Story by Malvern Ndlovu #Adventure Amai Tonde moyo wekuregerera Mambokadzi vakanga vanawo kare sezvo vaivona kuti murume ndiye akanga ane problem .Hwakanga huri vusiku vanhu vese vakanga vakamirira zuva kuti riedze .Baba Amos ne vanhu vese vakanga vari mudunhu vakanga vasingazivi kuti vanhu vepasi pe mvura vakanga vachivuya ivo vaingoziva kuti James na Elvis vari kuvuya chete ...... Vanhu ve mumvura vakanga vakatomiriravo kuti kuchene vakwanise kufamba zvakanaka .James ne vamwe vavo havana kurara vusiku hwese vachi driver chikepe ..... Mangwana makuseni vanhu ve mumvura vakabva vatanga rwendo rwavo apo panga pangosara zuva rimwe chete kuti vasvike .Kunana James kwakanga kwasaravo zuva rimwe chete kuti vasvike..... Mamukseni iyayo vanhu vakanga vatomuka mudunhu vachitonwa tea yakanga yabikwa na Alice makuseni seni .Alice akabva atora yake tea ndokuenda kunogara na Timoty vachitaura havo ...... Alice "Sorry hako Timoty ne nhawu yandakataura ya mukomana vako I know I was wrong sorry hako umwe wangu". Timoty "Hapana chekundikumbira ruregerero Alice .Zuro wakataura dama chairo mukoma vangu havangarovi ndofanirwa kutirwisa munhu akaita kuti vafe .Saka ndakafunga mashoko ako ndikavona kuti ichokwadi chawaitaura ". Alice "At least hauna kutsamwa I was worried vusiku hwese ". Timoty "So uri ku plan kudii manje ne vanhu ava ?" Alice "Ndiri kutoda kuti vakapedza kudya izvezvi Totowa bag tototanga kuronga hondo yacho asi pane zvakaita manheru ". Timoty "Chii chakaitika ?" Alice "Book riya it's not just a book ". Timoty "I don't understand so it's what kana risiri book ?" Alice "Uchirivona it's like a book but mavonero angu it seems like a magic book ". Timoty "How do you tell ?" Alice "Mifananidzo inotaura imwe yakandakonewa kududzira". Timoty "Manje vanhu ava uchavaudza here ?" Alice "Kwete ndichavudza Tonde chete vamwe zvinonetsa kunzwisisa ". Timoty "Vanhu vamira asi vamirira isu here ". Alice na James vakabva vasimuka ndokuenda kwakanga kune vanhu vese .... Mambokadzi "Maita basa taguta .sekureva kwenyu zuro makati munoda kutidzidzisa kubata museve yenyu ne zvakawanda saka tatogadzirira kudzidziswa ". Alice "OK munhurume wese tora museve wako handizivi kuti zvinoita here ndiise ma camera mumuti ". Baba Amos "Hapana kuipa toisa hedu ". Alice "OK kana zvichiita tichatora zvinhu zvedu tese toenda kubako tosiya tateya museve yedu mudondo toisa ma camera kana tadaro totsvaira matsimba edu ese ". Varume vakabva vadzidziswa kubata museve .Vamwe vakadzi vakabva vasenga zvinhu zvese ndokuenda nazvo mubako .Timoty akabva atora ma camera ndokuisa musango rese ndokusiya akateya museve wake .Vanhu ve mudunhu vese vakabva vatsvaira kuti vanhu vasaona matsimba ..... Timoty "Right zvatichaita apa kutopesana kuti tisazofa tese Baba Amos moenda kune rimwe bako .Tv iyi munovona zvese zviri kuitika mudunhu .Phone iyi munotaura neni muchindivudza zviri kuitika kana pane zvazoitika asi tese tichange tichivona pama camera ......... Alice ne chimwe chikwata moenda kune rimwe bake moita the same .Ini ne vamwe tichaenda kune rimwe bako. ndokumbiravo kuti matsimba enyu asavonekwa saka kana vavengi vavuya vawane tisipo ipapo ndipo pachatangira hondo yacho ." Alice "Yaaa zano rakanaka chairo muri kutenderana nazvo here ?" "Houngu". Vanhu vese vakatenda kuti zano ridaro. Amanda akabva apesana na Tsitsi .Tsitsi akabva ayenda na Alice Amanda akabva ayenda ku side kwakanga kuna Timoty ...... Mudunhu makabva ma ziii musina kana mhuka yainzwikwa kuchema .Makuseni iwayo Mambo Nana Tonde vakabva vamutsiwa ndokuenda ku ring ...... Tonde "Ko chii chiri kuda kuitika asi chikafu chaita ?" Jinda "Kwete kuno hakubikwi titipona na Sekuru Tembo avo vanotipa zvekudya ". Tonde "Saka vatimisirei pano ?" Mambo "Kuti urirwe hupenyi hwako .Nhasi handisi kuziva kuti uri kurwa nani ". Tonde "Manje ini handizvigoni izvi ". Mambo "Wotodzidzira hako Seu akatsamwa saka anogona kukupa vanhu vakawanda uri umwe chete ." Vari busy kutaura Seu akabva abudikira vanhu ndokupfugama vese ...... Seu "Nhasi tiri kuda iwe wakasvika zuro kuti upinde mu ground uri kurwa ne vanhu 2 vane zvombo iwe usina asi unotenderwa kushandisa zvavanazvo izvozvo ." Tonde "Handigoni kurwa ini ndoda hangu kuita rimwe basa ". Seu "Kwete kuno hatina mabasa saka wotorwa kana usingadi kuita vusavi hwanhasi ". Tonde akabva akandiwa mu ring vanhu 2 vakabva vapinda vakabata ma panga .... Seu "Varume itai nyama iyi idyiwe ". Vakomana vakabva vamhanya kuna Tonde .Tonde akabva avona chuma chababa vake chichiita chiedza ndokubva chapinda muchifuva chake .Tonde akabva avhara paziso akapfugama . Vakomana vakada kutema Tonde akabva avabata mavoko vese kamwe chete .Achibva avhura maziso akanga akaita kunge moto uri kupfuta .Tonde akabva avakandira kunze kwe ring vachibva vafirapo zvakashamisa vanhu ...... Tonde akabva atarisa mavoko ake ndokuvona kuti angana ane simba raakanga ayinaro .Simba riya rakabva raenda Tonde ndokutarisa kunze kwe ring ndokuvona vanhu vaavuraya hana yakarova ndokubva afenda mukomana ...... Mambo ne umwe muchinda vakabva vamhanya kunomusenga ndokuenda naye kubako .Vakamudira mvura munhu hana kumuka .Vakazama zvese zvavanogona asi vakakonewe ..... Sekuru Tembo "Hasati ambovuraya munhu saka kufenda kwaayita anoda kurohwa pachifufa wozomubaya munzeve anomuka". Mambo vakabva vamurova pachifuva ndokumubaya munzeve Tonde akamuka achivhunduka ........ Tonde "Ko chii ndiri kupi ?" Mambo "Haya iwe uchatifira chaiko ko chii chsitika pachifuva apa ". Tonde akabva azvitarisa ndokuvona kuti pachifuva pake pakanga pane ku nyorwa kwakanga kusinganzwisisiki ..... Tonde "Handisi kuti chii ichi ?" Sekuru Tembo "Une vadzimu vari pakati pauri vanokupa simba uye nekukurirwa ". Tonde "Kwete handina ini ". Sekuru Tembo "Handisi kukuvhunza asi ndiri ndiri kukuvudza ." Tonde" Handipikisi hangu kana madaro ". Sekuru Tembo "Mambo na Tonde handei pasi pandinogara ndikuratidzei chimwe chinhu ". Mambo "Hapana kuipa handei hedu ". Sekuru Tembo vakabva vatora tsvimbo yavo ndokutungamira kuenda kwavanogara.Panguva iyoyo Seu akabva ayenda kuna Ngoni .Ngoni akanga akatovata hake apa nyama dzake dzakanga dzichirwadza ne kurohwa .... Seu "Haaa hama dzako asi dzine muti wekurwa here ?" Ngoni "Handitozivivo ini kwedu kudunhu hatirwi saka handisati ndambovona vanhu vachirwa ". Seu "Vanhu vacho vanoita kunge vane mangoromera manje zano rekuti tivavuraye ndoriwana sei ?" Ngoni "Vanhu vacho vanonyumwa zvinotonetsa chaizvo kutotora 1 by 1 muchiita kunge munoda kuvapa basa ipapo ndipo pamungavagona ". Seu "Yaaaaa zano rakanaka ndichaita zekudaro handidi kuti vauraye vanhu vangu .Mangwana ndovimba kuti mhuri dzavo dzichange dziri pano ". Ngoni "Amai vangu vachange varipovo ne dzimwe hama ndokumbiravo musadzivuraye ". Seu "Muka hande ndinokuratidza zvinhu zvakakosha muno ". Seu akabva atingamira Ngoni ndokubva amuka achitevera kwanga kwaenda ma Seu .Ngoni akati achivhura musuwo ndokuvona munhu mukuru akagara pachigaro akabata tsvimbo yakanga isingatarisiki nekupenya ......... End of episode