Chapter 31 Anenyasha It's been a month now ndichigara kumba kwaKule handina mufaro. Iko ndingafara sei nekuti pandakauya ndakaona kuti mbuya hazvina kuvafadza, chinhu chinondishamisa handizivi kuti nei vasingadi kudaro. KwaKule havasi vanhu vanoshaya Kule vanoshanda basa riri nani dai zvichinzi ndinovapedzera chikafu better asi havana chavanoshaya. Rimwe zuva Kule vasipo vaenda nebasa ndakabva kuchikoro ndikawana pasina chikafu mbuya vaiva vapakurira vana vavo vakasuka poto. Vakanditaurira kuti handitengi chikafu vakati ndaidyei kwandaigara ndisati ndauya pano zvandisinga chatengi zvandiri pano. Ini pano ndinofanana nekuti ndiri mwana ko mbuya vakambodii? Rimwe zuva ndakanzwa hasha zvakanyanya ndikavaudza kuti musha wambuya nasekuru uyu. Asi vakanandibvunza kuti chikafu chinotengwa nambuya nasekuru here? Pandakati munhu anotenga chikafu mukoma wamhamha vakati mukoma wacho iyeye akaroora mhamha here? Tjoo ndakaona kuti nyaya yacho yakaoma apa ndinofanirwa kutenga chikafu asi Kule havafanirwi kuziva nezvanyaya iyi nekuti handidi kuti vazorwa nenyaya yangu. Pano handina kuvinga kuzoputsa musha wevanhu "Cousin uri kufungei kudaro?" Tatenda akabvunza "Hapana" "Ayehwa pane zvinhu zviri kukunetsa iwe" "Baba havasi kudaira macalls angu" "Haaa vape nguva vachava right uri mwana wavo iwe uye vanokuda vachakufonera kana vakuregerera" "It's been a month now Tate asi havafoni" "Vachava right usazvinetsa iwe. Hona urisei manje wadzikira muviri I'm sure chero kuchikoro hauchakwanisi kudzidza" "Ndichava right" "Unofanirwa kugadzira nyaya yako naTafadzwa hazvingaiti kuti udzingwe kumba nekuda kwake then mobva maparadzana just like that" "But nda......" Handina kupedza kutaura "What? wakadzingirwa mukomana kumba kwenyu?" Mbuya vakabvunza Handina kuvapindura "Hazvisirizvo mhamha" Tatenda akadaro "Ndezvipi kana zvisirizvo?. Uri pano nekuti wakadzingirwa chihure unoda kuzodzidzisa mwana wangu chihure haaa?" Mbuya vakabvunza "Mommy please" Tatenda akadaro "Hazvisirizvo mbuya" "Ndezvipi manje? chii chwakadzingirwa kumusha hausi mwana here iwe?⁷ handiti unoudzwa zvekuita hauiti zvaunoda" mbuya vakadaro Handina kuvapindura. "Chinditeerera mwana sikana pamusha pano panogara vana kwete vakadzi vave kurarwa nevarume" mbuya vakadaro Ndakavhura maziso "Tate achiri mhandara handidi umudzidzise chihure chako chekurara nevakomana" mbuya vakadaro "Mom Anenyasha achiri mhandara" Tatenda akadaro "Unofamba naye here nzira dzose hoyo akashara mukomana than family yake. Hapana munhu ane pfungwa dzinoshanda angashara mukomana waasina kurara naye. Kule vako vanouya vanofanirwa kuzviziva uvaudze nyaya yose kuti nei wakabva kumba kwenyu" mbuya vakadaro "Mbuya hazvisirizvo please ndokumbira musapinza Kule munyaya iyi" ndakadaro misodzi yave kuyerera Mbuya vakatendeuka vachibuda vachienda takatarisana naTate "Unovaziva kuti mhamha varisei don't worry baba vachakubeliever" "Ndinoziva vachandinzwisisa" ndakadaro ndichikwira pamubhedha ndichiedza kuignore marwadzo ose aya. Ko ndichaiwana rinhi imba yekuti ndilodge ndizvigarire ndega ayewa kushungurudzwa ndaneta manje. NaNgoni haasimo muHarare akachinjwa basa akaendeswa kumount Darwin, Mitchell ndanga ndichagara naye kumba kwavo asi hapana chinhu chandinovenga sekugara kumaraini kunyanya kumba kwegirlfriend yebrother yangu. ROLAND Aiva manheru pandaienda kunoona Tafadzwa, pandaguma kutaura naye pafoni anga asiri right ndakasvika kumba kwake aiva akarara pasofa akafuga gumbezi muviri wose ndakashamisika ndichimumutsa "Hey shaa" "Uri kundimutsirei hauoni kuti ndakarara" "Chiiko newe uri kurwara?" "Ayewa asi ndakangorara hangu" "Hausi right iwe" "Ndaona Ane" "Wamuona kupi?" "Kuchikoro chake" "Zvino zvaunenge uri worried naye?" "Shaaa ndiri worried haasisiri Ane wandinoziva adzikira muviri" Ndakashamisika. "Maybe zvinokonzerwa nekuti akaparadzana newe" ndakadaro "Handisi shuwa neizvozvo asi zvinhu zvandiri shuwa nazvo ndezvekuti kwaari kugara haana kugara zvakanaka. Akambondiudza kuti mbuya vake vaimusvora nemari yaiva yashaikwa pamwe now zvawanda zvinhu zviri kuitika pamusha paya" "Yoooh zvazvakaoma nhai" "Ndinofanirwa kunomutora agare neni kana akaramba akadai achafoira kuchikoro" Zvichakadaro Prince akapinda "Chii chiri kuitika pano?" Prince akabvunza "Uri kuglower mupfanha hoyo muchinda wako ari kuchema" ndakadaro tichimuseka "Munopenga here" Tafadzwa akadaro "I'm sorry bro but unofanirwa kutaura naAne nekuti ndinoziva kuti anokuda" ndakadaro "Eyy guys musandishora pane izvi asi ndave kubuda mugame manje" Tafadzwa akadaro Takavhunduka tose "What?" Ndakabvunza "Ndave kubuda" Tafadzwa akadaro "Nekuda kwemusikana Tafadzwa?" Prince akabvunza "For Anenyasha I can do anything, Anenyasha haaidi life yandiri kurarama saka ndinofanirwa kusiya then ndozoenda kunomutora" Tafadzwa akadaro Takatarisana naPrince "Haunga chinjiswi zviiti nemusikana Tafadzwa" Prince akadaro "Ini ndiri kukunzwa wakashara Anenyasha over your family saka hazvingaiti kuti waita izvozvo rudo rwenyu rwongopera just like that hazvingaiti. Family chinhu chakakosha zvakanyanya asi iwe wakasarudza Anenyasha so kusiya life iyi chinhu chakakosha kumunhu waunoda" ndakadaro "Yaaah ndakamuvimbisa kuti ndichamufadza asi honai manje mwana uyu asarudza ini over her family baba vake so why ini ndiri kutadza kusarudza iye over this kind of life. Ndave kubuda mugame iri manje ndichaita meeting" Tafadzwa akadaro "So ukasiya uchaita sei manje?" Prince akabvunza "Ndichaedza kunovanyengerera kuchipatara ndidzokere" Tafadzwa akadaro "Good luck chero hazvo pachava nemusiyano usisipo" ndakadaro "Don't blame me blame Anenyasha pazvinhu zvose izvi" Tafadzwa akadaro takaseka "But I'm proud of you Dude" ndakadaro "Nxaaa wave kundijairira manje" Tafadzwa akadaro tichiseka Hayi kubva zvandakatanga kujairirana naTafadzwa handisati ndambomuona akadai. Yaaah zviri pachena kuti anomuda mwana uyu aigara achitaura kuti hapana munhu achamusiisa life iyi asi atokanganwa mashoko ake manje nekuda kwaAnenyasha. I wish pasava nechinhu chinopindira murudo rwavo. I wish kumba kwavo dai vanzwisisa kuti vanodanana. "Weee kubva wanyarara uri kufungei manje?" Tafadzwa akabvunza "Ayewa hapana" ndakadaro Tafadzwa akadzungudza musoro Anenyasha Aiva manheru Kule vaibva kubasa asi havana kumboteerera nyaya yavaiva vaudzwa nambuya. I know pamusha pano ndave kufanirwa kubva hazvingaiti kuti ndisvike ndiparadzanise family. Ndakaona foni yangu ichirira ndakavhunduka pandakaona ari Munya aifona asi handifi ndakaidaira ari kudei kwandiri. Pandakafonera baba havadairi then ndobva ndave fonerwa nevanhu vandisinei navo. Ndakaenda muroom maKule sezvo Tatenda anga ati vandidana ndichiri padoor ndakanzwa mbuya vachiti "Saka uchabvuma kuti mwana uyu agare pano?" "Mwana hausi kureva muzukuru wangu here?" "Unoda kuti mwana sikana wedu afanane naye here naiyevo ave against us asarudze mukomana over us ndizvo zvaunoda here?" "Nhai mai Tatenda ndiudze chii chaakakuita Anenyasha kuti ubve wamuvenga kudaro, unomuvengereiko mwana wasisi vangu? Unoziva uri kuti Tatenda achashara mukomana over isu then ini manje ndichashara Anenyasha over iwe" Kule vakadaro nehasha Ndakabata muromo "What haungaiti zvinhu zvakadaro" "Uchaona" Ndakatendeuka nekuti ndakanzwa sekunge Kule vari kubuda. Ndakasvika muroom mangu ndichitora foni ndichibuda ndichifonera Tafadzwa. "Anenyasha dzaTafadzwa" Tafadzwa akadaro "Ndinokumbira uuye kuzonditora mangwana ndinoda kugara newe Tafadzwa" "Ndinokwanisa kuuya chero manje" "Ayewa" "Okay" Tafadzwa akadaro Handisi kuzvi believer izvi asi Tafadzwa ndiye ega munhu wandinoziva muno muHarare ndakabva ndaenda naKule vaiva vakamira panze "Kule" Vakavhunduka. "Muzukuru kubva wandivhutsa kudai" Kule vakadaro ndakaseka "Kule ndaiwana nzvimbo yekugara ndinofanirwa kupinda mangwana" Kule vakashamisika. "Shuwa here?" "Ehe Kule ndafonerwa makuseni" "Asi ndanga ndichiri kuda kugara newe pano" Ndakaseka. "Chero ini Kule asi chikoro kune kure handinga dzidzi zvakanaka kana ndichiswerera kufamba kudai" "Haaa uri kutaura chokwadi muzukuru, unotaura kunge mai vako chaivo naivowo vaigara vachidaro kana vave kusada kugara pamba chero zvikoro zvisati zvavhurwa" Ndakaseka. "Saka muri kuti ndiri kunyepa Kule?" Kule vakaseka vachindiswededza pedo navo vachindihaga "Unoziva handifari nekuenda kwako ndinokumbira undishanyire usaenda zvamuchose" "Ayewa Kule ndichauya" Kule vakanyenwerera ❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Makuseni ndakamuka ndichigeza ndichigadzirira kuenda ndinoda kuenda manje handidi kana kumirira chero 1 minute ndiri pano pamusha. Mbatya dzangu ndaiva ndatodzirongedza Tafadzwa andiudza kuti ari munzira. Ndakaona Tate achimuka "Cousin uri kuenda makuseni ano?" "Please darling ndinofanirwa kuenda makuseni ano" "Okay I will miss you chommie and ndave kuzobhoekana isisipo" "Kana neniwo" "Ndichakushanyira" "Yoooh ndingafara. Ndave kufanirwa kunoudza Kule kuti ndave kuenda" ndakadaro ndichienda muroom mavo ndakasvika ndichigogodza ndichibva ndapinda mukati "Muzukuru" Kule vakadaro "Marara sei?" "Zvakanaka muzukuru, kubva wachena kudai kwakanaka?" "Ndave kuenda Kule ndinoda kusvika early" "Aaah muzukuru wangu ndichakufunga zvakanyanya" "Ndichakushanyirai Kule" "Ndiyo number yauri kushandisa paecocash iyi?" "Ehe Kule" Kule vakamuka vachitora foni yavo ndakaona mufoni mangu muchipinda mari ndakavhunduka "Kule mari yose iyi?" "Utenge zvinhu zvaunoshota nazvo muzukuru" "Asi Kule mari iyi yakawanda yamuri kundipa madii kupa Tatenda sezvo naiyewo achitanga kuenda kuuniversity muchabuditsa zve imwe mushara nei?" "Hausi mwana wangu here iwe?" "Ndiri mwana wenyu Kule" "Saka nei uchitaura uchidaro? Iwe naTatenda muri kuenzana wani muri vana vangu better ini ndife nenzara pane kuti imi mufe nenzara" "Ndinotenda Kule" Takazotaura dzimwe nyaya ndichibva ndaoneka ndichibuda ndichibva ndabuda ndakasangana nambuya "Musare mushe mbuya ndaiwana nzvimbo yekugara ndave kuenda" "Aaah wave kuenda makuseni ano?" Mbuya vakabvunza "Ehe ndinoda kukurumidza kusvika ndinogadzirisa zvinhu pachine nguva" "Okay ndichakufunga shuwa muzukuru" Nxaaa what a devil "Neniwo mbuya" ndakadaro ndichienda muroom maTatenda Akandibatsira nemabag Tafadzwa aiva atondisendera message achiti ari outside. Takabuda nemabag Tafadzwa akativhurira kuboot tichiisa mabag Tatenda aka knocker pawindow side raiva na Tafadzwa "Hee bamukuru murisei" Tatenda akadaro Ndakadzungudza musoro bamukuru vani manje "Aaah mainini murisei manga makamubata zvakanaka here mukadzi wangu" Tafadzwa akadaro "Aaaa uyu here tanga takamubata zvakanaka chete anga achinetsa achiti ari kufunga murume wake" Tatenda akadaro Tatenda anopenga here "Neniwo ndinozviziva ndanga ndichimufangawo" Tafadzwa akadaro "Tate tave kuda kuenda" Ndakadaro Tatenda akaseka tichihagana "I will miss you guys" Tate akadaro "Kana neniwo I will miss you" ndakadaro "Ndokumbira undishanyire neniwo ndichakushanyira" Tatenda akadaro "Okay don't worry" ndakadaro ndichigara zvakanaka Tafadzwa akanyemwerera "Anenyashadza Tafadzwa" "Hesi Tafadzwa" "Hezvo nazvino uchiri wakanditsamwira?" "Tiri kuenda here kana kuti tichagara pano?" "Ehe tiri kuenda" Tafadzwa akadaro achimutsa mota aingonditarisa "Ummm you look beautiful my love" Ndakangomutarisa "Hmmm say something Ane" "Ndave my love wako manje? hausi riwe wakandiramba here?" "Ndakakuramba? Aaaaa handizvizivi ini" "Nxaaa" "Usanditaurira zvisipo mai Mushavi nekuti inini handingaiti zvinhu zvakadaro benzi chete ndiro ringaramba munhu akanaka kudai" "Unofunga kuti ndichagara kumba kwako mahara here ndichabhadhara rent" "Shuwa here? shuu zvagara ndakachona ndinoida mari" "Uye handidyi newe ndichazvibikira" "Asi roja rinobikira landlord nekuti rimwe zuva uchamboshaya mari yerent wononoka kubhadhara" "Handingashayi mari yerent mukoma" "Hezvo ndave Ngoni manje?" "Handizivi asi zvandataura ndizvozvo" "I love you but" "Ko tikangonyarara nhai Tafadzwa" "Takagumana kare saka tinofanirwa kutaura" Handina kumupindura takafamba kusvika tasvika kumba kwake. Ndakabuda mumota make achivhura boot achitora baf rangu neniwo ndakatora zvimwe zvanga zvasara tichipinda mumba. Akatora bag rangu achienda naro muroom make "I need my room" "Why?" "Please Tafadzwa" "Okay fine" Tafadzwa akadaro achiendesa bag mune rimwe room. NARRATED Aiva masikati apo Mpume aiva busy kuita pose paanogona kuitira kuti mwana wake ave nani. Zveshuwa Popo akatanga achirwara zvekuti dai aiva atova nani. Asi dzimwe nguva anova nani dzimwe nguva worse "Mhamha handichazivi kuti ndiite sei ini mwana wangu ari kufa uyu" Mpume akadaro achichema "Mwana mudiki kudai Mpume unofanirwa kufonera vekwaZvayi mwana uyu ari kufa" "Mhamha mhamha" Popo akadaro achichema achiumburuka pamubhedha akabata dumbu "Usachema mwanangu uchava nani ndichakuendesa kuchipatara" Mpume akadaro achitora mwana achimumhanyisa kuchipatara namai vake "Ndichatarisa mwana fonera baba vake" mai Mpume vakadaro Zveshuwa Mpume akatora foni achifonera Munya "Munya ndiPopo zvamutanga futi zvekurwadziwa tamuendesa kuchipatara" Mpume akadaro "Saka wanga usinga ndiudzi nei kuti mwana wangu ari kurwara?" Munya akabvunza "Ndiri kukuudza wani nhai Munya" "Wava kundiudza nekuti mwana wangu ave kuchipatara?" "Hayi mhani Munya mwana ari kurwara iwe uri busy nezvako, mwana ari kurwara zviri kwauri kuti unouya kuchipatara here kana kuti kwete" Mpume akadaro achikata foni TAFADZWA Ndaive ndakagara muroom mangu ndichikufunga nezva Ane handichazvidi zvekuti ndive distance naye ndakaenda muroom maiva ari "Ane" "Hmmmm" "Tinofanirwa kutaura hatinga gare takadai" "Taura" "I love you so much" "Oooh Tafadzwa" "Ndasiya hupenyu hwandanga ndichirarama just for you hazvingaite kuti ndirasikirwe newe ndaona kuti mari haisi chinhu kunze kwako" Ane akanditarisa asinga ndibelieve "Ndinoziva kuti haunga ndibelieve asi ndiri kukuudza chokwadi babe ndinoda kuti tirege kurwa tirarame hupenyu hwedu" Ane akanditarisa kwenguva yakareba "Zvinhu zvauri kutaura ichokwadi here?" "Ehe ichokwadi babe" "Asi iwe wakati haunga chinje nekuda kwemusikana" "Ehe ndakazvitaura izvo ndanga ndisati ndava realiser kuti im nothing without you" "Usada kundinzwa Taffy" "I promise you handisi kutamba newe Ane" "I love you Tafadzwa" Ndakanyemwerera. "Unondida zveshuwa?" "Ndinokuda Tafadzwa naAnenyasha" Ndakamuhaga. "Ndinokumbira tisiye zvose zvatiri kuita tibehave sevanhu vakuru manje. Nyaya yedu yekurwa ini handichaidi" "Ndinokuvimbisa ndave kubehaver babe" Ndakadaro tichihagana nekukisana No handichakwanisi kurarama nenzira yakadai ndave kufanirwa kumuita mukadzi wangu. Mpumelelo Ndiri kutenderera pachipatara sezvo mwana wangu ari pasituation iyi naMunyawo haachasviki kuti aite something. Ndaingopiswa newiwi nonstop nekuda kwehana yairova ndakaenda kuchimbuzi ndichiburitsa foni yangu ndichifonera mai Munya ndichivaudza kuti mwana ari kuchipatara. Ndakagara muchimbuzi ndichitya kudzokera kuwaiting room ndakamira ndichichema ndichifunga nezvemwana wangu. Pandakatarisa padoor ndakaona Munya, ndakaswedera paari ndichida kumuhaga . ndakanzwa kurerukirwa ndakanzwa kunge pane zvinhu zvaachaita kuti mwana wedu ave nani. I think munhu wese anozviita izvozvo. Ndakaenda kwaari ndichimuhaga ndichichema asi Munya akandibisa paari achindirova negwati rembama rakandidonhedza pasi. Ndakavhunduka ndichishamisika tine makore akawanda tichizivana naMunya asi haana kumbobvira akandirova akandisimudza zverough.. ndakapererwa nemashoko ndisingazivi kuti ndoti kudii "Chii chauri kuita hee? unondiudza late kuti mwana wangu ari kurwara?" Munya akabvunza "Ndanga ndichi.......... Handina kupedza kutaura Munya akandipamha nerimwe gwati rembama achinditsimbirira pamadziro. "Unondikuvadza Munyaradzi!!!!" "Handina kukuudza here kuti handidi kuti mwana wangu auye kumba kwenyu?" Munya akadaro akandibata muhuro "I'm sorry Munya" Paaida kundirova zve ndakanzwa mafoot steps aiuya kwandiri akabva andidhonzera paari achindihaga "Please Mai Jay chirega kuchema mwana achava right" Takaona mhamha vakamira mberi kwedu "Madoctor ari kukutsvaga mwana a........." Mhamha havana kupedza ndakavhura maziso "Mhamha mwana wangu arisei" ndakadaro ndichimhanya ndichienda kuward yaiva naPopo End of chapter