Episode 20 Story by Malvern Ndlovu #Adventure Alice paakabva kuna Elvis akabva ayenda kunotarisa kuti Tonde akavata here .Akasvika akatowana mukomana akangosvinura...... Alice "Dai watombovata chaiko ". Tonde "Kurara hope rugare hama yangu ". Alice "Uchiri mudiki kuzvitakudza mutoro ". Tonde "Ndiri kuzviziva asi mutoro ndiwo wangoita kuti nditakure ". Alice "Uri kurevei ?" Tonde "Ndiri kureva kuti ndini ndakapihwa chipo chekubata Tsvimbo saka mutoro wakaita kuti ndiusenge ndisina kutaurirana nawo ". Alice "Handisi hangu kuvona chakaipa pane chipo chako ". Tonde "Yaa hapana hapo chakaipa ". Alice "AZ Azvi wazviitirei ?" Tonde "Zvii ?" Alice "Zvawanga uchida kuita kuti vasandivuraya ". Tonde "Ndazviziva kuti uchazvifunga asi rega ndikuvudze .Handina kuzviitira iwe ndaitira dunhu rangu ". Alice "Kwete wazviutira ini asi haungodi kundivudza chete ". Tonde "Ndo dambudziko rako iroro rekundifungira nhema .Ukafa ndiani achakwanisa kupatsanura book hapana ndosaka ndanga ndichida kuti vasakuvuraya ". Alice "OK ndazvinzwa .aaa chikafu chako chavuya ". Tonde "Changu ndega here?" Alice "Hongu ". Tonde "Ko dzimwe hama dzangu dzatya here ?" Alice "Kwete hanzi takawandisa vakungoda iwewe chete kuti udye ". Tonde "Nei ini chete ". Alice "Havadi kuti ufe ne nzara sezvo uchazofamba navo ". Vari busy kutaura Elvis akabva apinda ..... Elvis "Alice munhu uyu anopora rinhi ?" Alice "Zvoda muchitovhunza iye ". Tonde "Ndiri kuda mazuva matatu chete ". Elvis "Mazuva matatu ndiwo andisina". Tonde "Izvozvo dai mavudza munhu andifura .Handingaendi kunotora zai ndakadai kwete ndinofa saka zvinoda ndava kugona kufamba ". Elvis"Mashoko ako achakuvuraisa waita lucky chete kuti ndiwe unogona kubata Tsvimbo yehwumambo ." Tonde "Asi hama dzangu madii kuti dziende ne kuti havana chekudya ". Elvis "Kwete hama dzako hapana kwadziri kuenda kana usati wandipa zai ". Tonde "Zvakangofanana dzinongofa ne nzara dzakagara ipapa ". Elvis "Izvozvo handinei nazvo chero dzikafa ini xaa". Elvis akabva abuda .Alice akabva ayenda ndokupfugama pamberi pa Tonde ndokumubata pamafudzi akamutarisa kumeso ....... Alice "Tonde hama yangu iwe ramba kuenda navo kunotora zai hapana pavachakuvuraya .Iwe vavudze kuti kana vanhu vangu vasina kudya hapana kwandiri kuenda ". Alice akabva asimuka ndokuenda hake panze .Tonde akambosara achifunga nhawu iyi .Alice paakabuda panze akabva avona James ari busy ne book ...... Alice "Zvinoda kufunga chete book riri easy kunzwisisa iri ndiri kutoshaya kuti nei uchibuda ziya". James "Akutendera kuti usvike pano ndiani?" Alice "Hanty makatikomba here saka ndingaenda kupi ." James "Ukudei pano ". Alice "Ndiri kuda kukuvudza kuti after this Elvis will kill you and ichocho ndicho chokwadi". Alice akabva ndokubva ayenda kunogara kwakanga kune vamwe .James akabva asara achiverenga hake book rake ...... Baba Amos "Tofanirwa kuita zano tivuraye vanhu ava ". Mambo "Hapana zano hama yangu vanhu vese vakatitarisa .Kungofamba chete pfuti inorira chete ". Baba Amos "Manje tichagara pano kusvika rinhi ?" Mambo "Chatisingade kuti vamwe vedu vafe chete saka ngatimbomirai tichivona kuti ndezvipi ". Ipapo zuva rakanga rava kuvira Tana akanga asati adzoka kunotsaka chikafu kuti ape Tariro .Tariro akanga ongogomera zvaityisa tsitsi ...... Tariro "Baba zvandiri kunzwa mudumbu mangu muchiita ka ". Sekuru Tembo "Ndiri kuzviziva zvauri kunzwa mwanangu rega ndikunbire vanhu ava chikafu ". Sekuru Tembo vakabva vasimuka .Boys dzikabva dzakoka pfuti dzichida kufura asi sekuru Tembo vakabva vasimudza mavoko mudenga. Elvis paakanzwa noise ye vanhu akabva abuda mutende raakanga ari ....... Elvis "Ko chii chiri kuitika pano ?" Ma1 "Ari kuda kutiza ". Elvis "Uri kudei pano ?" Sekuru Tembo "Ndiri kukumbiravo chikafu chekupa mhandara yangu yava kuziya veduwe ". Elvis "Hapana chikafu chekupa imbwa pano .Nzara haivurayi iyi ". Zvese zvaitaurwa zvaive munzeve ma Tonde .Tonde akabva akabva amuka paakanga akarara ndokutora chikafu chaanga apihwa ..... Sekuru Tembo "Ndinoita zvese zvamunoda kana mapa mwana wangu chikafu ". Elvis "Iwe gara pasi tisati dzakuzorodza mudhara hapana chikafu pano ". Tonde "Hapana munhu anorarama pasina chikafu .Kana usingadi kupa vanhu vangu chikafu zvinoreva kuti hatisi kuenda tese kunotora zai ". Elvis "Ndinovuraya vese kusvika watenda ". Tonde "Ukangovuraya munhu 1 wangu zvinoreva kuti wakutovuraya tese and wakudzokera kudunhu rako usina kana zai chero Tsvimbo yacho kana zviriizvo zvawada ." Elvis "Tonde usavharika pfungwa une vanhu vaunoda apa saka zvauri kutaura tanga wazvifunga uye wazvipira ". Tonde "Ndatozvipira kutofa ne hama dzangu pane kukupa zai hama dzangu dzichifa ". Elvis "Saka uri kudei iwe ". Tonde "Ndoda kuti upe hama dzangu chikafu makuseni , masikati ne manheru .Uye vanhu vangu vanoda kuenda kuimba hombe 《toilet 》uye vanhu vangu vanoda kugeza saka ukaita seizvozvo tinoenda kunotora zai mangwana makuseni ". Elvis "Iwe uchinzwa Gumbo here ". Tonde akabva atanga kukamhina achienda kwakanga kune Tsvimbo yehwumambo. Aakabva ayibata ndokubva gumbo riya rapora ipapo ipapo...... Tonde "Saka tine deal here ?" Elvis" Hongu .Boys endai kunotora chikafu ku chikepe mupe vanhu ava .Umwe chete wenyu ngatore chikepe afambe kusvika panobata network ufonere ndege izokutora .Kana yakutora enda ku guta tora chikafu chakawanda uvuye nacho". Vakomana vakabva vamhanya vakawanda ndokuenda kunotora chikafu .Umwe wavo akabva atora chikepe ndokuenda sekurairwa kwaayitwa na Elvis .... Vakomana vakabva vadzoka ne chikafu ndokutanga kugovera dunhu rese chingwa nema drinks ...... Elvis "Boys verengai vanhu ava zuva ne zuva ". Man1 "Sir vanhu vese vaita 224 ". Elvis " Vasashota vanhu ivava ". Tsitsi akabva asimuka ndokuenda kuna Amanda ..... Amanda "Sahwira hecy kani". Tsitsi "Ndiri kutya zvese nekufara sahwira ". Amanda "Nenivo ndiri kutya sahwira .Manje iwe unogofarei pakadai ?" Tsitsi "Kuti Tonde adzoka kuti umuvudze kuti ndiri kuda ne zvake ". Amanda "Tsitsi panguva yatiri handifungi kuti angazvinzwisisa ko tadii kumirira kuti izvi zvitange zvapera ". Tsitsi "Ndakambozvifungavo ini asi uyo musikana akuraridza kuti ari kudavo Tonde ". Amanda "Hapana Tonde paangada Alice murungu uyo achisiya vemudunhu rino chero mutemo hayidi futi ". Tsitsi "Kana wadaro hako sahwira hapana kuipa ndichazomuvudza kana izvi zvapera ". Amanda "Seni ndiri kunyara kutomutarisa shame ". Tsitsi "Ndichataura naye kana zvapera kuti akuregerere ". Tsitsi akanga anonokerwa ne nguva ayitoda nezva Tonde zvisingaiti .Tonde akabva asiya Tsvimbo yehwumambo padombo ndokupinda pakati pe vanhu ndokusvika Pana amai vake .Amai Tonde pavakacheuka vachivona jaya ravo vakabva vatanga kubuda musodzi ....... Tonde "Amai handina nguva ndiri pano handisi kuda kuti vanhu avo vazive kuti muri amai vangu ". Mai Tonde "Hapana kuipa mwanangu ndakafara pandavona uri mupenyu ndafara zvekare kuti baba vako varikumira newe .Jaya rangu mudzimu iri pauri yakakosha .Kana zvanyanya kuoma ndoda kuti ubatanedze chuma cha baba vako ne changu ndiwo mashoko angu ". Tonde "Zviri munzeve amai regai ndiende ndichadzoka togadzirisa zvinhu mudunhu ". Tonde akabva asimuka ndokutanga kufamba achidzokera kwaayive akagara .Mambo vakabva vamudhonza ...... Mambo "Kana wava kuenda kunotora zai Tonde usarisiye ita zano Taiwanese kuenda newe kuti tirwe padivi pako ". Tonde "Kana madaro hapana kuipa Mambo vangu ". Tonde akabva asimuka ndokutanga kufamba .ndokuenda pakanga Pana Timoty ndokugara hake akangonyarara .Timoty akabva akwenya Tonde kuti amutarise,Tonde akabva atarisa Timoty ndokutanga kutaura ne mavoko ...... Tonde "You can talk now I understand ". Timoty "What impossible ". Tonde "Kwete kana ukabata Tsvimbo yehwumambo ". Timoty "At least wakugona kutaura ndafara hangu ". Tonde "Ndoda kukutenda Timoty nekumira neni zvakaoma kudai .Ndinoregerera mukoma vako ne zvavakaita chero wakambonyepa kuti havasi mukoma vako ". Timoty "Sorry hako Tonde ndaingoda kuti munhu akavuraya mukoma vangu afevo ". Tonde "Zvinowanikwa uri shamwari yangu yep yepiri ". Timoty "Wekutanga aripi ndimbomuvona ". Tonde "Handina kumbomuvona asi aripo hake " . Alice "Oh muri kunyeperana ka ". Timoty "No tiri kutaura zvepasi rugare ". Alice "Inga henyu ko wadii kumbovhunza Tonde kuti nei akati anoda 3 days dzekupora zvaunoziva kuti munhu anogona kupora after 2 weeks ". Tonde "Pane rimwe dunhu ririkuvuya in 3 days saka ndaida kuti riwane tisati tasimuka". Alice "Ndazviziva kuti uri up to something chete manje wazochinjirei mind ?" Tonde "Tanga wavhunza kuti nei ndaziva kuti ndikabata Tsvimbo yehwumambo ndopora ". Alice "Oh nei waziva ". Tonde "First day ndichibata Tsvimbo yehwumambo ndine zvandakavona mu vision mangu saka ndine zvakawanda zvandiri kuvudzwa kana ndikaibata asi handisati ndanyatso Wana mukana wekuti ndiibate ndiri ndega ". Alice "You mean Tsvimbo yehwumambo pane zvairi kukuvudza ?" Tonde "Ehe asi vision yacho inovuya so .Ndinovona book redu iri richivhura ma page ese kusvika kwekupedzisira then rozvivhara .Kana razvifara book roenda padivi ipapo Tsvimbo yehwumambo inoda kuzondiratidza something asi handizvozivoni manje ". Alice "Zvoda kuti urambe wakabata Tsvimbo kusvika wavona zvairi kuda kukuratidza " . Tonde "Maybe asi ndongovona Rima chete". Timoty "Ndiri kufunga kuti maybe nguva yekuratidziwa vision yako haisati yasvika ." Alice "Timoty stop nhema dzako ". Tonde "I think ari right zvoda titange taverenga book kana tadaro then ma vision ochivuya ". Timoty "Ndizvo zvandanga ndichida kutaura izvi ". Elvis "Tonde and Alice vuyayi tivone kuti map yekune zai tiiwane .Mangwana makuseni tomuka tichienda ....... End of episode