Episode 21 Story by Malvern Ndlovu Elvis "Ndovimba kuti munoziva kuti tinowana sei map yedu ?" Tonde "James ndiye ane book ndovimba kuti avakuziva kuti Tsvimbo yehwumambo ne book tochandisa sei " Elvis "James ndakupa mukana wekuverenga book saka ndoda kuti undividze kuti toiwana sei map yekuenda kune Egg of Life". James "Haaa book iri pandagamboribata pekutanga rakanga risinganetsi asi now rava kutiza amwe mavara handisi kuziva ". Alice akabva atarisa Tonde kubva vango smile vese ..... Elvis "Uri useless iwe .Ko Alice unogona here kutiratidza kune Egg of life ". Alice "Hongu ndinokwanisa kana mukandipa book ". Elvis "Obvious book tora ". Alice akabva atora book mumavoko a James ndokutanga hake kuriverenga .Book raita kuchinja mavara zveshuwa asi Alice akanga achizvigona zvekubatanidza mavara ..... Alice "Yaaa I think ndavona kuti map toiwana sei ". Elvis "Tinoiwana sei map ?" Alice "Tsvimbo ndiyo key ndiyo imwe key sekuvona kwangu apa .Book nderemwe key futi saka sekureva kwe book Tsvimbo yehwumambo ndiyo map zvekare ". Elvis "Inogoita map sei iyo iri Tsvimbo ". Alice "Tonde ndoda kuti uyite zvese zvandiri kuverenga apa". Tonde "OK verenga tinzwe ". Alice " Bata Tsvimbo wakaitarisa mudenga .Kana waitaridza mudenga ibate kumusoro kwayo ne ruvoko rwekurudyi .Sundira musoro wayo kuzasi then wosundira kumusoro kamwe chete ". Tonde akabva ayita sekudaro ndokuiregedza kumusoro kwayo ndokungomira akabata Tsvimbo hapana chakaitika..... Elvis "Hapana anoziva book iri ndezve nhema izvi ". Elvis akabva abvuta book ndokurirasira kure uko .Ipapo Tsvimbo yakabva yaita light yakavhundutsa vanhu vese .Manheru akaita semasikati Tsvimbo yehwumambo ichipenya isingatarisiki .Yakatora 2 minutes yakadaro ndokuzondima Tonde akabva atanga kutarisa Tsvimbo iya ........ Tonde "Pane payavhurika Tsvimbo iyi iri kuratidza imwe mufananidzo 《sign 》." Elvis "Manje iri kurevei ?" James "Tarisai mu book ndimo mune answer yacho ". Alice "Ndaiwana asi ine message mukati " . Elvis "Varenga ndinzwe kuti uri kurevi ". Alice "OK ndakuverenga . Tsamba iyi ndiwo ichakuvudzai kuti muri kuenda kupi uye kwakamira sei kunhu kwamuri kuenda .Kwamuri kuenda kunotsvaka Egg of Life hakuna akambokuenda akadzoka kubva makare kusvika nhasi uno pamatanga kuverenga book iri .Hakuna imwe location ine Egg of life pane tsvimbo yamichaendeswa ne Tsvimbo .Kwamuri kuenda kune vanhu vanonzi ma giant 《Vanhu vakuru 》 kwete pazera asi vanhu vane muviri muhombe semagomo atinovona ava .Saka hapana chinovauraya chero mapanga hapana anozvikwanisa .Ndiko kune zai ikoko rakachengetedzavo dunhu ravo .Bayayi mufananidzo wamuri kuvona .Mofamba zvakanaka ". Tonde akabva abaya mufananidzo wacho .Tsvimbo yakabva yaita green ndokuvhura pa side ndipo payakaita light re green ipapo ndipo pakanga pane map..... Alice "Map tava nawo ". Elvis "Ndipei ndiivone " . Alice "Haibvi pa Tsvimbo saka kutoivonera ipapa ". Elvis na James vakabva vaswedera ndokuvona map iya ..... Elvis "Nzwimbo iyi haisi pano iri kutoda chikepe chaicho nekuti kwairi hapasi pano ne tsoka hatisviki ". James "Manje chikepe chacho tinochiwana sei ?" Elvis "Panovuya ndege ndipo patichatuma munhu ". James "Mazuva anenge achitoenda manje ". Alice "Pane chat akavuya nacho chinogona kutisvitsa ne nguva ". Elvis "Olk saka handei ". Alice "Aaaa manzwa tsamba zvayataura hakuna akaenda akadzoka uku moda tiende tiri 4 tinopenga ". James "Hatisi kuda kuti vamwe vanhu varambe vachifa isu " . Tonde "Hazvina basa kana vakafa ne kuti chero manga musipo taingoenda tega saka regai ndidane vanhu vandingaenda navo " . Elvis "OK kana wadaro hako dana vanhu vako ". Tonde akabva abuda panze ndokutanga kudana vanhu vaari kuda kuenda navo..... Tonde "Mambo , Baba Amos , Sekuru Tembo na Timoty handei ". Elvis "Ka sekuru ako kwari kuenda kupi manje ?" Tonde "Kana uchida zai nyarara handei chete " . Elvis "Boys rangu isu tava kuenda kunotsvaka zai saka tikaita 5 days tisina kuvuya ndinoda kuti muvuraye munhu wese ari pano .Saka mosara movapa chikafu mazuva 4 richi 5 manheru munhu wese vurayayi ". Boys "OK boss ". Elvis "Tonde ne vanhu vako chivonekai hama dzenyu ". Alice na Timoty vakasara vakamira vachivona vamwe vachienda kunovoneka hama dzavo ..... Tariro "Handigoni kurara ne vanhu ava musipo ". Sekuru Tembo "ndinozviziva asi rega nditarise munhu anosara newe ane moyo munyoro ". Amanda "Ndinovimba kuti ndichakuvonei zvekare baba ". Mambo "Uchandivona hako mwanangu mudzimu yedu inesu". Mambokadzi "Enda unogadzirisa nyaya iyi ndinokuda mudiwa wangu ". Mambo "Ndakakuda kubva zuva ndakakuvona uri kutsime ndichakuda kusvika ndafa ". Amai Amos "Wofamba zvakanaka murume wangu asi enda uchiziva kuti Baba vako na Amos havana kuzovuya handisi kuziva kuti varipi izvezvi ". Baba Amos "Rega ndiende nditange ndagadzirisa nhawu hombe iyi kana ndikadzoka tinovawana ". Amai Tonde "Mwanangu handingati rega kuenda asi ndokumbiravo kuti kana zvaoma uyite zvandakareva ndokuda mwanangu .Endai mudzoke ne mhenduro ". Tonde "Zviri munzeve amai ndinovimba kuti ndichakuvonai zvekare ". Sekuru Tembo "Tonde ruregerero nekukanganisa nyaya dzenyu ndokumbiravo kupa amai vako mwana wangu ". Amai Tonde "Zvinonetsa munongovonavo patiri pakazoita zvimwe zvinhu munozonyema neni ". Tonde "Amai ivai ne tariro izvi itiraivo ini mwana wenyu .Ndakavavimbisa kuti kana mukatibudisa ku vanhu ve pasi pe mvura ndichachengeta mwana wavo ne hupenyu hwangu saka ndava kukumbiravo ". Amai Tonde "OK hapana kuipa vuyayi naye ". Tariro akabva asiirwa Mai Tonde .Tonde ava kuenda Tsitsi akabva amumhoresa ..... Tsitsi "Hecy kank Tonde " . Tonde "zvirisei Tsitsi " . Tsitsi "Ndinokuda Tonde ". Tonde akabva atarisa chaunga achida kuvona kuti pane azvinzwa here asi hapana akanga azvinzwa ...... Tonde "Waita hako Tsitsi ". Tonde akabva atanga kuenda hake ..... Tsitsi "Ndichakuvona wavuya ". Tonde hana kupinda akabva aramba achienda .Alice akanga akatomira hake na Timoty vachititaura ..... Timoty "Tarisa one love ine vanhu ava vongovuraiwa here amana ". Alice "Ngatitoita zvekuti vasavurawa ". Timoty "Manje ukufunga kuti tinodzoka here isu tichinorwa ne vanhu vakaita semagomo". Alice "Pamwe pacho hapadi kurwa panoda kutaurirana ". James "OH sorry for disturbing Alice ndokumbiravo kutaura newe tiri 2 ". Timoty akabva abva hake ndokubva vasara vachitaura ...... James 'Tell me kuti waziva sei kuti Elvis achazondivuraya". Alice "Elvis hapana waanosiya tarisa kuti Thomas akangofa wani koiwe uchadii ?" James "Akaita promise kuti a handina book after this ". Alice "Hahaha are you kidding me promise .It's just a word wangu .Your promise will be a broken promise uchazvivona ". Vari busy kutaura Elvis akabva atanga kutaura ..... Elvis "Let's go guys machazotaura kana tadzoka.Boys mosara bho kana tisina kudzoka muite zvandareva ". Vakabva vasenga va weapons avo ndokuenda kuchikepe ndokutanga rwendo rwavo . Makuseni Seu ne team ravo vaitofamba vakutosvika kudunhu ..... Ngoni "Haaa ndaneta nekufamba ini ndakunzwa kuda kuzorora ". Seu "Hakuna izvozvo pano hande tivone ". Ngoni akabva angofenda ..... "Ko ngatingomudyai ka ". End of episode