Story by Malvern Ndlovu #Adventure Ngoni akati achivhura musuwo achipinda mu room iri .Akabva atanga kuvona munhu akanga akaita wechikuru akagara pa chigaro akabata Tsvimbo iyo yakanga isingatarisiki ichiita kunge nyeredzi nekuhwinya .... Ngoni akabva apinda ndokuvhara musuwo akabva atarisa kumadhuri ndokuvona zvinyorwa zvakasiyana siyana ipapo asi hana kukwanisa kuzviverenga .Asi chaakakwanisa kungoziva chaive chakanyorwa izai bedzi ...... Seu "Ngoni imba ino haina kumbopinda vatorwa kubva makore mazana ne mazana akapfuura .Munhoroondo ya mangwana ndiwe munhu achanyorwa kuti ndiwe wakatanga kupinda muno uri mutorwa ". Ngoni "Nei musingapindi vatorwa muno ?" Seu "Makore mazana ne mazana vatorwa vakawirwa ne dambudziko raida tsvimbo iyo saka pavakavuya zvakavaitira nyore kuti vasvike vatore tsvimbo iyo mambo wedu akafa ". Ngoni "Manje munhu uyo akagara ava ne makore mangani ?" Seu "Hachaverengeki makore acho akangosiya Tsvimbo yehwumambo anobva angopera hapana kana bonzo rinovoneka ". Ngoni "Saka nei mandiratidza izvi ini ndiri mutorwa '. Seu "Ndiri kukupindura muvhunzo wako wekuti hama dzako ndisadzivuraya ." Ngoni "Handisi kunzwisisa pajekesei". Seu "Kukuratidza izvi kukutaridza kuti ndinokuda saka hapana chichaitika kwauri kana kune hama yako ini ndiripo ". Ngoni akabva apfugama pasi ....... Ngoni "Ndinotenda zvikuru nekundipa hupenyu ndichaita zvese zvamuri kuda ". Seu "Zvandiri kuda kuti uyite nhasi manheru ndezve kuti utume vanhu vangu vatore 1 munhu wenyu tivavuraire kuti zviite asi uya anonzi Tonde na Mambo imbomira kuvabata ndoda kuti hama dzavo dzitange dzavuya pano". Ngoni "Hapana kuipa ndichaita sekudaro ". Seu "Chisimuka hako uyende ". Ngoni akabva asimuka ndokuenda hake .Seu akabva asara mubako iroro ndokuita chivanhu chake ndokubuda hake ........ Sekuru Tembo vakabva vasvikavo pasi pe bake ravo ndokupinda vari vese Mambo pavakasvika vakatiwana makarongeka asi kuti uzive kuti pane mukova zvainetsa raingova zidombo ........ Sekuru Tembo "Tonde na Mambo mukabatana ndavona madzosera dunhu renyu chiremerera asi mukakonana ndavona zvatora nguva .Mambo uyu mutorei se mwana wenyu mukomana sezvo musati mava naye mukadaro magona .Garai henyu pasi titaure ." Mambo "Zviri munzeve sekuru taurai henyu ". Sekuru "Tariro mwanangu vuya nezvekudya tidye hedu ". Mambo vakashaya kuti sekuru varikureva ani .kumasure kwavo kwakabva kwabva musikana akanga ari wechidiki ndokuvuya ne muchero yakanga yakasiyana siyana .... Sekuru Tembo "Vazukuru uyu ndiye mwana wangu wekutanga watakaita na Mai vake makore 10 apfuura amai vakazoshaika havo achiri mucheche kusvika na nhasi .Zita rake anonzi Tariro hasati ambovona zuva kubva achizvarwa ". Mambo "Saka Seu ari kuzviziva here izvi ?" Sekuru Tembo "Hasi kuzviziva ndosaka ndakagadzira bako rino harina anorivona kana kuri ziva ." Mambo "Manje tichabuda sei muno ?" Sekuru Tembo "Muno hamuna akapinda akabuda makore apfuura aya asi kubva pandakaita mwana ndikamupa zita re kuti Tariro ndakava ne shungu ye kuti ndiwane rubatsiro kuti avude ". Mambo "Nei musina kuzobuda naye ?" Sekuru Tembo "Ndakura muzukuru handichakwanisi chero kumhanya saka Seu akandishaya zvoreva kuti achanditsvaka and handina kwekuenda asi ndafara pandavona imwi ". Tonde "Isu hatikwani kubuda tisina Tsvimbo yehwumambo asi kana muchizoda kuti titange taiba ". Sekuru Tembo ' Ndivimbise kuti hauzorasi mwana wangu kana ukawana Tsvimbo yehwumambo ". Mambo "Sekuru hatimbodaro tinomuchengeta ne hwupenyu hwedu ". Sekuru Tembo "Tariro mwanangu uchaenda ne vanhu ava ini ndichazotevera kumasure kwenyu ". Tariro "Kwete baba ini handikusiyeyi ndimwi munhu chete wandinoziva ". Sekuru Tembo "Ndinozviziva asi izvi itira amai vako ". Tariro "Kana madaro henyu ndichaita sekudaro ". Tonde " Ko muchero mamuwanepi muno ?" Sekuru Tembo "Magic . Saka imwi ndichaenda nemwi kunotora Tsvimbo yehwumambo asi ticharonga zano ne kuti Tsvimbo Yehwumambo haina akairinda asi ine mhiko dzainayo wese anoibata anofa ". Mambo "Hapana kuipa kuswera kwa mangwana tinofanirwa kunge tabuda muno ". Vakabva vadzokera havo vachimbofunga kuti voita zano ripi kuti vatore Tsvimbo iyi..... Zuva rakanga rovira ipapo James na Elvis vakanga vakutosvika ku dunhu uku .Rimwe divi vanhu ve mumvura vakanga vosvikavo ku dunhu kuti vatore vanhu vese vaende navo pasi pe mvura ...... Zuva rava kuvira kudaro Timoty akanga akangoringa camera achivona zvese zvakanga zvichiitika mudunhu ...... Amanda "Saka kusvika rinhi tiri muno ?" Timoty akabva acheuka hana kupindura ...... Amanda "Iwe ndiri kutaura newe '. Jinda "Hagoni kutaura chirudzi chedu uyu '. Amanda "Ibenzi ticharinyaya apa izvezvi rinoda kuzotibira futi". Jinda "Mira kudaro kani Amanda anogona kutibatsira munhu uyu usasvora mbodza ne inozvimbira". Amanda "Haya imbwa iyi dai ndiri murume ndakavuraya kare '. Amanda hana kunge aziva kuti zvese zvaari kutaura zviri kunzwika dunhu rese sezvo Timoty akanga aisa phone yake pa call . Alice akabva akata call iya ..... Alice "Ko Amanda ndiani ?" Mambokadzi "Mwana wangu ". Alice "Mamunzwa zvaari kutaura ka ". Mambokadzi "Hongu ndazvinzwa manje ndingadii ini ndiri pano ". Alice "Hapana asi ndanga ndichida kuti mungonzwa zvaari mwana wenyu ". Mambokadzi "Ndinotozviziva ini asi hatereri". Vanhu vakangobva vanyarara sezvo vakanga vachiziva kuti ndizvo zvaari ...... Manheru vana James vakanga vatosvika mu dunhu ndokubva vamisa zvikepe zvavo asi havana kubuda ...... Elvis "Handei vakatorara izvezvi ". James "Kwete handei kwaedza ". Elvis "Nei kwaedza ?" James "Hatisi kuziva zviri musango iri manheru ano and ivo vanoziva sangoravo saka vanogona kutinzwa zvoda kwaedza tichivona zviri kure nesu " Elvis "Yaaaa zano rako rakanaka wani totally sekudaro asi zvatichatanga taita ku send drone ". James "Yaaaa zvakanaka futi kuti tigare tavaona ". Elvis "Boys tiri kuvata pano nhasi takamirira kuti kuedze saka vamwe motovata makatirinda tisazowandirwa ". Vakabva vazororo zvavo .Vanhu ve mumvura 18 vakanga vatosvikavo mudunhu vakanga vakutovonekwa pa camera .Vakagara ndokuvesavo moto ndokurara ipapo vakamirira kuti kuedze.Alice akabva atora phone ndokufonera vamwe ..... Alice "Muri kuvona here zvandiri kuvona ?" Baba Amos "Hongu ndiri kuzvivona asi vanhu ava havasi vaya vekuguta ndevamwevo ". Timoty "Ini handisi kuvona zvakanaka rega ndi zoom ". Sekuru Amos "Ndavaziva vanhu ava vanobva pasi pe mvura ". Alice "Manje vari kudei kuno ?" Baba Amos "Vanenge vatumwa kuzotora vamwe vanhu. Vanhu ava havangangovuyi kuno pasina zvavari kuda ". Timoty "Manje todii ne misungo yatakateya ". Baba Amos "Iregei tivone kusvika kwaedza kuti vari kudei ". Alice "Saka ngatisarara tivone kuti vari kuda kuzodii mangwana acho ". Manheru iwayo Tonde akanga atova ne zano re Tsvimbo yehwumambo kare ..... Tonde "Sekuru ini zano ndava naro asi imwi munoziva nzira ye kuti tibude here ?" Sekuru Tembo "Zvakanakisa muzukuru wanga wafungei ne Tsvimbo? Tonde "Ndanga ndafunga kuti imwi mutivudze kuti kubva pano kusvika kune Tsvimbo pane mufambo wakadii?" Sekuru Tembo "Hapana kufambo wakanyanya zvawo kungobuda mu ring todarika panogara Seu pamberi pacho ndipo pane bako" Tonde "Saka zvatichaita Mambo muchaenda na sekuru kunotora Tsvimbo ini ndichasara ndichirwa imwi muchitora Tsvimbo yacho .Vamwe vedu muchasara mu bako muno kana mavona tava kuvuya tichimhanya movhara bako ne zidombo iri then toenda hedu mukavona vozobvisa zidombo iri tinenge taenda '. Sekuru "Zano rakanaka chairo asi chichatora nguva kubvisa mhiko dzakaiswa pa Tsvimbo yacho ". Tonde "Hapana kuipa sezvo tasara tiri 4 kudai tinowana rubatsiro kune vaviri vachasara kuno .Ini ndikavona kuti mavuya ne Tsvimbo ndichabva ndatiza mu ring ". Mambo "Kwete iwe enda na Sekuru ini ndichasara ndichirwa ". Tonde "Kana madaro handipikisi hangu ". Vari busy kutaura makabva mapinda varume 4 ndokutora umwe wavo ndokuenda naye vakamusunga ..... Mambo "Manje vaendepi naye manheru akadai ?" Sekuru Tembo "Ruregerero varume vavona kuti muri kuvakunda saka vavakuvuraya umwe ne umwe ". End of episode