Episode 29 Story by Malvern Ndlovu #Adventure David "Wow yaaa ndizvo zvinoitwa munhu asinganzwi izvozvo so Mambo vuyayi timbodya kuno uyu mukandei munana Tonde tichavona zvekuita naye ..... Mambo "Kwete ini zvepano handichadi ndavuya ne zvamuri kuda regai ndiende hangu ". David "Ndiri kukumbiravo kuti ungovuya tidye ugoenda hako". Mambo "Please handidi kuzofa dai mandisiya ndaenda hangu ". David "Kwete handisi kuzokuvuraya asi kuda kutovumba hwushamwari newe hangu ". Mambo "Kana madaro hangu ". David "Good uyu mukandei mune vamwe vake ndakamirira zvinotevera ". Alice akabva akandiwa makanga muna Tonde na Elvis ..... Tonde "Ko nei iwewe wava muno ?" Alice "Hatina rimwe zano asi rino ndiro rega ratinaro ". Tonde "Zano rakadii ireri ko book riripi ?" Alice "Book tasiira Baba Amos na James ". Tonde "Saka plan yako ndeipi manje zvawava muno ?" Alice "Plan yadu kuti Mambo vawane mukana wekuvuraya David kuti tiwane rusungunuko so tapa David fake book ". Tonde "Wambopafunga kuti David ane ma powers here ?" Alice "Yoooo ipapo hatina kunge tazviziva yooo dai Mambo vakasazama kuvuraya David nekuti ndivo vangatofa ". Tonde "Hapana kuipa ndine imwe plan ". Elvis "Guys ini ndakufa ne nzara ". Tonde "Ndine ka orange idya uwane simba ". Elvis "Waita hako ". Alice "Ko nhayi Elvis izvi uri kuzviitirei ?" Elvis "Haisi good time kundivhunza ". Alice "Ndiwo mukana wacho nekuti hauna kubata pfuti uye hauna simba muno ". Elvis "Handisi kuda kutaura nhawu iyi please ". Alice "Ok chinzwa Elvis hypenyu dzidza kuva ne moyo wekunzwira vamwe tsitsi .Tarisa kubva musi wabiwa zai iri vanhu vangani vafa nekuda kwako .Uye uri munhu ane mhuri unonzwa sei dziri hama dzako .Zveganda hazvina basa asi tese tiri vanhu tinonzwavo kurwadziwa .Tarisa zvese zvatiri kusangana nazvo kuno unofunga kuti zvinonakidza here .Handisi kuti zvakaipa asi ndiri kuti dai waita hako hutsinye usingavurayi vanhu .Izvezvi tasara ne 2 days kuti tive tadzokera kudunhu tiwane vanhu vari vapenyu .Izvezvi togona kusadzibata towana vafa todii kana kuti isu kufa muno ". Tonde "Alice uyu munhu mukuru awaraura amanzwa zvava kwaari asi isu ngatiite kuti asafa tigone kudzokera ne zai uye naye wacho .Ndovimba kuti tichawana vanhu vedu vari vapenyu ". Elvis hana kukwanisa kupindura kana 1 word akabva aramba ari serious achidya hake orange rake....... David "So ndivudze wakasangana sei ne vanhu ava ?" Mambo " Vanhu ava vakangotikumbira kuti tivaperekedze kuvona nyika asi zvinhu hazvina kuzofana zvakanaka tikabva tabudira kuno ". David "Saka nei vachikuti Mambo ". Mambo "Zita iri rakabva pandakaba chikaro cha Mambo so munhu wese akabva anditi Mambo ". David "Wow it makes sense so haudi here kutonga neni .Because kutopihwa zita rekuti Mambo zvine chirevo ". Mambo "Manje ini handina wisdom yacho ". David "Unenge uri pa side pangu uchivona matongero angu ". Mambo "Hapana kuipa ndoda ". David " Ok saka mangwana makuseni tombotanga tatora zvandakagarira pano 5 years ". Vakabva vatanga zvavo kudya vachitaura nyaya .Mambo vakabva vatora chimwe chikafu ndokuisa muhomwe zvavo ..... James "Manje vanhu vese vabatwa todii ?" Baba Amos "Ngatirambe ne plan yedu tigovona kuti zvinobudira kupi " Ipapo zuva rakanga ravira manje apa hwamhanda hainakumira kurira. Vakomana pavakada kusvika hwamhanda yakabva yanyarara .Munhu wese akabva abudisa weapon rake ndokutanga kuenda vachinananira .Vakasvika ndokuvona hwamhanda yakagadzikwa pa dombo .Vakabva vatanga kutarisa Kuma sides asi hapana munhu wavakaona ..... Vakamira kudaro umwe Akabva arobva ne museve muziso achibva adonha pasi .Hapana akaziva kwabva ne museve sezvo hasina kuzvipa nguva yekutarisa .Munhu wese akabva akanda mapfumo musango iroro .Umwe museve uchibva musango uchibva warova umwe wavo futi .Vakomana vakaona kuti vanyangira yaona vakabva vati chitsoka ndibereke vachidzokera mudunhu .... Ngoni kumhanya akanga asingagoni akabva atanga hake kufamba achidzokera kudunhu .Munhu wese ayitiza apa atingonzwa sound ye mhepo kuti padarika munhu asi iye akanga asingavoni munhu wacho sezvo munhu wacho ayipfuura so fast asi ayizongovona dumbu ratobaiwa ne banga .... Vakomana 9 vese vakanga varohwa vafa kare ipapo Ngoni ayingotevera achingovona vanhu vakafa . Mukomana wekupedzisira akabva apingwa makumbo ndokubva awira uko pfumo uko .Akabva atanga kugwesha achienda kune pfumo rake ipapo akabva avona pfumo rake ratikwa .... Akasimudza musoro ndokurohwa butsu achiwira uko .Ipapo munhu uya akabva atora pfumo ndokuenda kune munhu uya ndokurisimudza achida kubaya akabva anzwa Ngoni achitaura...... Ngoni "Dai ndiri iwe ndisingambomuvurayi nekuti museve wangu haukuti ". Tana "Oh Ngoni saka unoda kundivuraya here ?" Ngoni "Kwete asi ukangoda kuvuraya munhu iyeye ndinokuvuraya zveshuwa ". Amos "Dai ndiri iwe handaimbodaro kanda museve pasi Ngoni ". Ngoni "OH ok so what ?" Amos "Hatisi muvengi wako Ngoni asi dziri kuda kuzama kupedza vanhu ava ne plan yakangwara ". Tana "Uyu handimu trust akavuraya vamwe vedu ndichivona". Amos "So waida kuti ini ndife here ?" Tana "Kwete asi dai wakaramba kana kuti toita zano tese ". Ngoni "Zvakaitika zvakaitika kana uchida kubika chingwa unotoputsa mamwe mazai ." Amos "Tana izvi hazvisi izvo zvatakatenderana saka vuya tiite zviri mu plan ". Ngoni "Ko makasangana sei imwi ?" Amos "Pakatanga kutsva dunhu rino sekuru vangu neni takasara mubako tikahwanda moto .Asi zvakaitika mhuka dzakawanda dzakabva dzavuya dzichida kuhwanda so ndakabva ndavhara bako nezidombo kuti mhuka dzisapinda .Manje dambudziko rakaitika dombo riya ndakabva ndakomewa kuri mvura ne mukati sezvo pane parakanga rakabatira kunze .Kwekuenda kwakanga kusina takasarudza kugara hedu takamirira kuti tiwane rubatsiro. Ipapo ndipo pakazosvika Tana achitsvaka chikafu chekupa vanhu ndipo paakativhurira .So takabva tavona kuti vanhu vedu vakanga vatova vasungwa so takaita zano rekuti tivapedzere kure vasati vaziva kuti ndiani ". Ngoni "Manje zano renyu now ndere kudii ?" Amos "Zano redu raive rekuvunza iwe pano ne 1 we vanhu ava kuti tiite zano racho ". Ngoni "Uyu munhu musamuvuraya kana muchitoda kuti plan yenyu ishande ". Amos "Uyu hatisi kuzovuraya asi ndiye watiri kuzotuma ". Ngoni "Moda kumutumei ". Tana "Ari kuzoenda kunovudza Mambo wavo kuti vanhu vese 9 vapenyu asi ngavavuye tisangane pasina vamwe vanhu ". Ngoni "Vakomana zano renyu ndere nhema iri .Are you out of your minds .Munoziva kuti zviri risk sei vese vanhu vedu vanobva vavuraiwa dai maita rimwe zano kwete iri ". Amos 'Hatina rimwe zano iwewe itotipa". Tana "Uyu handimbodi zano rake rakaipa anokupandukira uyu ". Amos "Handifungi kuti achazviita zvaakamboita ". Ngoni "Ok zano rangu ndeiri sezvo iwe Tana uri fast ndiwe uchava musengi we vanhu .Iwe Amos ndiwe uchava munhu anenge achifura vanhu Tana achisenga. Amos "Manje hatizovonekwi here ?" Ngoni "Imwi munotarisa kwandinenge ndichinongedza mofura iyeye ". Amos "Ok iwe chienda manje uyu toita sei manje ". Ngoni "Don't worry ndoenda naye ". Ngoni akabva azvizadza ropa ndokusenga munhu uya ndokutanga kuenda ku dunhu .Akasvika kudunhu ndokusvika achikanda munhu uya pasi apa munhu akanga akutofa zvake ..... Seu akabva amhanya kunovona munhu uya .Sue akabva atanga kumuvhunza asi munhu hana kutaura Akabva atofa ...Seu ne hasha akabva abata Ngoni huro ..... Seu "Chii chaitika ". Ngoni "Sango riri kudya vanhu mukuru .Mune chikara chiri kuvhima vanhu zvisingaiti ". Seu "Ko nei chisingavhimi iwewe " . Ngoni "Ipapo handisi kuziva asi ndatotiza ". Man "Sir muregei ari kutaura chokwadi ayita rudo kusenga umwe wedu kusvika kuno wani .Ndipei vanhu 20 ndiende navo ndinovabata vanhu ava ". Ari busy kutaura hwamanda yakabva yarira kubva kune rimwe gomo ipapo Seu akabva aregedza Ngoni.... Seu "Endai muri 20 asi muchenjere kunyangira yaona iwe Ngoni ukasara pano neni " . Vakomana 20 vakabva vatora zvombo ndokutanga kuenda kwakanga kuchirira Hwamanda ... End of episode