EPISODE 48 STORY BY MALVERN NDLOVU Vapedza kutaura kudaro vanhu vese vakabva vasimuka ndokuenda kunozorora . Elvis ,James na Boss vakabva vaenda pavovo ndokurarara .Tonde hana kukwanisa kurara akabva ayenda paruware ndokugara akatarisa dunhu rake .Ipapo Alice akabva asvika ndokugara pa side pake ..... Alice ''Dzatadza kubata here hope ?'' Tonde '' Hongu maybe ndicharara mangwana kana dunhu raita ''. Alice ''I think mangwana ndiwo magumo azvo saka after this ukudii ?' Tonde ''Ndiri kuda kudzosa baba vangu chete ''. Alice '' Wow unovada sahem ,rega ndiende maybe ndiko kupedzisira ''. Tonde hana kupindura ayitofungavo zvake . Tonde akazosimukja around 1 ndokuendavo kunorara hake .Panguva idzodzo Elvis ayitorotavo hope pamusoro pe mwana wake . ... Elvis dreaming .... Elivis akabva atanga kurota ari murwizi achiratidza kuti ari kuvonekana ne vamwe zvakanaka .Ipapo akabva atarisa side raayienda ndokubva avona mwana wake akarohwa ne museve 3 kumeso achichema .Elvis akavhunduka akabva atanga kuenda achimhanya ndokusvikapedo naye ndokutanga kuvhunza ..... Elvis ''Kochii chaitika son ?' on '' Hamutani kurivara baba muri kuratidza kuti muri kubva mudunhu randakavurawa muchifara ne kuti mapihwa mari yandakafira ''. Elvis 'Ukutaura nhawu yeyi nhaiwe ndivudze vakubaya ''. Son '' Ndabaiwa ne vakomana vatatu ve mudunhu ramuri kubva wekutanga ndi Tonde kuchitevera Amos umwe handichazivi kuti ziva ndiani ''. Elvis ''Kwete handingasiyi izvozvo zvichiitika rega ndiende kunorwa navo mari yavo handina basanayo ''. SON '' Torai banga iri mumujume akarivara ''. Ekvis akabva atamidzwa banga mwana wake ndokubva anyangarika . Elvis akabva atanga kutarisa mativi ese asi hana kuvona kanamunhu akabva atora chikepe chake ndokutanga kudzokera kudunhu ipapo akabva avona Tonde akamira achipfuta moto .Elvis akabva avhunduka ndokubva apepuka kubva mukurota ..... Elvis akamuka akagara ndokubva avona vanhu vese vakarara asi hanakuzivakuti Tonde akanga akarara kupi sezvo vanhu vakanga vakawanza apa. Elvis akabva avona banga pasi raanga achirota achpihwa ne mwana wake .Elvis akabva aritora ndokuita muhomwe make ndokumirira kuti kuedze avone Tonde wacho .... Kwava kuedzamunhu wese akamuka ndokutanga kufamba vachienda kugomo rakanga richifanirwa kuiswa zai . Kune rimwe divi kwana Seu mhepo yakanga yamira vamwe vake ndokuenda kumutarisa ndokubva vaonakuti Seu ayenda ega ku dunhu .Vakomana va Seu vakabva vatora zvombo zvavo ndokutanga kutevera matsimba a Seu ayo ayiratidza kuti ayenda ku dunhu . Machinda a Seu akabva atanga kumhanya achitevera ..... Ipapo vanhu vakabva vasvika pa gomo pacho Amanda ndokuenda mberi na Tonde vakabata zai riya . Vachipinda mukati me bako iri vakabva vawana Seu akagara pamusoro pedombo raifanirwa kuiswa zai .Ipapo Seu ayitodya zvake achiratidza kuti hapana zvakawanda zvaari kufunga ..... Tonde ''Ko iwe uri kudei pano ?'' Seu '' Muvhunzo wakanaka chaiko , Ok ndiri pano nekuda kwako ''. Tonde ''Inini ndadii ?'' Seu '' Ndiwe wakatora tsvimbo mudunhu rangu ukaita kuti vanhu vakawanda vafe zvakanyanya saka ndavuya kuzotora tsvimbo yangu hanty ndiwe wakaitora here ''. Tonde ''Handikwanisi kuramba hongu ndini ndakaiora asi ndaidavo kuti dunhu rangu rinake ''. Seu '' Uchivuraya vanhu vangu here ?'' Tonde ''Rega kudzosa nhawu yakapera kare honakana ndikaisa ai iri pa tsvimbo zvinhu zvese zvinonakira tese ''. Seu '' The moment yaunongoisa zai apa zuva rinobva rabuda isu tofa saka izvozvo handisi kuzvitendera kana ndiri mupenyu . Ndipe tsvimbo ndiende kana usingadi zvinoreva kuti unofanirwa kutanga wandivuraya kuti uyise zai apo ''. Tonde ''Usada kundiita munhu akaipa Seu ndokumbiravo kuti uyende pa side tiite zvatiri kuda kuita then tozotaurirana ''. Seu '' Zvekutaura zvinondinetsa zvandataura wazvinzwa ''. Tonde akabva ada kuita nhano imwe chete kuti aswedere ku zai ipapo Seu akabva arasa chikafu chake kure achibva asimuka . Ayinge akabata simbi diki diki iri mumavoko ake ....... Tonde ''Handisi kuda kurwa newe Seu ''. Tonde akabva aramba achivuya ipapovo Elvis akabva abudisavo banga rake ndokugara naro mumavoko . Tonde achienda kudaro Seu akabva amwiza simbi yaakanga anayo ikabva yatanga kukura ndokuita pfumo raipfuta moto . Tonde achida kuswedera akabva arohwa ne chibhakera from no way hana kuvona kuti chabva kupi . Tonde akasimuka ndokutanga kukoka simba rake achienda kuna Seu .Vakabva vatanga kurwisana vanhu vakangoringa hapana zvavaikwanisa kuita sezvo paishanda ma powers chete . .. Tonde akanga asingatani kubuda ropa ,ranga razara kumeso kwake kwese zvino simba ra Tonde rakanga rava kukurirwa akabva apfugama pasi .Seu ndokusvika ne pfumo rake akarimwiza ndokuita banga raipfuta moto . .... Seu '' Ndanga ndisingadi kukuvuraya asina wandipa no choice good bye Tonde ''. Seu akabva asimudza banga rake achida kubvisa musoro wa Tonde ipapo akabva anzwa abayiwa pa dumbu .Akacheuka akabva avona ari Ngoni . Ngoni akabva amudzipa huro ne ruvoko rumwe chete .Tonde paakavona izvi akabva ada kusimuka kuti abatsire Ngoni asi achida kusimuka akabva arohwa ne butsu na Seu ,Tonde akabva asvika achiwira mubanga rakanga rakabatwa na Elvis . Elvis akabva arizvomora ndokubva abaya futi mudumbu .Achida kubaya pa huro Elvis akabva arohwa ne museve pahuro achibva adonha pasi .... Amos akabva amhanya kuna Tonde ndokubva amubata ipapo Tonde akanga achikosora ropa mumuromo apa achifemeraka. Ngoni akabva akurirwa power na Seu ndokubva abayiwa pa moyo ndokubva awira pasi ndokunyarara . Seu akabva atora muti muhomwe make ndokubva atanga kutsenga ndokubva apora ipapo ipapo ...... Seu akabva atora umwe mushonga ndokutanga kuenda kuna Tonde ,Mambo ,Baba Amos na Amos vakabva amira mberi kwa Tonde vakabata mabanga vachida kurwa .Seu akabva asimudza banga rake mudenga vanhu vakabva vawirakure .Seu akabva ayendapana Tonde ndokubvaamugarisa zvakanaka ndokumupa mushonga Tonde akabva apfira pekutanga.Seu akabva atoraumwe mushonga ndokuisa mumuromo wa Tonde ndokubva avhara muromo ,Tonde akanga asina choice akabva awumedza ipapo akabva apora . Seu akabva adzokera kunogara pa dombo ndokumirira kuti Tonde avuye zvekare .Simba ra Tonde rakabva radzoka futi ..... Seu '' Haumbofi wakandikurira Tonde simba rako ndoriziva ,dai waiziva kuti ndini ani dai wamira kurwa neni .Tsvimbo ndeya baba va baba va baba vangu saka hapana paichavuraya muridzi wayo ''. Tonde ''Saka nei wandirapa ''. Seu'' Ndiri pakati pekurwa newe pane zvandavona handikwanisi kukuvudza asi zai hausi kuzoriisa apa unototanga wandivuraya hamheno kuti uchandivuraya sei ''. Tonde 'Hauna kupindura muvhunzo wangu ''. Seu '' Tsvimbo ndiyo hope yedu yakangofanan ne zai renyu saka kana tisina tsvimbo mudunhu medu hamugariki ndosaka ndisingadi kuti ufe ''. Tonde ''Ok saka kana usingadi kuti ndife uchadii ne kuti ndiri kuzorwa newe kusvika wafa ''. Seu ''Hapana anokwanisakundivuraya saka newevo kupedza nguva '. Timoty '' Varume varume inga wani ndinogara ndakataura kuti hapasi pese panoda hondo asi panoda kutaurirana . Honai ini handina banga asi handina vanga .Ko ungada kusaita vanga iwe uchifamba ne banga here . Varume nhawu yenhuwu ndaivona pairi kufira .Iwe Seu hausi kuda kurwa asi hauna choice ne kuti uri kufunga kuti kana Tonde akaisa zai apo imwi makutofa . Tonde iwewe haudi kutendavo zviri kutaura Seu so problem inewe Tonde .Yes iwewe Tonde vimbisa Seu kuti kana waisa zai apo uchaita kuti zuva risabuda kusvika wagadzirisa zvinhu '. Tonde ''Ndakanguri ndataura kare asi vanhu hamundinzwi . Seu ne hupenyu hwangu ndinopika kuti kana zai iri rikaenda patsvimbo ndichaita kuti mese murarame pazuva .Kana ndikasadaro vadzimu ngavandivuraye hangu ''. Seu ''Ok hapana kuipa asi kana wakundikana ndokuvimbisa kuti ndiri kuzokuvuraya musoro wako ndopa hove gumbo rako ndoridya ini .Ok ita henyu zvamanga muchida kuita '. Tonde ''Amanda vuya tipedzise zvatanga tichida kuita ''. End of Episode