Story by Godfather #Adventure Notice : This episode is short because of electric power . Elvis"Hello old friend ". James "How are you sir ?" Elvis "I'm trying to be good nganga ndafa ". James "Sorry sir ". Elvis "Saka who is the person anga achida kundivuraya ?" James "Vanhu veku Island vari kutsiva zvawakaita kudunhu ravo ". Elvis "How do you know that ?" James "Umwe wavo anova iye akurovai ne museve ndiye wandakavona akabata book raayida kupatsanurirwa ". Elvis "Manje achiri mukuta here ?" James "Handisi kuziva ipapo asi anenge atodzokera ku dunhu ravo sezvo vawana Alice anogona kupatsanura book ". Elvis "OK tiri kuda kuendako tosiya tapisa Island yese vanhu vese tovuraya". James "Ini hangu ndanga ndichida book chete ". Elvis "Hapana kuipa uri wangu iwe book unorigina". James "Saka tinoinda rinhi ?" Elvis "Ndichakuvudza mangwana kuti ndamuka ndafungei zvaizvezvi muviri wangu uri kurwadza ". James "OK hapana kuipa mosara mushe ". James akabva abuda ndokuenda hake kumba kwake .Asati apinda mumba akabva afonera boss vake .... Boss "I hope wava naro book ". James "Handisati asi Elvis atenda kuenda neni kudunhu saka zvichireva kuti book ndoriwana ". Boss "Olk hapana kuipa ndonzwa newe ". James "Ndipeivo mari shoma ndimbobhadhara zvikwereti munozongobvisa kana book ravapo". Boss "Tarisa mu bag mako ndaisa 10K ". James "O maita basa boss ndanga ndisina kuivona ". James akabva apinda mumba achifara zvake .Mukadzi wake akanga akasuwa ne nhawu yekufunga kuti odyei .James alangosvika achikanda mari pamakumbo ake .Mumba mufaro wakabva wavapo .James akabva agara pa sofa akabata shaya ..... James's Wife "Ko uri kufungei babe ". James "Nothing kungofungavo hangu basa kuti ndodii sezvo rakawandisa ". James ayinyepa zvake moyo wake wakanga uzere shungu ne zvakanga zvichiitika asi hana kukwanisa kuvudza mukadzi wake ...... Manheru iwayo Alice ne vamwe vakabva vasvika pamba pe shamwari yake ...... "Alice welcome long time girl ". Alice "Long time indeed urisei hako ?" "Ndiribho hangu pinda hako ". Vakabva vapinda mumba ndokugara ...... Alice "Handisi kurara sahwira ndisati ndataura nhawu yangu ". "Taura sahwira usatya ". Alice "Ndiri kuda chikepe ne ma weapon nechikafu ". "Asi uri kuda kuenda kunovuraya vanhu veku Island here?" Alice "Kwete ndiri kutoda kuvabatsira vamwe 2 ava vari pano". "Ndodavo kuenda newe ku this adventure ". Alice "No daddy vako havazvidi you know that plus iyi iri dangerous ". "Hakuna adventure iri easy chero ikaita kupi ". Alice "Olk hausi kuenda unozoenda kana tagadzirisa zvinhu ". "OK chikepe chiripo food iropo ne ma weapons acho asi ndiri kuzoda kuendavo newe next time ". Alice "I promise toenda tese ". "Kwavira saka mangwana kuseni seni ndichakumutsai ndokupai zvinhu zvacho ". Alice "Olk waita hako ". Umwe ne umwe akabva apihwa room rake .Timoty na Baba Amos vakanga vatoenda muma room avo kwasara Alice na Tonde ..... Tonde "Nei uchitibatsira pazvinhu zvauri kuziva kuti zvine makuba pasi ?" Alice "Ndaingoshuvira kuzofamba ndichivona ma Adventure saka hupenyu hwangu hwese ndakadzidza zvirudzi zvese ndikaverenga ma book akawanda kuti ndiwane ruzivo ndosaka ndichikwanisa kutaura newe izvezvi". Tonde "Ho rega ndikuvudze chimwe chinhu chaunofanirwa kuziva .Ukanditengesa ndiri kuzoisa Uta hwangu mumusoro wako izvozvo ndokuvimbisa ". Alice "Kwete handimbokutengesei ndiri kutodavo kuzorarama nemwi makore anotevera." Tonde "Saka ndiani ari kunorara ne book ?" Alice "Unogona hako kurara nayo mangwana ndichazokuverengerai ". Tonde "Vata naro hako asi handisati ndava kukuvimba hangu". Tonde akabva ayenda ku room rake ndokusvika achiwaridza pasi achitiza mu bed .Alice akabva ayendavo mu room yake ndokuverenga book hwusiku hwese .Tonde akabva atanga kurota baba vake .... Baba Tonde "Tonde mwanangu mira kuita hasha kune munhu wese .Iwe tsvaka tsvimbo kana wawana tsvimbo enda kunotsvaka zai kana wariwana dunhu rosungunuka mugove wako uchauwana pane chokwadi ne nhema dzichabuda pakupera kwazvo ". Tonde"Baba ndiri kutya ini tsvimbo yacho kwairi ndiri kukutya". Baba Tonde "Usatya mwanangu ndinewe pane chipo chaunacho asi iwewe hauzvizivi .Saka ndoda kuti uzive zvauri". Tonde "Pakanaka baba ndichashinga sekureva kwenyu asi ndiri kutya ". Tonde akabva apepuka kwava kutoedza ...... Achangomuka akabva atobutsiwa na Alice ...... Tonde "Kwakanaka here?" Alice "Yaa yava nguva yekuti tiende vanhu vasati vativona ". Tonde akabva amuka ndokuenda muchikepe . Vakarova chikepe kwe 1 hour vava pakati pe gungwa Alice akabva atanga kutaura .... Alice "Book ndakavata ndichiri verenga asi zviri kuda kuitwa apa hazvisi nyore handifungi kuti mungazvigona ". Baba Amos " Hapana chisingaitiki kana chakamboitwa ne vamwe ". Alice "Izvi zviri more than that manje and zvoda mazuva akawanda ". Tonde 'Alice uri kutya kutaura zvawaverenga ". Alice "Yaaa nekuti zvinotyisa handidi kuti muparare". Timoty "What do you care Alice let them risk for the sake of peace ". Tonde "Hatichakunzwi manje ". Alice "OK regai ndikuverengerei book kuti riri kurevei ". End of Chapter