EPISODE 40 STORY BY MALVERN NDLOVU BROKEN PROMISE TIME James 'War ?' David 'I need that EGG kana ndisina kuriwana ndovuraya munhu wese anomira mberi kwangu '. James 'Manje ma giants anotenda here kurwa ?' David 'Pekutanga akambotenda sei ,ndotorwa nawo kusvika ndawana 1 randotora moyo waro ne pfungwa '. James 'Last time vamwe vako vakafa ,so ukuda kuti nesuwo tife here ?;' David 'Kwete ndine plan '. James 'Plan yakadii iyoyo ?' David 'Toenda kunge vanhu kwavo then tozongovuraya 1 '. Ari pakati pekutaura pakabva pangoita ka mhepo kaitonhora. Ipapo makore akabva atanga kusimuka ,ipapo mheni yakabva yatanga kurira .Mvura yakabva yatanga kunaya ,Apa mhepo ikabva yatanga kusunda chikepe chichienda ku side kwavanga vasingadi ..... David 'Ko chii chiri kuitika manje ?' Mambo ' Handisi kusiva ini mhepo iri kutisunda '. David 'Aya manje zvabvei izvi inga wani mwedzi anga uriko '. Mambo 'Gungwa rinenge ratsamwa manje handizivi kuti richatirasa kupi ?' James 'We are going to die '. Mambo 'Yes '. David 'No we are not mhepo iyi haisi yega regai mugovona .Regai kuita nharo nayo muchavona ichingoenda nesu zvakanaka '. Ipapo Mambo vakabva varegedza kuita nharo ne mhepo . Chikepe chakabva chadzikama ndokutanga kumhanya imwe speed yaityisa chichienda kwachinoda .Vakabva vagara zvavo manheru ese .Makuseni chikepe chakabva chabudikira mu dunhu rana Tonde .Ipapo Tonde akanga akamira nana Alice na Timoty ...... David akabva abuda muchikepe na James na Mambo ........ David ' You have what i want '. Tonde ' Yes the egg of life ndinaro , iwewe ndipovo chandiri kuda '. David ' Kwete iwewe ne vanhu vako kana musingadi kufa ndipei zai ndiende ndisina kuvuraya vanhu pano '. Tonde ' Ukufunga kuti munhu anongofa se huku here . Iwewe kana usingadi ne book rega ini ndava kuenda plan b ndinayo '. David 'Hauna plan b iwe pasina book you know nothing .Book ndiro rinokuvudza zvekuita'. Tonde ' Yaaa ndozvauri kufunga ka so chii chazoita kuti uvuye kuno ini ndisina book racho .Book iroro idiki pane tsvimbo yandakabata iyi '. David ' Saka iwewe Tonde unoda kuzviita mwari here iwe ?' Tonde ' Iwewe ndiwe uri kutoda kuzviita mwari ka .Ukuda kuita iro zai racho ugotora ma powers edu ese manje handingasiyi izvozvo zvichiitika '. David ' Buda munzira yangu ndoda kunotora zai '. Tonde ' Tanga waviga musoro wangu first kana usina kuuviga haa kanganwa handisi kuzosiya dunhu rangu richifa ne nhawu yako iwewe . so kanganwa hako it's better kundipa book wega pane kuzoda kutorerwa '. James ' Wait guys vuyayi titaurirane '. Alice ' Sewe nyarara hapana chauri kutora apa .Shuwa kutengwa na David ukufunga kuti hatina kuzvinzwa muchitaura plan yenyu '. James ' Ok saka kana ndisingatore nothing regai ndipise book racho saka tivone kuti harina kukosha here '. Alice ' Ukupedza nguva zvako remember kuti that book is magic book hapana zvarinoita '. James 'Vanhu ava vakuzvitemba todii ?' David ' Rega ndimbovaratidza zvandiri zvishoma '. Tonde 'Alice na Timoty hamusi kuda kuvona izvi dzokerai kudunhu '. Timopty ' Kwete tinofa hedu tese '. David akabva atanga kuita mashiri piti ake ipapo pakabva patanga kuita chivutsi . Ana Tonde vakanga vasisavone kuti pane chii manbje .Pakatora nguva pakangoita chivutsi , Ipapo Tonde akabva anhongedza tsvimbo yake paibva ne chivutsi ndokuvona kuti David hapo ..... James ' OMG munhu anyangariga '. Tonde ' No way handei kudunhu izvezvi '. Vakabva vatanga kumhanya vachienda ku dunhu ,paive neka mufambo kaitobhowa . Ipapo vanhu ku dunhu vakanga vakangomirira kuti ana Tonde vasvike . Vakabva vaona Tonde achisvika ari ega akakuvara musoro apa muviri wese uzere ropa ..... Ngoni ne vamwe vakabva vamhanya kunotambira munhu ..... Ngoni ' Ko chii chaitika ?' Tonde 'David avuraya vana Alice na Timoty ini ndatotiza '. Baba Amos 'Manje David wacho aripi ?' Tonde 'Ndamubisa gumbo asi akuvuya ,ndipei zai ndiende naro kunoriisa patsvimbo '. Ngoni akabva amutambidza zai ipapo Tonde akabva atora zai ne tsvimbo ne book ndokutanga kufamba achienda ku gomo..... Ngoni ' Rega ndiende newe haungasviki '. Tonde ' Kwete zvirikuda munhu 1 chete ne kuti panogona kufiwa '. Ngoni ' Ok enda takakumirira '. Tonde akabva atanga kufambisa achienda ku gomo '. Vanhu mudunhu vakabva vagara about 20 mints vakabva vaona Tonde ,Alice na Timoty vachisvika ..... Ngoni ' Ko chii chiri kuitika .Ko Tonde wadzoka nguvai ku gomo .Ko zvawati vana Alice na Timoty vafa '. Tonde 'Mukuti chii ko imwi ,ndadaro rinhi ini ?' Baba Amos 'Wanga uri pano wakazara ropa ukatora zai ukaenda naro kugomo '. Alice 'Oh no i think David avuya ne face yako Tonde '. Tonde 'Manje mamupa zai here munhu wacho ?' Ngoni ' Ehe tafunga kuti ndiwe '. Tonde 'OMG we are doomed mapa David zai and 2 days dzikasvika anaro tese taparara isu pachake anemnge ava mwari '. Timoty ' Manje ayenda nepi ?' Ngoni ' Ayenda neku gomo uko'. Timoty ' Handei nako '. Tonde ' Kwete hana kuenda ne uko ari ku mvura asi manje hapana paangatiza saka ngatimutsvakei dunhu rese '. Ngoni ' Manje toita sei iye achichinja kuita munhu wese '. Alice ' Ichokwadi ne kuti kana achichinja kuita munhu wese haaa hatikwanisi kumuziva '. Tonde ' Olk ndine zano munhu wese ita line ndikunyorei ne tsvimbo iyi '. Vanhu vese vakabva vaita line Tonde ndokutanga kuvanyora pamhanya .... Tonde 'Kunyora kwandakuita pamhanza ndirwo rupau ,hapana anokwanisa kuchikopa .Manheru pachaita chiedza kuti muzive kuti ndeumwe wenyu . tine 1 day rekuti tiwane munhu uyu ,pasina izvozvo tese tiri pano tinoparara '. Sekuru Tembo ' Munhu uyu ane power Tonde asvika pano asi handina kana kumunzwa sei ?' Tonde ' Maybe inhawu ye kuti munovona zvaitika '. Tariro ' Baba vangu vakutaura chokwadi chero ini handina kumuvona kuti ari pano '. Tonde ' Saka zvorevei ?' Tariro ' Zvoreva kuti ane simba risingaiti '. end of episode