EPISODE 1 STORY BY MALVERN NDLOVU   #Adventure Notice : No copyright . this book is shared by the owner only . Book not edited . Please enjoy the reading it's only entertainment not a real story . I and my team Godfather Home of stories we thank you for the support . To support the GHOS company you can inbox +27656275124 .We don't share previous chapters for free .. .   Full book coming this September 2 join us here https://chat.whatsapp.com/H5E76z2HbGHL07ngggQuTZ   Mai  T :Mwanangu chimuka kwaedza chienda kwandakakutuma '.     Tonde ' Ok regai ndiende mhamha '.       Tonde akamuka akageza kumeso ndokuti tande akananga  musango kunovhima .Semazuva ese ayienda kunotora Amos kuti vaende vese kunovhima .Vakomana vakapinda musango zuva richangobuda ndokutanga kuvhima pasina imbwa asi vane uta ne miseve bedzi .Tonde akanga ane chipo chekuvhima asi Amos ayingova muperekedzi ayitya chero mbeva zvayo ....     Tonde : ' Iwe tarira ka 50 years ago vanhu vakatambura mudunhu rino pasina kana chekudya ne nhawu ye zai ne tsvimbo saka zvikaitika uchadii iwe usina kushinga se murume '.     Amos : ' Watanga nhawu yako manje haiviri usina kana kumboitaura nhawu iyoyo .Inzwa unzwe , zvakaitika 50 years ago hazvichafi zvakaitika futi and ini ndinoziva nhoroondo kudarika iwe  saka hapana chaunondivudza '.       Tonde  : ' Heya ini wangu muromo ndavhara munozoti muromo yana Tonde haimharwi ne nhunji pano '.       Amos : ' Hahaha  iwe hande  kumba nyama tava nao '.     Tonde : ' Asi hupfu hakuna kumba '.       Amos : ' Izvozvo tinozvivona tasvika kumba unokuya ka '.     Tonde : ' Hakutorina chibage chacho '.       Amos : ' Tinokupa kumba '.      Vakabva vapinda munzira kudzokera kumba ndokusangana ne mhandara ya Mambo .Vakomana vakabva vapfukama vachidarika . Mandara ya Mambo payakavona kuti ndi Tonde yakabva yati .....     Amanda : ' Muri kubva kupi uye nyama maiwana kupi ?'     Amos ' Tiri kubva ku Chenhimbe ndiko kwatawana ka Tsuro aka '.     Amanda ' Handisi kutaura newe ndiri kutaura neuyo  akatsikitsira '.     Tonde ; ' Ruregerero ndavonac shamwari yangu yapindura '.     Amanda  : ' Nyarara apo vonai kudzungaira . Nyama iyoyo kurumidza kurasira muvhura izvezvi '.       Tonde : ' Handikwanisi kudaro ndatumwa na amai '.     Amanda ; ' Handinei nazvo ita zvandareva '.       Tonde akabva asimuka ndokutarisa nyama yake ndokutarise Amanda ndokubva apukuta musodzi ndokubva akanda hake nyama mumvura '.     Amanda ; ' Enda hakuna kwaunoreva '.     Tonde ' Yaaa ichokwadi '.       Tonde ne shamwari yake vakabva vaenda zvavo kumba ......       Amos ' Ko nai sahwira nei mwana wa Mambo asingadi kukuvona ?'       Tonde '  Sahwira can't wait kuzoti andivudze kuti nei akatimaka ini ne mhuri yedu '.     Amos : ' Asi waita hako hauna kuda kupikisa waivurawa unongomuziva mutemo ye muno . manje uchasvika uchiti chii  kuna amai vako ?'       Tonde ; ' Vari kutozviziva kuti ndizvo zvaitika  '.       Vakomana vakabva vaenda zvavo kumba .Amanda akabva asvika pamba pa sahwira wake ....     Tsitsi ; 'Aaaa sahwira atovuya ?'     Amanda : ' Ehe ndati ndivuye makuseni ano '.     Tsitsi ; ' Inga wagona hako asi pane chinhu chiri kundinetsa nei wakatsamwa ?'     Amanda ; ' Ndi Tonde anonditsamwisa manje hasi kuziva kuti ndine simba kudarika rake '.     Tsitsi ; ' Sahwira ndiri umwe wako ini handingakurudziri kuti uyite zvakaipa ko Tonde wakambomumakirei ?'     Amanda  ; ' Tsitsi handina kuvuya pano kuti uzonditongesa handiti . Last time ndakakuvudza kuti usanditsivura kutamba newe hazvirevi kuti takafanana  .Ziva kuti ndiri mwana wa mambo iwe uri muranda '.     Tsitsi ; ' Mira kusimudza inzwi ndiri kungotauravo ini .Dai wambomira kutonga ne demo hama yangu hupenyu hwunochinja uhwu '.       Amanda ; ' Uri benzi re shamwari nhayi hautsivuriki manje Tonde waunofarira iyeye rega unzwe zvaachaitwa nhasi '.       Amanda afuratira ne hasha ndokuenda kuzunde ra Mambo kunoreva .Ipapo Tonde akanga achangosvika pamba  ....     Mai T : ' Hoo ndizvo zvaitika mwanangu hapana kuipa zvinowanikwa '.     Tonde : ' Asi nei ini amai ndakamutadzirei ?'     Mai T  : ' Anenge akanzwa tsananguro .'     Amos ; ' Dzekuti chii ?'     Tonde : ' Dzekuti ndichava mukuru mudunhu rino '.     Amos : ' Manje anogorwadziwa nei iye ari munhukadzi ari ari murume pamwe taifunga kuti anotya kutorerwa chigaro '.     Mai  T ; ' Hazvina kuipa vanangu idyai mutakura  wandabika '.       Vakomana vakabva vatanga zvavo kudya . Vari  busy kudya kudaro vakabva vaona machinda a mambo achisvika pamba ....     Jinda 1 : ' Zijaya handisi kuda kukubata nditevere ndiende newe kwa mambo izvezvi '.       Jinda riri busy kutaurwa hwamanda yakabva yaridzwa mudunhu zvichireva kuti munhu wese ayidiwa mudhunu . ....     Mai T : ' Kwakanaka here kwamoda mwana wangu ?'       Jinda 1 : ' Izvozvo muchazvozvinzwira kudare isu tiri vanyayi bedzi '.       Tonde : ' Amai handei hwamanda yaridzwa kureva kuti munhu wese ari kudiwa kuzunde ra mambo '.     Vakabva vabuda ndokuenda kwa Mambo vakatowana munhu wese akatomira .Amanda akanga achiratidza kuti akanga akatsamwa .Tsitsi akaziva kuti pane zvaita Amanda kuti vanhu vavungane .Ipapo zuva rakanga roda kuvira vanhu vakamirira kuti Mambo vataure ....       Mambo : ' Vuyayi naye kuno vanhu vese vamuvone .'     Village iyi yakanga iri diki and vanhu vaivamo vaingova hama bedzi pakanga pasina vatorwa . Tonde akabva ayenda mberi ndokusvika achipfugama akatarisa pasi ....     Mambo : ' Ndisati ndatanga kutaura nawu yandakudanirai pano regai nditaure ka short story . Makore apfuura madongi achiri ne nyanga mudunhu rino makanga mune muchero yakanga yakawanda se zvamuri kuvona izvezvi .Zai ne tsvimbo zvakanga zviri mumavoko akanaka chero mvura yainaya . Asi ne mweya wakasimuka madzimabo edu akabva arwa ne mukadzi wake ndokusvika achiwia pazai .Zai ndokubva rabutsika tsvimbo ikabva yafufunyuka .Mangwana kuseni mudunhu makamuka musina mvura michero yakabva yaoma mhuka dzikabva dzatanga kufa . Vanhu vakafa ne nzara vakawanda kusvika madzitateguru edu asarudza kuenda kunotora zai kure kusina vaviri vakadzoka .Zai ne tsvimbo zvakabva zvavuya asi munhu akavuya nazvo akashaika musi waakasvika hana kutaura zvainge akavona .Kubva makore iwayo hatina kumbovona nhamo . Manje nhasi nhawu yativunza pano ndeye mukomana uyu asingadi kuvona mana wangu chikonzero handichizivi saka ndati ndimuvhunze muripo kana tava kumutonga moziva kuti tatonga zvamavona mese .Saka nayi zijaya zimhandara rangu wakarimakirei ?'     Tonde : ' Pamusoroi mambo ne dare renyu nhwu yamuri kutaura ini handisi kuiziva musikana uyu ndinomuremekedza zvisingaiti '.       Mambo : ' Saka ari kunyepa ka ?'     Tonde : ' Iye ngataure kuti nhasi ndamuiteyi ?'       Mambo : ' Uri kupedza nguva yangu iwe .Ukaramba uri mudunhu rino ungapedzisira wabata mwana wangu saka ndinokupa sarudzo mbiri [2] kufa kana kubva mudunhu rino '.       Tindo ; ' Mambo munozviziva kuti takapodzeredza ne mvura anda hakuna kwandoziva kunje ke dunhu rino pedzi and kufa handiti '.       Mambo voda kutaura vakabva vaona rimwe Jinda richivuya richimhanya ndokupfukama pamberi pa Mambo .....       Jinda : ' Pamusoroi Mambo pamusoroi dare ndine chikepe chandavona chiri parujinga pe mvura asi chine munhu ane ganda jena asi akasimudza mavoko kuratidza kuti ari kutya '.       Mambo ; ' Manje munhu wacho aripi ?'       Jinda ; ' Ndamusiya akangomira '.     Mambo ; ' Endai kunomutors   asi  musamuvuraya ndomuda ari mupenyu . Vanhu vese garai pasi iwe zijaya fana kufunga kuti uri kuda zvipi '.     Majinda akabva amhanya kurwizi ndokusvika ndokuwana munhu uya akangomira ....     Jinda 1 : ' Varume munhu uyu hatidyi here uyu ?'     Jinda 2 ; ' Handifungi ini ko akapfeka hembe dzakadii isu takapfeka zvigumba ?'     Jinda 1  ' Ndosaka ndavhunda kuti havatidyi here '.       Jinda 3 ; ' Varume harusi rwudzi runodya  vanhu urwu ini ndakavona mufananidzo vanodya vanhu vatema tema isu tiri nani '.     Jinda 1 ' Saka isu todii manje ?'     Jinda 3 : ' Handei ne museve yedu '.       Majinda akabva abudikira akakoka museve .Murungu uya akabva avhunduka ndokupfugama pasi ndokusimudza mavoko mudenga .Majinda akabva apinda muchikepe ndokutora murungu uya ndokubva vatora nema bags ake ese ndokuenda naye mudunhu .Vanhu pavakaona murungu uyu vakavhunduka ndokutanga kuzevezerana ....       'Aaa tarisai zvaakapfeka anobvepi munhu uyu '.       Vakabva vaenda naye pa sie na Tindo ndokupfugama ipapo. Mambo vakabva vasimuka .......       Mambo : '                    Mukomana wadonha kubva kupi ?'     Thomas : '  I'M Thomas i come in peace '.     Vanhu vese vakabva vatanga kumuseka ne kuti vakanga vasinganwi kuti ari kuti chii . Mambo vakabva vatanga kutaura ne mavoko .......       Mambo ; ' Ndati ndiwe ani uye wakadonha kubva kupi ?'       Thomas : ' Oo ok that one .ndinobva ku guta kuzere ne vanhu ndangoti ndikushanyirei kuno ndikudzidzisei zvakawanda '.     Ipapo Thomas ayitaura ne mavoko kuti vanzwe .......     Mambo  : ' Hahaha iwewe unoda kutidzidzisei zvatisingazivi muno ?'     Thomas : ' Ndoda kukudzidzisai kuraama nyore uye nekudya zvinhu zvine hwutano '.       Mambo : ' Kana wadzidza unozoda kuripiwa nei ?'       Thomas : ' Hapana hangu kungobetserana hedu '.       Mambo ; ' Ok hapana kuipa asi ndichatanga ndanzwa vamwe kuti vanoti chii ?'       Thomas ; ' Musati mavavhunza kui vanodei vhurai muma bags ayo muvape chikafu '.       Majinda akabva avhura bag rekutanga ndokuwana mune chingwa rimwe ndokuwana mune drink rimwe ndokuwana mune ma cups . Mambo vakabva vatambidzwa cup ne murungu ndokudira drink ndokuvapa chingwa . Mambo vakabva vadya ......       Mambo : ' Hmmmm ko ichi chii manje ?'     Thomas ; ' Iyi ndiyo inonzi cup inonwisa mvura ,drink ne doro . Ichi ndicho chingwa chinobika ne flour iri ndiro drink racho rekunwisa chingwa'.     Mambo : ' Chiri kunaka ipavo vanhu vangu . ...     Vanhu vakabva vapihwa vese ndokunzwa kuti zviri kunaka zvechokwadi ....     Mambo ; ' Saka muri kuti chii manje hama dzangu munhu uyu todii naye ?'       'Murovei kuti avuye ne zvakawanda '.     'Kana musamurova mupei mukana agare muno tidzidze zvakawanda '.     Mambokadzi : '                    Pamusoroi hongu chikafu tadya tanzwa kuti chiri kunaka ko tadii tavhunza vadzimu kuti zvakanaka here kana kuti zvakaipa kuti titambire munhu uyu .Munhu uyu hatimuzivi ko kana ayisa mushonga muchikafu ichochi .Ko kana avuya kuzoba zai kana kutozoia zvimwe zvinhu .Rangarirai mashoko akataurwa ne vakuru vedu kuti chese chinhu chitsva chakaipa '.     Thomas akabva azevezera kuna Tonde .....       Thomas : ' Ko varikuti chii mai avo varikuita kunge vari kupopota '.     Tonde hana kukwanisa kupindura sezvo asina kunzwa kuti  ari kuti chii '.         Mambo : ' Nhawu yenyu tainzwa murandakadzi asi zvimwe zvinoda kuzama .Saka munhu wese ngaende kumba kwake tovonana mangwana pano kuseni totaura nhawu iyi .Iwe Tonde fana kufunga nhawu yako ndichadzoka kwauri '.       Vanhu vakabva vasimuka ndokuenda zvavo kudzimba dzavo .Ipapo Thomas akangosara akagara akamirira kuvudzwa zvekuita . Mambo vaiva muimba yavo vachitadza kugara ne kufunga nhawu iyi ipapo Amanda akabva asvika ....     Amanda ; ' Ko baba masiya Tonde achienda sei ko madii kuti ayite mushandi akamirira kutongo wako '.     Mambo ; ' Ruregerero mwanangu ndichapagadzirisa ipapo .Nhawu yandivhiringa ndeye muyenzi asvika uyu '.     Mambokadzi vakabva vapinda mumba ......     Mambokadzi : ' Amanda tsika yekupinda mumba mangu na baba vako wakaiwana kupi ?'       Amanda : ' Ruregerero amai '.       Mambokadzi : ' Kurumidza kubuda muno imwi baba nei muchisiya mwana muno ?'       Mambo : ' Anga achangopinda asi ndanga ndichida kumuvudza '.       Mambokadzi ; ' Ok izvozvo ndazvinzwa ko chii chaitika panze apo ?'       Mambo ; ' Handisi kutoziva kuti chii chiri kuitika pandiri asi ndine faith kuti zvinhu zvichachinja mudunhu rino '.     Mambokadzi : ' Murume wangu handisi kuita kunge ndiri kukutonga asi izvi dai wasiyana nazvo .....     Vari pakati pekutaura Jinda rakabva ramira pamusuwo ....       Jinda ; ' Pamusoroi Mambo muri kudiwa panje ne murungu uyu '.     Mambo : ' Regai ndiende kunzwa kuti ari kudei '.       Mambo vakabva vabuda panze ndokuwana pane chiedza vanhu vakatoungana ......   Mambo : ' Ko chii chiri kuitika pano vanhu vaungana kudaro and chiedza chabva kupi ne kuti jenaguru hakuna ?'     Thomas : ' Pamusoroi mambo ndanga ndisina kukuvudzai aya ndiwo anonzi ma light anoshanda kuvunza chiedza '.       Mambo ; ' Ko ichi chii chiri kubuda ne vanhu ?'     Thomas : ' Ohh mune zvakawanda zvamuri kuda kudzidza iyi ndiyo inonzi laptop yamunokwanisa kuvona ma movies akaita seiyaya '.       Mambo : ' Ok ndipe yangu ndinovona ndakagara hangu '.     Thomas akabva avapa imwe laptop .Machinda a Mambo akanga atokangwana basa ava kutovona ma movies .Thomas akavona kuti vanhu varivara akabva asimuka ndokutsvaka pane network ndokuisa message kune vamwe vake .     Thomas : 'Hie guys i'm in but i'm still checking the egg please prepare my 12 billion '.       Thomas akabva adzokera kune vamwe kunge hapana zvaitika .Manheru iyayo Amos hana kuenda kumba kwavo akabva  agara kwana Tonde .....     Tonde : ' Ini handisi kuziva zviri kuda kuiika mudunhurino '.     Amos : ' Chero  ini wangu ndiri murima chaimo '.     Mai T ; ' Pari kutanga iwe nhoroondo ichataurwa ne vazukuru vedu se yakaitika kare '.     Amos : ' Saka murungu uyu ari kudei manje ?'     Tonde ; ' Ndizvo zvatinoda kuvona .Baba vangu vakasiya vataura kuti muhwupenyu chawada ita chero zvichida kuripwa ne kufa ita chete '.     Mai T : ' Maybe angovuyavo kuzoshanya   '.     Amos : ' Hahaha asi zvinhu zviya zvinonaka shame moti vanhu vangadzinga munhu uya here?'     Tonde ; ' Ipapo ndipo pachafira tsoro yedu yekuda zvinhu zvitsva isu tajaira kurarama ne muchero '.     Mai T ; ' Asi pane nhawu iri kundidya ini and panoda zano nguva ichipo '.     AMos : ' Inhawu yeyi ?'     Mai T : ' Yekuti Tonde avurawe kana kubva mudunhu rino '.     Tonde : ' Amai zviri kundidya moyo kufa handidi kuenda handidi manje ndoita sei ?'     Mai T : ' Mwanangu hapana rimwe zano pane kutoenda hako Unoda kuti akuvuraye ndakatarisa here ?'     Tonde : ' Kwete amai asi kwese kufa ko ndikabatwa ne vanhu vaya vanodya vanhu ndinodiyi manje ?'     Amos : 'Kungofa '.     Mai T : ' Amos mira kuvhundutsira .Tonde wava murume unogona kurarama iwe saka handikutyiri .Iri ndiro rega zanu randiri kuvona rine ka hope kuti uchararama '.     Tonde : 'Ka hope amai ! muri kuvona kuti hamutorina chokwadi  kuti ndichararama .Hakuna akaenda akadzoka zviri pachena kuti ndatofa ka '.     Amos ; ' Sahwira mashoko amai vako akanaka chaizvo asi ndokumbiravo ungovaterera kekupedzisira chete '.     Tonde akabva abuda panze kuti arohwe ne mhepo ......     Tonde : ' Aaaa nei nhasi jenaguru riri pamba pa Mambo '.     Vakabva vabuda panze kuti vaone kuti chii  chakanga chiitika ....     Mai T : 'Asi jena guru rakangobuda kwa mambo chete kana kuti pane zviri kuitika '.     Amos : ' Murungu uyu achativuraya hedu '.     Vakabva vazipinda mumba zvavo .Manheru iyayo dzava nguva dzekurara .Thoas akabva apihwa rukukwe kuti avate pamusoro paro ....       Thomas : ' Ko machira acho aripi ?'     Jinda ; ' Ndochii ichocho ?'       Thomas : ' Chinhu chekufuga kana wakurara '.     Jinda : ' Isu tongovata se mhuka zvauri kutaura hatmbozvizivi '.       Thomas akabva arara hake .Manheru e zuva iri Tonde akabva arota hope ana baba vake .....       Baba T : ' Wandimutsirei ?'     Tonde : ' Handina kumbokumutsai baba '.     Baba T : ' Shungu dzako ndidzo dzandimutsa ndosaka ndavuya mu hope mako '.       Tonde ; ' Hongu baba ndine shungu dzakawanda and ndine mivhunzo yakawanda inoda kupindurwa '.       Baba T : 'Ndosaka ndavuya pano kuti uzive zvaunoda kuziva uye uvhunze zvaunoda kuvhunza '.     Tonde ; ' Ndoita sei baba ne kuti handidi kufa ndisiye amai vari vega '.       Baba T ; ' Ita zvavakakuvudza tiza une tariro ye kuti uchadzoka zvekare and muchasangana '.     Tonde : 'Zviri munzeve baba asi ka handisi murwi ndiri muvhimi bezi '.     Baba T ; ' Haisi mhosva yako ne kuti kubva pawakakura hauna kumborwa asi nyora dziri muropa rako dzine mangoromera chaiwo '.       Tonde ; ' Ko pano ndepapi patiri  pari kuratidza kuti padongo uye pane mabonyo e vanhu vakafa ?'     Baba T : ' Ndafara kuti wazvivona pano ndipo pamuzinda wa mambo '.       TONDE ; ' K o nei pakadai '.     Baba  T ; 'Dunhu renyu richasara riri dongo vanhu   vese vachabiswa mudunhu vamwe venyu vachavurawa kunyanya varume .Vakadzi vachatorwa ndokuitwa vakadzi kune imwe nyika '.       Tonde : ' Saka regai ndivudze mambo kuti murungu uyu akaipa '.       Baba :  ' Kwete hapana anokunzwa and unovurawa saka kana kwa chena vudza mambo kuti ndiri kuda kubuda hangu mu dunhu . '       Tonde : ' Zvozodii hakuna akadzoka uko ko amai vanosara nani '.       Baba T ; ' Tonde mwanangu tora chuma ichi .Chichakuchengetedza pa zvivuya saka enda unoita zvandareva '.       Tonde akabva apepuka akabata chuma chiya .Akabva aenda panze ndokumira akachitarisa .....       Amos : 'Sahwira koamira panze kwakanaka here ?'     Tonde : ' Yaaa wanga uri right rega ndibude mudunhu rino maybe tichazovonana . '     Mangana kuseni munhu wese akamuka akatogadzira kuenda kwa Mambo .Thomas akabva ayenda pachikomo kuti atarise ma message akabva awana pane message .....     'Hie Thomas i soo your message and we are happy .good news is we have your 12 billion with us here so tomorrw will meet around 12 am please come with the egg '.     End of Episode Thank you for reading