Episode 24 Story by Malvern Ndlovu #Adventure #Book not edited Manheru akanga asvika manje ipapo varume vaviri vakanga vatumwa na Seu vasvika mugomo riya vachitarisa kwakanga kune moto mudunhu iri .Vakavona kwakanga kune chiedza chakakurisa pakati ne pakati pe dunhu .Vakati voda kudzika umwe wavo ndokubva atemwa ne zidombo zi hombe achibva afirabipapo .Umwe wacho hana kunge avona kuti dombo rabvei asi chakavuya mupfungwa dzake kuda kutiza .Akambozama mukomana kuda kutiza asi museve wakamurova mudumbu achiwira pasi ndokufura ipapo ..... Hapana akanga aziva kuti chii chava vuraya musango umu .Uko vana Seu vakanga vakangorinda kuti vanhu vachavuga asi kwakaenda imbwa ndiko kwakaenda tsuro ..... Ngoni "Ko vanhu vacho vasiri kuvuya vakamboita sei asi havagoni kukwira gomo here ?" Seu "Hongu gomo rinonetsa kukwira saka zvichatora nguva". Ngoni "Manje ruvoko rwangu ririkurwadza ini apa rakuvora manje honai honye ". Seu "Saka uri kuda kuti ini ndidii ?" Ngoni "Ndiri kuda kutsaka mushonga ndizvirape ". Seu "Rega tikupe wedu mushonga unopora hako asi vanhu vangu ndovimba kuti vari kuzodzoka ". Ngoni "Obvious vanodzoka kana vakaita zvandareva chete ". Seu akabva atora mushonga wake wakanga une simba risingaiti ndokuisa paruvoko rwa Ngoni akabva apora ipapo ipapo ..... Ngoni "Aaa mushonga wakaita sei uyu ?" Seu "Mushonga unorapa chero hove kana shumba chaiwo ". Ngoni "Yaa mushonga wakasimba chaiwo uyu unorapa shumba ". Vakabva varamba vakagara vakamirira kuti vakomana vadzoke..... Sekuru "Varume tisati tasimuka dai takwanisa kuronga kuti tiri kufamba sei ". Mambo "Idi iroro Tonde wati todii ?" Tonde "Varume tiri majinda pano .Mazano marairwana and rume rimwe harikombi churu". Alice "Hongu kutsva kwendebvu varume vanodzimurana asi ka diesel ne petrol hazvingadzimani". Tonde "Uri kuzama kureva kuti chii patsanura nhawu yako ?" Alice "Ndiri kuti iwe Tonde une simba riri pa Tsvimbo iyi saka pamwe iri kukuvudza zvekuita ndosaka ndichida kuvudzwa newe bedzi ". Tonde "Zviri munjeve asi ko kana ndikafa mukasara mega muchapangiwa nani mazano ?" Mambo "Varume iyi nhawu ngatiitisei dai tatoenda hedu sezvo kwadoka". Sekuru "Hongu tiri kuzvinzwa asi hatina kana zano kana muvono muti tinopinda sei ". Alice "Ko imwi hamugoni here kutsvaka zvese zvichaitika after apa ". Sekuru "Kwete ink ndinoronda zvakaitika ndinoita anonzi ma corrections chete ". Tonde "OK nhawu yakamira so iyi .Kupinda mudunhu rinogara vanhu ava zvinotyisa pane gate 1 rekupinda ne kubuda .Dunhu iri rakakombwa ne mvura isingashamiriki uye munhe zvinodya vanhu imomo .Saka zvatichaita isu kupinda takahwanda tochifambira pamabako kuti vasationa .Kana tadaro tinofamba tese hapana ari kusara kana kuenda kwake tiri kufamba tese .First think tiri kuda kutsvaka Elvis kana tadaro totsvaka zai then tozoita plan yekuenda kumba zai tava naro ". James "Ko madii kugadzira chikepe then kana tobva uko tototiza tichiziva kuti chikepe chiripo pane kuzotanga kugadzira tava kunhanyiswa ". Tonde "Ko tikapedza nguva kugadzira chikepe tofa so zviri nani titange tatora the egg of life then tozotiza hedu ma plan aripo ". James "Haaa kana wadaro handipikise hangu asi namatai tiwane Elvis ari mupenyu ". Tonde "Right torai zvombo zvedu gava gava redu iro nyikai museve yenyu imomo tiwane kufamba .Chikumbiro usarova giant kana risina kutivona ,handei hedu " . Vakabva vadzima moto wavo ndokutanga kufamba vachienda kwaigara ma giant ese .Kuma giant space yavo vaiva diki se mazi vanhu akakura asi kunana Tonde space yakanga yakakurisa zvisingaiti kufamba .Panhu pairohwa nhano mbiri ne giant Ana Tonde vaifamba 10 minutes chaidzo ..... Vakasvika pa gate vakomana ndokuwana rakavharwa asi ivo vaikwanisa havo kupinda sezvo kwavari space yaiva hombe .Rimwe Giant raigadha pa gate rakanga rakatovata pa side pe gate rakadziya moto .Tonde ndiye akanga ari mutungamiriri Mambo vari ivo muvudzi . Tonde akabva aenda pajinga pe giant ndokutanga kufamba pa side akahwanda kuti asavonekwa . Vari pa side pe giant Tonde ayitovona riri gomo chairo chero kuenda pamusoro paro ayitya..... Vakabva vadarika pa giant rekutanga ndokusvika pakanga pakaita sango dziri mbeu dzema giant dzakanga dzakakura semiti. Vakamhanya manheru iwayo ndokusvika pakanga pazere ma giant achitonwa doro achifara hahwo ..... Ana Tonde vakabva vaenda pazasi pedombo paive pachituro chema giant ndokusviko gara ipapo ndokutanga kuzevezera ...... Tonde "Varume ngatingonamatai kuti Elvis timuwane apa ". Man "Guys ini ndafunga kudzokera kumba I am done mari yandobhadharwa ishoma pane zvandava kuvona izvi " . James "You're going no way unofa ukaenda gara nesu pano tife tese at least ". Mambo "Manje tomuwana sei Elvis apa ?" Tonde "Haaaa vanhu vacho vakakurisa apa kuti titarise musoro umwe ne umwe wena giant aya ibasa tinosvika rinhi kwese uko " . Baba Amos "Tambokwira sei futi " . Tonde "Kukwira plan hatishayi asi manje akawandisa tinozobatwa .panga pachitoda Shiri inotaura apa ". Alice "I think panga achida drone ". Man "I have one drone left kana muchirida ". Alice "Oh really wow thanks chirega kubvunda nekubuda zivq everything is normal neh " . Alice akabva atora drone ndokuriisa on ndokutanga kuri driver riri mudenga denga musingasvikirwi nema giant . Akatanga kutarisa misoro yese kuti akwanise kuvona kuna Elvis . Kwekuoedzisira kwema giant ndiko kwaakabva avona Elvis akati vundundu ari pamusoro pe giant riri kutonwa zvaro doro .... Alice akabva adzisa drone paduze ne musoro Elvis akabva arivona ndokutanga kusvimudza mavoko zvekuda help .Sezvo drone raiva pedo richibusisa twu sound se nyichi .Giant rakabva rachirovera pasi chi drone ndokubva chanyarara ..... Alice "Oh chi drone charohwa asi Elvis ndamuvona ". Tonde "Ari pane giant rakaita sei ?" Alice "Riya rational richigeza kurwizi ". Mambo "Saka handei ka kunomununura ". Tonde "Kwete tinovonekwa pari kuda plan ". Mambo "Manje plan yako ndeye chii ?" Tonde "Sekuru rondai kuti Giant iro mangwana ririkunogeza nguvai ?" Sekuru "OK ndipe ka time ". Sekuru vakabva vatanga kuita zvinhu zvawo havo ..... Seu "Kwakaenda imbwa ndiko kwakaenda tsuro iwe hauna kutengesa vanhu vangu here ?" Ngoni "Kwete handingadaro ini ndichizva kuti ndofa ". Seu "Saka manje varipi vanhu vacho ?" Ngoni "Tese tanga tiri pano kuvhunza ini kupedza nguva .Madii matora varume venyu 10 neni wacho toenda tese tivone kuti chii chatora tsvimbo ". Seu "Mashoko ako anobaya asi wazondidzora hako nemashoko ako anotapira ". Seu akabva atora vakomana vake 10 ndokutamba kufamba vachienda ku gomo..... Tonde 'Sekuru hatina nguva ". Sekuru "Muzukuru kana ndichiita zvinhu zvangu ndapota usandimhanyisa ". Tonde "Zviri munzeve sekuru chitaura henyu nyaya yenyu " . Sekuru "Nhawu yakamira seizvi .Iro giant harifariri mvura saka kuti rigeze mazuva anotevera zvichametsa .Maybe runogona kutora kana 5 days risina kana kugeza asi rinohwanza kugeza idzo nguva dziya mazuva ese " . Tonde "Manje mvura ichinaya so rinogeza ireri " . Mambo "Pariri hapasi kunaya " . Tonde "Yaaaa ndine plan Alice book rako harina here kumbotaura zvekuita pamusoro pe Tsvimbo iyi ?" Alice Zvakawandisa asi manje zvinoda nguva " . Tonde "OK never mind ngatidzokerei hedu kubako kwedu tidzoke ne rimwe zano ". Vakabva vabva pavakanga vari ndokutanga kumhanya vachidzokera kunze kwe bako .Vasvika ndokugara vachiratidza kuneta asi Tonde akanga akamira akaringa kwaabva ane shungu ..... Tonde "Imwi Sarai pano ndine gwenya mukwenya randichatema izvezvi ndicharizora giant riya kuti mangwana rigeze ". Alice "No it's a bad plan iyi wega unofa " . Tonde 'a bad plan its better than no plan at all ". Mambo "Be safe please udzoke ..... End of episode