EPISODE 43 STORY BY MALVERN NDLOVU Mambo ' Oh ndiwe Mambo wavo ndanga ndakusuwa and ndaishuva kurwa newe saka kana zvakadaro ndiwe wega uri kuda kufa muzuva ra nhasi. Vamwe vako vagona vanyarara so it means iwewe ndiwe wega . Right vakomana tanga tagarisana tisina kudya nyama ndofunga kuti yavapo '. Ngoni 'Kana muchida kudya Mambo vangu zvinoreva kuti mofanirwa kutanga madya ini kutanga pasina izvozvo muri kunyepa '.Chero iwe Seu kubva kare ndichida kurwa neni saka nhasi chaiye ngatirwe even ndine ruvoko 1 ndokuvuraya iwewe '. Seu ' Pamusoro pekuvuya mudunhu redu ndokuba tsvimbo nhasi uno makuda uno makuda kutivuraira tsvimbo yedu . Kana izvozvo hazviiti hamuna kumbotivona mudunhu renyu imwi asi ndimwi makaita kuti tivuye . Saka kana zviri izvozvo ngatirwei tivone '. Ipapo Seu ne vanhu vake vakabva vatanga kuenda kuna Tonde asi Mambo ne vanhu vavo vakabva vaenda mberi kwavo . Izvi zvakapa Seu hasha ndokuvudza vanhu vake kuti vatange kurwa navo . Ipapo hondo ye marudzi yakabva yatanga . Kwaingova kubayana nemapanga vanhu vachifa se huku . Vakadzi ve mudunhu rana Tonde vakabva vatizandokuenda kure nekwakanga kuchiitwa noise .Vakabva vahwanda ikoko . Apa Sekuru va Amos na Sekuru Tembo vakanga vasingagoni kumhanya . Seu akabva ayenda kwavari ndokutanga kuvavhundutsira ne banga ........ Sue 'Handisi kuda kukuvurayayi ini chandiri kuda e tsvimbo yangu chete ndiende ku dunhu kwangu . Hondo handichaidi ndakadzidza zvakawanda pakugara nemwi .Makaita kuti tisadya vanhu saka ndinozvitenda zvese izvozvo . Chandiri kuda ndicho chamakatora vanhu vakawanda vakufira mahara nhasi hapana chatiri kugadzirisa apa dai mangondipa tsvimbo yangu handi zai ramakanga muchida mariwana here . Sorry ndanga ndisingadi hangu asi hapana zvekuita '. Ipapo Sue akabva asimudza banga rake ndokurova Sekuru va Amos paruvoko . Sekuru va Amos sezvo akanga ava munhu mukuru hapana chainge achogona . VSekuru vakasvika pakufa vachingochekwa chekwa . Apa Seu akanga azara opa kumeso kwese akabva asimudza musoro wake ndokutanga kuenda kuna Sekuru Tembo ...... Sekuru Tembo vakabva vatanga kudzokera kumasure vachitya .Umwe munhu we mudunhu rana Tonde akabva asvika ndokutanga kurwisana na Seu .Ipapo Seu akabva atanga kurwa ne mukomana uya pasina ma 2 minutes mukomana akabva arohwa ne banga pa huro achibva afira ipapo . Seu akati achida kutarisa kuti Sekuru Tembo varipi akabva avona pasina kanamunhu .... Seu akabva atanga kufamba achienda ku mvura ,apa vanhu vakanga vari busy kurwa hapana akavona Seu achibuda kunze kwa Ngoni chete . Ngoni akabva atangavo kutevera Seu zvishoma ne zvishoma sezvo vanhu vakanga vaneta ne kurwa . Ropa rakanga razara pasi pese vanhu vakawanda vakuvara vamwe vatofa . Apa Baba Amos vakanga vakagara vachivona havo Tonde achirwa na David . Amos ayingonzwa noise kubva ku dunhu asi hana kuzviisa mumusoro ayingoti vanhu vakutaura . ... Tonde rakanga rangova ropa chete muviri wese munhu anzwa nekurohwa asi Tsvimbo yaingomupa power kuti arambe achirwa .David simba raive rakawanda asi ayingoshaya kuti ovuraya Tonde sei ..... David ' Tonde rega ndikuvudze short story umwe wangu . Makore apfuura ayo ndaiva munhu ayisekwa ne munhu wese asi ndiri munhu ayida kudiwa ne vese .Ndiri munhu akangokura achitamba ndega asi ndaiverenga ma books hangu . Asi ndakazowana plan kuti ndiite munhu anodiwa ne vanhu vese zveshuwa ndakabva ndadiwa '. Tonde 'Handina kumbovhera ndakuda since day one .Hope dzakatondivudza kuti une hutsimwe . Shuwa kutora dunhu rema giants rakanga rakanaka ukariita sezviya '. David ' Mira ndipedzise nyaya yangu , Ndakavuraisa shamwari dzangu 5 dzese kuti ndiwane simba iri and nditori right ne kuti ndakarishandira '. Tonde 'Saka point yako iri papi ndisati ndakuvuraya manje '. David 'Point iri pakuti usada kuitahero iwe usina kuzvishandira .Tangawazvishandira then wochiita hero . Hona wangozara ropa muviri wako wese and hapana paungandikurira Tonde rega tsvimbo wondipa zai handimbofi ndakakuvuraya ,usada kufira kuti iyite hero '. Tonde 'Nhawu yako iri pakungoita hero chete ndo problem .Ini handisi kurwira hukuru kwete asi ndiri kurwira chakatorwa mudunhu medu . So iwewe haungamiri mberi kwangu kuti undirwise mudunhu rangu .Unofunga kuti simba handina ka .Rega ndikuratidze kuti ndine simba hombe kudarikarako '. Tonde akabva asimuka ndokubata tsvimbo yake ndokuitendeka mudenga . Ipapo meni yakabva yavuyandokusvika ichipinda muna Tonde .Tonde zvino muviri wake wese wakanga wangova magetsi . Tsvimbo yakabva yafufunyuka ...... Tariro 'Manje tsvimbo yafufunyuka uchadii ko iripi tsvimbo yacho ?' Tonde 'Ndini tsvimbo yacho handi iye ayida kuzviita zai maje ini ndazviita tsvimbo yacho '. David akabva ada kuvuya achingoguma Tonde akabva arohwa ne magetsi achiwira kure .Tonde akabva amhanya ne spped ndokusvika achirova butsu David achibva awira uko .Tonde akabva amutevera ndokubva asvika achimubata huro ndokubva amusimudza akamudzipa . Maziso a Tonde akanga akaitakutsvuka ne hasha ,David akabva atanga kungotsva kunge munhu arohwa ne mhini ndokutanga kusviba muviri wese achipfunguira chivutsi .Ipapo Tonde akabva akoka ma powers ake ese achibva apedzisa David kuita skeloton ipapo akabva amukandira kure .Simba ra Tonde paakariregedza rakabva rarova miti yese ndokubva adonha pasi asi muviri wake wairatidza kuti getsi rizere ........ Amos akabvaasimuka achida kunobata Tonde .Tariro akabva amumisa .... Tariro 'Kwete usaenda pedo naye anokukuvadza hasi kugona kuzvibata '. Amos akabva adzokera kumasure . Ipapo Tonde akabva amuka akananga kwakanga kuna James .Tonde akabva anongedza James ne chugumwe chimwe chete ,ipapo Tonde akatanga kukoka simba rake futi akanongedza James kudaro . James akanga akutonzwa kuti atofa kare .Tonde akabva angodona ndokubva ati zii pagetsi ndokudzima ........ Timoty akabva amhanya ndokusvika kumusimudza Tonde akanga achibuda ropa mumhino ......... Tariro ' Musimudzei tiende naye kudunhu maybe vakuru vanoziva kuti vangadii '. Amos na Timoty vakabva vasenga mukomana ndokutanga kufamba vachienda ku dunhu ...... Seu akanga ari busy kumhanya achienda ku mvura ipapo akabva avona Ngoni akamira mberi kwake. Seu akabva abudisa banga rake akananga kuna Ngoni ........ Hapana kutaurirana kwavakaitavakabva vatanga kuparana vakomana . Ngoni ne ruvoko 1 ayikurirwa sezvo Seu akanga ane simba risingaiti . Seu akabva arova Ngoni kusei kwe nzeve ne kuseri kwe banga ipapo Ngoni akabva afenda asi Seu akafunga kuti avuraya Ngoni . Seu akabva atora banga rake ndokuenda kurwizi .Nzira vakapesana ana Amos vakanga vatora imwe nzira .... James akanga akagara pachikepe chikepe chichiramba ku muka kuti atize ipapo akabva avona Seu achivuya akabata banga . James akabva atora pfuti yake ndokumira pamusoro pechikepe ..... Seu ' Vanhu vakaita varungu ndimwi vandiri kunyanya kuda chaiko '. James 'Hauna kurasika wanga watii ?' Seu ' Ndikuda kuti undiratidze kuna Tonde kuti ndisakuvuraya '. James 'Hauna kunonoka asi unondipei kana ndikakuratidza '. Seu ' Ndokupa chese chauri kuda '. James 'Ok ndikuda musoro wa Tonde '. end of episode