Story by Malvern Ndlovu #Adventure Tonde "Ko varikuendepi naye manheru akadai ?" Sekuru Tembo "Ruregerero varume vaenda kunomuvuraya vakavona kuti muri kuvakurira pakurwa apa ". Tonde "Manje todii mangwana vachatora umwe futi tangosara tiri vatatu chete ". Sekuru Tembo "Hatina zvekuita kunze kwekutotora Tsvimbo chete '. Vakabva varara asi hapana akanga achifara nazvo .... Jinda "Ngoni ndokumbiravo usadaro ko wapindiwa ne mweya upi ?" Ngoni "Nhoroondo yese Ina Judhas ruregero sahwira '. Jinda rakabva atemwa ne banga ndokufira ipapo .Varume vakabva vasimudza mutumbi ndokuenda nawo kunodya zvavo .. Vanhu vakabva varara zuva iri asi Timoty,Alice na Baba Amos havana kurara vakangoringa camera .Mangwana kuseni vanhu ve munhura vakabva vaenda ku dunhu ndokuwana kusina kana munhu .Vakazama kutarisa matsimba asi hapana chavakaona ....... Elvis akabva atora drone ndokuisa pfuti ipapo ndokutanga kuri controller richienda ku dunhu .Rakabva ravona vanhu ve mumvura .Elvis akabva atanga kushudha munhu wese .Vakawanda vakaparara umwe wavo akabva atora museve ndokurova drone riya ndokubva rafa...... Elvis "Vavuraya drone rangu vakomana handei munhu wese muvuraye asi musiye Tonde chete ndiye wandiri kuda ". Vakomana vakabva vasenga pfuti dzavo ndokupinda musango vachiita kumhanya kuti vacate vanhu vasati vatiza ..... Baba Amos "Ko chii chiri kuitika ?" Alice "Zviri kuratidza kuti James asvika asi arova vanhu vasiri ivo achifunga kuti tisu ". Timoty "Saka todii ?" Alice "Mirai kusvika vavurayana ". Vakabva varamba vari mubako vakanyarara kuti zii vakangotarisa ma camera chete . Pa vanhu 18 vemumvura pakasara 5 chete vamwe vese vakanga vatorohwa ne pfuti kare vamwe vapenyu vakanga varohwa magumbo vasingachagoni kufamba .One wavo akanga asina kukuvara akabva atanga kuzama kudhonza vamwe asi zvakaramba simba akanga asina ...... "KWETE REGA KUTIDHONZA DZOKERA KUDUNHU KWEDU UVAUDZE ZVIRI KUNO ". Mukomana akabva arova chitsoka ndibereke akananga pasi pe mvura . Varume va Elvis valabva vakomba vanhu vaya ndokubva vavuraya 4 ndokusiya 1 .Elvis na James vakabva vasvika ndokutora munhu uya ndokutanga kumurova ..... Elvis "Tell us where is Tonde ?" James "I don't think kuti anokunzwai ini ". Elvis akabva abudisa pfuti ndokurova musoro .... James "No wamuvurairei ?" Elvis "Ari useless kana asingagoni kutaura ". James "Asi anogona kufamba ka .Dai taenda naye kudunhu kwake " Elvis "Mayb next time '. James "Haaa vanhu ava vakasiyana ne Type ya Tonde ". Elvis "Ukurevei ?" James "Ndiri kureva kuti iri nderimwe dzinza iri .Vamwe vanoratidza kuti havasi pano plus hapangaiti vanhu 17 ko vamwe varipi ?" Elvis "Tarisa matsimba ". James "Pari kuratidza kuti pane 1 chete munhu atiza .It's not making any sense ". Zvese izvi vana Alice vakanga vachizvivona ..... Alice "Vabereki ndovimba kuti muri kuzvivona kuti dai tisina kutiza dai tese tatofa kutaura kudai .Saka hatisi kuda kuti vanhu ava vambotivona kusvika tawana zano rekuvauraya ". Mambokadzi "Haaa ita zvauri kuda Alice kuti tirarame ". Alice "Muri kuvona murume uyo anonzi Elvis munhu asina kana tsitsi hana mangwana anongovuraya hana moyo we kuti mwana kana kuti munhukadzi anongovuraya chete saka rega ndimuratidze zvatirivo ". Alice akabva abaya baton museve wakanga wakateyewa wakabva aregedza ndokusvika uchiriva umwe murume akanga ari pa side pa Elvis achibva afira ipapo .Alice akabva atanga kubaya ma Baton akawanda museve ndokutanga kubuda musango .Elvis ne vamwe vake vakabva vatanga ku mhanya vachienda ku mvura .Vamwe vakabva vabatwa ne musungo vamwe ndokubva varumwa ne nychi dzakanga dzakateyewa .Vamwe vakabva varohwa ne museve vamwe vakakuvadziwa ne zvakawanda ..... James achimhanya museve wakabva wamurova ruvoko mukomana achibva awira pasi .Elvis akasvika achirohwa ne nyuchi achibva asvika achiwira mumvura....... James akasara achievers zvishoma ne zvishoma achipinda muchikepe achirara pasi .Elvis akazobuda mumvura nyichi dzaenda ndokupinda muchikepe .Vamwe vavo vakanga vafa asi vakawanda vakanga vari vapenyu havo asi vakanga vakakuvara....... Elvis "What is going on ?" James "I don't know but zviri kuitika ndizvo what is going on yacho ". Elvis "Ko ndiani akavaudza kuti tiri kuvuya ?" James "Obvious ndi Timoty hakuna umwe ". Elvis "Ndiri kumuda ari mupenyu futi ndoda kumubisa ganda rekumeso. Vakomana ndipei drone ". Elvis akabva apihwa drone ndokuriisa mudenga umo makanga musingavonekwi nema camera ana Alice .Elvis akatarisa dunhu rese ndokushaya vanhu .Munhu waakangovona e 1 chete akanga achimhanya pasi pe mvura kunotaura zvaitika ...... Elvis "Vanhu ava vanenge vakawanda mumabako chete vangaenda kupi ?" James "Manje Makomo akawanda tovawana kubako ripi ipapa ?" Elvis "Hazvinetsi vakomana pisai sango rese vachabuda havo". End of episode