Episode 23 Story by Malvern Ndlovu #Adventure #book not edited Demon "Come Tonde ndikuratidze zvauri kuda kuvona ". Tonde "Show yourself ". Demon "Iwewe nditevere chete ". Tonde akabva atanga kufamba zvishoma achienda ikoko .Akabva avona baba vake mberi kwake .... Tonde "Please musavuraya baba vangu ". Demon "Vuya uvatore Tonde ". Tonde "Baba ndiri kuvuya kuzokutorai ". Tonde akabva atanga kufambisa achienda ikoko .Akuda kufamba step yekupedzisira Baba Amos vakabva vamubata .Tonde akabva avhurika maziso ndokubva atanga kuvona zigomba re moto pamberi pake ...... Tonde "Ko chii chaitika baba vangu ndavaona apo ini ". Alice "Vanga vasiri baba vako Tonde ". Tonde "Saka changa chiri chii ?" Baba Amos "MA demon anokupa muvono we nhema kuti uparare". Tonde "Ko Mambo na Timoty varipi ". Mambo "Tiri pano zvandanga ndichivona muno mwana wangu ne mukadzi wangu bedzi ". Tonde "Saka ngatibudei hedu ". Alice "Manje todii ne Tsvimbo zvese na Elvis ". Tonde "Ndine zano asi ngatitangei tabuda muno izvezvi " . Vakabva vatanga kumhanya ipapo sound yakanga yoitika pasi apa yanga yava kutyisa .Vakasvika panze ndokuwana sekuru vakatogara ne vamwe .... Sekuru Tembo "Aaaa muri vapenyu ?" Tonde "Ehe ". Alice "Wati plan ndeipi manje Tonde ?" Tonde "Sekuru ndiri kuda rubatsiro rwenyu ". Sekuru "Uri kuda kubatsirwa nei ?" Tonde "Rondai Tsvimbo yehwumambo ne kwaenda Elvis munozvigona ka ?" Sekuru "Hongu asi zvinotora ka nguva ". Tonde "Nguva ndiyo yatisina sekuru Mongolia zvinhu zvenyu muchikurumidza ". Sekuru Tembo vakabva afunya chisero ndokuvhara maziso ndokubva vati zii vachitanga kuronda kwakanga kwaenda Elvis zvese ne Tsvimbo....... Ipapo zuva rakanga ratokwira apo pakazopepuka Ngoni akasengwa ne vanhu ve mumvura .... Ngoni"Mirai tasvika mudunhu ". Seu"Ok mukadzikei pasi ". Vakomana vakabva vamukanda pasi ..... Ngoni "Aaa mondikuvadza ". Seu "Ndati mukadzikei handina kuti mukandei pasi .So zvatasvika toita sei kuti tiwane vanhu ava ?" Ngoni "Pane zvakaitika mudunhu rino dai tatonzwa vanhu plus tarisai dunhu rese rakapiswa manje vanhu vacho tovawana sei ". Seu "Kana uchida kurarama ita basa rako kwete kuda kuvhunza inini ". Ngoni "OK ngatigarei pano vamwe vanhu vaviri ngavaende ku gomo iro vatarise kune moto kana kwavira ". Seu "Manje gomo iro ihombe ka isu hatina kujaira kumakwira". Ngoni "Muri kuda Tsvimbo here kana kuti muri kuda kufa kuno .Tikangoenda tisina kuziva kuti varipi vanotigomba tikapera tese pano " . Seu "Olk vakomana 2 endai ku gomo uko munogara ikoko kusvika kwavira . Ndoda kuti mutarise kuti moto munouvona kupi tigoendako .Kana mavona moto kurumidzai kudzoka titange kufamba ". Vakomana vaviri vakabva vamhanya kugomo zvavo .Ngoni ne team ra Seu rakabva rambozorora rakamirira kuti manheru asvike ..... Tonde "Sekuru hamusati mapedza here ?" Sekuru "Yaaaa ndavona zvese zvaitika asi sango rino rakaoma .Tsvimbo iri mu mvura umu asi manje makadzika zvisingaiti handizivi kana uchigona kuzobata mweya wako nguva yakareba ". Tonde "Ndiri muvhimi handisi mushambiri ini ". Sekuru "Ndiwe wega unokwanisa kubata Tsvimbo yehwumambo saka hapana anokwanisa kuenda .Mvura ine simba iyi saka zvoda ungwarire nekuti ukaenda hausi kuzodzoka ". Alice "Yooo iyi ndiwo inonzi mission impossible chaiwo ". Tonde "Ko Elvis wacho ari kupi ?" Sekuru "Pana Elvis izvezvi panotyisa anytime anogona kuitwa vusavi ". Tonde "Aripi Elvis wacho sekuru ?" Sekuru "Ari mumusoro me giant ranga richigeza apa kuti aburuke rinonetsa saka anotomirira kuti rivate ". Mambo "Manje kuburuka zi giant riya zvakangofanana ne kuburuka gomo zvoda nguva futi ". Tonde "Ndine plan regai nditange ndatora Tsvimbo kutanga ." Alice "Please udzoke " . Tonde akabva ajambira mumvura ndokutanga kudzika pasi pasi .Se munhu akanga asingagoni kugara mumvura nguva yakareba mweya wakabva watanga kutiza zvishoma ne zvishoma .Asi mukomana akaramba akashinga achidzika hake .... Ari pakati pe kudzika akabva avona Tsvimbo iri pasi pe mvura kuti asvike simba rakanga rava shoma asi akazama kuenda pasi. Imwe hove yakabva yamurova kumisana mukomana akawedzera kuenda pasi zvino akanga angoti zii mweya ichangoenda .Hove yamamurova zvekare mukoma achisvika achirovera pa Tsvimbo mweya wake uchibva wadzoka wese asi akanga akugona kunzwa zvese zvaiitika pasi pe mvura ..... Tonde akabva abata hove mbiri hombe hombe ndokusvetwuka kubva pasi pe mvura achisvika achimira panze pe mvura akabata Tsvimbo yake ...... Timoty "What that......". Alice "It's magic ". Tonde "Pane ari kunzwa nzara here ndavuya ne hove ". Sekuru "Ehe asi ini ndaoinzwa ne chando tadii tatsvaka pane bako tambohwanda mvura zvishoma ". Tonde "OK hapana kuipa handei tichitsvaka ". James "Ngatifambisei veduwe ini ndikunzwa nzara chaiwo ". Vakabva vafamba ndokusvika pamusoro soro pe gomo apo vakanga vachivona zvese zviri mudunhu rema giant aya. Vakabva vapinda mubako ndokugara havo .Baba Amos vakabva vavesa moto ndokutanga kugocha havo hove dziya . Alice akabva abuda panze pakanga pana Tonde ..... Alice "Uri kuiyeyi hako ?" Tonde "Ndiri kumbovona kuti topinda sei mudunhu iri tisina kana kuvonekwa" . Alice "OK asi ndoda kuti undividze kuti chii chaitika pasi pe mvura apo" Tonde "Hapana chamboitika apo ndangotora Tsvimbo chete". Alice "Mubudiro wawaita ". Tonde "Wanga uchida kuti ndibude sei ?" Alice "OK zvapera pinda mubako urege kuniwa ". Tonde "Ndiri kuvuya ". Alice akabva apinda mubako ndokuenda kunogara ku side kwanga kuna Timoty ..... Timoty "ko nei wakasuwa?" Alice "I'm worried about him ." Timoty "Usawara ne zvake anogona kuzvichengeta ". Alice "It's not about kuzvichengeta but it's about to control his power now its seems like mvura yava friend yake ". Timoty "Nei wadaro ?" Alice "Ari kutitaura nawo ". Timoty "Saka manje zvorevei ?" Alice "Handisi kuziva but it means like pane danger because aka trust everything hazivi chichamuvuraya .Pane secret ine book iri yandisati ndavona ". Tonde "Yaaaa ndavona mupindiro watichaita so kana kwati svibei tinobva tapinda". James "Pane kusviba kunodarika uku here ?" Tonde "Ehe muchakuvona ". Tonde akabva adambura hove ndokugara pasi ndokutanga kudya hake . Vanhu vese vakabva vatanga kudya vachitaura havo nyaya ..... James "Saka tikawana the egg of life racho tinoenda sei kumba ?" Mambo "Tinozvivona kana tawana zai izvozvo ". Sekuru "Ari right tofanirwa kugara taita ma plan ese ". Mambo "OK sekuru , James newe mukomana muboenda kunogadzira chikepe kana tavuya towana zvanaka " . Tonde"Kwete izvozvo hazvibudi ndine rimwe zano saka tiri kuenda tese kunotora zai ". James "Ma plans ako ari risk iwewe uchada backup unoiwana kupi kana taenda tese?" Tonde "Hakushandi backup kuno kunoshanda force chete ". Timoty "OK handisi hangu kupikisa ko ma giant aya tomavuraya sei manje ?" Tonde" Hatisi kuzovuraya kana munhu pano asi tiri kuzomararisa ne chikonde konde " . Timoty "Ndochii ichocho ?" Alice "Mukaka unowanikwa mumuti ". Tonde "Saka gadzirirai tiende hedu sezvo kwatovira ". End of episode