Mambo vakasara vachiputsa ma laptop ,phone ne chikafu '. Mambokazi : ' Hamungarasi chikafu hamusi kuvona kuti tava panguva yakaoma '. Mambo vakabva vamira kurasa chikafu hapana zvavakataura ndokubva vaenda ku gomo kunovona .Zveshuwa bako pakanga pachisina raondomoka Mambo vakabva vagara pasi ndokutanga kumbofunga zvavo .. 42 years ago ... ; ' Baba ndichaitavo Mambo here ?' : 'Hongu mwanangu asi hwu Mambo haudi kuti utonge ne demo vadzimu vanokuseka and vanokutorera hwu Mambo hwacho '. ; 'Kwete baba handimbodaro '. ' Uchiri kukura zijaya rangu uri munhu unochinja asi rega kutonga kana kuvudzirwa zvekutoga iwe ita zvakanaka '. ' Zviri munjeve baba ndichaita saizvozvo '. ' Uchengetedze zai iri seni baba vako zvandakaita . Nhoroondo ye zai iyi hapana anoiziva iri mu book iri .Hapana anogona chirudzi ichi and vese vakaenda kunotora zi umwe chete ndiye akadzoka uye hapana zvaakataura akabva afa . Saka chetengeta dunhu rino ukakonewa richaita dongo . Hande kumba hedu .' Mambo vakabva vavhunduka ne kuzunguna kwakanga kuchiita dunhu . Panguva iyoyo Tonde akanga aguta hake ava kuda mvura .Akadzika gomo ndokuwana ka rwizi kasina mvura hana kuzviita mumusoro akangoshamisika .Akabva asarudza kuenda kunoperera Island [dunhu] uko kwakanga kusingaperi mvura ..... Thomas akanga achimhanya achienda kurwizi kunoti akwire muchikepe apa Machinda akanga achivuya zvisingaiti . Thomas akabva asvika ndokuwana Timoty achitodevura mvura ..... Thomas ; ' Bata book iri hande vakomana vari kuvuya '. Timoty ; ' Ok ndiri kutevera '. Thomas akabva asvika pachikepe ipapo Tonde akanga ava pedo kusvika . Thomas akabva asvika pana Elvis ..... Elvis ; 'Riripi zai ?' Thomas ; ' Zai iri ko mari yangu iripi ?' Elvis ; ' Mari yako iyi ndisvitse zai '. Thomas akabva asvita dzai kuna Elvis ...... Elvis ; ' Waita hako '. Thomas akashaya kuti Elvis ari kureva kuti chii Akabva amutarisa ndokuvona Elvis akabata pfuti . Thomas achida kutaura akabva arohwa musoro ne pfuti achiwira pasi .Timoty paakazvivona akabva atiza .Tonde paakanzwa sound akavhunduka achienda kunovona .Tonde akabva adumwa na Timoty .Tonde achiriwa uko Timoty achitiza . Tonde akabva aswedera kuti avone kuti chii chiri kuitika .Akabva anzwa museve uchivuya ndokuvata pasi ukabva warova muti .Tonde akabva atiza achienda kwaenda Timoty ...... Machinda akasvika achimhanya ndokuwana vanhu vakakoka pfuti .Ivo vakanga vasingazivi kuti chii vakabva vasimudza mapfumo avo vachiendako .Vakabva vatanga kufurwa vese vakafa . Jinda rimwe chete rakanga rasara ne kusagona kumanya rakabva ravona kuti vamwe varo vafa .Rakabva rakoka museve ndokurova mwana wa Elvis musoro achifira ipapo .Rakabva ratiza richidzokera ku dunhu ..... Elvis zvakamubata ndokupinda muchikepe ndokuenda ne zai riya ku guta kwavo . Timoty ayiva bara achingomhanya . Tonde akabva atanga kutevera matsimba a Timoty kuti amubate ...... Jinda rakabva rasvika pamuzinda richifemereka ...... Jinda ; ' Machinda ese apera kufa '. Mambokadzi ; ' Afa nei futi '. Jinda ; 'Vavurungu vaya vakanga vane zvombo zvinorova munhu ari uko and achifa ipapo ipapo .' Mambo vakabva vasvika ..... Mambo ; ' Pamusoroi mese mangovona zvaitika and tikazaita plan tese tiri kuzofa .Ndakakanganisa asi now hapana zano saka tofanirwa kuti tiwane book kana tawana book ndiro richativudza kuti zai toriwana kupi '. ' Tichidyei uye tichinwei ?' Mambo ; 'Mirai kundikandira nyoka mhenyu ngatiisei musoro pamwe chete .Munozviziva kuti kana zvadai zvaipa .Vanhu vanodya vanhu vanokwanisa kuvuya mudunhu sezvo mvura ichisimo .' Baba Amos ; ' Zviri munzeve mambo nhoroondo pane anoiziva mu dunhu rino asi makati afe ini ndikamuchengeta .Sezvo pachisina plan baba vangu vamakati vabud mu dunhu vapenyu ndofunga kuti vangakwanisa kutaura zvavanoziva '. Mambo ; ' Uri kureva kuti wakaputsa mutemo ndokuita zvako handiti ?' Baba A ; ' Pasina dunhu rino hamusi Mambo saka imwi kana muchia kuzoita mambo dunhu rino rakanaka zvininipisei .Ibvai pachigaro rasai pfungwa dze hwuMambo muve muranda kuti tikwanise kupana mazano .Ne kuti handingakwanisi kukupai zano imwi muri mambo asi zvaizvezvi mava muranda kana muchida kuzova Mambo mangwana '. Vanhu vese vakabvumirana ne mashoko a Baba Amos .Mambo vakaita sekudaro ..... Mambo ; ' Baba venyu varipi ?' Baba A ; ' Regai ndiende kunovatora asi ndoda rubatsiro kuvasenga '. Mambo ; ' Handei ikoko anoda kubatsirwa ndiye anofamba handichisiri mambo '. Vanhu vese vakabva vaenda kwa Baba Amos kunovoa Sekuru vakanga vakura kudarika munhu wese mudunhu .... Sekuru ; ' Ndiri bofu asi ndiri kufema rufu .Ndiri bofu hangu asi ndiri kufema munhu akandidzinga mudunhu rino makore apfuura ayo .Ndiri bofu hangu asi ndiri kufema ropa .Makatenda kuti ndibve mudunhu rino mavona kuti ndataura chokwadi pa musoro pa Tonde nhasi mava kuda rubatsiro kubva kwandiri kwete zviri nani ndife kana kuti vurayayi uye ndakatofa kare '. Mambo ; ' Imba isingagari vanhu idongo .Nyoka hwuturu kana isna tinoti igavi .Munhu hwunhu asina hwunhu tinoti ibenzi .Vakuru vangu ndapfugama nhasi ndazodzidza chidzidzo chikuru '. Sekuru ; ' Ndikubate muromo muzukuru . Kudzidza kwako kana kusadzidza kwako ini handinei nako wakaterera zvakaipa ukarega kuteya njeve kune zvakanaka .Chero ukabika doro rakaita sei chero ukachema zvakaita sei iwe handisi kuzokubatsira. Ndakashanda na baba vako 39 years ago asi iwe pawakangoita Mambo wakabva watanga kutonga ne dembo izvo zvawaivudzwa na baba vako kuti usaita .Saka vese vanhu vawakadzinga unofunga kuti varipi izvezvi handi vakafa saka chero neni ndakafa . Mwana wangu kuita kunge acharumwa ne shumba achizonditsvaka ku sango ndokuvuya neni hwusiku achibayiwa ne mhinzwa kuti ndive mupenyu iwe nhasi wakungovuya kuti ndikubatsire never kwete '. Baba A ; ' Baba ini handisi kumirira Mambo asi ndiri kumirira mwana wangu iye muzukuru wenyu ne dunhu rese .Ndoshuvira kuti dai muchivona mavona zvakaita dunhu rino .Tiri kuda rubatsiro kubva kwamuri baba '. Sekuru ; ' Mwanangu ndine shungu wanzwa zuva iri ndairinamatira kuti risvike saka rega nditaure zvandiri kuda .Munhu rudzii anovuraya vanhu vakuru vese kuti asare asina anomuvudza .Unofunga kuti mudzimu inomira newe .Ndakazvireva ini kuti zvichapera ne musodzi kunge pa nhamo hezvo vona . ' Vanhu vese vakabva vapfugama ndokutanga kuvuchira ... ' Ruregerero Baba tisu takatadza kusekerera bedzi richizvipisa . Tapfugama tichichemera hwupenyu hwe vana vedu kuti hwuve hwakanaka . Tiri panguva yakaoma izvezvi chero kudya chaiko hatisi kugona .Takatorerwa mufaro wedu ne vatorwa taite maybe zvichanaka . Takumbiravo ruregerero isu takumbira '. Sekuru ; ' Ndanzwa tsitsi endai kunotema huni manheru munhu wese ngavuye pano titaure nhawu iyi munhu wese azvinzwire . ' Vanhu vese vakabva vasimuka ndokuenda kunotsvaka huni .... Ipapo zuva rakanga rati kwirei Tonde akanga chitevera ma tsimba a Timoty .Zvino Timoty akanga aneta ndokusvika achirara pakaruware .Tonde akabva amuvona ndokuhwandira achivuya pedo naye . Tonde akasvika achimuwira ndokubva awira uko .Murungu akati achida kumuka Tonde achibva amupinga achimugara akamubata huro .Murungu akabva arova Tonde musoro ne book .Tonde akabva awira uko Timoty achisara achimira .... Timoty : ' Can we talk about this ?' Tonde akanga asinganzwi chirungu akabva atanga kuita se mhuka ndokutanga kuda kurwa na Tioty .Timoty akabva avona kuti munhu uyu anaye ndokubva atanga kutiza .Tonde akabva atevera ne hasha dzekuda kutovuraya munhu .Vari busy kumhanya Tonde akabva abatwa ne musungo ndokumuisa musoro pasi makumbo mudenga .Banga ne museve wake wakabva wadonha plan ye kuti abve pakanga pasina . Timoty paakavona izvi akabva amira ndokudzoka akasimudza mavoko kuratidza kuti hasi kuda zve hondo ...... Timoty ; ' I come in peace let me help you .' Tonde hapana chaainzwa .Timoty akabva atanga kutaura ne mavoko......... Timoty ; ' Rega ndikubatsire usati wafa asi please usandivuraya '. Tonde hana kupindura akabva angodzungudza musoro .Timoty akabva atora banga ra Tonde ndokukwira mumuti ndokucheka tambo Tonde achiwira pasi ...... Timoty ; ' Sorry .! Are you ok ?' Tonde akangobva adzungudza musoro zvekusvora .Timoty akabva aburuka mumuti ndokusvika achitambidza Tonde banga rake .Tonde achitora banga akabva apinga Timoty achibva awira pasi . Tonde akabva atora makavi ndokusunga Timoty mavoko ne makumbo ndokumusenga akananga ku gomo . Zuva rakanga rava kuvira ipapo jena guru rakanga roda kubuda ....... Tonde akabva asvika achikanda Timoty pasi ndokumusungunura muromo ..... Tonde : ' Ndoda kuti undivudze zvese zvandiri kuda kuziva '. End of Episode