EPISODE 46 STORY BY MALVERN NDLOVU Tonde ari mu hope kudaro achitiza ma demon aya .Akabva agumburwa ne dombo ndokubva awira pasi .Akabva avona demon ranga rine ma face akawanda pa munhu umwe chete . Tonde akabva avona face ya David iropo .... David ' Hahahaha taangana futi manje rwendo rwuno haumbofi wakandikunda ', Demon rakabva ramurova Tonde achibva awira kure achida kumuka akabva adhonzwagumbo ndokuiswa mudenga musoro pasi makumbo mudenga .Demon riya rakabva rachinja kuita shato Tonde akabva avona yakamumonerera kusvika pa huro .Maziso a Tonde akanga ayita white se munhu ava kuda kufa ipapo akabva ayisa mavoko ake muhomwe dzese ndokubva atora chuma chaakanga akapihwa na mai vake ndokutanga kurangaririra mashoko a mai vake ekuti ''Kana zvaoma batanidza zvuma izvi ''. Tonde akabva azvibatanidza ipapo pakaita kunge paputika bomba nyoka ichiwira uko Tonde achiwira uko .Demon rakabva rachinja kuita munhu ane maface akawanda .Tonde paakanzwa kukirisana akabva avona baba vake vakapfeka hembe dzemurwi apa vakabata pfumo re gold .Demon na Baba Tonde zvakarwa kwechinguva kuchika demon rabaiwa ne pfumo mumudumbu .Ipapo demon rakabva ratanga kufufunyuka kusvika pakupera .Tsvimbo yakabva yasara yakamira ichihwinya ... Tonde akabva asimuka akatarisa baba vake hapana chaakakwanisa kutaura ..... Baba Tonde 'Waita ukandidana kubatanidza kwawaita zvuma izvi zvaite kuti ndichikuvudza chokwadi .Ndiri mwana ndakatorwa ne njuzu . Ndakazobudiswa ndakura ndine zvuma mumavoko angu .Ndipo pandakasangana na mai vako ndikavapa chimwe chete ,Mambo vaida musikana wangu asi hazvaita sezvo ndiri ini ndaivapo .Saka ndakasarudza kuvata na mai vako ndisati ndavaroora kuitira kuti vasazotorwa na Mambo sezvo ndakabvisa hwumhandara .Zvadaro Mambo pavakaona kuti ndizvo zvakaitika vakabva vandibudisa mudunhu .Amai vako vakanga vavanepa muviri pako iwwe so ndakavapa chuma kuti kana wakura vazokupa .Ndakabuda mudunhu ndikarwisana ne shumba ,mapere ne mbada asi ndakazokurirwa ndikazofira mubako randakarumwa ne nyoka ndakavata handina kuzomuka kusvika nhasi .Marangwanda angu ari mubako iroro ndoda kuti utore zvuma izvi usvike uchizviisa mumapfupa angu ndichamuka asi ndoda kuti utange waita chimwe chinhu '. Tonde '' Muri kuda kuti ndiiteyi baba?'' Baba Tonde '' Ndiri kuda kuti utange wapedza kugadzirisa dunhu then wochiita zvandakakuvudza .Nekuti haugoni kuzondimutsa kana dunhu ari marangwana saka ndoda kuti uyende kunobata tsvimbo iyo then uchapepuka kubva muhope ''. Baba Tonde vakabva vanyangarika ,Tonde ndokubva asara akagara akaringa tsvimbo achitya kuibata ne zvainge avona zviri paari .Akangogara achifunga ipapo zuva rakanga rava kubuda ana Seu vakabva vasvika paive pakahwanda vanhu . Vanhu vakabva varidza mhere vachida kutiza asi Mambo vakabva vavamisa ..... Mambo '' Regai kutya vapei Tonde ndiye wavari kuda chete '. Alice '' No vanomuvuraya ava madarireiko ?'' Mambo '' Hapana zvatingaita hatingasiyi vanhu vedu vachifa zvakadai ,sezvo angoti ari kuda Tonde chete ngatimupei zvaari kuda kana mudzimu yakati Tonde ndiye achadzosa zai zvichaita sekudaro ''. Tonde akabva ayiswa pakaita pamubhedha ndokubva asengwa ne machinda a Seu ndokubva vatanga havo kuenda ku underworld kwavo . Ipapo zuva rakanga rakubuda Elvis akabva atora mari yake ne zvese zvaayida ndokutanga kuenda kunokwira ndege kuti ayende kunyika yaari kuda . Akabva amirira kuti nguva dzikwane kuti ndege iyende ...... Vava pakati pe sango vana Seu umwe wavo akanga akasenga akabva atanga kutaura ...... ''Haaa kuti muchine munhu here umu musingacharemi ?'' Seu '' Anogoenda kupi tese tiri pano ''. ''Haa regai titarese ne kuti murema kwasiyana '. Vakabva vagadzika pasi vachitarisa ndokuwana Tonde hamo ,vakabva vatanga kungotarisana vachivhunzana kuti hapana amuvona achibuda here ..... Seu ''Ko chii chaitika hapana amuvona achienda here haaa munhu hanganyangariki ka ''. ''Handei kudunhu maybe adzoka ''. Seu ''Kudunhu kure yooo ok handei kwacho apa zuva riri kuratidza kuti rakwira ''. Seu akanga aneta ne kufanba asi akanga asina choice akabva adzokera kwaabva .Kubva pa nguva dzakatorwa Tonde hapana akakwanisa kutaura ne umwe munhu mu dunhu munhu wese akanga akangoti zii.Mambo vakabva vasimuka ndokuenda kwakanga kuna mai Tonde ndokusvikandokupfugama pasi ndokutanga kutaura navo ...... Mambo ''Ruregerero pane zvaitika amai Tonde ndinozviziva kuti zvinokudyai moyo asi hapana rimwe zano rataita kuti vanhu vasafa ndovimba chero Tonde kwaari anozviziva kuti ndaita sarudzo yakanaka .Asi ndisingazvikudzi hangu ndokumbiravo kuti mundiregererevo amai '. Mai Tonde ''Hapana kuipa hapo sarudzo yenyu yakanaka handipikisani nayo '. Mambo ''Hama dzangu zvanaka Amai Tondevandiregerera saka chiregai kufunga mudzimu yedu haina kutirasa '. Mambokadzi ''Vangagodii amai Tonde ivo vachingotenda zvese imwi munozviziva kuti mai Tonde havadi zvinovanetsa vanongotenda zvese.Muri kufunga kuti dai ari Amanda atorwa ai ndiri pano ,dai ndiri kunze uko ndichizama kuda kutora mwana wangu '. Mambo ''Ndini ndinovaziva mai Tonde kudarika iwe saka usazvinetsa hako ''. Timoty 'Nhawu yenyu muchazoitaurangatitaurei kuti todii ?' Mambo '' Ini handina kuna zano rimwe chete ipapa ''. Amanda ''Ko Tariro akati ndiye ava tariro yedu now so ngaite zano racho '. Sekuru Tembo ''Ha siya mwana wangu panhawu idzi '. Tariro ''Haa iyi nhawu ihombe kwandiri inoda vane simba hombe chairo ''. Alice 'Manje todii Tonde wacho atorwa apa hapana kana ane zano at least tikawana 1 once yekubata zai tirichengete zvine simba .' Timoty ''Manje hapana angatibetsera kuwana zai iri ''. Tonde ''Kana muchida help ndogona kukubatsirai ''. Vanhu vese vakashamisika vachiona Tonde akamira hake kunge hapana zvaitika kwaari .Vakatanga kuvhunza muvhunzo yakawanda asi Tonde hana kuda kutaura ne zvavo ..... Tonde ''Ndiri kuzviziva kuti mune muvhunzo yakawanda asi zva manje manje handina mhinduro kusvika dunhu ranaka .Mangwana chaiye ndokuvimbisai ne hupenyu hwangu kuti dunhu richange ranaka ''. Mambo ''Mangwana kure ko vana Seu vanenge vasati vasvika here ?'' Tonde ''Ndosaka ndavuya ndichatumha mhepo kuti ivavhiringe kusvika tapedza zvatiri kuda kuita ''. Alice ''Ukutaura kunge mwari chaiye ''. Tonde ''Kwete i'm a half god now tsvimbo ndini saka ndava kukwanisa kuishandisa ''. Timoty ''Saka hande kunotsvaka zai ku town ''. Tonde ''Kwete ndaneta nekufambira vanhu ivo ngavambofambavo ''. Alice ''Uchireva kuti chii ?'' Tonde 'Ndiri kuda kutuma mvura yakawanda kusvika vadzosa zai iroro ''. Alice ''No hama dzangu dziriko dzinofa ne mvura iyi plus remember kuti kune vanhu vasina mhosva .' Timoty ''Ichokwadi Tonde rega kuita mistake yakaitwa na mukoma vangu Thomas yekuparadza vanhu vakawanda nekuda kwe munhu umwe chete ''. Tonde ''Zviri muzveve saka regai ndiite rimwe zano ''. END OF EPISODE