Story by Malvern Ndlovu #Adventure Alice "Ndava kuverenga zviri kureva book iri ndovimba kuti apa ndipo pamuchanzwisisa book iri . Makare kare dunhu rakanga riri bindu rakanaka rakakomberedzwa ne zvinhu zvinoyevedza..... . Mudunhu makanga musina kana kupandukirana kwemadzinza vanhu vepasi pe mvura dzaiva hama dzaishanya hwusiku pedzi sezvo masikati dzaitsva ne zuva . Rimwe zuva vanhu takatogara hedu takanzwa kusungunuka kwe pasi tikashaya kuti zvabva kupi ...... Akanga ari masika machena chena asi zuva rakaenda muna mai varo izvo zvakatishamisa .Takaenda kugomo ndikawana zai pasina asi munhu akanga aritora ndewe pasi pe mvura akanga ayita hake musikanzwa .Dunhu redu rakanga risingachaiti taifema munhuhwi wemhuka dzakafa .Mvura yakatanga kusanaya muchero ndokutanga kuparara ...... Takagara pasi se dunhu kuti tiwane zano re kuti tiwane zai redu asi hapana akaziva kuti zvinoitwa sei .Takaenda kunochera mhura kunoperera dunhu uko kwaita mazuva maviri kufamba ....... Takadzoka pamusha pa Mambo tikabva tabika doro tichikumbira kuvadzimu hasi hazvina kushanda .Papera mazuva matatu takaenda futi kunochera mvura ndokudzoka tichienda kugomo kunobika doro .Ipapo ndipo patakanzwa inzwi richitivudza kwekuenda "Varume rwendo urwu rune makuva pasi dzamaiti hama ndidzo dzakupandukirai .Kuti muwane zai endai pasi pe mvura munotora tsvimbo Ina Mambo ivavo kana madaro ichakuratidzai kwekuenda ". Takabva taburuka gomo ndokugara ne vakuru ndokubva mambo vakanda mapfumo pasi ndokusiya chigaro kuti vaende ku hondo nesu .Takamukira mashamba nzou tichienda kwakanga kune vanhu ava vanogara mumvura .Takasvika zvakanaka vakatigamuchira zvakanaka ipapo .... Tonde "Sorry kukudzosera kumasure ko panguva yacho ava vanhu vakanga vasingadyi vanhu here ?" Alice "Handizivi ipapo rega ndiverenge : Vatigamuchira zvakanaka takavaudza kuti hatisi kugara vakavhunza chikonzero tikavaudza kuti ....... Dunhu redu harichina chikafu saka kuti muveye hazvichaiti kutora zai kwamakaita makakanganisa izvezvi vanhu vakungofa saka tanga tichida tsvimbo .Ipapo havana kuzvinzwisisa mambo wakabva aramba akati ndikakupaivo tsvimbo iyi ndinofa mhiko yacho yakaoma hatizokwanisi kuzodya zvinhu zvisina ropa ........ Vakaramba zveshuwa asi isu takanga tisina zvekuita takabva tabudisa zvombo tichida kutorwa .Hondo yakatanga pasi ipapo vakawanda vakaparara asi Mambo pavakangotorerwa tsvimbo takabva vawira pasi ndokutofa .Mamwe pavakaona kuti Mambo vafa vakabva vakanda mapfumo pasi asi mazino avo akabva awedzera kukura .Vakabva vatanga kuita sekiti kujambira vanhu vachinwa ropa vamwe vachidya nyama.... Ipapo takabva tavona kuti mutambo watsvuka ropa takabva tati vamwe varume 6 vaende kunotsvaka zai riya mamwe vakasara pasi vachirwa .Tsvimbo yehwumambo takabva yatiratidza kune rimwe gomo raive kunze kwe dunhu redu .Takabva tagadzira makwande ndokupinda mumvura tikaenda ikoko .Tichingosvika umwe wedu akabva arohwa musoro ne museve ndokufira ipapo ........ Takabva tatanga kumhanya pakumhanya ipapo takabva tapesana .Vamwe vakabatwa ne vanhu vanonzi Cafe people. Ava vanhu vakabva varonga mutambo wekuda kupa mwari wavo ropa .Vachiita kudaro ini ndakabva ndapinda mukabako umo makanga mune zai rimwe chete rakagara pakati ne pakati pe bako ...... Ndakabva ndakanda tsvimbo ndokutdvika ichienda pakanga pane zai .Tsvimbo iyoyo yakabva yamira pakanga pane zai .Zai rakabva ravuya mumavoko angu ipapo ndakabva ndanzwa vanhu kuvuya ndikabva ndatiza .Asi gomo iri rakabva rakombewa kwekuenda ndakanga ndisingachazivi.... Manheru ese ndakabva ndanyora book rino kuti kana zai rikazoratisa futi vanhu vagone kuriwana .Makuseni ndakabva ndanzwa ndabatwa asi munhu akandibata akabva anditora ndokuenda neni kumvura ndokundiisa mugwati asi hamheno kuti akandibaya nei ....... Ndakanga ndisisagoni kutaura asi kunyora chete .Ndakasvika mudunhu vanhu vachiratidza kukuvuraya izvo vanhu vemumvura vakanga vatotora vanhu .Mambo wakanga vasingagoni kutaura seni rurimi rwakanga pasina .Ndakabva ndatora vanhu vechikuru ndokuenda navo kugomo ndipo patakaisa zai book ndikabva ndaisa ipapo ....... Alice" Ndiwo maperero ayo ". Tonde "Hazviiti ka ko iye akazoenda kupi ?" Baba Amos "Zvinoreva kuti akafa saka panoda umwe anoziva zvakaitika ". Tonde "Baba venyu ndivo vega ". Baba Amos "But rimwe zai hanzi toriwana kupi ?" Alice "Pane zvinyorwa zviri apa saka imwi wanai tsvimbo kutanga then tozoenda kunotsvaka zai ". Baba Amos 'Saka ikoko kunogara Cafe people vacho tikaendako hatiwani zai here ?" Tonde "Handifungi ndovona kuti kune imwe tsvimbo ine zai nekuti haringarambi richiwanikwa pa tsvimbo imwe chete ". Baba Amos "Saka isu todii manje ". Tonde "Kana tasvika kudunhu imwi endai ne vanhu ava kune vamwe vedu movapa chikafu mogara makagadzirira hondo nekuti James akuvuya .Ini ndichazama kuenda pasi pe mvura". Baba Amos "Rega ini ndiende ikoko iwe wovudza vanhu ". Tonde "Kwete ndikaenda kudunhu hapana zvinobuda handi ndakadzingwa here saka hazviiti ". Baba Amos "Hapana kuipa ndichaita sekudaro kwacho ". Alice "Ini ndoenda newe ". Tonde "Kwete enda ne vamwe ndofarira kufamba ndega ". Alice "Manje kana wawana Tsvimbo Yehwumambo uchadii ?' Tonde "Ndichapa munhu ovuya nayo kudunhu mochivona zvekuita ". Makuseni seni James akabva ayenda kuna Elvis ...... Elvis "Waita wavuya handina kunyanya kukuvuraya .Nhawu yawakataura zuro ndakasara ndikaifunga .Saka torai zvombo zvikepe ne chikafu kuti tisazofa." James " OK asi book nderengu handiti ?" Elvis "Yaaa book nderako asi gold nderangu ". James "Hapana kuipa ". Elvis "And munhu ayida kundivuraya ndiri kumuda ari mupenyu ". James "Ndomuziva anonzi Tonde ". Elvis "Iyeye ndiri kumuda ari mupenyu asi vamwe vutayayi . Saka chienda kunogadzira zvekepe ndiri kuvuya ". Panguva idzodzo Elvis akabva a receive call kubva kuna boss vake .... Boss "Elvis zai rako ramuka rakafufunyuka kuita mavhu ". Elvis "I don't understand gold rozoita mavhu sei ?" Boss "It means wakapihwa fake egg iwewe ". Elvis "Isaipa video call ndivone zai racho ". Boss 'Iro tarisa kuita mavhu chaiwo ". Elvis "impossible how ?" James "Not impossible ndizvo zviri kutoitika ". Boss "Ndiani akutaura uyo ?" Elvis "Shamwari yangu '. Boss "Why wadaro young man ?" James "Zai kana rikabva patsvimbo paro harifanirwi kugara for 3 days risiri pa Tsvimbo Yehwumambo .kana 3 days dzikadarika rinoita zvarakaita izvi ". Boss "Manje izvi rinorevei ". James "Zvinoreva kuti rakavora and rava useless ". Boss 'No ndakabvisa ma billion apa Elvis ukutii ne nhawu iyi ?" Elvis "Boss makati munoda zai ndikakupai saka ini ndozvipinda papi manje ". Boss "OH olk manje ndava kuda kukupa basa enda kunotsvaka zai ne Tsvimbo yehwumambo yacho ". Elvis "Zai hapana anoziva kwariri ". James "Tikawana book zai tinoriwana ". Boss"Saka find the book bring the egg and Tsvimbo yacho ". James "It's easy to say but hard to do ". Boss "I don't care Elvis are you taking the job ?" Elvis "Yaaa ". James "It means vakawanda vachafa kana masarudza kuita zano iri ". Elvis "No zviri easy handi vana Tonde vari kutsvaka zai racho kana variwana isu toritora ". James "Maybe kana madaro ". Elvis "Boss! mati muri kutipa marii pa basa iri ?" Boss"500 Billion dollars ". James "What yooo inga rakakosha ". Elvis "OK done tipei 10 days chete ". James akabva ayenda kunovunganidza zvese zvaidiwa ndokumirira kuti Elvis avuye . Makuseni iwayo Mambo ne vamwe vavo vakabva vamutsiwa ndokuenda kunogara ku ring .Ngoni akanga asati abudikira panguva yacho .Seu akabva ayenda kuna Ngoni ...... Ngoni "Mune shuwa here ne zvamuri kuda kuita ?" Seu "Asi uri kutya here ?" Ngoni "Ehe ". Seu "Nei utyisa ?" Ngoni "Handisati ndambovona Mambo vachirwa saka handisi kuziva zvavari asi ivo vakuratidza kuti vanotozvigona ". Seu "Usatya vanhu vanotya vanotaurisa kuti utye .Iwe ndokuvimba nhasi enda kunovaratidza kuti ndiwe wega tora ka banga aka kana zvaipa ukabudise ". Ngoni akabva agamuchira hake banga .Seu akabva ayenda ku ground akatowana vanhu vakatomumirira ...... Seu "Mamuka here nhasi tine kurwa ku hombe hapasi kushanda zvombo asi mavoko chete .Munhu umwe chete anofanirwa kubuda ari mupenyu ." Vanhu vakabva vatanga kufara kuti nhasi pane nyama zvekare . Mambo vakabva vapinzwa mu ring Ngoni achiteveravo vachibva vavharingwa mu ring iroro ...... Mambo "Nhasi ndiri kukuda kukuratidza kuti munhu anotengesa vanhu anorohwa sei ". Ngoni "Ndaisada kumuvurai ini ". Mambo "Ropa ku ropa mutevere kwaakaenda nhasi ndoda kukuratidza ." Mambo vakabva varova Ngoni chibhakera achibva awira uko.Ngoni achida kumuka akabva anzwa butsu kumeso achiwira kudivi .Mambo vakabva vamira kuti amuke .Ngoni akamuka ropa rakanga razara kumeso kwese apa akanga azvimba...... Ngoni akati achida kupa Mambo bhutsu mambo vachibva vaenda padivi vachimurova ne kuseri kweruvoko munhu achidzadzarikira kure .Ngoni akavona kuti hapana chake apa akabva abudisa ka banga kake ndokubva arova Mambo kumbo ...... Mambo pavakaziva kuti munhu ane banga vakabva vatanga kurova zvekuda kuvuraya .Ngoni akati achida kubaya ndokubva abatwa ruvoko banga richiwira uko Mambo vachibva vamuwisa pasi ndokumugara ndokutanga kurova munhu kumeso .Vakabva vaona kuti munhu simba hachisina vakabva vasimuka vachienda kunotora banga ..... Vakabva vatanga kuenda kuna Ngoni ne banga riya ndokusvika vachikugara pachifuva ndokubva vasimudza banga voda kupaya ndipo pavakanzwa voice ra Seu ....... Seu "Mirai kurwa mirai ". Mambo vakabva varega kuzobaya Ngoni .Seu akabva asvika mu ring ...... Seu "Koiwe banga wariwana kupi ?" Mambo "Ravudiswa na Ngoni ". Seu "Uri kunyepa ndiwe wavuya ne banga .Ndataura kuti hapana zvombo zvodiwa iwe ukasarudza kutyora mutemo handiti ?" Mambo "Kwete ini banga ndoriwana kupi ". Seu "Usada kundikonewa pano mutongo wako uri kurwa ne vanhu 5 izvezvi ". End of Episode