EPIDOSE 34 STOTY BY MALVERN NDLOVU Tariro ' Chero ndikakuvudzai hamungazvitendi '. Ngoni ' Tizame tivone '. Tariro ' Mukuda kuzivei imwi ?' Ngoni ' Tikuda kuziva kuti ana Tonde vakuvuya here ?' Tariro ' Hongu vakuvuya vapei mazuva maviri chete .Asi kuvuya kwavo ndavona kunongedzerana ropa richadevuka .Kupandukirana kuchavuya zvekare .Vamwe vachati iwe ndiwe wakavuraya dunhu redu .Vamwe voti zai toda mari vamwe ndivo vachazama kugadzirisa nhawu asi pachafa vashoma asi inhawu yakakura iyoyo '. Ngoni ' Ok saka manje todii ?' Tariro ' Imwi muripano garisanai ,tauriranai imwi ndimwi munofanirwa kusarudza divi rinovoka .Ndimwi munofanirwa kutanga kuvapandukira kuti dumbu rino rinake ne dunhu riri pasi pe mvura '. Ngoni ' Ok pane akupikisa here tisati taenda hedu ?' Sue ' Ini kana Tonde asina kuvuya n tsvimbo hapana kutaurirana kwatiri kuita pakufa munhu '. Ngoni ' Imwi muri makwara here munoti kusakuvudzai kutya here .Izvezvi ne ruvoko rwangu 1 unofunga kuti ndiani wako angarwa newe .Kana uchida now titange kutovurayana kana uchida .Dunhu rako tinorigadzira kana vakomana vavuya kana ukada kuita nharo rudzi rwako tiri kuzoriparadza ndaneta nekutambunzwa ini '. Man 1 'Ini hangu ne vamwe vangu ndakamirira ku side kwa boss vedu Elvis i think zviri kutaura Ngoni zvakawanda .Sometimes hazvidi hondo zvinoda kutaurirana chete . Zvinobatsirei kuvurayana zvinhu zvichazopfuura . Sekufunga kwangu ini mwana uyu anga achitaura zvakanaka ,isusu ngatipandukirei side ratinovona kuti riri kuita zvakaipa kutaura kudai .Iwe Seu na Ngoni mukatanga kurwa isu tinotora side ra Ngoni ne kuti ndiro rine future'. Tariro ' Garai pasi vakuru mutaurirane .Honai vakadzi venyu vakunzwisa tsitsi sei '. Amanda akabva azevedzera kuna Tsitsi ...... Amanda 'Inzwa ka mwana aka yooo zvakaoma '. Ngoni 'Ok tazvinzwa tichataurirana '. Seu 'Ok tichataurirana kacho '. Ngoni ' Saka handei kunogara hedu ku gomo uko kwatinokwanisa kuvona zvese '. Vakabva vaenda zvavo ku gomo ndokunogara ikoko ipapo zuva rakanga rava kutovira apa pakadzoka Tonde ku bako akawana vanhu vakatomumirira ........ David ' Inga makatowanda so manje zano rako nderipi Tonde ?' Tonde 'Ava ndivo sekuru vangu .Murondi we nhoroondo chero ye gore ripi .Havasi murondi we nhoroondo yamangwana chete asi murondi we nhoroondo yakaitika chero gore ripi '. David 'Saka zvakarongeka tangai baa henyu '. Tonde ' Sekuru Tembo hero basa renyu ndiri kukumbira kuti mutevere nhoroondo yakare iyi kuti tsoro yakateyewa apa yakateyewa kare '. Sekuru Tembo ' Hauna kurasika muzukuru ndipei nguva ndikuronderi '. Tonde .Nguva yese ndeyenyu sekuru '. Vakabva vagara vana Tonde vakaringa sekuru vachiita basa ravo .Zuva rakabva ravira ipapo Tonde akabva angozembera dombo ndokubva atovata sezvo akanga ava ne mazuva asina kurara. Akavata kudaro akabva atanga kurota ...... Tonde dreaming Tonde akabva atanga kurota akabata zai achisvika mu dunhu rake .Paakasvika kudunhu akabva awana musina kana munhu .Akabva akanda zai pasi ndokubva atanga kumhanya achidana mazita e vanhu vaanoziva .Akabva avona kuti hapana ari kudavira .Ipapo akabva asarudza kuenda pamusoro pe gomo kuti avone zvese .......... Asvika pamusoro pe gomo akabva avona varume 5 vakakomberedza zai raakanga asiya . Varume vaya vakabva vatanga kubayana ne mabanga vachivurayana .Tonde hana kuburuka mu gomo akabva acheuka ndokuvona baba vake ...... Tonde ' Ko chii chii kuitika baba '. Baba Tonde ' Hapana chiri kuitika mwanangu asi zvichaitika zvauri kuvona izvi .' Tonde 'Saka ndozvimisa sei nhayi baba ?' Baba Tonde ' Hazvimisiki izvi mwanangu '. Tonde 'Saka muri kundiratidzirei ?' Baba Tonde 'Ndangoti ndikuratidze zviri kuvuya mudunhu rino ne kuda kwe zai '. Tonde 'Ko amai vangu ne vamwe vanhu ?' Baba Tonde 'Tarisa kumasure kwako '. Tonde akabva atarisa kumasure kwake ndokuvona amai vake vakabata pachifuva vachibuda ropa .Tonde akabva amhanya kwavari .... Tonde 'Ko chii chaitika mhamha '. Mai Tonde ' Dai wakagara wabva hako mudunhu pawakadzingwa hona nhasi ndafira iwe mwanangu '. Tonde 'No mhamha mukurevei kana muchidaro '. Mai Tonde 'Mwanangu ndakufa tsoro yako wakaikonewa '. Ipapo Tonde akabva avona amai vake vachimira kufema akabva atanga kuridza mhere ndokubva asimuka ndokutanga kutaura na baba vake '. Tonde 'Baba ndibetsereivo kumutsa amai '. Baba Tonde 'Havana kufa mwanangu asi iwe ukatadza kuchinja pfungwa zvese zvauri kuvona vanhu ve mudunhu rako vachivuraiwa zvichaitika '. Tonde 'Saka todii '. Ipapo baba Tonde vakabva vatanga kufamba vachienda vasina kumupindura ..... Tonde 'Hamuna kundipindura ,ndati ndoita sei ?' Baba Tonde 'Muka uyite what is right to your people'. Ipapo baba Baba Tonde vakabva vaenda Tonde ndokusara ari pa gomo .Akabva acheuka kumasure kwake ndokuvona David akabata pfuti ..... Tonde 'Ko ukuda kudii ?' David 'Kukumutsa ne kuti urere '. Ipapo David akabva anongedzera pfuti kuna Tonde .Tonde akabva anzwa sound ye pfuti ichiuda akabva anzwa adonzwa ipapo Tonde akabva apepuka kubva ku hope ndokuvona David akutomumutsa izvi zvakamuvhundutsa achibva ajambira kune rimwe divi ...... David 'Relax tisu '. James ' Bad dreams ?' Tonde ' Yaaa mangamati kudii ?' Sekuru ' Muzukuru musungo ndauvona saka zvava kuda kuti munhu apinde kana apinda anobva abisa museve uyo wakarohwegwa pamadziro '. Tonde 'Ok hapana kuipa sekuru regai ndipinde '. Alice 'No ko kana zviri wrong ?' Tonde 'Hapana ane choice tese tikuda kuenda nguva saka sekuru todii ?' Sekuru vakabva vatanga kumuraira mapindiro ,Tonde akayita saizv ozvo ayifamba zvishoma ne zvishoma asara ne nhano 1 akabva ayita mistake ndokubva arohwa gumbo ne museve .Umwe uchida kurova musoro Tonde akabva akotama achijambira mberi ndokusvika pakanga pane The Egg of life ...... Tonde akabva aramba akambovata pasi achimbofema .Apa museve wakanga warova gumbo wabuda ne seri .Sezvo Tonde akanga akashinga akabva asimuka ndokuzvomora museve wakanga warehwa na sekuru ipapo pakabva paita sound yekuratidza kuti pava safe .Baba Amos na Alice vakabva vapinda vachimhanya .... Alice 'Are you oky ?' Tonde 'I don't know '. Vanhu vese vakabva vapinda mubako ndokuvona zve shuwa zai riripo .... David ' Well done '. End of Episode