EPISODE 45 STORY BY MALVERN NDLOVU Buyer' Ini usanyanya kundityira ndine vakomana vanondirinda '. Elvis 'Ok asi munhu achazoda zai iri he is like a god '. Buyer 'Take your money don't worry about me '. Elvis akabva asimuka ndokutora mari yake ndokupavakomana vake .Elvis achisvika kumba kwake akabva atotenga ticket rekuenda kure ne nyika yake .Manheru iwayo James akabva asvikavo mu town ndokusvika achienda kumba kwake ndokuwana door raka kewa .Akabva akumbira phone kuti afonere mukadzi wake asi phone haina kupinda .... James akabva ambogara ma hours achifunga kuti maybe mukadzi wake abuda .Zvino nguva dzakanga dzenda munh wepa next door akabva amuvona akagara ndokusvika kutaura naye ..... Neighbor ' How are you ? James 'Me good and you '. Neighbor ' What ae you doing here ?' James 'I'm waiting for my wife '. NEIGHBOR 'Are you James ?' James 'Yes '. Neighbor ' Ok ndine message yandakasiirwa ne mukadzi wako . Hanzi ndakudzokera kumba kwa mai vake .Apa akadzingwa ne kuti mari ye rent akanga asina .So akabva abatirwa zvinhu zvese ndosaka akazoenda .' James 'Ok maita basa '. James akabva asimuka achibuda musodzi ndokutanga kufamba ne road pakati pehwusiku .Semunhu akanga akaneta akabva adzokea kuchikepe ndokusvika achipinda ndokubva arara ne nzara yake ...... Manheru iwayo vana Seu vasati vasvika kwakanga kuna Tonde .Vakadzi ne vamwe varume vashoma vakanga vakahwanda hondo vakanga vakagara zvavo vakati zii . Tonde vakanga vakamuradzika pakati pavo ndokumukomberedza .Hapana ayitaura ne umwe sezvo vaitya kuti vanozobatiwa . Ipapo Tonde akarara kudaro akabva atanga kurota kwe nguva yakareba zvisingaiti ....... Tonde akatanga kurota achiita kunge munhu ari kubuda mumvura achienda mu dunhu .Paakabuda mu mvura akabva avona dunhu rake rakaita green sepakutanga .Izvi zvakamufadza ndokubva atanga ku mhanya achienda mukati me dunhu kuti asangane ne vamwe vanhu . The more Tonde yaakanga achifamba achienda ku dunhu zvinhu zvaitanga kungooma ,ipapo ayivona mhuka dzichingofa .... Tonde akabva asvika mu dunhu ndokuwana munhu wese akafa ipapo dunhu rikatanga kuwondomoka .Tonde akabva atanga kutiza achidzokera ku mvura .Paakasvika ku mvura dunhu rakabva raita green zvekare .Izvi zvakamushamisa akabva atarisa kumativi ake ndokubva avona baba vake vachiredza hove .Tonde akabva ayendako kuti ataure navo ,achisvika baba vake havana kucheuka vakabva vangotanga kutaua nyaya ..... Baba Tonde 'Haaa tarisa mazi hove andiri kubata apa panenge pane njuzu chete '. Tonde 'Baba hazvisi izvo zvandiri kuda kunzwa now .Chandiri kudakunzwa izano re kuti ndodzokera sei kune vanhu vangu kuti ndivabatsire '. Baba Tonde 'Saka chii chiri kukutadzia kuti udzokere?' Tonde 'Handisi kuvona mutumbi wangu baba ndiri kuda rubatsiro kubva kwamuri '. Baba Tonde 'Ok hapana kuipa jaya rangu nditevere ,hande ku gomo uko ndikuratidze something'. Baba Tonde vakabva vasiya kuredza kuya ndokutora hove dzavo ndokuendaku gumo ndokusvika kugara ikoko vachivona dunhu rese . Vakabva vagocha hove Tonde akangomira ....... Baba Tonde 'Gara hako pasi nhawu yauri kuda kuziva yakakurisa saka zvodanguva '. Tonde 'Nguva ndiyo yandisina baba ,Seu ari kuzovuya kuzotora mutumbi wangu saka manje handizozivi zvekuita '. Baba Tonde 'Gara pasi udye hove une nzara '. Tonde akabva agara pasi ndokubva atanga hake kudya hove paya .... Baba Tonde 'Chuma chandakakupa wakaisa kupi ?' Tonde 'Ichi chiri muhombodo yangu even chandakapihwa namaichirpo futi '. Baba Tonde 'Mwanangu now une simba rausingagone kushandisa zvekuti ukapusa unogona kuvuraya ve kwako ndosaka tsvimbo iyi yambokuzorodza zvishoma .Ma powers ako akawandisa asi hana muridzi chete . Asi hapana kuipa hapana zvandingaita hangu asi mashoko bedzi .Chekutanga kana uchishandisa ma powers ako usanyanya kuita hasha dzakawana kwete ukadaro anokuvuraya iwewe . Mufiro waita David ndiwo mufiro waunoita . Chepiri kana une ma powers ziva kuti ndiwe Tonde hasi umwe munhu saka unofanirwa kushandisa ma powers ako uchiziva kuti uri kushandisira asi . Kana munhu wekwako akakuvudza zvekuita paya paunotanga kusagona kushibata vhura nzeve dzako terera mashoko arikutaurwa izvozvo zvichakubetsera kuti udzoreke . Simba rako rinogona kutuma muvhura kana mhepo kuti riparadze dunhu rese iri pasinanguva yakawandisa ukagona kuzviita .Zvimwe zvacho ndinovona kuti unozvigona hako .Ndiwo mashoko angu chete pane chauri kuda kuziva here ?' Tonde 'Ndiri kuda kuziva kuti ndodzokera sei ku nyika '. Baba Tonde ' Utoriko ku nyika asi uri kukonwa kumuka chete .Ukapusa unogara kuno zvachose ne kuti tsvimbo ndiwe unofanirwa kuishandisa kwete kuti ikushandise se zvairi kuita'. Tonde 'Saka nei ndichiti kana ndikapinda mudunhu zvese zvinobva zvaoma ?' Baba Tonde 'Rega ndikuvudze chokwadi mwanangu ,tsvimbo ye hwumambo yakanaka kana wakaibata kwete wava iwe tsvimbo yacho . Tsvimbo ine ma demon akawanda uye e rufu munhu wese wayakavuraya ari maari saka ukakonewa kukurira ma demon iwayo zvinoreva kuti anokuvuraya zvachose .Hongu waida kuti ukunde David asi wakaita sarudzo yakaoma ne kuti ma demon ese uchamavona kana ava kuvuya . Tsvimbo yava ne makore akawanda ichingoshandiswa saka vanhu vakawanda vakafa saka ukapusa tsvimbo ikakuvuraya iwewe it means kuti ku nyika kwaichadzokera ichava yakaipa asi yakanakira mukati .' Tonde 'Saka ndoita sei kuti ndimuke manje ?' Baba Tonde 'Tanga warwa nema demon ukamakurira zvinoreva kuti uchamuka wopedza zviri kuda kuitwa enda mwangu ndakupa kudya kuti uwane simba ndokushuvira simba kuti uwane mukana wekuvona amai vako zvekare '. Baba Tonde vakabva vanyanga rika mu hope imomo . Tonde akabva asara ari 1 pamusoro pe gomo achitarisa kuti ma dmon ari kubva ne kupi . Akabva avona chamupupuri chichisimuka kubva mu dunhu ipapo mhepo yakabva yatanga kuchisundira kwaari . Rima rakabva ratanga kuitika ipapo Tonde akabva avona musoro wema demon 10 apa mavoko akanga ari 20 . Tonde akabva atanga kutiza achidzika gomo ma demon ndokutanga kumutevera....... end of episode