EPIDOSE 33 STORY BY MALVERN NDLOVU James ' Ndati kurumidzai kundipa zvinhu izvozvo now kana musingadi kuti umwe afe pano '. David ' Saka pane pauchativuraya tese here muno ?' James ' Kwete asi iwavo vachafa vachatofa '. Elvis ' Ko izvozvo zvabvepi manje ,ukufunga kuti tikakupa zvese zvauri kuda ukusvika uri upenyu .Ok so tsvimbo yacho ichabatwa nani '. James ' Handinei nazvo zvese izvozvo , Tonde kurumidza kutora tsvimbo tivone '. Tonde ' Handisi kuita izvozvo nhasi kana uchida tivuraye tese '. David ' Siyanai naye uyu manje todii kuti tisvike kune zai uko ?' Man 1 ' Regai ndipinde maybe ndingaita usefull '. David ' Ko uyu futi ndiani ?' Elvis ' Mushandi wangu uyu '. David ' Mumbori vangani imwi ?' Tonde ' Kwasara 2 vasipo pano '. Alice ' Ko iwe ukudei pano sekuru na Timoty varipi ?' Man ' Variko kubako ndavavuda kuti ndava kuenda kunotarisa kuti muri vapenyu here '. Elvis ' Ehe waita hako tiri vapenyu dzokera tinovuya tokutorai '. Man ' Kwete ndoda kupindavo munhoroondo iyi regainditore zai ini '. Elvis ' Hapana akuziva kuti nei umu '. Man ' Pane nzira imwe chete yekuvona chete '. Ipapo mukomana akabva amira pamukova we bako.Akatsika gumbo rekutanga hapana zvakaitika ,asi paakatsika rechi 2 museve wakabva kumadziro ndokurova gumbo rake .Akabva awira mukati be bako ,akati achida kufamba moto ukabva wamupisa .Se munhu akanga achitsva akazama kuda kutiza asi museve yakabva yamurova ndokubva awira pasi ....... Elvis ' Chii chaitika apa ?' Tonde ' Pakabviswa mhiko mudunhu rino vakabva vaisa musungo wavo kuti wese anopinda anofa '. David ' Saka todii ?' Tonde ' James ndiwe wanga uchida zvese pinda utore zvauri kuda '. James hana kukwanisa kupindura asi akabva arasa pfuti yake ...... Tonde ' Ko book riri kuti chii nhayi Alice ?' Alice ' Hapana zvariri kutaura iri '. Mambo ' Manje todii kana zvadai hamupindiki umu '. Vanhu vese vakabva vagara pasi vapererwa kuti vodii .Ipapo Alice akabva asimuka .... Alice 'Regai ndipinde '. Baba Amos ' Kwete wavona zvapedza kuitika apa hatisi kuda kuti tese tife pano '. Alice' Manje uyo munhu afa afira mahara here ?' Mambo ' Panoitwa plan se mazuva ese '. Alice ' Ndosaka ndavuya ne plan ye kuti ndipinde hangu '. Elvis ' Bad plan yaunayo Alice '. Alice ' Bad plan is better than nothing '. Tonde ' Ok ndine imwe plan '. David ' Taura plan yako tinzwe '. Tonde ' Ndina sekuru vanokwanisa kuronda history so vanogona kutivudza kuti topinda sei apa '. David 'Varipi sekuru vacho ?' Tonde 'Vari kubako riri kumusoro uko regai ndiende kunovatora ' Mambo ' Rega tiende tese .' Tonde 'Alice gara pasi kwete kusara uchipinda ndapota '. Tonde na Mambo vakabva vapinda munzira ndokuenda havo kunotora sekuru Tembo ........ Mambo ' So ukufunga kuti vanotenda dhiri here ?' Tonde ' Zvaizvezvi hongu ne kuti havasati vava ne zai ,asi kana vangoriwana ichaita nyaya '. Mambo ' Manje toita sei kana zvadaro ?' Tonde ' Imwi ndipandukirei muende ku side kweva chena kana madaro moziva zvese zvavari kuronga '. Mambo ' Kana wadaro hapana kuipa asi unoziva kuti chero zvikanji ndikurove mbama ndokurova kuti zviite zvechokwadi '. Tonde ' Munoita zvese izvi tiri kuzviitira dunhu redu '. Mambo ' Thank you Tonde and sorry pane mutongo wandakanga ndakakupa ,ndava kuzvivona izvezvi kuti uri true hero chaiko '. Tonde ' Kwete ndinotenda imwi makaita kuti ndizvizive zvakawanda zvakapfuura Mambo wangu '. Vakabva vaenderera mberi ne rwendo rwavo zvavo .Ipapo David akabva atanga kubuda maaive achienda hake kwaanowanza kugara .Ipapo James akabva atevera hake ..... Alice 'Ini ndakunzwa nzara ndakutoda kufa pano '. Baba Amos 'Hausi wega chero ini '. Elvis 'Ko tadii kutaura na David atipe chikafu '. Alice 'Kwete anozotidyisa kuti tiite zvese zvaanoda .Ndotoshaya kuti nei Mambo vasina kutyiswa '. Elvis 'Manje todii kuti tiwane chekudya ?' Alice ' Vuyayi tingoshinga chete '. David paaifamba akavona kuti pane munhu akutevera akabva amira ndokuvona ari James ..... David ' Ukudei ?' James ' Sorry henyu boss asi ndanga ndichikumbira kukushandirai '. David ' Nei wada kushandira ini ?' James ' Ne kuti mune masimba ndoziva kwatinokwanisa kuita mari ne zai iro plus gold riri mukati umo '. David ' Ok saka iwe unenge uchida marii ?' James ' mondipa 30 % pa mari yese yabuda '. David ' Ok hapana kuipa iwe chidzokera toita kunge hapana chaitika '. James 'Thanks boss '. Ipapo zuva rakanga rava kuvira manje Dunhu rese rakabva rasvika pairira hwamhanda .Vakabva vawana mazi giants akawira pasi ..... Ngoni ' Ndiri kuziva zvamuri kufunga asi chinzwai pano tava mhuri imwe chete .Hapana ari kuzovuraiwa kana kubatwa se muranda pano .Hatisi kuziva kuti vangani vachavuya vakakura so asi chandiri kuziva kuti tikabatana tese tokwanisa kumakunda .So pane ari kupikisa here zvandiri kutaura ?' Sue ' Vudza vanhu chokwadi Ngoni ,Kana Tonde asina tsvimbo yangu hapana peace pakufa munhu chete '. Ngoni ' Regai tivone kuti kusvika mangwana zinenge zvamaira sei kana asina kuvuya then tovatevera '. Tariro ' Inhawu yekuti tariro hamuchina chekuita chaiko hamuchazivi kuti moita sei .Honai tiri marudzi matatu akasangana ari kuda chinhu chakasiyana asi amwe maviri akuda zvakafanana . Inzwai munzwe vakuru vangu ndisati ndaenda kure .Baba vangu vanonzi va Tembo amai vangu vakadyiwa ne vanhu va Seu vamuri kuvona ava .Baba vangu mufembi we nhoroondo yaitika ini ndiri mufembi hwe nhoroondo isati yaitika '. Ngoni ' Saka ukureva kuti unoziva zviri kuitika mberi kwedu '. Tariro ' Ndikakuvudzai hamungazvitendi '. End of episode