EPISODE 35 STORY BY MALVERN NDLOVU Broken promise time......... David ' Well done Tonde '. Tonde ' Thanks but ndakuvara '. Baba Amos ' Rega ndiuzvomore '. Alice ' No anorwadziwa '. Tonde ' Zviri nani pane kuzoda kuchibvisa ne rimwe zano gumbo razvimba '. Baba Amos 'Rega ndigure museve ma side ese kuti ndiwane kuzvomora zvakanaka '. Baba Amos vakabva vagura museve both sides .... Baba Amos ' Zvichati rwadzei so itoshinga '. Tonde 'As long chabva chete '. Ipapo Baba Amos vakabva vatanga kudonza museve mbijana mbijana. Tonde akanga akavata hana kana kuita noise asi kumeso kwake kwakanga kuchiratidza kuti munhu akunzwa kurwadziwa ..... Baba Amos vakabva vadonza museve wese ndokubva .Ipapo Tonde akabva asimuka ndokuridza zi mhere rakanzwika panze pe bako .... Elvis 'Are you ok ?' Tonde 'Yes '. Paakangopedza kuti yes Tonde akabva afenda ndokumbovata pasi zvema 2 mints . Ipapo akazodirwa mvura ndokubva amuka ndokuwana gumbo rake ratoiswa mushonga rikabva rasungwa ...... David 'Nguva iri kuenda kwatovira uku saka ndotora zai here ?' Timoty ' Alice tarisa kuti book riri kuti chii ?' Alice ' Book hapana zvariri kutaura '. Tonde 'Vaya vanga vachichema mari iro gol nderenyu ndovimba rakawanda kutopfuura mari yamuchandopihwa '. David ' Ini ndikuda zai chete zvaizvezvi'. Elvis ' Ini ndichatora hangu gold '. James ' Ini ndikuda book gold handina basa naro '. Elvis ' Rakambonjanja kukoshei book iri ?' James ' Hapana kungorida chete pane chakaipa '. David akabva abata The egg of life ndokurisimudza . Ipapo zai raiva richipenya gold chete chete'. Elvis ' Zai iri rikangogara kure ne book kana tsvimbo for 3 days rinobva rangofufunyuka se mavhu '. David ' 3 days dzakawandisa ?' Timoty ' Manje what ?' David ' Kuchingoedza chete tava kutobuda mudunhu rino '. Tonde ' Deal renyu usarikanganwe ,free ma giant aya dunhu ravo rinake '. David ' Handisi kuramba mangwana kana kwaedza '. Elvis akabva atora gold rake ndokuisa mu bag make . Ipapo vakabva vabuda mu bako ndokuenda kwaigara David ndokubva vagara zvavo ....... James ' Ndikuda kuenda kuchimbuzi '. David ' Rega ndikuperekedze nekuti ungarasika .' Ipapo David na James vakabva vaenda zvavo vari 2 ..... Alice 'Ini ndikunzwa nzara isingaiti '. Mambo ' Oh dine chikafu chandakaisa muhomwe pandakadya na David zuva riya .' Alice ' Iwe ndiwe wagona '. Ipapo Alice akabva atora chikafu chacho ndokutanga kugurira vamwe vake .Vamwe vakachiramba kusanganisira Tonde ..... Tonde ' Gumbo rangu ririkurwadza handifungi kuti ndingakwanisa kusvika kudunhu '. Mambo ' Tokutakura usatya '. Tonde ' Kwete nhawu iyi haichadi izvozvo varume nekuti tikapandukirana ndakadai ndingadii ?' Alice ' Handimbofi ndakakupandukira ini '. Tonde ' Iwewe unogona kusapanduka asi vamwe vanogona kupanduka . Timoty ' Saka ukureva kuti unoda kuti tikusiye muno here ?' Tonde ' Hongu mofana kuamba ini ndichatevera hangu '. Mambo ' Hakuna zvakadaro kana tichizopandukirana tpandukirana tiri pamwe chete '. Alice ' Yaaa zviri nani pane kuti usare muno '. Tonde ' Ok ndazvinzwa but ndikuda tsvimbo yangu ndaisiya kubako zvse ne book '. Alice 'Hapana anozvitora imbozorora tichanozvitora '. Baba Amos 'Haa ini regai nditevere vaenda kuchimbudzi ava ndikutoda kuendavo '. Baba Amos vakabva vasimuka ndokuenda kwakanga kunana David . Voda kubudikira vakabva vanzwa vana David na James vakutonyeya zvavo ...... David 'Manje toita zano rei kuti tikwanise kubuda ne zai zvese ne book tisina kuvonekwa '. James 'Zvinonetsa kana pasina tsvimbo yacho .Iwe zai uri kuridirei ?. David 'Zai is the most powerfull weapon in the world kudarika tsvimbo iya .So ndikuda only 2 days kuti ndikwanise kutora simba racho '. James 'You mean kuti iwewe ukuda kuzviita zai then worishandisa zvakaipa hee ?' David 'Ehe ndiri kuda kuvuraya vanhu vakavuraya vabereki vangu uye ne vavengi vako ndokupa zvese zvaunoda ne kuti papo ndinenge ndatova mwari chaiwe '. James ' Ok saka iwe plan yako yakamira sei manje ukuda kuti ndidii ?' David ' Ndikuda kuti kana tabuda mu dunhu rino ndarigadzirisa ipapo kana tava kuda kuenda .Tora pfuti kana wadaro wondifura gumbo wovudza vanhu vese kuti burukai .Kana vaburuka iwe woenda neni '. James 'Manje unozogona kufamba here kana ndakufura ?' David 'Hongu ndini first person ane ma powers vamwe vanoshandisa ma books vamwe tsvimbo asi ini ndinotora izvzozvo ndozviita ini '. James 'Ok hapana kuipa aka tichaita sekudaro '. Ipapo Baba Amos vakabva vadzokera ku vamwe ndokusvika hapana chavakataura .Ipapo David akabva adzoka hake James akambosara zvishoma .David akabva asimuka ndokuenda kunotora chikafu ndokuvuya nacho chakawanda zvisingaiti .Vanhu vakabva vatanga kutya kudya ...... Sekuru tembio ' Haaa vuyayi tidye musawara wenyu . Munhu wese akabva atanga kudya zvake .James paakasvika akabva agaravo ndokutanga kudya vachitaura zvavo nyaya .Ma ginats ayitofaravo zuva iri sezvo akanga asingarohwi na David ....... Manheru iwayo kune rimwe divi Ngoni ,Seu ne mukomana wa Elvis vakabva vagara pasi ndokutanga kutaura ..... Ngoni ' Seu tese tiri vanhu asi takazvarwa zvakasiyana bedzi iwewe haudi zuva ini ndoda zuva ,Iwewe unodya vanhu ini ndodya mhuka ndipo futi patakasiyana .Chinzwa hama yangu handina kusarudza kuti ndibve ruvoko zvakadai .Handina kusarudza kuti ndisava ne ruvoko rumwe chete ,handina kuarudza kuti ndivuraye vamwe vangu mudunhu rako asi kwaiva kutya kufa .Hona ka handisi ini ndakasarudza kuti nhasi tive pano tose .Handisi ini futi ndakasarudza kuti matwunhu edu aparare so tadii kuita zvakanaka timire tese kusvika tapedza nhawu iyi '. Seu 'Zvaataura ndazvinzwa Ngoni,handina kunge ndaziva kuti une wisdom yakaai hapana kuipa kana vakomana vasina kuvuya after 2 days handei tinorwa hondo kusvika tawana zai .' Ngoni ' Kana wazvinzwisisa ndotenda Ko iwe munhu wa Elvis ukuti chii ?' End of episode