EPISODE 41 STORY BY MALVERN NDLOVU Tonde 'Manje zvaane simba tomusiya akadaro here ?' Tariro ' Kwete Tonde asi ndiri kuda kukuvudza kuti iyi hondo ihombe .Tikapusa tese tinopera pano '. Tonde ' Kana ndikafa ndichirwisa David handityi kufa hangu '. Tariro ' Remember iwewe une ma powers .vamwe vako vangori vanhu makasiyana '. Tonde 'Saka kana zvakadaro regai ndiende ndega '. Elvis 'Hakuna hero rinomira rega .Even une ma powers unoda help kubva kwatiri '. Ngoni ' Saka ka mazvinzwa kuti tikapusa tese toparaa . Timoty ' Handisi kuda kuti vanhu vakawanda pamusoro pe dambudziko rakatangwa na mukoma vangu .Saka regai ndiende ini '. Ngoni ' Chero ukaenda iwe unodii nhaiwe ?' Timoty ' Hapana pese panoda hondo asi dzimwe nguva panongoda kuti titaurirane chete '. Ngoni ' Do you think David wacho angada zvekutaurirana newe manje '. Timoty ' What's wrong with both of you .Handisati ndambonzwa muchiti ngatitaurirane asi chandongonzwa e hondo chete kufa kwe vanhu ndiyo language yenyu chete '. Alice ' Ukuda kusvika uchitaura kuti chii naye ?' Timoty 'Ndichavona ndasvika mashoko akawanda kuti munhu anzwisise '. Tonde ' Ndozvinzwisisa Timoty kuti hausi kuda kuvona vanhu vachifa .Asi ka haungabike cake usina kuoutsa amwe ma zai .Remember ndiwe wakandivudza kudaro '. Timoty ' Zvasiyana izvi Tonde ava vanhu kwete ma zai point yako haisi kushanda apa '. Sekuru Tembo ' Tikupedza nguva pano tisina zai vuyayi tironge kuti zai toriwana sei uye panoda chii ne chii '. Alice 'Semavonere angu ini panoda munhu ane speed ne munhu anogona kunanga museve .Then Tonde osvika otora zai . Ngoni 'Manje tomuwana kupi munhu anokwanisa kumhanya '. Tana 'Ndofunga kuti muri kutsvaka ini '. Vanhu vese vakabva vacheuka kumasure kwavo ndokuvona Tana na Amos vakasenga sekuru va Amos . Baba Amos vakabva va mhanya kunogamuchira baba vavo.... Baba Amos 'Oh baba muri mupenyu ndafunga kuti makafa ini '. Sekuru va amos ' Ndiri mupenyu mwanangu taneta ne kuhwanda saka tavuya kuzopedza zviri kunetsa mu dunhu muno '. Baba Amos ' Hamuna kunonoka baba handei pane vamwe .' Amos paakavona Tonde akabva amhanya ndokusvika achimupa hug ... Amos 'Long time my friend.' Tonde 'Ndadzoka sahwira asi pakaipa '. Amos 'Ko chii ?' Tonde ' Zai raenda mumavoko asiri iwo '. Amos 'Manje todii ?' Tonde ' Ndizvo zvatiri kuronga '. Amos ' Ok saka mavepi manje ?' Alice ' Anogona kumhanya tamuwana kwasara anogona kunanga ne museve '. Ngoni 'Munhu anotogona kubata museve ndi Tonde na Mambo manje Mambo vacho havapo uye Tonde ndiye akutora zai saka hapana anogona kubata museve '. Alice 'Manje todii zvoda munhu we museve kuti arove museve wake usvike kuchirova ruvoko rwa David '. Amos 'Ini ndiripo ndinogona '. Tonde 'Wait wakatanga rinhi kugona '. Amos 'Zvakawanda zvakasara zvikaitika mu dunhu rino , ukuvona ma giants akavuya mu dunhu muno ndini ndakamarova maziso ne museve ndiri kure '. Ngoni ' Yaaa ndakashaya kuti ko nei rakubata maziso izvo ndiye .Tonde ipayi mukomana chance '. Elvis 'Apa hapasi kushanda chance pakushanda kugona and remember panodiwa 1 short chete kwete 2 '. Alice 'Manje todii mese mukumusvora '. Tonde ' Mupei anogona '. Alice ' Ok saka zvarongeka '. Ngoni 'Manje tomuwana kupi David wacho ne makuriro akaita dunhu rino ?' Timoty ' Tsvimbo ina Tonde ndiyo ingatotiratidza '. Tonde akabva avhura tsvimbo ndokutanga kuvona kwakanga kuna David ..... Tonde 'Ari kuchikepe chake saka handei ikoko '. Alice ' Tikuenda tese here ?' Tonde ' Kwete vamwe vari kusara '. Ngoni ' Ini hangu handisi kuenda handina rumwe ruvoko '. Elvis ' Neni ndiri kusara kuno hangu '. Tonde 'Kana tikawana mukana wekutora zai ,Tana ndiye achavuya naro kuno imwi moita zvinoda kuitwa isu tichange tichimisa David '. Alice 'Saka ini ndichasara kuitira kuverenga book '. Tonde 'Yaa zvakarongeka futi vakuru varipo mongoita zviri kuda kuitwa '. Tana ' Nguva ikuenda handei '. Vakomana vakabva vapinda munzira kuenda kurwizi . Ipapo James ayiva busy kuda ku driver chikepe kuti atize asi mvura yaipenga ichivadzosera .... James 'David do something '. Tonde 'Hapana chandingakwanisa kuita kana Tonde achiri mupenyu . Zvoda atofa kuti mvura ne mhepo zvimire izvi '. Mambo ' Vana Tonde vari kuvuya '. David 'Wazvivona sei ?' Mambo ' Tarisai shiri dziri kutiza '. James ' Manje todii ?' Davuid ' For now ndovatamba zvandambovatamba .' Jams 'Wadii kungovuraya iye Tonde wacho zvipere '. David 'Tonde ane simba risingaiti asi hasati agona kurishandisa '. James 'Zvakanaka ka chirwa naye '. David 'Ndikutya kuti anozogona kurishandisa tiri pakati pekurwa so ndoda kutanga ndatora ma powers e zai '. James akabva agara pasi hake ne kutopererwa . Ipapo vana Tonde vaitovuya vachitaura havo nyaya .... Tonde 'Tana ndoda kuti kana David akutanga kusimudza chivutsi ndoda kuti ne speed yako usvike umuDHUME .ipapo Amos acharova ruvoko ne museve ,David achasiya zai iwe Tana woritora woenda naro ku dunhu . Please usasiya richidonha pasi '. Tana ' Zviri munzeve '. Tonde 'Tariro ndiwe wava tariro yedu kubva now so shandisa simba rako kuita '. Tariro ' Ini ndongovona zviri mberi chete saka pamunenge muchirwa paya ndokuvudza zvekuita'. Tonde 'Ok munhu wese ramba une plan yako tasvika '. Ipapo vakanga vasvika pa mvura ndokutovona David akabata zai akamira ... Tonde 'I hope ukuziva kuti tavingei pano '. David 'Ma powers ako hana match neni it's better usiyane nazvo izvi '. Tonde ' Ok lets try '. Tonde akabva abata pasi ne tsvimbo ipapo pakabva patanga kuita ma lines pasi pachitsemuka kuchienda kuna David ....... End of chapter