Chapter 16 . Anenyasha Taigadzirira kuenda ku club, nhasi handina kuverenga haa ndingapedzisira ndakupenga nekuverenga everyday yoo. "Wow chomie you so beautiful rogwe rako rinokufita" "Eyy handidi kunyadzisa Themba kunenge kune ma celebrity ka uko newevo chomie you're so beautiful" "Thanks darling" Nicky akadaro tichibuda takuenda sezvo Themba aiva atofona kuti Ari pagedhi. Ndakasvika ndichipinda kumberi Nicky akakwira kumashure kwaiva neumwe mukomana chinhu chakandishamisa Nicky akahaga mukomana uya "Munozivana?" Ndakabvunza "Yes todzadza module imwe naye" ",Ohh ndakumurangarira manje" ndakadaro "Wow babe you look beautiful" Themba akadaro "Thanks love" ndakadaro Themba akamutsa mota tichienda ku club. Wow club yacho iri fancy shame. Ndanga ndisingaizivi yakavakakwa ndiri kumusha. Takasvika tikagara pa table pedu. Vasikana vaitamba vakapfeka zvima minutes vaiita sevari kukoi**a ayy that's why ndisingafariri ma club ini Themba akaenda ne shamwari yake kunotenga doro nenyama yakagochwa. Pavakaenda kunomurira nyama takasara na Nicky. Ndakapera Simba nezvandakaona. Handina kua believer maziso angu. Tafadzwa Ari kudei pano? Ko haasi ku America here. Haa Tafadzwa kana Ari pano pachaitwa drama chete. Handingakwanisi kusununguka shame "Nicky hande kumba" "Haa Ane so fast chii manje?" Ndakatarisa Tafadzwa kudaro maziso edu akasangana. Akabisa ma specks aaiva akapfeka. Patafura ravaiva vakagara mberi kwavo kwaiva kwakazara doro nevasikana pamwe chete nenyama. Ndakatizisa maziso angu ndichitarisa pasi. Akanditarisa achibva adzosera ma specks ake achienderera nezvavaiita. Ndakashamisika nazvo nekuti Taffy ndomuziva ka ini. Vana Themba vadzoka "Ohh sorry guys nekunonoka eish vanhu vacho vari slow avo" Themba akadaro vachigara pasi tichitanga kudya. Ini pfungwa dzangu dzaiva dzava Kuna Tafadzwa ndomuziva Tafadzwa ane drama haangambonyarari kusvika taenda no ways. Ndakatanga kufunga zvinhu zvakaita ku flat ye shamwari ya Tafadzwa kusvika tasungwa. What if zvichizoitika zve nhasi. Ihh baba vangarwadziwa. Ndakatadza kupedza chero bhodhoro rimwe re savannah asi ndaizama kuti vana Themba vasazonditi ndovhaira. Ini ndaiva ndatova ne stress ya Taffy Ndakatanga hangu kuokera muimbi aiimba pa stage ndichiti pamwe ndichadzora stress asi zvakakona nekuti ndakanzwa munhu akundibata ruoko pandakatarisa aiva Tafadzwa akandidhonza achibuda neni panze. Takasvika panze akanditarisa kubva kumusoro kusvika kutsoka. Panze paitonhora sezvo iri nguva yechando. Akandidhonza tichinopinda mune imwe mota "Chii newe Tafadzwa?" "Uri kudei pano?" "Ndavinga zvinhu zvawavinga. Ko chii chiri kuitika mukati?" "Wakufamba ma club iwe Ane ? Hona zvakapfekwa zvacho?" "Hey Tafadzwa ndakura kana ndadai hausi baba vangu iwe?" "Ivo baba vako vanoziva here kuti wakufamba ma club" "Tafadzwa siyana neni. Chiiko newe nekutevererana neni?wabva ku America kwese uchinditeverera?" "Excuse me? Ndichikuteverera for what? Anenyasha unoziva here nzvimbo idzi hadzisi safe apa iwe uri kufamba nevanhu vauusingazivi" "Ndiani ati handivazivi" "I Harare ino Anenyasha hakusi kumba kwenyu!!! Kuno wakauyq kuzodzidza kwete kuzoita mafaro" "Ayy Tafadzwa siyana neni please" "Baba vako vari kuti uri mumba wakarara asi iwe uri busy pano" Tafadzwa akadaro achibudisa foni "Uri kuitei manje?" "Ndiri kufonera baba vako" "Please Tafadzwa usaita izvozvo" "Ndichiregerei? Ndoda kukupedza kungwara nemapapiro awava nawo ayo" Ndakanzwa foni ichi ringer "Tafadzwa please" "Hallo" Ndakavhunduka pandakanzwa izwi rababa "Vazhou makadii muri kutaura na Tafadzwa Zvayi" "Tafadzwa please " ndakadaro ndichizevezera "Nhasi ndafonerwa newe mwanangu kwakanaka?" Baba vakabvunza "Aewa baba hakuna kunaka" Ndakanzwa misodzi ichipisa. Pandakaedza kuvhura door remota kuti ndibude raiva rakakiyiwa." "Ndina Anenyasha pane imwe club pandamubvunza kuti uri kudei ati baba vake chete ndivo chete vangamubvunza izvozvo. Hamenho anga akuudzai here kuti akuita zvema club" "Huh!! Anenyasha Ari kupi?" "Ndinaye baba ndamutora mukati ndichida kumubvunza kuti Ari kudei pano" "Mupe foni" Zvagara aiva akaisa foni pa loud speaker "Baba" "Anenyasha uri kupi manje?!!" Baba vakabvunza nehasha "Baba tanga tauya kuzoona vaimbi ndokuvimbisai hapana zvataita uye tauya tiri vasikana chete" Anenyasha ikoko wakavinga mafaro here?" Baba ndainzwa kuti Zambezi aiva azara "Ndakavinga kuzodzidza baba" "IPA Tafadzwa foni " Ndakamutarisa misodzi yakutoyerera "Tafadzwa ndokumbira undiendesere Anenyasha kwaanogara" "Ehoyi baba" "Ndinotenda zvakanyanya mwanangu" Vakaonekana Tafadzwa achibva akata foni. Now baba vakuzondivenga nekuda Kwa Tafadzwa anoda kuonererwa neni. What if neniwo ndikafonera mukoma wake ndichimuudza naiyevo Ari ku club? Mnxm. "Saka wakuztozviona semurume nekuudza baba?" "Anenyasha ita zvema book usiyane nemafaro enyika. " Zvichakadaro takanzwa munhu aigogodza pa door "Tafadzwa ndiani hure raunaro mumota?" Tafadzwa akaridza tsamwa akatarisa Dineo "Tafadzwa vhura door iri, ndoda kuona hure rawakavharira mumota!!!!" Ndakatarisa Tafadzwa "Ndokumbira undivhurire door ndibude ini" "Dineo chiiko ne kiyosi?" "Vhura door iri ndoda kuratidza hure iri kuti mahure anoitwa sei!!!" Ndakanzwa noise pa window, Dineo aitema mota nebhodhoro "Dineo unopenga here? Uri kutemerei mota yangu!!?" "Ndati open this fucken car Tafadzwa!!!" Fine akadaro achinhonga rimwe bhodhoro achitema window Ndakavhura door nekukurumidza, Tafadzwa paakaenda kwaari Dineo akamhanyira kwandiri, ini ndaiva ndakubuda kuti ndiende ndakanzwa nebhodhoro pahuma "Unopenga here iwe hure? Chii chauri kuita!!!!?" Tafadzwa akadaro nehasha Ndaiva ndakabuda ropa pahuma. Misodzi yakayerera pandiri, chii chandiri kufira kovo. Tafadzwa akamubata Dineo asi airwa zvekuti aindida shame. Ndakanzwa mbama yakarira aiva Tafadzwa aimurova asi musikana akaita seane mangoromera aitoda nezvangu shame. Tafadzwa paakamurova akadonhera pasi asi akasimuka achida kuuya kwandiri. Ndakatendeuka ndichipinda mukati "Ane!!!!" Tafadzwa aidanidzira adi ndakamu ignowa ndichipinda mukati ndichienda kwaiva nana Themba "Ane uri kubvepi? Ndikare ndichikutsvaga ndisingakuoni" Themba akadaro achinditarisa. Akashamisika achiona ropa pahuma "Tafadzwa waitwa sei?* "Ndokumbira undidzosere kumashure" "Ndiani akudai Ane?" "Please Themba" "Themba tokumbira utidzosere kumashure" Nicky akadaro "Okay" Themba akadaro tichibuda. Takasangana na Tafadzwa.. "Ane are you okay?" Handina kumupindura "Ndiwe ani manje iwe uri kutaura nemusikana wangu?" Themba akabvunza "Kana uchiri kuda kurarama panyika ino nyarara" Tafadzwa akadaro "Themba please ndokumbira undiendese" ndakadaro misodzi ichiyerera. Ndakaona Dineo achitevera Tafadzwa, Tafadzwa akamudhonza vachinopinda mumota. Nesuwo takanopinda mumota "Babe are you okay?" Themba akabvunza "Yah" "Chii chaitika?" "Handidi kutaura nezvazvo" Takasvika kwandinogara. Ndakabuda mumota ndisina kumbooneka ndichipinda mukati Tafadzwa I don't believe zvinhu zvichangobva kuitika. Dineo doro rinomuramba shame, kana adhakwa anodherera "Unopenga here iwe Dineo?" "Iwe ungandisiya mukati uchiva busy nehure panze" Ndakanzwa kunge njere dzanditiza ndakamupa gwati rembama X " "Ndakati kudii ne drama yako? Every time ukadhakwa unondiitira ma drama hee!!" "Wanga uchida kuti ndiite sei Tafadzwa? Chii chawanga uchida kuti ndiite iwe uri busy nehure?" Dineo akadaro achichema "Usafa wakadana Anenyasha nezita rekuti hure!! Watema mota yangu, mangwana chaiwo ndoda uindese Kuna makanika,kuti uchazviita sei I don't care.for now handina nguva yekurovana newe" ndakadaro ndichitora foni yangu ndichi unblock (a) Ane ndichienda kumufonera asi haana kudaira. Ndakaramba ndichizama kusvika yadzimwa Nompumelelo Makuseni ndakamuka ndichienda ku kitchen ndichinogadzira breakfast ndakawana Maidei Ari busy "Mamuka maiguru?" Maidei akadaro "Mainini" ndakadaro "Unoziva Ticha amuka makuseni achienda kubasa zvino foni yangu handisi kuiona ndoda kumufonera ndimubvunze kana aiona ndokumbira foni yako ndimufonere" "Rega ndikumbire ya baba Jayden yangu iri pa charger" ndakadaro ndichidzokera mu room medu "Baba Jay ndipewo foni yako pane zvandoda kuita".. "Iyo apo". Ndakaitora ndichinopa Maidei. Akafonera Ticha. Apedza akandidzosera foni. Zvichakadaro pakapinda message mu foni ya Munya. Ndakabva ndaivhura. $200 saving ref for Anenyasha Zhou "What?" "Chii?" Maidei akabvunza Ndakabva ndaenda Kuna Munya. Pandakatarisa ma message zvairatidza kuti Munya ane 3 months achisendera Anenyasha Mari. ndakapinda mumba Munya aichinja "Munya" "Hmm" "Message iyi inorevei?" Ndakabvunza ndichimupa foni yake "Mufoni mangu here?" "So Anenyasha achiri mukadzi wako?*. ."aewa" "Saka Mari dziri kubuda ndedzei?" "Mpume" Ndakatendeuka ndichidzokera ku kitchen Anenyasha Handizivi kuti ndarara nguvai nekuti ndanga ndichifa nemarwadzo. Ndaziva hangu pandaona Tafadzwa kuti I drama Rega richaitika. Foni yangu yakarira pandakatarisa vaiva baba. Ndakadaira "Wakarara?" "Ndiri munagumbezi baba" "Nhai Anenyasha unodarireiko mwanangu?" "I'm sorry baba asi. Ndokuvimbisai hapana zvakashata zvataita kwanga kuri kungofara chete sezvo yanga isiro nguva yechikoro" "Anenyasha unofanirwa kuziva kuti zvinhu zvaunoita uri kuitira hupenyu ndiri kuzviona unofunga kuti hupenyu mutambo" "Ruregerero baba" "Ndizvo zvandanga ndichida kukuudza chete" baba vakadaro vachikata foni Zvichakadaro ndakanzwa knock pa door "Pinda!!" Ndakadaro Ndakashamisika ndichiona Tafadzwa. Ari kudei pano? Iko aziva sei room yangu? "Argg Tafadzwa please" "Wakunzwa sei?" "Buda muno Tafadzwa" "I'm sorry" "Sorry yei? Sorry yekuti unoda kundikanganisira hupenyu hwangu? Sorry yekuti musikana wako andirova or sorry yezvawaudza baba nezuro" "Ndiri kukumbira ruregerero kuti Dee akurova chete, iyi yekuti ndakureverera Kuna baba kanganwa handifi ndakakumbira ruregerero " "Buda muno Tafadzwa " "Ndakuvigira munhu achakurapa pawakuvara" "Handidi chinhu chinobva kwauri Tafadzwa " "Ndine mapiritsi emarwadzo" "Ndati handidi chinhu chinobva kwauri Tafadzwa Zvayi!!!!" Tafadzwa akaedza kundibisa plaster ndakamubisa ruoko "Problem yako ndeyeyi Tafadzwa?!! Hauna life here iwe? Nei uchitevererana neni? Nei pese pandiri uripo? Ndokumbira undiudze nhasi kuti ndakakutadzirei?" "Zvinhu zvandaita Anenyasha ndanga ndichingokubatsira vanhu vauri kufamba navo hauvazivi" "Iwe unovaziva here?" "Handivazivi asi nd--" "Saka ne life yangu ndokumbira undipe peace please ndaneta nema drama Ako ini. Hanti waiva wakandi blocker here? Saka wandivhurirei. Unofunga kuti ndichararama life yaunoda here?" "Haundinzwisisi Ane " "Zvagara handinganzwisisi munhu akafanana newe ini!!! Right now Tafadzwa ndokumbira ubve pano usadzoka zve chero ukasangana neni usanditaudza. Chibuda ndoda kurara" "Usakanganwa kuzora mushonga uyu nekumwa ma piritsi" Tafadzwa akadaro achibuda achienda Ndakasara ndichitura befu. I'm tired of this guy. Ari kudeiko kwandiri? Ndaka confessa kuti ndokuda asi akaratidza kusava interested but now Ari busy kundiitira ma drama argg maan. Ndakapinda mumagumbezi ndichiedza kurara Tafadzwa Mushure mekunge ndabva Kuna And ndakaenda kumba kwangu, pandakasvika ndakanzwa hasha pandakawana Dineo Ari mumba. Eyy zuva ranhasi mashiripiti chaiwo. "Hey Taffy" "Uri kudei pano?" Ndauya kuzokumbira ruregerero nezvinhu zvandaita nezuro pandakuona une mukadzi ndabva ndatadza kuzvidzora ndikanzwa kuda kuita chero chii" "Ndakakuisa ring here?" "Aewa" "Ndakakuvimbisa kuti ndichakuroora here?" "Aewa" "Saka usandipengera mwanasikana. Handidi drama ini. Kuti ndinani nguvai hazvinei newe Saka usandiitira drama" "Ndokuda babe I promise handipangi zve" "Zvagara haupamhi zve nekuti handichakudi it's over zvechokwadi kwete zvema game" "Please Tafadzwa ndokumbira usadaro ndokuda please " "Wagadzira here mota yangu?" Haana kundipindura "Ndati wagadzira here mota yanfu?!!! Ndakabvunza nehasha "Handina mari Taffy yekugadzira" "Unopenga iwe, hanti kumba kwenyu vane type yose yemari. Beside that hawaitema mota yangu uchiziva kuti hauna Mari yekuzoigadzira. Ndichakupa zuva ranhasi chete mota yangu ndoida yakagadzirwa" Tichiri kutaura Roland akapinda "Taffy" Roe akadaro achinditarisa "Dude unomuziva musikana uyu ndozvaari Saka zvinhu zvauri kutaura hazvifi zvakaitika" "Buda muno" ndakadaro "Ndoda kutaura newe Tafadzwa" "I said get out!!!* "Please Tafadzwa okay look ndichaenda kunokumbira ruregerero kumusikana wandarova" "She don't need your sorry go now before I change my mind!!!!" Akabva atobuda same time achienda "So tell me wanga uchitsvagei mumota nemusikana uya" Roe akabvunza "Hapana ndanga ndichimubvunza chete kuti Ari kutsvagei husiku" "Inga Wani wakati wava over nemusikana uya" "Asi izvo hazvirevi kuti aite chero chii chichapinza hupenyu hwake munjodzi" "Takutevera cheese boy wake kusvika kumba kwake. Takuziva kwaanogara " "Good tofanirwa kuendako manje" "Kunodii manje Taffy" "Hazvinei newe izvo" ndakadaro ndichibuda ndichinopinda mumota Roe akanditevera naiyevo achipinda mumota. Ndakaimutsa yakananga kumba kwemukomana anga achifamba na Ane nezuro, takasvika tichipinda mukati takamuwana achidya uku achiona TV. "Can I help you?" "Yes you can" ndakadaro "Ndingakubatsirai nei?* "Nekuti urambane nemusikana wawanga uchifamba naye nezuro hamenho chii chiri kuitika pakati penyu asi ngachipere manje" "Unopenga musikana wangu uya handingarambani naye nekuda kwako ini" "Ndichiri kutaura zvakanaka now ichasvika nguva yekuti ndisakunyengerera." "Haungayi mumba mangu wondiudza zvekuita nemusikana wangu " "Ndiri kukupa mazuva maviri chete unge wakuramba hande Roland" ndakadaro tichinopinda mumota "Wadii kusiya mwana wevanhu afare nhai Tafadzwa?" "Anenyasha achifadzwa nedununu iri" "Vanodanana vanhu ava Saka zvinoreva kuti Ari kumufadza. Tafadzwa ndichakupa advice yemahara. Kana bhebhi uchirida riudze kwete zvauri kuita izvi. Uchapedzisira wapa mwana wevanhu stress akafoira kuchikoro" "Haungazvinzwisisi Roe" Zvichakadaro foni yangu yakarira pandakatarisa aiva Bridget "Haa haa ayy unoona nhasi ndikarega kufa handichadi zve" "Chii manje?" "Mwana uyu anogara achindifonera handizivi anodei kwandiri?" "Idaire" Ndakaita sekudaro "Finally " "Finally yeyi?" Ndikare ndichikufonera usingadairi" "Chimbori chii chaunoda kwandiri?" "We need to talk Tafadzwa" "Hanti tiri kutaura here Bridget" "Ndaikufonera ndichida kukuudza kuti ndine pamuviri" Ndakavhura maziso "Une pamuviri?" "Yes mwana ndewako" "Hakuna zvakadaro" "Urikundipikisa ka kana uchidaro" "Ndiani anoziva nezve nyaya iyi" "Ndatanga nekuudza iwe baba vemwana" "Hapana anofanirwa kuziva nezvenyaya iyi especially my family. Iwe waimbovhurirei makumbo usingazvidziviriri?" "Iwe wakandivhurirei makumbo usina kuzvidzivirira?" "I'm not ready for mwana ini ndokumbira undiitire favour usaudza munhu nezvenhumbu iyi coz I'm not sure if mwana Ari wangu" "Saka ndiite sei ini Tafadzwa? Kumba kana vakundibvunza ndichati kudii?" "Hamenho" "Tafadzwa unofanirwa kundiroor--" Ndakakata foni yangu "Shit!!" "Chii manje?" "Musikana uyu ibenzi chairo "Ani iyeye?" "Bridget anga achindiudza kuti ane pamuviri, zvinhu zvatokanganisika apa coz akangoenda kumba vachati ndimuroore zvenharo but I have to do something fast" "Something yakaita sei?" "Handizivi asi ndofanirwa kuita something mwana uyu achandipinza muma problems manje" "Yah pakaipa" "Handisati ndada zvekuroora ini. Wesi Bridget argg" Ndakadikitira same time. Bridget akangoenda kumba zvatodhakwa kuchanzi ndimuroore apa ini handizvidi. Saka ndichaita sei Nompumelelo Ndaiva mu room mangu ndichifunga nzira yaiva yaitwa na Munya. Why asina Kuna kundiudza kuti akuisira Ane Mari. Ndichiri mukufunga Munya akapinda handitozivi kuti Ari kubva kupi. "Mpume tofanirwa kutaura" "Okay" "Zvinhu zvawaita makuseni handina kuzvifarira" "Zvipi manje?" "Zvekuti wokumbira foni yangu pedzezvo wofukunura zvinhu zvisinei newe kusandiremekedza izvozvo" "Message yapinda ndakabata foni" "Ati uvhure message ndiani nekuti yanga iri yangu?" "I'm sorry " ndakadaro misodzi ichiyerera "Anenyasha mukadzi wangu takachata Saka ndichaita chero chii chandinoda kumuitira. Nompumelelo look Mari ndinokupa Saka problem yako iri papi. Unoziva chinhu chandiri kuona pauri haugoni kutemda. Uri pano nekuda Kwa Ane asi uri busy kunyunyutira Mari isiri yako. I'm sorry nekukuudza izvi asi uri pano nekuda kwevana vedu chete. Dai ini newe tanga tisina vana dai tisiri tose now. Asi zvinhu zvandiri kuita ndiri kuitira vana. Ini newe hapana chinotisanganisa. Anenyasha ndomuda zvakanyanya uye ndicharamba ndichimuisira Mari. Kana une problem nazvo zvava zvako izvo." Misodzi yakaita mpompi yemvura pandiri. Mashoko ake akasvika mumoyo mangu akawana nzvimbo. Ndakashaya kana shoko rekumupindura "I'm sorry " ndakadaro ndichibuda mu room medu ndisingazivi nekwandinoenda End of chapter