Story by Malvern Ndlovu #Adventure Mambo "Ndiri kutokuvudza Ngoni ukangomuvuraya chete ". Ngoni "Ndimwi makamosha kare .Izvezvi dai tisiri pano dai musina kuvimba murungu uya .Saka ini ndava kuriritira hupenyu hwangu ". Mambo vakada kuita nharo ye kuenda ku ring asi vakabatwa ne vanhu ..... Seu "Tangai first round renyu ". Jinda2 "Ngoni wazvipira here ?" Ngoni "Wangu ngatirwe tichitaura pane zvandiri kuda kukuvudza zvandoda kuti uvudze Mambo ". Ngoni akabva arohwa nechibakera achiwira uko .Akabva asimuka ndokutanga kudzoserana vachitotaura paya .... Ngoni "Uvudze Mambo kuti izvi ndiri kuzviitira kuti ndizowana mukana wekuwana tsvimbo zviri nyore ". Jinda 2"Iwe uchitoda kungondikuvadza here ?" Ngoni "Ndoda kuti vasavona kuti tiri kutaura .Saka iwe simuka undidzosere". Jinda "Saka zvimwe ndezvipi zvaunoda kuti ndivudze Mambo". Ngoni "Vaudze kuti Seu ati ndimurwire kusvika ndazowana chigaro chiri pamusoro ipapo ndipo pandokwanisa kuvona Mambo chaivo chaivo vane Tsvimbo ". Ngoni "Zano rako richizobuda here ?" Seu "Mirai endai kunozorora 2 minutes mudzoke pa round 2 ." Vakabva vabuda mu ring ndokuenda kunozorora .Jinda akabva avudza Mambo zvese zvaanga avudzwa na Ngoni .... Mambo "Manje apo parikudiwa munhu umwe chete abude ari mupenyu ndiani arikuzobuda kana iye achizoda kuwana mukana wekuvona Mambo we vanhu ava". Jinda2 "Zviri kureva kuti ndiri kufanirwa kufa ". Mambo "No vudza Ngoni kuti zano rako harisi kuita dzoka tiite rimwe ". Seu "2 minutes dzapera vanhu mu group ". Vakabva vadzokera vakomana ndokutanga kurwa .... Ngoni "Saka Mambo vati chii ?" Jinda2 "Hanzi zano rako hariiti ". Ngoni "Harigoiti nei ?" Jinda2 "Nekuti ukuzondivuraya ipapa ". Ngoni "Ruregerero sahwira pamwe panoda ropa kuti zvinhu zviite ". Ipapo Ngoni akabva arova Jinda riya pahuro richibva radonha kamwe chete ndokubva ranyarara .Izvi zvakabata Mambo ne vamwe vake ndokutanga kuchema machida kuendako asi vaivharidziwa .Ngoni misodzi yaida kubuda asi akashinga kuti is isabuda ndokubva ayenda kuna Seu wake...... Seu "Varume ini ndiri jinda risina anomisa kana pane anoda kurwa neni anotanga arwa na Ngoni kutanga ". Mambo "Ini ndiri kuda kurwa naye ". Seu" Yeeeee Mangwana gadzirira kuzoitwa nyama .Varume idyai nyama iyi mangwana pane imwe iyi ". Mambo ne vamwe vavo vakabva vadzoserwa mubako ravo ipapo zuva rakanga rava kuda kuvira ...... Alice akasvika kumba ndokuwana Baba Amos vasimo mu room yaanga avasiya. Akabva atanga kuita worried akabva ayenda mu room yake ndokutovona shasha iri kutotamba zvayo ne mvura ..... Alice "Ndadzoka ne ma documents awanga uchida ". Baba Amos "Saka vanhu vacho wava ziva here ?" Alice "Pano pari kuratidza kuti munhu anoita zvema adventure umwe chete ". Baba Amos "Ndiani munhu iyeye?" Alice " Anonzi Elvis anotyisa munhu iyeye chero mapurisa hapana zvaanomuita ". Baba Amos "Kwedu hapana chatisingakwanisi kuita ndiraridze kwaanogara ". Alice "Handingakusiye uchienda kunofa umwe wangu ". Baba Amos "Kana usingadi ndoenda ndega ". Baba Amos vari busy kutaura vakabva vanzwa nock pa door .... Alice "Endai kunohwanda ". Baba Amos vakabva vaenda kunohwanda .Alice akabva ayenda pa door ndokudongorera..... Alice "Who is there?" Timoty "Old friend ". Alice akabva avhura door ndokuvona ari Timoty..... Alice "Uri kudei pano after zvese zvawakaita ". Timoty "Alice sorry I know it's hard to understand but I lost my brother because of that money ". Alice "Oo sorry chienda hako ". Timoty "Help me please ". Alice "No handichada unondiita benzi iripi mari yangu ". Timoty "Ndokupa after wandibatsira izvi ". Alice "No go to hell ". Alice akabva avhara door ne hasha ....... Timoty "Ndine munhu wandinaye pano ane book raanoda kupatsanurirwa please help him ". Alice akabva avhura door ........ Alice "Aripi munhu wacho ". Tonde akabva abudikira akabata book .Alice moyo wakabva waenda kure akanga asisagone kubvisa maziso ake pana Tonde..... Alice "OK pindai ". Alice "Saka book iri ndiro original here ?" Tonde "Aaa unogona kutaura chirudzi chedu sei ?" Baba Amos pavakanzwa inzwi ra Tonde vakabva vapuda ..... Baba Amos "Tonde !Uri mupenyu iwe aaaa inga wakapfeka chirungu ". Tonde "Aaa murikuiteyi kuno uye makavuya sei ?" Alice "Asi mobva kunhu kumwe ?" Baba Amos "I shamwari ye mwana wangu iyi kubva vari vadiki .Manje Tonde ndivudze wariwana sei book ?" Timoty "Mukomana vangu vakanditambidza vasati vafa manje shamwari yangu yanga yaripa asi vadzimu va Tonde varamba ". Alice "You mean kuti James ndiye anga aba book iri ?" Timoty "Ehe " Alice "You know kuti munhu uya akangwarisa anotiwana zviri easy kutaura kudai ngatibvei pano tinotsvaka kumwe kwekugara ". Tonde "Aaa tarisai mota dziri panze atotikomba ". Alice "Musawara ndine zano ini handei torai book". James akabva asvika pa door pa Alice ndokunoka asi hapana akavhura. James akabva avhura door nechisimba ndokupinda mumba ndokuwana musina kana munhu . Vakazama kutarisa book asi hapana chavakavona .James akabva atora phone yake ndokufonera boss vaida kutenga book....... James "Hello sir vari kuratidza kuti vanga vari pano ". Boss "Handisi kuda kunzwa ngano ndiri kuda book ndisati ndakugura musoro ". James "I know someone who can help me ". Boss "Ndiani iyeye ?" James "Elvis ndiye munhu angandibetsera kuwana book iye chaanoda imari chete ". Boss "Hanzi arohwa hapana akuziva kuti mupenyu uyu ". James "Mupenyu munhu amurova hana kumurova musoro arova ruvoko chete ". Boss "OK ita zvekuti uwane book chinhu chiri kuita kuti urambe wakararama ndechekuti ndiwe wega unogona kupatsanura book otherwise dai wava guva iwe ". James "Sorry sir saka regai ndiende kunovona Elvis wacho '. James ne boys vakabva vabuda ndokuenda ku hospital .Alice Nana Tonde vakabva vabuda mu celling mavakanga vakahwanda ..... Alice "Yooo inga ishuwa nhayi manje todii ?" Timoty "Tiri kuda help yako kuti upanyanure book iri tiwane kudzokera". Alice "Apa hatichina nguva handei kune imwe shamwari yangu indipe chikepe tifambe tichiverenga nekuti kana tikagara tiri kuno Elvis na James vanoenda ku dunhu renyu vakavuraya vanhu vese ". Tonde "Handisi kunzwisisa kuti nei Elvis ari mupenyu museve wangu haukuti ini ". Alice"Inhawu ye ma window ndosaka vuta hwako hwasvika uchisina simba ndosaka wazorova ruvoko". Timoty "Handei Tonde bata book ". Vakabva vangobuda ne book chete vakananga kwasahwira wa Alice ipapo zuva rakanga ravira .Vanhu vakanga vakadziya zvavo mota kudunhu ..... Amos "Mirai kutaura ndiri kunzwa kunge pane vanhu vari kuvuya ". Vanhu vese vakabva vanyarara ndokuterera asi hapana chavainzwa .Vakabva vanzwa muridzo ari majinda anga adzoka kubva kuguta .Vanhu vakabva vamhanya ndokuenda kunogamuchira vanhu .Vanhu vakabatikana vachingovona vanhu 4 chete ....... Mambokadzi "Ko vamwe vaenda kupi ?" Jinda "Isu tisu taenda kuguta asi Baba Amos handisi kuziva kuti vafamba sei ?" Amos "Ko madzokerei musina umwe wenyu ". Jinda "Ruregerero pakanga pasina zvekuita .Kuguta tawana umwe anoziva chirudzi chedu ndiye azoti dzokerai nekuti vanozotivuraya ". Mai Amos "Manje muri kureva kuti hamusi kutoziva kwavari here ?" Jinda "Tapesana pakumhanya apa ivo vanomhanya zvamunoziva isu tasara kumasure tikabatwa asi ivo hatina kuvona kuti vazodii". Amanda "Saka nhayi mhamha baba vachadzoka here ?" Mambokadzi "Ticharamba takaringa nzira vanogona kuvuya ". Jinda "Tapihwa zvekudya izvi asi hamheno kana muchigona kubika .Mangwna tichazama kumuka tichienda kunotsvaga vamwe ". Sekuru Amos " Book hamuna kuriwana here ?" Jinda "Kana kunzwa nhoroondo yacho ". Sekuru "Nguva iri kuenda mazuva amasara nawo mashoma ". Vakabva vagara pasi vakati ndokutanga havo kubika havo . Manheru e zuva iroro .... Jinda 1 "Mambo wangu mazvipira here kurwa na Ngoni ". Mambo "Hongu mutengesi anofanirwa kufa ". Jinda 1 "Asi mamunzwa zvaataura saka tadii kumirira kuti atange avona tsvimbo yacho ". Mambo "Tinenge tatopera panguva iyoyo saka izvezvi tava kuita iya inonzi idyananayi asi musapedzana ". Jinda "Manje ini handisati ndambovona muchirwa munogona here ?" Mambo "Ndichakurondedzera mangwana kana ndavuraya Ngoni ." Mambo vakanga vakabutirwa ne hasha .Chero kuvata vakanga vasingagoni...... Seu "Ngoni !Ngoni wagona waratidza kuti unoda zvekundishandira mangwana kana warova mukuru wenyu uya ndichakuratidza chakabata dunhu rino nhasi imbozorora hako". Seu akabva ayenda kunorara Ngoni akasara achingobuda musodzi achisvora.Manheru e zuva iroro James sezvo ayiziva Elvis akabva apihwa mukana wekupinda mu hospital.... James "Sir I know munhu anga achida kukuvurayayi ". End of episode