uri munjodzi. Ndakapinda mumagumbezi ndichibva ndarara Anenyasha Moyo wangu hausi right sezvo baba kubva zvandauya Havana kumbobvira vataura neni. Ndakamuka ndichienda mu room ma ngoni sezvo auya husiku takarara Ndakamuwana atomuka. Takamhorosana tichihagana. Akazondiudza kuti Mitchy ane pamuviri pane 4 months naiyevo Ari kugadzirira kunoroora woow what a good news "Ane hausi right chii?" Baba havanditaudzi kubva zvandauya" "Siyana na baba tichavaona avo nhaso izuva rako congratulation twiny" ngoni akadaro tichihagana Rega ndinogeza ini vanhu vachasvika ndisati ndambodii" ndakadaro ndichibuda ndichinogeza. Minutes later ndakanzwa noise panze. Vanhu vekwa Zvayi vaiva vatosvika. Wow i don't believe this. Ini anenyasha ndava kuzoita mukadzi wemunhu wandinoda. Zvichakadaro foni yangu yakapinda message aiva Tafadzwa Outside the gate wifey asi mumota nekuti ndatya kupinda ini Ndaka blusher ndichirova smile . Ini Anenyasha. Ndiani aiziva kuti zuva iri richasvika Book redu rave kuenda kumagumo few chapters left kuti ripere End of chapter