EPISODE 47 STORY BY MALVERN NDLOVU Alice '' Saka plan yako yakamira sei manje ?' Tonde '' Regai nditume dziri nyuchi chaidzo ''. Tonde akabva amira kumberi kwe vanhu ndokubva anongedza kwakanga kuchibva nana Seu ipapo mhepo yakawandisa yakabva yatanga kuvhuvhuta yakananga ikoko . Tonde akabva atora mukoko we nyuchi ndokuita zvaayita nyuchi dzikabva dzatanga kubuda dzakawanda dzichienda ku town kwakanga kuna Elvis ne vamwe vaiziva nezve zai iri . Apa Elvis ainge akamirira kuti tine ikwane akwire hake ndege ayende . Ipapovo James akabuda muchikepe ndokuenda kunotsvaka mukadzi wake ,ari munzira ndipo paakavona mazinyuchi achivuya ne simba .Mukomana akazama kutiza asi zvakashaya basa akarumwa rumwa ndokubva asengwa ne nyuchi ...... Murungu wa Elvis akaga agadzirira kunotengesavo zai kune imwe nyika ,private jet yake yakanga yatosimudzwa ipapo Boss vakabva vaona ndege yese yazara nyuchi murume mukuru akabva amhanya ne zai zvese ne book ndokupinda mu pool make . Nyuchi dzakabva dzatanga kutenderera pamusoro pe pool zvine simba .Dzakabva dzaumba mhepo ipapo mvura yakabva yatanga kuvhurika ndokubva dzadonza Boss ava ndokutora zai ne book ndokubva asengwa ndokuendewa naye ku dunhu .... Elvis paakavona kuti vanhu vakuita noise pa airport akabva asimuka ndokubva avona nyuchi dzichivuya . Akabva aziva kuti masango atsamwa akabva amhanya murume ndokuenda kunomira pa zifeni zihombe apo pakanga pane mhepo inotyisa nyuchi hadzina kukwanisa kusvika .Dzakazama dzikazama dzikazama asi dzakakundikana sezvo mhepo yakanga yakawanda .Izvi zvese Tonde ayizvivone ne maziso ake .,Nyuchi dzakabva dzaita kunge dzaenda asi Elvis hana kubva sezvo ayitya kurumwa .asi akabva avona nyuchi dzava kuruma tambo yemagetsi ipapo akabva avona kuti zvaipa akati achida kurova nhano imwe chete kuti atize akabva anzwa atozarwa ne nyuchi dzichimuruma . Vanhu vazama kuda kudzidzinga asi zvakashaya basa .Zvino Elvis akanga apera basa ndokubva asengwa ne nyuchi ndokuendewa naye kudunhu ...... Panguva idzodzo mhepo yakanga iriko ku side kwaibva nana Seu yakanga yakawanda zvisingaiti vanhu vaitorwa ne mhepo vachiwira kure vamwe vaikuvara vamwe ndivovo vaisvika vachirovera padombo kana pamuti vachifa . Vaifamba zvishoma shoma and vaifamba vakatobatsira muti chete umwe wavo akabva atanga kuchema chema ne nhawu ye mhepo iyi ...... ''Mhepo iyi yatumwa tadii kurega kuita nharo nayo tangogara tavona kuti inoguma kupi pane kuti tese tipere kufa . Zvatiri kuita izvi zvakafanana ne kuti tiri kurwa na mwari pachake iye Tonde ambobva sei apa ''. '' Ichokwadi madii mangoti tizoenda kana mhepo yambomira ne kuti tese tingapera ''. Seu '' Ok ndazvinzwa ngatigarei tivone kuti ichamira here kana kwava ava manheru asi kana isina mangwana kuseni tiri kuenda chero zvakaoma kudaro ''. Seu akabva ayenda paside pake ega ndokugara zvake vamwe ndokugara kvavo ndokuzorora ,Vanhu vemudunhu rana Tonde vakashamisika vachivona nyuchi dzakasenga varume 3 vachikandwa pasi ... Boss ''Awu ko kundigadzika dzakaipa chii ?' Hapana akamupindura vanhu vese vakanga vakangoringa . Boss ava vakanga vasina kuvona kuti tsvimbo yavari e new kwavari . Pavakasimudza maziso vakavhunduka vachisimuka vachida kumhanya vakabva vasvika vachirovera pa muti munhu ndokufenda .... Tonde '' Right ndovimba kuti tasangana futi zvekare vakomana ndotenda mandivigira chandiri kuda ''. James ''Please Tonde usandivuraya ndiri kuda kuvona mukadzi wangu please pa nhawu dze zai kana book ini handina chandichada ndakungoda hupenyu hwangu chete please Tonde ''. Tonde '' Handisi muvurayi kana mhondi ini asi ndimwi munondiita kuti ndiite zvakaipa .Hapana wandiri kuvuraya pakati penyu kana iye asingadivo kuvuraya ini kana vamwe vanhu ''. Alice '' I told you James kuti Elvis will never give you anything asi wakandirambira look now mari yakaipa wangu ''. Boss ''Umm ko ndiani andirova OMG ko ndiri kupi kuno Elvis explain''. Elvis '' I told you boss kuti zai ne book iri it's a war chaiwo honai kwatava ''. Boss '' Elvis i want my money back i'm going ''. Tonde ''Ukufunga kuti uri kuenda kupi gara pasi apo ''. Nekutya boss vakabva vapusa ndokugara pasi . Tonde akabva ayenda pana James ndokubva amubata ipapo James akabva apora pain yese yekurumwa yakabva yatiza .Akabva ayenda futi kana Elvis ndokuita the same .Boss vakanga vasina kurumwa vaigotya chete .... Tonde ''Handisi mhandu ini ndiri munhu akuda kuti munhu wese afare saka musandivone kunge ndakaipa . Hndina rusarura ganda tese tiri vanhu saka ndiri kukumbira wese ane dambudziko neni ataure tisati tatanga nhawu ye zai iri mangwana tikuda kuti dunhu redu ridzokere sepakutanga ''. Vanhu vese vakabva varamba vakanyarara hapana akasimuka kutaura . Tonde akabva avesa moto sezvo kwakanga kwakuvira vanhu vese vakabva vagara vakakomba moto ndokutanga kuronga kuti voita sei ...... Tonde ''Ndinozvizivakuti mavuva apera ese aya hapana akadya rinopisa asi zvasvika kumbagumo ndotenda kune vese vakamira mira kuti tive pano .Zvakaitika zvakaitika ngatiregereranei zvakapfuura. Ndine nhawu yandozoda kubetserwa kana kuti kutanga ndakuvudzai ndisati ndaisa zai pa tsvimbo . Ndiri mu hope dzangu ndarota baba vangu vachindivudza zvese uye ndiye munhu andibetsera kuti ndeve mupenyu nhasi saka muhope imomo . Baba vangu vanditi kana dunhu ranaka ndiise zvuma zvizi mumabonzo avo kana ndadaro ndosiya zvakadaro vachamuka kubva kuvakafa . Saka ndiri kuda kutanga kukumbira kwamuri Mambo kuti munozvitendera here ?'' Mambo '' Tonde hapana chandinoramba ini hapana kuipa asi problem ndeye kuti hapana anoziva pane mutunbi wavo ''. Tonde ''Kana matenda hapana kuipa Tariro achatiratidza . Ndotenda mambo wangu so nhawu yedu yakamira sei nhayi Alice ?'' Alice ''Nhawu yekudzoserwa kwezai iripo asi yakati rebei uye inoratidza kuti yakati remei ''. Tonde ''Ok hapana kuipa taura zvariri kureva ''. Alice ''Ok ndava kuverenga ,Kana mavakuda kudzosera zai patsvimbo motomuka makuseni seni zuva roda kubuda . Torai zai ne tsvimbo muende nazvo patsvimbo kana madaro modana munhu umwe chete uyo asina kana kuvuraya munhu kanakurara ne munhu . Mupei tsvimbo ne zai vamwe mese modzokera kumasure .Kana zai rava pa tsvimbo hazvitori kana 2 minutes muchatonzwa sound ichibva ne pasi ipapo mvura ichatanga kunaya ichikukura zvese zvakaoma ,ipapo muchero ichabva yatanga kubuda mhuka dzichatanga kuvonekwa zuva richavako ''. Tonde ''Ndizvo chete here ?' Alice '' Hongu ndangoverenga zviri kudiwa chaizvo ''. Tonde ''Ok hapana kuipa nhawu mese mainzwa todii ?'' Timoty '' I think tine problem ''. Alice ''Problem ipi futi ?'' Timoty '' Hanzi parikudiwa munhu asina kumbovuraya munhu kana kuvuraya anobata tsvimbo ne zai ''. Alice '' Sodambudziko riri papi apa ?'' Mambo '' Sekuvona kwangu mukomana arikuda kureva kuti Tonde ndiye ega anokwanisakubata tsvimbo apa akavuraya handizozivi kuti akamborara ne munhu here ''. Alice ''Haa i don't think akamborara ne munhu ini ''. Tonde ''Handina asi kuvuraya ndakaita saka ipapo pane dambudziko ''. Baba Amos ''Manje todii ne kuti hapana anokwanisakubata tsvimbo kunze kwake iye ''. Alice ''Ko iyo tsvimbo yacho imboripi ?'' Tonde ''Ndini tsvimbo yacho saka handivoni kuti pane chakaipa munhu anongobata ini then obata zai ''. Alice ''Asi hanzi panodiwa munhu umwe chete here mukati umo ''. Tonde ''Ndiri tsvimbo saka handivoni kuti ingaita problem ''. Mambo ''Ok saka ndiani munhu asina kumborara ne mukomana kana kuvuraya ''. Amanda ''Ini baba ndogona kuita zvamuri kuda kuita ''. Mambo ''Kwete iwewe maybe umwe ''. Amanda ''Kwete baba hapana musi wawamakandipa mukana munondibata se zai mazuva ese yava nguva yekumbochinja zvinhu manje ''. Mambo ''Hapana kuipa kana wadaro ''. Alice ''Are yiu sure ?'' Mambo ''Yes ndiye achaisa zai so nhawu yapera vanhu ngavazorore mangwana kuseni seni topedza nhawu iyi ''. End of episode